< اول پادشاهان 16 >

خداوند به ییهو نبی فرمود که این پیغام را به بعشا بدهد: 1
Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jehu mwanakomana waHanani richipikisana naBhaasha richiti,
«تو را از روی خاک بلند کردم و به سلطنت قوم خود اسرائیل رساندم؛ اما تو مانند یربعام گناه ورزیدی و قوم مرا به گناه کشانیدی و آنها نیز با گناهانشان مرا خشمگین نمودند. 2
“Ndakakusimudza kubva muguruva ndikakuita mutungamiri wavanhu vangu Israeri, asi wakafamba munzira dzaJerobhoamu ukaita kuti vanhu vangu Israeri vaite chivi, nokuita kuti nditsamwe nokuda kwezvivi zvavo.
پس تو و خاندان تو را مثل خاندان یربعام پسر نِباط نابود می‌کنم. 3
Naizvozvo ndava kuda kuparadza Bhaasha neimba yake, uye ndichaita kuti imba yako ifanane neimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati.
از خانهٔ تو آنکه در شهر بمیرد، سگها او را می‌خورند و آنکه در صحرا بمیرد، لاشخورها او را می‌خورند!» 4
Imbwa dzichadya vose vaBhaasha vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira kusango.”
این پیغام برای بعشا و خاندانش فرستاده شد، زیرا او مانند یربعام با کارهای زشت و شرم‌آور خود خداوند را خشمگین کرده بود و نیز خاندان یربعام را از بین برده بود. وقتی بعشا مرد او را در ترصه دفن کردند و پسرش ایله به جای او پادشاه شد. بقیهٔ رویدادهای سلطنت بعشا، یعنی فتوحات و کارهای او در کتاب «تاریخ پادشاهان اسرائیل» نوشته شده است. 5
Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaBhaasha, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?
6
Bhaasha akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muTiza. Zvino Era, mwanakomana wake, akamutevera paumambo.
7
Pamusoro paizvozvo, shoko raJehovha rakauyawo nokumuprofita Jehu mwanakomana waHanani kuna Bhaasha neimba yake, nokuda kwezvakaipa zvose zvaakanga aita pamberi paJehovha achimutsamwisa nezvaakaita, achifanana neimba yaJerobhoamu, uyewo nokuti akaiparadza.
در بیست و ششمین سال سلطنت آسا پادشاه یهودا، ایله پسر بعشا بر تخت سلطنت اسرائیل نشست و دو سال در ترصه سلطنت کرد. 8
Mugore ramakumi maviri namatanhatu raAsa mambo weJudha, Era, mwanakomana waBhaasha akava mambo weIsraeri, uye akatonga muTiza kwamakore maviri.
زمری که فرماندهی نیمی از ارابه‌های سلطنتی را به عهده داشت، علیه او توطئه چید. یک روز که ایله پادشاه در ترصه، در خانهٔ ارصا، وزیر دربار خود، بر اثر نوشیدن شراب مست شده بود، 9
Zimuri, mumwe wamachinda ake, aitungamirira hafu yengoro dzake, akamumukira. Era akanga ari muTiza panguva iyoyo, achidhakwa zvake pamba paAza, murume aichengeta muzinda wamambo paTiza.
زمری وارد خانه شد و به ایله حمله کرد و او را کشت. این واقعه در بیست و هفتمین سال سلطنت آسا پادشاه یهودا رخ داد. از آن تاریخ زمری خود را پادشاه اسرائیل اعلام کرد. 10
Zimuri akapinda, akamubaya akamuuraya, mugore ramakumi maviri namanomwe raAsa, mambo weJudha. Ipapo akabva amutevera paumambo.
وقتی زمری بر تخت سلطنت نشست، اعضای خاندان بعشا را قتل عام کرد و حتی یک مرد از خویشاوندان و دوستان بعشا را زنده نگذاشت. 11
Paakatanga kutonga, achangogara pachigaro choushe, akauraya mhuri yose yaBhaasha. Haana kusiya murume mumwe chete, hama kana shamwari.
