< اول پادشاهان 17 >
روزی یک نبی به نام ایلیا که از اهالی تشبی جلعاد بود، به اَخاب پادشاه گفت: «به خداوند، خدای زندهٔ اسرائیل، یعنی به همان خدایی که خدمتش میکنم قسم که تا چند سال شبنم و باران بر زمین نخواهد آمد مگر اینکه من درخواست کنم.» | 1 |
Zvino Eria muTishibhi aigara muGireadhi, akati kuna Ahabhu, “NaJehovha, Mwari waIsraeri mupenyu, wandinoshumira, hakuchazova nedova kana mvura inonaya mumakore anotevera kunze kwokutenge ndareva ini.”
پس خداوند به ایلیا فرمود: | 2 |
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Eria richiti,
«برخیز و به طرف مشرق برو و کنار نهر کریت، در شرق رود اردن خود را پنهان کن. | 3 |
“Ibva pano, nanga kumabvazuva undovanda paRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani.
در آنجا از آب نهر بنوش و خوراکی را که کلاغها به فرمان من برای تو میآورند، بخور.» | 4 |
Uchanwa mvura yorukova urwu, uye ndarayira makunguo kuti akupe zvokudya ikoko.”
ایلیای نبی به دستور خداوند عمل کرد و در کنار نهر کریت ساکن شد. | 5 |
Saka akaita zvaakanga audzwa naJehovha. Akaenda kuRukova rweKeriti, kumabvazuva kweJorodhani, akagarako.
هر صبح و شام کلاغها برایش نان و گوشت میآوردند و او از آب نهر مینوشید. | 6 |
Makunguo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama manheru, uye akanwa mvura murukova.
اما چندی بعد به علّت نبودن باران نهر خشکید. | 7 |
Mushure menguva yakati, rukova rwakapwa nokuti mvura yakanga isinganayi panyika.
آنگاه خداوند به ایلیا فرمود: | 8 |
Zvino shoko raJehovha rakauya kwaari richiti,
«برخیز و به شهر صرفه که نزدیک شهر صیدون است برو و در آنجا ساکن شو. من در آنجا به بیوهزنی دستور دادهام خوراک تو را فراهم سازد.» | 9 |
“Simuka izvozvi uende kuZarefati kunyika yeSidhoni undogarako. Ndarayira chirikadzi iri munzvimbo iyoyo kuti ikupe zvokudya.”
پس ایلیا از آنجا به صرفه رفت. وقتی به دروازهٔ شهر رسید، بیوهزنی را دید که مشغول جمع کردن هیزم است. ایلیا از او کمی آب خواست. | 10 |
Naizvozvo akaenda kuZarefati. Paakasvika pasuo reguta, chirikadzi yakanga iripo ichitsvaga huni. Akamudana akamubvunza akati, “Mungandivigirawo mvura shoma shoma mumukombe here kuti ndinwe?”
وقتی آن زن به راه افتاد تا آب بیاورد، ایلیا او را صدا زد و گفت: «خواهش میکنم یک لقمه نان هم بیاور.» | 11 |
Paakanga ava kuenda kundoitora, iye akadanidzira akati, “Mundivigirewo chimedu chechingwa, ndapota.”
اما بیوهزن گفت: «به خداوند، خدای زندهات قسم که در خانهام حتی یک تکه نان هم پیدا نمیشود! فقط یک مشت آرد در ظرف و مقدار کمی روغن در ته کوزه مانده است. الان هم کمی هیزم جمع میکردم تا ببرم نان بپزم و با پسرم بخورم. این آخرین غذای ما خواهد بود و بعد از آن از گرسنگی خواهیم مرد.» | 12 |
Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa. Ndinongova netufurawu tushoma shoma muhari namafuta mashoma shoma muhari. Ndiri kunhonga huni shoma shoma kuti ndiende nadzo kumba ndinozvibikira kudya ini nomwanakomana wangu, kuti tigodya, tife hedu.”
