< یونس 3 >

پس کلام خداوند بار دوم بر یونس نازل شده، گفت: ۱ 1
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jona kechipiri richiti,
«برخیز و به نینوا شهر بزرگ برو و آن وعظ را که من به تو خواهم گفت به ایشان ندا کن.» ۲ 2
“Enda kuguta reNinevhe undoriparidzira shoko randinokupa.”
آنگاه یونس برخاسته، برحسب فرمان خداوند به نینوا رفت و نینوا شهر بزرگ بود که مسافت سه روز داشت. ۳ 3
Jona akateerera shoko raJehovha akaenda kuNinevhe. Zvino Ninevhe raiva guta guru kwazvo, rwendo rwamazuva matatu.
و یونس به مسافت یک روز داخل شهر شده، به ندا کردن شروع نمود وگفت بعد از چهل روز نینوا سرنگون خواهد شد. ۴ 4
Pazuva rokutanga Jona akapinda muguta. Akaparidza achiti, “Kwasara mazuva makumi mana, mushure maizvozvo Ninevhe richaparadzwa.”
و مردمان نینوا به خدا ایمان آوردند و روزه راندا کرده، از بزرگ تا کوچک پلاس پوشیدند. ۵ 5
Vanhu veNinevhe vakatenda kuna Mwari. Vakatara nguva yokutsanya, uye vose zvavo, kubva kumukuru mukuru kusvikira kumuduku duku vakapfeka masaga.
و چون پادشاه نینوا از این امر اطلاع یافت، ازکرسی خود برخاسته، ردای خود را از برکند وپلاس پوشیده، بر خاکستر نشست. ۶ 6
Nhau idzi padzakasvika kuna mambo weNinevhe, akasimuka kubva pachigaro chake, akabvisa nguo dzake dzoumambo, akazvifukidza namasaga akagara mumadota.
و پادشاه واکابرش فرمان دادند تا در نینوا ندا در‌دادند وامرفرموده، گفتند که «مردمان و بهایم و گاوان وگوسفندان چیزی نخورند و نچرند و آب ننوشند. ۷ 7
Ipapo akazivisa chirevo muNinevhe, achiti: “Chirevo chamambo namachinda ake: “Musarega munhu kana mhuka, chipfuwo kana gwai, zvichiravira chinhu; musazvirega zvichidya kana kunwa.
و مردمان و بهایم به پلاس پوشیده شوند و نزدخدا بشدت استغاثه نمایند و هرکس از راه بدخود و از ظلمی که در دست او است بازگشت نماید. ۸ 8
Asi vanhu nemhuka ngavafuke masaga. Munhu wose ngaadane kuna Mwari iye zvino. Ngavasiye nzira dzavo dzakaipa nokuita kwavo nechisimba.
کیست بداند که شاید خدا برگشته، پشیمان شود و از حدت خشم خود رجوع نمایدتا هلاک نشویم.» ۹ 9
Ndiani anoziva? Zvichida Mwari angazvidemba uye netsitsi dzake akazvidzora kubva pakutsamwa kwake kunotyisa kuti tirege kuparara.”
پس چون خدا اعمال ایشان را دید که از راه زشت خود بازگشت نمودند، آنگاه خدا از بلایی که گفته بود که به ایشان برساند پشیمان گردید وآن را بعمل نیاورد. ۱۰ 10
Mwari akati aona zvavakaita uye kutendeuka kwavakaita kubva panzira dzavo dzakaipa, akavanzwira tsitsi akasauyisa kuparadzwa pamusoro pavo sezvaaida kuvaitira.

< یونس 3 >