نابودی فرزندان بعشا که خداوند توسط ییهو نبی قبلاً خبر داده بود، 12
Saizvozvo Zimuri akaparadza mhuri yose yaBhaasha, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa richipikisa Bhaasha nokumuprofita Jehu,
به این سبب بود که بعشا و پسرش ایله گناه ورزیده، بنی‌اسرائیل را به بت‌پرستی کشاندند و به این ترتیب خشم خداوند را برانگیختند. 13
nokuda kwezvivi zvose zvakanga zvaitwa naBhaasha nomwanakomana wake Era nezvaakaita kuti Israeri iite, zvokuti vakaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe, nokuda kwezvifananidzo zvavo zvisina maturo.
بقیهٔ رویدادهای سلطنت ایله در کتاب «تاریخ پادشاهان اسرائیل» نوشته شده است. 14
Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaEra, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?
زمری در بیست و هفتمین سال سلطنت آسا پادشاه یهودا، پادشاه اسرائیل شد و فقط هفت روز در ترصه سلطنت کرد. لشکر اسرائیل علیه شهر فلسطینی جِبِتون اردو زده بود. 15
Mugore ramakumi maviri namanomwe raAsa, mambo weJudha, Zimuri akatonga muTiza kwamazuva manomwe. Varwi vakanga vakadzika misasa pedyo neGibhetoni, guta ravaFiristia.
وقتی سربازان اسرائیل که آمادهٔ حمله به جبتون بودند، شنیدند که زمری، پادشاه را کشته است، عمری را که سردار سپاه بود همان جا پادشاه خود ساختند. 16
VaIsraeri vakanga vari kumisasa pavakanzwa kuti Zimuri akanga amukira mambo akamuuraya, vakagadza Omuri mutungamiri wehondo, kuti ave mambo weIsraeri musi iwoyo mumusasa.
عمری بی‌درنگ با نیروهای خود به ترصه برگشت و آن را محاصره کرد. 17
Zvino Omuri, navaIsraeri vose vaaiva navo, vakabva kuGibhetoni vakauya kuzokomba Tiza.
زمری وقتی دید که شهر محاصره شده، به داخل کاخ سلطنتی رفت و آن را آتش زد. او خود نیز در میان شعله‌های آتش سوخت. 18
Zimuri paakaona kuti guta rakanga ratorwa, akaenda kunhare yomuzinda wamambo akabva azvipisira mumuzinda. Naizvozvo akafa,
او مانند یربعام نسبت به خداوند گناه ورزید و اسرائیل را به گناه کشاند. 19
nokuda kwezvivi zvaakanga aita, achiita zvakaipa pamberi paJehovha uye achifamba munzira dzaJerobhoamu nomuchivi chaakanga aita, uye nechivi chaakanga aita kuti Israeri iite.
بقیه وقایع زندگی زمری و شرح شورش او در کتاب «تاریخ پادشاهان اسرائیل» نوشته شده است. 20
Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaZimuri, nokumukira kwake kwaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aIsraeri?
در آن روزها بین مردم اسرائیل دو دستگی افتاد. نیمی از مردم طرفدار عمری بودند و نیمی دیگر از تبنی پسر جینت پشتیبانی می‌کردند. 21
Ipapo vanhu veIsraeri vakaparadzana vakaita zvikwata zviviri; hafu ikatevera Tibhini, mwanakomana waGinati, kuti ave mambo, uye imwe hafu ikatevera Omuri.
ولی سرانجام طرفداران عمری پیروز شدند. تبنی کشته شد و عمری به سلطنت رسید. 22
Asi vateveri vaOmuri vakakunda vateveri vaTibhini, mwanakomana waGinati. Saka Tibhini akafa, Omuri akava mambo.
در سی و یکمین سال سلطنت آسا پادشاه یهودا، عمری پادشاه اسرائیل شد و دوازده سال سلطنت کرد. از این دوازده سال، شش سال را در ترصه سلطنت کرد. 23
Mugore ramakumi matatu nerimwe raAsa, mambo weJudha, Omuri akava mambo weIsraeri, uye akatonga kwamakore gumi namaviri, matanhatu acho muTiza.