ایلیا به او گفت: «نترس! برو و آن را بپز. اما اول، از آن آرد نان کوچکی برای من بپز و پیش من بیاور، بعد با بقیهٔ آن برای خودت و پسرت نان بپز. | 13 |
Eria akati kwaari, “Usatya. Enda kumba undoita sezvawareva. Asi tanga wandibikira chingwa chiduku pane zvaunazvo ugouya nacho kwandiri, mushure ugozvigadzirira iwe nomwanakomana wako.
زیرا خداوند، خدای اسرائیل میفرماید: تا وقتی که باران بر زمین نبارانم، آرد و روغن تو تمام نخواهد شد.» | 14 |
Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Furawu iri muhari imomo haizoperi uye mafuta ari muhari haazoperi kusvikira zuva iro richanayiswa mvura panyika naJehovha.’”
بیوهزن رفت و مطابق گفتهٔ ایلیا عمل کرد. از آن به بعد، آنها هر چقدر از آن آرد و روغن مصرف میکردند تمام نمیشد، همانطور که خداوند توسط ایلیا فرموده بود. | 15 |
Akaenda akandoita sezvaakanga audzwa naEria. Saka zvokudya zvaEria zvakavapo mazuva ose uyewo nezvomukadzi nemhuri yake.
Furawu yaiva muhari haina kupera uye mafuta aiva muhari haana kupera, sezvazvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa naEria.
مدتی گذشت. یک روز پسر آن بیوهزن بیمار شد. حال او بدتر و بدتر شد و عاقبت مرد. | 17 |
Kwapera nguva yakati, mwanakomana womukadzi, muridzi weimba, akarwara. Kurwara kwake kwakanyanya kwazvo, pakupedzisira akamira kufema.
زن به ایلیا گفت: «ای مرد خدا، این چه بلایی است که بر سر من آوردی؟ آیا به اینجا آمدهای تا به سبب گناهانم پسرم را بکشی؟» | 18 |
Mukadzi akati kuna Eria, “Ndakakutadzireiko, munhu waMwari? Wakauya here kuzondirangaridza chivi changu nokuuraya mwanakomana wangu?”
ایلیا به او گفت: «پسرت را به من بده.» آنگاه ایلیا جنازه را برداشت و به بالاخانه، جایی که خودش زندگی میکرد برد و او را روی بستر خود خواباند. | 19 |
Eria akapindura akati, “Ndipe mwanakomana wako kuno.” Akamutora kubva mumaoko ake, akamutakura akaenda naye kuimba yapamusoro yaaigara, akamuradzika pamubhedha wake.
سپس با صدای بلند چنین دعا کرد: «ای خداوند، خدای من، چرا این بلا را بر سر این بیوهزن آوردی؟ چرا پسر او را که مرا در خانهاش پناه داده است، کشتی؟» | 20 |
Ipapo akadanidzira kuna Jehovha akati, “Haiwa, Jehovha Mwari wangu, mauyisawo here dambudziko pachirikadzi iyi yandiri kugara nayo, nokuuraya mwanakomana wayo?”
سپس ایلیا سه بار روی جنازهٔ پسر دراز کشید و دعا کرد: «ای خداوند، خدای من، از تو تمنا میکنم که این پسر را زنده کنی!» | 21 |
Ipapo akazvambarara pamusoro pomukomana katatu akadanidzira kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha Mwari wangu, itai kuti mweya womukomana uyu udzokere maari!”
خداوند دعای ایلیا را شنید و پسر را زنده کرد. | 22 |
Jehovha akanzwa kudanidzira kwaEria, mweya womukomana ukadzokera maari, akararama.
آنگاه ایلیا پسر را از بالاخانه پایین آورد و به مادرش داد و گفت: «نگاه کن، پسرت زنده است!» | 23 |
Eria akatora mwana akamutakura achibuda mumba maakanga ari akaenda naye mumba huru. Akamupa kuna mai vake akati, “Tarirai, mwanakomana wenyu mupenyu!”
آن زن به ایلیا گفت: «الان فهمیدم که تو براستی مرد خدا هستی و هر چه میگویی از جانب خداوند است!» | 24 |
Ipapo mukadzi akati kuna Eria, “Zvino ndazoziva kuti muri munhu waMwari uye kuti shoko raJehovha rinobuda mumuromo menyu nderechokwadi.”