< اول پادشاهان 4 >
سلیمان پادشاه بر تمام اسرائیل حکومت میکرد | 1 |
Saka Mambo Soromoni akanga ari mambo weIsraeri yose.
و مقامات دربار او عبارت بودند از: عزریا (پسر صادوق)، رئیس کاهنان؛ الیحورف و اخیا (پسران شیشه)، کاتب؛ یهوشافاط (پسر اخیلود)، وقایعنگار؛ بنایا (پسر یهویاداع)، فرماندهٔ سپاه؛ صادوق و اَبیّاتار، کاهن؛ عزریا (پسر ناتان)، سرپرست حاکمان؛ زابود (پسر ناتان)، کاهن و مشاور پادشاه؛ اخیشار، سرپرست امور دربار؛ ادونیرام (پسر عبدا) سرپرست کارهای اجباری. | 2 |
Ava ndivo vaiva machinda ake: Azaria mwanakomana waZadhoki aiva muprista;
Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo dzenyika;
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutungamiri wamauto; Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista;
Azaria mwanakomana waNatani aiva mukuru wavatariri; Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva muprista neshamwari yamambo;
Ahishari aiva mutariri womuzinda wamambo; Adhoniramu, mwanakomana waAbhudha aiva mutariri wechibharo.
سلیمان در تمام اسرائیل دوازده حاکم گماشته بود و آنها وظیفه داشتند خوراک دربار را تهیه کنند. هر یک از ایشان، یک ماه در سال مسئول تدارکات دربار بودند. | 7 |
Soromoni aivawo namachinda gumi navaviri veIsraeri yose vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya. Mumwe nomumwe aifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe chete pagore.
این است اسامی دوازده حاکم و حوزههای فعالیت آنها: بن هور، در کوهستان افرایم؛ بن دقر، در ماقص، شعلبیم، بیتشمس، ایلون و بیت حانان؛ بن حسد، در اربوت، سوکوه و تمامی قلمرو حافر؛ بن ابیناداب، (که با تافَت دختر سلیمان ازدواج کرده بود) در تمام منطقهٔ دُر؛ بعنا (پسر اخیلود)، در تعنک، مجدو، تمام سرزمین نزدیک بیتشان و صرتان، جنوب شهر یزرعیل، و تا شهر آبل مهوله و شهر یقمعام؛ بن جابر، در راموت جلعاد که شامل دهکدههای یاعیر (پسر منسی) در جلعاد و ناحیه ارجوب در باشان میشد با شصت شهر حصاردار دیگر که دروازههایشان پشتبندهای مفرغین داشت؛ اخیناداب (پسر عدو)، در محنایم؛ اخیمعص (که با باسمت دختر دیگر سلیمان ازدواج کرده بود)، در نفتالی؛ بعنا (پسر حوشای)، در اشیر و بعلوت؛ یهوشافاط (پسر فاروح)، در سرزمین یساکار؛ شمعی (پسر ایلا)، در سرزمین بنیامین؛ جابر (پسر اوری)، در جلعاد که شامل سرزمینهای سیحون، پادشاه اموریها و عوج، پادشاه باشان میشد. این دوازده حاکم زیر نظر حاکم کل قرار داشتند. | 8 |
Mazita avo aiti: Bheni-Huri, munyika yamakomo yaEfuremu;
Bheni-Dhekeri munyika yeMakazi, Shaaribhimu, Bheti Shemeshi neEroni Bhetihanani;
Bheni-Hesedhi muArubhoti (Soko nenyika yose yeHeferi dzaiva dzake).
Bheni-Abhinadhabhi, munyika yeNafoti Dhori (aiva awana mwanasikana waSoromoni);
Bhaana, mwanakomana waAhirudhi munyika yeTaanaki, Megidho nenyika yose yeBhetisheani iyo iri parutivi peZaretani, zasi kweJezireeri, kubva kuBhetisheani kusvika kuAbherimehora mhiri kweJokomeami;
Bheni-Gebheri munyika yeRamoti Gireadhi (misha yaJairi, mwanakomana waManase munyika yeGireadhi yaiva yake, pamwe chete nedunhu reArigobhi munyika yeBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu aiva namasvingo ane masuo endarira);
Ahinadhabhi mwanakomana waIdho, munyika yeMahanaimi;
Ahimaazi, munyika yaNafutari (akanga awana Bhasemati mwanasikana waSoromoni);
Bhaana mwanakomana waHushai, munyika yaAsheri neAroti;
Jehoshafati mwanakomana waParua, munyika yaIsakari;
Shimei mwanakomana waEra, munyika yaBhenjamini;
Gebheri mwanakomana waUri, munyika yeGireadhi (nyika yaSihoni mambo wavaAmori nenyika yaOgi mambo weBhashani). Ndiye aiva mubati oga mudunhu iri.
در آن زمان اسرائیل و یهودا مانند شنهای کنار دریا بیشمار بودند. آنها از زندگی مرفه و شادی برخوردار بودند. | 20 |
Vanhu veJudha neIsraeri vakanga vakawanda sejecha ramahombekombe egungwa; vakadya, vakanwa uye vakafara.