او تپهٔ سامره را از شخصی به نام سامر به هفتاد کیلو نقره خرید و شهری روی آن ساخت و نام آن را سامره گذاشت. 24
Akatenga gomo reSamaria kubva kuna Shemeri namatarenda maviri esirivha uye akavaka guta pagomo iri, achiritumidza kuti Samaria, zvichibva pana Shemeri, zita rouyo aimbova muridzi wegomo.
ولی عمری بیش از پادشاهان قبل نسبت به خداوند گناه ورزید. 25
Asi Omuri akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatadza kupfuura vose vakanga vamutangira.
او مانند یرُبعام پسر نِباط به پرستیدن بت پرداخت و قوم اسرائیل را به گمراهی کشاند و به این وسیله خشم خداوند، خدای اسرائیل را برانگیخت. 26
Akafamba munzira dzose dzaJerobhoamu mwanakomana waNebhati nomuchivi chake, chaakaita kuti Israeri iite, zvokuti vakaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe nokuda kwezvifananidzo zvavo zvisina maturo.
بقیه رویدادهای سلطنت و فتوحات عمری در کتاب «تاریخ پادشاهان اسرائیل» نوشته شده است. 27
Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaOmuri, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?
وقتی عمری مرد او را در سامره دفن کردند و پسرش اَخاب به جای او پادشاه شد. 28
Omuri akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria. Uye Ahabhu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
در سی و هشتمین سال سلطنت آسا پادشاه یهودا، اَخاب پسر عُمری پادشاه اسرائیل شد و بیست و دو سال در سامره سلطنت کرد. 29
Mugore ramakumi matatu namasere raAsa, mambo weJudha, Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akava mambo weIsraeri, uye akatonga Israeri muSamaria kwamakore makumi maviri namaviri.
اَخاب بیش از پادشاهان قبل نسبت به خداوند گناه ورزید. 30
Ahabhu, mwanakomana waOmuri, akaita zvakaipa pamberi paJehovha kupfuura vose vakamutangira.
او نه فقط مثل یربعام پسر نِباط مرتکب گناه شد، بلکه با ایزابل دختر اتبعل، پادشاه صیدون نیز ازدواج کرد و بت بعل صیدونی‌ها را پرستید و در برابر آن سجده کرد. 31
Akazviona zviri zvinhu zvidiki kuita zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye pamusoro pezvo akawana Jezebheri mwanasikana waEtibhaari mambo wavaSidhoni, akatanga kushandira Bhaari uye akamunamata.
او در سامره یک بتخانه و یک مذبح برای بعل ساخت، 32
Akavakira Bhaari aritari mutemberi yaBhaari yaakavaka muSamaria.
بعد از آن بت اَشیره را ساخت و با این اعمال خود بیش از هر پادشاهی که قبل از او در اسرائیل سلطنت کرده بود، خداوند، خدای اسرائیل را خشمگین نمود. 33
Ahabhu akagadzirawo danda raAshera akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe kupfuura zvakaita madzimambo akamutangira.
در دورهٔ سلطنت او مردی از بیت‌ئیل به نام حی‌ئیل، شهر اریحا را دوباره بنا کرد. اما وقتی پایه‌های آن را می‌نهاد، پسر بزرگش ابیرام مرد و وقتی آن را تمام کرد و دروازه‌هایش را کار گذاشت، پسر کوچکش سجوب مرد. این به سبب لعنت خداوند بر اریحا بود که توسط یوشع پسر نون اعلام شده بود. 34
Munguva yaAhabhu, Hieri wokuBheteri akavakazve Jeriko. Mwanakomana wake wedangwe, Abhiramu, akafa paakavaka hwaro hweguta, uye mwanakomana wake wegotwe Segubhi akafa paakamisa masuo aro, sezvazvakarehwa neshoko raJehovha naJoshua mwanakomana waNuni.

< اول پادشاهان 16 >