< دوم پادشاهان 13 >
در سال بیست و سوم سلطنت یوآش، پادشاه یهودا، یهواخاز پسر ییهو، پادشاه اسرائیل شد و هفده سال در سامره سلطنت کرد. | 1 |
Mugore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia mambo weJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe.
او نیز مانند یرُبعام پسر نِباط نسبت به خداوند گناه ورزید و اسرائیل را به گناه کشاند و از کارهای زشت خود دست برنداشت. | 2 |
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha nokutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakanga aita kuti vaIsraeri vaite, uye haana kutendeuka kubva pazvivi.
از این رو خداوند بر اسرائیل خشمگین شد و به حزائیل، پادشاه سوریه و بنهدد، پسر حزائیل اجازه داد آنها را سرکوب کنند. | 3 |
Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakabvira somoto pamusoro peIsraeri, uye kwenguva yakareba akavaisa pasi poruoko rwaHazaeri mambo weAramu naBheni-Hadhadhi mwanakomana wake.
ولی یهواخاز نزد خداوند دعا کرده، کمک طلبید و خداوند دعای او را مستجاب فرمود، زیرا دید که پادشاه سوریه اسرائیل را به ستوه آورده است. | 4 |
Ipapo Jehoahazi akatsvaka nyasha dzaJehovha, Jehovha akamunzwa, nokuti akanga aona kuti mambo weAramu airwadzisa uye achitambudza Israeri zvakanyanya sei.
پس خداوند برای قوم اسرائیل رهبری فرستاد تا آنها را از ظلم و ستم سوریها نجات دهد. در نتیجه قوم اسرائیل مثل گذشته از آسایش برخوردار شدند. | 5 |
Jehovha akamutsira Israeri mudzikinuri, uye vakapukunyuka kubva pasi poruoko rwavaAramu. Naizvozvo vaIsraeri vakagara mumisha yavo sezvavakanga vakaita kare.
اما باز از گناهانی که یربعام بنیاسرائیل را به آنها آلوده کرده بود، دست برنداشتند و بت اشیره را در سامره عبادت کردند. | 6 |
Asi havana kutendeuka kubva pazvivi zveimba yaJerobhoamu, zvaakanga aita kuti Israeri iite, vakarambira mazviri. Uyezve danda raAshera rakaramba rimire muSamaria.
برای یهواخاز، از تمام سپاهش، فقط پنجاه سرباز سواره، ده ارابهٔ جنگی و ده هزار سرباز پیاده ماند؛ زیرا پادشاه سوریه بقیه را به کلی در هم کوبیده، از بین برده بود. | 7 |
Hapana hondo yaJehoahazi yakasara kunze kwavarume vamabhiza makumi mashanu, nengoro gumi uye zviuru gumi zvavarwi vaifamba netsoka, nokuti mambo weAramu akanga aparadza vazhinji vavo akavaita seguruva renguva yokupura.
شرح بقیهٔ رویدادهای دوران سلطنت یهواخاز، کارها و فتوحات او در کتاب «تاریخ پادشاهان اسرائیل» ثبت گردیده است. | 8 |
Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJehoahazi, nezvose zvaakaita nokubudirira kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?
یهواخاز مرد و در سامره دفن شد و پسرش یهوآش به جای او پادشاه شد. | 9 |
Jehoahazi akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muSamaria. Jehoashi mwanakomana wake akamutevera paumambo.
در سی و هفتمین سال سلطنت یوآش، پادشاه یهودا، یِهوآش، پسر یِهواخاز پادشاه اسرائیل شد و شانزده سال در سامره سلطنت کرد. | 10 |
Mugore ramakumi matatu namanomwe raJoashi mambo weJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore gumi namatanhatu.
او نیز مانند یربعام پسر نِباط نسبت به خداوند گناه ورزیده، اسرائیل را به گناه کشاند و از کارهای زشت خود دست برنداشت. | 11 |
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha akasatendeuka kubva kana pane chimwe chezvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite; akarambira mazviri.
شرح بقیهٔ رویدادهای دوران سلطنت یهوآش، جنگهای او با اَمَصیا، پادشاه یهودا، کارها و فتوحات او در کتاب «تاریخ پادشاهان اسرائیل» نوشته شده است. | 12 |
Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJehoashi, nezvose zvaakaita, nokubudirira kwake, pamwe nokurwa kwake naAmazia mambo weJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?
یهوآش مرد و در آرامگاه سلطنتی سامره دفن شد و یربعام دوم به سلطنت رسید. | 13 |
Jehoashi akazorora namadzibaba ake, Jerobhoamu akamutevera pachigaro choushe. Jehoashi akavigwa muSamaria pamwe chete namadzimambo eIsraeri.
