< دوم سموئیل 15 >

بعد از آن، ابشالوم ارابه‌ای با چند اسب برای خود تهیه کرد و پنجاه نفر را استخدام کرد تا گارد محافظ او باشند. 1
Mushure mechinguva, Abhusaromu akazvigadzirira ngoro yamabhiza navarume makumi mashanu kuti vamhanye mberi kwake.
او هر روز صبح زود بلند می‌شد، کنار دروازهٔ شهر می‌رفت و در آنجا می‌ایستاد. هر وقت کسی را می‌دید که برای رسیدگی به شکایتش می‌خواهد پیش پادشاه برود، او را صدا زده، می‌پرسید که از کدام شهر است و چه مشکلی دارد. 2
Aimuka mangwanani achindomira parutivi rwenzira yainanga pasuo reguta. Paiti kana munhu akauya kuna mambo kuzotambirwa mhosva yake, Abhusaromu aimudana oti kwaari, “Ko, iwe uri weguta ripi?” Iye aipindura achiti, “Muranda wenyu anobva kuno rumwe rwamarudzi avaIsraeri.”
بعد به او می‌گفت: «بله، شکایت تو بجاست؛ ولی افسوس که پادشاه کسی را ندارد تا به این شکایات رسیدگی کند. 3
Ipapo Abhusaromu aizoti kwaari, “Tarira, mashoko ako akanaka uye ndeechokwadi, asi hapana mumiririri wamambo anganzwe nyaya yako.”
اگر من قاضی بودم نمی‌گذاشتم این وضع پیش بیاید و حق را به حقدار می‌دادم.» 4
Uye Abhusaromu aizoti, “Dai vaindiita zvavo mutongi munyika muno! Zvaizoti munhu wose anenge ane chichemo kana nyaya aizouya kwandiri uye ndaizoona kuti aitirwa zvakarurama.”
هر وقت کسی پیش او تعظیم می‌کرد، فوری دستش را دراز کرده، او را بلند می‌کرد و می‌بوسید. 5
Zvaizotizve, kana munhu akaswedera kwaari akamupfugamira, Abhusaromu aimutambanudzira ruoko rwake, omubata uye omutsvoda.
ابشالوم با تمام اسرائیلی‌هایی که می‌خواستند برای رسیدگی به شکایتشان نزد پادشاه بروند، چنین رفتار می‌کرد. به این طریق او به نیرنگ، دل مردم اسرائیل را به دست آورد. 6
Abhusaromu aiitira izvi kuvaIsraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo, nokudaro akaita kuti varume vose vomuIsraeri vamude.
چهار سال گذشت. یک روز ابشالوم به پادشاه گفت: «اجازه می‌خواهم به حبرون بروم و نذری را که به خداوند کرده‌ام بجا آورم، زیرا وقتی در جشورِ ارام بودم نذر کردم که اگر خداوند مرا به اورشلیم برگرداند در حبرون به او قربانی تقدیم کنم.» 7
Mushure mamakore mana, Abhusaromu akati kuna mambo, “Nditenderei kuti ndiende kuHebhuroni ndinozadzisa mhiko yandakaita kuna Jehovha.
8
Muranda wenyu paakanga achigara paGeshuri muAramu, ndakaita mhiko iyi, ‘Kana Jehovha akandidzosera kuJerusarema, ndichamunamata ndiri muHebhuroni.’”
پادشاه گفت: «بسیار خوب، برو و نذرت را بجا آور!» پس ابشالوم به حبرون رفت. 9
Mambo akati kwaari, “Enda norugare.” Iye akabva aenda kuHebhuroni.
ولی وقتی به آنجا رسید جاسوسانی به سراسر کشور فرستاد تا مردم را علیه پادشاه بشورانند و به آنها بگویند: «به محض شنیدن صدای شیپور، بگویید که ابشالوم در حبرون پادشاه شده است.» 10
Ipapo Abhusaromu akatuma nhume muchivande kumarudzi ose avaIsraeri kundoti kwavari, “Kana muchinge manzwa hwamanda yarira, ipapo daidzirai muchiti, ‘Abhusaromu ava mambo muHebhuroni.’” Varume mazana maviri vokuJerusarema vakanga vaperekedza Abhusaromu.
در ضمن، ابشالوم در این سفر دویست میهمان از اورشلیم همراه خود برده بود، ولی آنها از قصد او بی‌خبر بودند. 11
Vakanga vakokwa uye vakangoendawo vasina zvavaiziva, vasina zvavaiziva pamusoro pezvakanga zvarongwa.
موقع قربانی کردن، ابشالوم به دنبال اخیتوفل فرستاد و موافقت او را نیز جلب کرد. (اخیتوفل مشاور داوود بود و در جیلوه زندگی می‌کرد.) روز‌به‌روز طرفداران ابشالوم زیادتر می‌شدند و شورش بالا می‌گرفت. 12
Abhusaromu paakanga achipa zvipiriso akadanawo Ahitoferi muGiro, gurukota raDhavhidhi, kuti auye kubva kuGiro, guta raaigara. Ipapo urongwa hwokumukira mambo hwakabva hwasimba, uye vanhu vakatevera Abhusaromu vakaramba vachiwanda.