سلیمان بر تمام سرزمینهای واقع در بین رود فرات و فلسطین که تا سرحد مصر نیز میرسیدند سلطنت میکرد. اقوام این سرزمینها به او باج و خراج میدادند و در تمام مدت عمرش تابع او بودند. | 21 |
Soromoni akanga ari mambo munyika dzose dzaibva kuYufuratesi kusvikira kunyika yavaFiristia, nokumuganhuwo weIjipiti. Nyika idzi dzakauya nomutero uye dzakashandira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake.
آذوقهٔ روزانهٔ دربار عبارت بود از: حدود پنج تن آرد و ده تن بلغور، | 22 |
Zvokudya zvomuzinda waSoromoni zvezuva nezuva zvaiva zviyero makumi matatu zvefurawa yakatsetseka nezviyero makumi matanhatu zvoupfu,
ده گاو از طویله، بیست گاو از چراگاه، صد گوسفند و نیز غزال، آهو، گوزن و انواع مرغان. | 23 |
mombe gumi dzakakodzwa, nemombe makumi maviri dzokumafuro, makwai zana, pasingaverengerwi nondo, mhara, mhembwe nehuku dzakakodzwa.
قلمرو سلطنت سلیمان از تفصح تا غزه میرسید و تمام ممالک غرب رود فرات را در بر میگرفت. تمام پادشاهان غرب رود فرات تابع او بودند و او با سرزمینهای همسایه در صلح بود. | 24 |
Nokuti aitonga nyika dzose dziri kumadokero kwerwizi rweYufuratesi kubva kuTifisa kusvikira kuGaza, uye akava norugare kumativi ose.
مردم یهودا و اسرائیل در طول سلطنت سلیمان در کمال آرامش بودند و هر خانواده، از دان تا بئرشبع، زیر درختان مو و انجیر خود آسوده مینشستند. | 25 |
Pamazuva oupenyu hwaSoromoni vaJudha navaIsraeri vaigara zvakanaka, kubvira kuDhani kusvikira kuBheerishebha, mumwe nomumwe pasi pomuti wake wamazambiringa nowamaonde.
سلیمان دوازده هزار اسب و چهار هزار اصطبل برای اسبان ارابههای خود داشت. | 26 |
Soromoni aivawo nezvidyiro zvamabhiza engoro dzake zviuru makumi mana navatasvi vamabhiza zviuru gumi nezviviri.
حاکمان، هر یک در ماه تعیین شده، خوراک سلیمان و مهمانان او را بدون کم و کسر تهیه میکردند. | 27 |
Vatariri vakatsvakira Mambo Soromoni navose vaiuya kuzodya naMambo Soromoni patafura yake zvokudya, mumwe nomumwe mumwedzi wake. Vakaona kuti hapana chaishayikwa.
در ضمن هر یک به سهم خود برای اسبان ارابه و سایر اسبان کاه و جو فراهم میساختند. | 28 |
Vakauyawo nebhari nouswa hwamabhiza engoro namamwewo mabhiza kunzvimbo dzezvaidiwa, mumwe nomumwe zvaakatarirwa.
خدا به سلیمان فهم و حکمت بینظیری بخشید و بصیرت او مانند شنهای کنار دریا بیحد و حصر بود. | 29 |
Mwari akapa Soromoni uchenjeri, nokunzwisisa kukuru sejecha rapamahombekombe egungwa.
حکمت سلیمان از حکمت دانشمندان مشرقزمین و علمای مصر هم زیادتر بود. | 30 |
Uchenjeri hwaSoromoni hwakanga hwakapfuura uchenjeri hwavanhu vose vokumabvazuva, nouchenjeri hwose hwokuIjipiti.
او حتی از حکمای معروفی چون ایتان ازراحی و پسران ماحول یعنی حیمان و کلکول و دَردَع حکیمتر بود. سلیمان در میان تمام ممالک دنیای زمان خود معروف شد. | 31 |
Akanga akachenjera kupfuura vamwe vose; akachenjera kupfuura Etani muEzrahi, Hemani, Karikori, naDharidha, vanakomana vaMahori. Mukurumbira wake wakapararira kunyika dzose dzakapoteredza.
سه هزار مثل گفت و هزار و پنج سرود نوشت. | 32 |
Akataura zvirevo zviuru zvitatu, uye dzimbo dzake dzaikwana chiuru neshanu.
سلیمان دربارهٔ حیوانات و پرندگان و خزندگان و ماهیان اطلاع کافی داشت، او همچنین تمام گیاهان را از درختان سرو لبنان گرفته تا بوتههای کوچک زوفا که در شکاف دیوارها میرویند، میشناخت و دربارهٔ آنها سخن میگفت. | 33 |
Akatsanangura makuriro emiti, kubvira kumusidhari weRebhanoni kusvikira kumihisopi inokura mumadziro. Akadzidzisawo pamusoro pemhuka, shiri, zvinokambaira nehove.
پادشاهان سراسر جهان که آوازهٔ حکمت او را شنیده بودند نمایندگانی به دربار او میفرستادند تا از حکمتش برخوردار شوند. | 34 |
Vanhu vakauya vachibva kunyika dzose kuti vazonzwa uchenjeri hwaSoromoni; vakauya vachitumwa namadzimambo ose enyika akanga anzwa nezvouchenjeri hwake.