الیشع نبی بیمار شد و در بستر افتاد. وقتی آخرین روزهای عمر خود را میگذرانید، یهوآش پادشاه به عیادتش رفت و با گریه به او گفت: «ای پدرم! ای پدرم! ارابهها و سواران اسرائیل را میبینم!» | 14 |
Zvino Erisha akanga achirwadziwa nedenda iro rakazomuuraya. Jehoashi mambo weIsraeri akaendako kundomuona akachema pamusoro pake akati, “Baba vangu! Ngoro dzaIsraeri navatasvi vamabhiza!”
الیشع به او گفت: «یک کمان و چند تیر به اینجا بیاور.» او تیرها و کمان را آورد. | 15 |
Erisha akati, “Tora uta nemiseve,” iye akaita saizvozvo.
الیشع گفت: «آن پنجره را که به سمت سوریه است، باز کن.» پادشاه پنجره را باز کرد. آنگاه الیشع به پادشاه گفت: «کمان را به دست بگیر.» وقتی پادشاه کمان را گرفت، الیشع دست خود را روی دست پادشاه گذاشت و دستور داد که تیر را بیندازد. پادشاه تیر را رها کرد. سپس الیشع به پادشاه گفت: «این تیر خداوند است که بر سوریه پیروز میشود، چون تو سپاه سوریه را در افیق شکست خواهی داد. | 16 |
Akati kuna mambo weIsraeri, “Tora uta muruoko rwako.” Akati atora uta, Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko amambo.
Akati, “Zarura windo rokumabvazuva,” iye ndokurizarura. Erisha akati, “Pfura!” iye ndokupfura. Erisha akati, “Museve waJehovha wokukunda, museve wokukunda Aramu! Iwe uchaparadza vaAramu zvachose paAfeki.”
حال تیرهای دیگر را بگیر و آنها را بر زمین بزن.» پادشاه تیرها را برداشت و سه بار بر زمین زد. | 18 |
Ipapo akati, “Chitora miseve,” mambo akaitora. Erisha akati kwaari, “Rova pasi,” iye akarova katatu akabva amira.
اما نبی خشمگین شد و گفت: «تو میبایست پنج یا شش بار بر زمین میزدی، چون در آن صورت میتوانستی سوریه را به کلی نابود کنی، ولی حالا فقط سه بار بر آنها پیروز خواهی شد.» | 19 |
Munhu waMwari akamutsamwira akati kwaari, “Wanga uchifanira kurova pasi kashanu kana katanhatu; ipapo waizokunda Aramu uye ugoiparadza zvachose. Asi zvino uchazongoikunda katatu chete.”
الیشع مرد و او را دفن کردند. در آن روزگار، مهاجمین موآبی بهار هر سال به اسرائیل هجوم میبردند. | 20 |
Erisha akafa akavigwa. Zvino hondo dzavaMoabhu dzakanga dzichipinda munyika kutanga kwegore roga roga.
یک روز در حین تشییع جنازهای، مردم سوگوار با این مهاجمین روبرو شده، از ترس جنازه را به داخل قبر الیشع انداختند و پا به فرار گذاشتند. شخص مرده به محض اینکه به استخوانهای الیشع برخورد، زنده شد و سر پا ایستاد. | 21 |
Rimwe zuva vaIsraeri vachiviga mumwe murume, pakarepo vakaona mapoka avapambi; naizvozvo vakakanda mutumbi womunhu uyu muguva raErisha. Mutumbi wakati wagunzva mapfupa aErisha, munhu uya akamuka akamira namakumbo ake.
در دورهٔ سلطنت یهواخاز، حزائیل (پادشاه سوریه) اسرائیل را سخت مورد تاخت و تاز قرار میداد، | 22 |
Hazaeri mambo weAramu akatambudza vaIsraeri pamazuva ose okutonga kwaJehoahazi.
ولی خداوند به خاطر عهدی که با ابراهیم و اسحاق و یعقوب بسته بود نسبت به قوم اسرائیل بسیار بخشنده و رحیم بود و اجازه نمیداد آنها از بین بروند. او تا به امروز نیز به خاطر آن عهد به ایشان رحم میکند. | 23 |
Asi Jehovha akavaitira nyasha, uye akava nengoni akava nehanya navo nokuda kwesungano yake naAbhurahama, naIsaka naJakobho. Kusvikira nhasi haana kuda kuvaparadza kana kuvarasira kure naye.
پس از آنکه حزائیل پادشاه سوریه مرد، پسرش بنهدد به جایش به سلطنت رسید. | 24 |
Hazaeri mambo weAramu akafa, mwanakomana wake Bheni-Hadhadhi akamutevera paumambo.
یهوآش، پادشاه اسرائیل (پسر یهواخاز) سه بار بنهدد را شکست داد و شهرهایی را که در زمان پدرش به دست حزائیل افتاده بود، پس گرفت. | 25 |
Ipapo Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorazve kubva kuna Bheni-Hadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta aakanga atora muhondo kubva kuna baba vake Jehoahazi. Jehoashi akamukunda katatu, nokudaro akadzorazve maguta avaIsraeri.