در این میان، قاصدی به اورشلیم آمد و به داوود پادشاه خبر داد که تمام مردم اسرائیل به ابشالوم ملحق شده‌اند. 13
Nhume yakauya ikaudza Dhavhidhi kuti, “Varume veIsraeri vatorwa mwoyo naAbhusaromu.”
داوود به تمام افرادش که در اورشلیم بودند، گفت: «باید هر چه زودتر فرار کنیم و گرنه جان به در نخواهیم برد! اگر قبل از آمدن ابشالوم از شهر خارج شویم، هم خود را نجات خواهیم داد و هم اهالی پایتخت را.» 14
Ipapo Dhavhidhi akati kumakurukota ake ose aiva naye muJerusarema, “Uyai! Ngatitizei, zvikasadaro tose hapana angapunyuka kubva kuna Abhusaromu. Tinofanira kubva pano izvozvi, kana tikasadaro angatibata akatiparadza uye akarwisa guta nomunondo.”
همه جواب دادند: «ما گوش به فرمان تو هستیم. آنچه مصلحت می‌دانی انجام بده.» 15
Makurukota amambo akapindura akati, “Varanda venyu vakazvipira kuita chipi nechipi chinenge chasarudzwa naishe mambo wedu.”
پس پادشاه و اعضا خانوادهٔ سلطنتی با عجله حرکت کردند. او فقط ده کنیز خود را برای نگهداری کاخ در آنجا گذاشت. 16
Mambo akaenda, veimba yake vose vachimutevera; asi akasiya varongo vake gumi kuti vachengete muzinda wamambo.
داوود و افرادش در کنار شهر ایستادند و کریتی‌ها و فلیتی‌ها که گارد مخصوص او بودند و نیز ششصد سربازی که از جت همراه او آمده بودند، از جلوی آنها گذشتند. 17
Saka mambo akabuda akaenda, vanhu vose vakamutevera, vakandomira pane imwe nzvimbo yaiva chinhambwe.
18
Vanhu vake vose vakapfuura pamberi pake, pamwe chete navaKereti navaPereti vose, uye namazana matanhatu ose avaGiti avo vakanga vabva naye kuGati, vakafamba vachipfuura napamberi pamambo.
ولی بعد، پادشاه به فرماندهٔ آنان، ایتای، گفت: «تو دیگر چرا با ما می‌آیی؟ برگرد و به پادشاه جدید ملحق شو، چون تو از کشورت تبعید شده، به اسرائیل پناهنده شده‌ای. 19
Mambo akati kuna Itai muGiti, “Ko, wauyireiwo nesu? Dzokera unogara naMambo Abhusaromu. Uri mutorwa iwe, wakadzingwa kumusha kwako.
مدت زیادی نیست که به اسرائیل آمده‌ای، پس چرا می‌خواهی تو را همراه خود در بیابانها سرگردان کنم؟ خود ما هم نمی‌دانیم کجا می‌رویم. برگرد و هموطنانت را همراه خود ببر. خدا پشت و پناهت باشد.» 20
Wakauya nezuro chaiye, zvino nhasi ndingaita kuti udzungaire nesu here, uye ini ndisingazivi chaiko kwandinoenda? Dzokera, utore hama dzako dzose. Ngoni nokutendeka ngazvive newe.”
ولی ایتای پاسخ داد: «به خداوند زنده و به جانت قسم، هر جا بروی من هم می‌آیم؛ با تو زندگی می‌کنم و با تو می‌میرم.» 21
Asi Itai akapindura mambo akati, “Ndinopika naJehovha mupenyu, uye ndinopika naishe wangu mambo mupenyu, pana ishe wangu mambo, kunyange zvikareva upenyu kana kufa, ipapo muranda wenyu ndipo paachava.”
داوود جواب داد: «بسیار خوب، پس همراه ما بیا.» آنگاه ایتای و همهٔ افرادش و خانواده‌هایشان همراه داوود رفتند. 22
Dhavhidhi akati kuna Itai, “Enda hako, famba.” Nokudaro Itai muGiti navanhu vake nemhuri dzose dzaiva naye vakafamba vachienda mberi.
وقتی پادشاه و همراهانش از پایتخت بیرون می‌رفتند، مردم با صدای بلند گریه می‌کردند. پادشاه و همراهانش از نهر قدرون عبور کرده، سر به بیابان نهادند. 23
Nyika yose yakachema kwazvo vanhu vose pavakanga vachipfuura. Namambowo akayambuka mupata weKidhironi, uye vanhu vose vakafamba vakananga kurenje.
اَبیّاتار کاهن و صادوق کاهن و لاویان صندوق عهد خدا را برداشته، در کنار جاده بر زمین گذاشتند تا اینکه همه از شهر خارج شدند. 24
Zadhoki akanga aripowo, uye vaRevhi vose vakanga vanaye vakanga vakatakura areka yesungano yaMwari. Vakagadzika areka yaMwari pasi, Abhiatari akapa zvipiriso kusvikira vanhu vose vabuda muguta.
