< Salmenes 77 >
1 Til songmeisteren, for Jedutun; ein salme av Asaf. Eg ropar til Gud, og eg vil skrika; eg ropar til Gud, og han vil venda øyra til meg.
Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raAsafi. Ndakadanidzira kuna Mwari kuti andibatsire; ndakadana kuna Mwari kuti andinzwe.
2 Den Dagen eg er i naud, søkjer eg Herren, um natti retter eg ut handi, og ho vert ikkje trøytt, mi sjæl vil ikkje lata seg trøysta.
Pandakanga ndiri pakutambudzika, ndakatsvaka Ishe; panguva yousiku ndakatambanudza maoko angu asinganeti, uye mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.
3 Eg vil koma Gud i hug og sukka, eg vil tenkja etter, og mi ånd vanmegtast. (Sela)
Haiwa Mwari, ndakakurangarirai, uye ndikagomera; ndakafungisisa, mweya wangu ukaziya. Sera
4 Du held augo mine vakande, eg er uroleg og talar ikkje.
Makakonesa meso angu kutsinzina; ndakatambudzika zvokuti ndakatadza kutaura.
5 Eg tenkjer på fordoms dagar, på lengst framfarne år.
Ndakarangarira mazuva ekare, makore ekare kare;
6 Eg vil koma i hug min strengleik um natti, i mitt hjarta vil eg grunda, og mi ånd vil ransaka.
ndakarangarira nziyo dzangu panguva yousiku. Mwoyo wangu wakafungisisa uye mweya wangu wakabvunza ukati,
7 Vil Herren æveleg støyta burt? vil han ikkje lenger visa nåde?
“Ko, Ishe acharamba nokusingaperi here? Haachazombonzwiri ngonizve here?
8 Er det for all tid ute med hans miskunn? Hev hans lovnad vorte upp i inkje frå ætt til ætt?
Ko, rudo rwake rusingaperi rwakabva nokusingaperi here? Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here? Sera
9 Hev Gud gløymt å vera nådig? Eller hev han i vreide stengt for sin godhug? (Sela)
Ko, Mwari akanganwa kuva nenyasha here? Mukutsamwa kwake haachaitira tsiye dzake nyoro here?”
10 Eg segjer: Dette er mi plåga, det er år frå høgre handi til den Høgste.
Ipapo ndakafunga ndikati, “Ndichakumbira hangu pane izvozvi: makore oruoko rworudyi reWokumusoro-soro.”
11 Eg vil forkynna Herrens gjerningar, for eg vil minnast dine under frå fordoms tid.
Ndicharangarira mabasa aJehovha; hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare.
12 Og eg vil tenkja etter alt ditt verk, og på dine store gjerningar vil eg grunda.
Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndicharangarira mabasa enyu makuru.
13 Gud, i heilagdom er din veg, kven er ein gud, stor som Gud?
Haiwa Mwari, nzira dzenyu itsvene. Ndoupiko mwari mukuru saMwari wedu?
14 Du er den Gud som gjer under; du hev kunngjort din styrke millom folkeslagi.
Muri Mwari anoita zvishamiso; munoratidza simba renyu pakati pavanhu.
15 Du hev løyst ditt folk ut med velde, borni åt Jakob og Josef. (Sela)
Noruoko rwenyu rune simba, makadzikinura vanhu venyu, izvo zvizvarwa zvaJakobho naJosefa. Sera
16 Vatni såg deg, Gud, vatni såg deg og bivra, ja, djupi skalv.
Mvura zhinji yakakuonai, imi Mwari, mvura zhinji yakakuonai ikatya; kwakadzika chaiko kwakabvunda.
17 Skyerne gav vatn, himmelen dunde, ja, dine piler flaug ikring.
Makore akadurura mvura, kumatenga kwakaunga nokutinhira; miseve yenyu yakapenya kuno nokoko.
18 Di tora dunde i kvervelstormen, eldingar lyste upp jordriket, jordi skalv og riste.
Kutinhira kwenyu kwakanzwika muchamupupuri, kupenya kwenyu kwakavhenekera nyika; nyika yakadedera ikadengenyeka.
19 I havet gjekk din veg, og dine stigar gjenom store vatn, og dine fotspor vart ikkje kjende.
Gwara renyu rakapinda nomugungwa, nzira yenyu ikapinda nomumvura zhinji zhinji, kunyange zvazvo tsoka dzenyu dzakanga dzisingaonekwi.
20 Du førde ditt folk som ei hjord ved handi åt Moses og Aron.
Makatungamirira vanhu venyu seboka ramakwai noruoko rwaMozisi naAroni.