< دوم تواریخ 14 >

و ابیا با پدران خود خوابید و او را درشهر داود دفن کردند و پسرش آسا درجایش پادشاه شد و در ایام او زمین ده سال آرامی یافت. ۱ 1
Uye Abhija akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa mwanakomana wake akamutevera kuva paumambo, uye mumazuva ake nyika yakava norugare kwamakore gumi.
و آسا آنچه را که در نظر یهوه خدایش نیکو و راست بود به‌جا می‌آورد. ۲ 2
Asa akaita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake.
و مذبح های غریب و مکانهای بلند را برداشت و بتها رابشکست و اشوریم را قطع نمود. ۳ 3
Akabvisa aritari dzavatorwa nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa matombo anoera uye akatema matanda aAshera.
و یهودا را امرفرمود که یهوه خدای پدران خود را بطلبند وشریعت و اوامر او را نگاه دارند. ۴ 4
Akarayira Judha kuti itsvage Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, uye kuti vateerere mirayiro yake nemitemo yake.
و مکانهای بلندو تماثیل شمس را از جمیع شهرهای یهودا دورکرد، پس مملکت به‌سبب او آرامی یافت. ۵ 5
Akabvisa nzvimbo dzakakwirira nearitari dzezvinonhuhwira mumaguta ose muJudha, uye ushe hwakava norugare pasi pake.
وشهرهای حصاردار در یهودا بنا نمود زیرا که زمین آرام بود و در آن سالها کسی با او جنگ نکردچونکه خداوند او را راحت بخشید. ۶ 6
Akavaka maguta ane masvingo eJudha, sezvo nyika yaiva norugare. Hapana akarwa naye panguva iyoyo nokuti Jehovha vakanga vamupa zororo.
و به یهوداگفت: «این شهرها را بنا نماییم و دیوارها و برجهابا دروازه‌ها و پشت بندها به اطراف آنها بسازیم. زیرا چونکه یهوه خدای خود را طلبیده‌ایم زمین پیش روی ما است. او را طلب نمودیم و او ما را ازهر طرف راحت بخشیده است.» پس بنا نمودند وکامیاب شدند. ۷ 7
Akati kuJudha, “Ngativakei maguta aya, uye tiise masvingo okuapoteredza, ane shongwe, masuo namazariro. Nyika ichiri yedu, nokuti takatsvaga Jehovha Mwari wedu; takamutsvaga uye akatipa zororo kumativi ose.” Saka vakavaka uye vakabudirira.
و آسا لشکری از یهودا یعنی سیصد هزارسپردار و نیزه‌دار داشت و از بنیامین دویست وهشتاد هزار سپردار و تیرانداز که جمیع اینهامردان قوی جنگی بودند. ۸ 8
Asa aiva nehondo yaisvika zviuru mazana matatu kubva kuJudha, vakanga vakapakata nhoo huru namapfumo, uye vamwe zviuru mazana maviri namakumi masere kubva kuBhenjamini, vakanga vakapakata nhoo diki neuta. Ava vose vaiva varwi vakashinga.
پسی زارح حبشی باهزار هزار سپاه و سیصد ارابه به ضد ایشان بیرون آمده، به مریشه رسید. ۹ 9
Zera muEtiopia akauya kuzovarwisa nehondo huru kwazvo nengoro mazana matatu uye akauya akasvika muMaresha.
و آسا به مقابله ایشان بیرون رفت پس ایشان در وادی صفاته نزد مریشه جنگ را صف آرایی نمودنند. ۱۰ 10
Asa akabuda akandosangana naye uye vakamira panzvimbo dzavo dzokurwa vari mumupata weZefata pedyo neMaresha.
و آسا یهوه خدای خود را خوانده، گفت: «ای خداوندنصرت دادن به زورآوران یا به بیچارگان نزد تویکسان است، پس‌ای یهوه خدای ما، ما را اعانت فرما زیرا که بر تو توکل می‌داریم و به اسم تو به مقابله این گروه عظیم آمده‌ایم، ای یهوه تو خدای ما هستی پس مگذار که انسان بر تو غالب آید.» ۱۱ 11
Ipapo akadana kuna Jehovha Mwari wake akati, “Jehovha, hakuna mumwe akafanana nemi angabatsira vasina simba pavanorwisana navane simba. Tibatsireiwo, imi Jehovha Mwari, nokuti tinovimba nemi, uye muzita renyu tauya kuzorwisana nehondo yakakura ikadai. Haiwa Jehovha, ndimi Mwari wedu; musarega munhu achikukundai.”
آنگاه خداوند حبشیان را به حضور آسا ویهودا شکست داد و حبشیان فرار کردند. ۱۲ 12
Jehovha akaparadza vaEtiopia pamberi paAsa naJudha vakatiza,
وآسا با خلقی که همراه او بودند آنها را تا جرارتعاقب نمودند و از حبشیان آنقدر‌افتادند که ازایشان کسی زنده نماند، زیرا که به حضور خداوندو به حضور لشکر او شکست یافتند و ایشان غنیمت از حد زیاده بردند. ۱۳ 13
uye hondo yaAsa yakavatandanisa kusvika kuGerari. VaEtiopia vazhinji kwazvo vakafa zvokuti havanazve kuzombodzokera pasimba rakare; vakabva vaparadzwa pamberi paJehovha navarwi vake. Varume veJudha vakatakura upfumi huzhinji kwazvo hwavakapamba.
و تمام شهرها را که به اطراف جرار بود تسخیر نمودند زیرا ترس خداوند بر ایشان مستولی شده بود و شهرها راتاراج نمودند، زیرا که غنیمت بسیار در آنها بود. ۱۴ 14
Vakaparadza misha yose yakanga yakapoteredza Gerari, nokuti kutsamwa kwaJehovha kwakanga kwawira pavari. Vakapamba misha iyi yose, nokuti yaiva nezvokupamba zvakawanda.
و خیمه های مواشی را نیز زدند و گوسفندان فراوان و شتران را برداشته، به اورشلیم مراجعت کردند. ۱۵ 15
Vakarwisazve mapoka avafudzi vakatora makwai akawanda nembudzi nengamera zhinji. Ipapo vakadzokera kuJerusarema.

< دوم تواریخ 14 >