بعد داوود به صادوق گفت: «صندوق عهد را به شهر برگردان. اگر خواست خداوند باشد، اجازه می‌دهد به سلامت برگردم و بار دیگر صندوق عهد و خیمهٔ عبادت را ببینم. اما اگر او از من راضی نیست، بگذار هر چه می‌خواهد بر سرم بیاورد.» 25
Ipapo mambo akati kuna Zadhoki, “Dzosera areka yaMwari muguta. Kana ndikawana nyasha pamberi paJehovha, achandidzosa uye achaita kuti ndione zvakare panzvimbo paanogara.
26
Asi kana iye akati, ‘Handifadzwi newe,’ zvose ndakazvigadzirira; ngaandiitire hake zvaanenge achida.”
سپس اضافه کرد: «ببین، بهتر است تو و اَبیّاتار با اخیمعص، پسرت، و یوناتان، پسر اَبیّاتار، به شهر برگردید. 27
Mambo akatizve kuna Zadhoki muprista, “Ko, hauzi muoni here? Dzokera muguta norugare, nomwanakomana wako Ahimaazi naJonatani mwanakomana waAbhiatari. Iwe naAbhiatari, endai navanakomana venyu.
من در کنار رود اردن می‌مانم تا به من خبر دهید.» 28
Ini ndichandomira pamazambuko erenje kusvikira shoko rasvika kwandiri kubva kwamuri.”
پس صادوق و اَبیّاتار صندوق عهد خدا را به شهر اورشلیم برگرداندند و در آنجا ماندند. 29
Ipapo Zadhoki naAbhiatari vakatora areka yaMwari vakadzokera kuJerusarema vakandogarako.
داوود گریه‌کنان از کوه زیتون بالا رفت. او با سر پوشیده و پای برهنه راه می‌رفت. مردمی هم که همراهش بودند سرهای خود را پوشانده، گریه می‌کردند. 30
Asi Dhavhidhi akaramba achikwira Gomo reMiorivhi, akaenda achichema: aiva akafukidza musoro wake asina shangu. Vanhu vose naivowo vakanga vakafukidza misoro yavo vachichema vachikwidza.
وقتی به داوود خبر دادند که اخیتوفل نیز طرفدار ابشالوم شده است، او چنین دعا کرد: «ای خداوند، خواهش می‌کنم کاری کن اخیتوفل پیشنهاد احمقانه به ابشالوم بدهد!» 31
Zvino Dhavhidhi akaudzwa kuti, “Ahitoferi ndiye mumwe wavapanduki vana Abhusaromu.” Saka Dhavhidhi akanamata achiti, “Haiwa Jehovha, shandurai henyu mazano aAhitoferi kuti ave upenzi.”
وقتی آنها به محل عبادت خدا که در بالای کوه بود رسیدند، داوود به حوشای ارکی برخورد که با لباس پاره و خاک بر سر ریخته، منتظر او بود. 32
Dhavhidhi paakasvika pamusoro, vanhu pavaisinamata Mwari vari, Hushai muAriki akanga akamumirira, nguo yake yakabvaruka uye ane guruva mumusoro.
داوود به او گفت: «اگر همراه من بیایی کمکی برای من نخواهی بود. 33
Dhavhidhi akati kwaari, “Kana iwe ukaenda neni, uchava mutoro kwandiri.
ولی اگر به اورشلیم برگردی می‌توانی مفید واقع شوی. تو می‌توانی به ابشالوم بگویی: همان‌طور که قبلاً به پدرت خدمت می‌کردم بعد از این تو را خدمت خواهم کرد. سعی کن پیشنهادهای اخیتوفل را بی‌اثر کنی. 34
Asi kana ukadzokera kuguta ukandoti kuna Abhusaromu, ‘Ini ndichava muranda wenyu, imi mambo; ndaiva muranda wababa venyu kare, asi zvino ndichava muranda wenyu,’ ipapo ungandibatsira kuti ukanganise zano raAhitoferi.
صادوق و اَبیّاتار کاهن در آنجا هستند. هر چه دربارهٔ من در کاخ پادشاه می‌شنوی، به آنها بگو. آنها پسران خود اخیمعص و یوناتان را نزد من می‌فرستند و مرا در جریان می‌گذارند.» 35
Vaprista Zadhoki naAbhiatari vanenge vasiri pamwe chete newe here? Iwe uvaudze zvose zvaunenge uchinzwa zvichirongwa mumuzinda wamambo.
36
Vana vavo vaviri, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki naJonatani mwanakomana waAbhiatari, varikowo. Uvatume kwandiri nezvose zvaunenge wanzwa.”
پس حوشای، دوست داوود، به پایتخت برگشت و همزمان با ابشالوم وارد اورشلیم شد. 37
Saka shamwari yaDhavhidhi, Hushai, akasvika kuJerusarema Abhusaromu paakanga achipinda muguta.

< دوم سموئیل 15 >