< Salmenes 63 >
1 Ein salme av David, då han var i Juda øydemark. Gud, du er min Gud, eg søkjer deg tidleg; mi sjæl tyrster etter deg, mitt kjøt lengtar etter deg i eit turt land som ligg i vanmagt utan vatn.
Pisarema raDhavhidhi paakanga ari murenje reJudha. Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu, ndinokutsvakai nomwoyo wose; mwoyo wangu une nyota kwamuri, muviri wangu unokupangai, munyika yakaoma uye yasakara isina mvura.
2 Soleis hev eg set etter deg i heilagdomen til å sjå di kraft og di æra.
Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene, uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu.
3 For di miskunn er betre enn livet, mine lippor skal prisa deg.
Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai.
4 Soleis vil eg lova deg so lenge eg liver, i ditt namn vil eg lyfta upp mine hender.
Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu, uye ndichasimudza maoko angu muzita renyu.
5 Som av merg og feitt skal mi sjæl verta mett, og med lovsyngjande lippor skal min munn prisa deg.
Mweya wangu uchagutswa kunge wadya zvakakora kwazvo; muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo.
6 Når eg kjem deg i hug på mitt lægje, tenkjer eg på deg i nattevakterne.
Ndinokurangarirai ndiri pamubhedha wangu; ndinokufungai panguva dzose dzousiku.
7 For du hev vore hjelp for meg, i skuggen av dine vengjer kann eg fegnast.
Nokuti muri mubatsiri wangu, ndinoimba ndiri mumumvuri wamapapiro enyu.
8 Mi sjæl heng fast ved deg; di høgre hand held meg uppe.
Mweya wangu unonamatira kwamuri; ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.
9 Men dei som stend meg etter livet og vil tyna det, dei skal koma til dei nedste djup i jordi.
Vanotsvaka upenyu hwangu vachaparadzwa; vachaburukira kwakadzika kwepasi.
10 Dei skal verta yvergjevne til sverdmagt, verta til ran for revar.
Vachaiswa kumunondo vagova zvokudya zvamakava.
11 Men kongen skal gleda seg i Gud; kvar den som sver ved honom, skal prisa seg sæl, for ljugararne skal verta målbundne.
Asi mambo achafara muna Mwari; vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza, asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa.