< Salmenes 119 >
1 Sæle er dei som gjeng ein ulastande veg, dei som ferdast i Herrens lov!
Vakaropafadzwa avo vane nzira isina chaingapomerwa, vanofamba mumurayiro waJehovha.
2 Sæle er dei som tek vare på hans vitnemål, som søkjer honom av alt sitt hjarta,
Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema, vanomutsvaka nomwoyo wavo wose.
3 dei som ikkje gjer urett, men vandrar på hans vegar.
Havaiti chinhu chakaipa; vanofamba munzira yake.
4 Du hev gjeve dine fyresegner, at ein skal halda deim vel.
Imi makaisa zvirevo zvinofanira kuteererwa.
5 Å, kunde vegarne mine verta faste, so eg heldt dine fyreskrifter!
Haiwa, dai nzira dzangu dzakasimba pakuteerera zvirevo zvenyu!
6 Då skal eg ikkje verta til skammar når eg gjev gaum etter alle dine bodord.
Ipapo handaizonyadziswa pandinorangarira mirayiro yenyu.
7 Eg vil takka deg av eit ærlegt hjarta når eg lærer dine rettferdsdomar.
Ndichakurumbidzai nomwoyo wakarurama, sezvo ndichidzidza mirayiro yenyu yakarurama.
8 Dine fyreskrifter vil eg halda, du må ikkje reint forlata meg.
Ndichateerera mitemo yenyu; regai kundirasa zvachose.
9 Korleis skal ein ungdom halda stigen sin rein? Når han held seg etter ditt ord.
Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei? Nokurarama sezvinoreva shoko renyu.
10 Av alt mitt hjarta hev eg søkt deg, lat meg ikkje villast burt frå dine bodord!
Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose; musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu.
11 I hjarta mitt hev eg gøymt ditt ord, so eg ikkje skal synda imot deg.
Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu, kuti ndirege kukutadzirai.
12 Lova vere du, Herre! Lær meg dine fyreskrifter!
Imi munofanira kukudzwa, Jehovha; ndidzidzisei mitemo yenyu.
13 Med lipporne mine hev eg forkynt alle rettar frå din munn.
Nemiromo yangu ndichataurazve mirayiro yose inobva pamuromo wenyu.
14 Eg er glad i vegen etter dine vitnemål som i all rikdom.
Ndinofarira kutevera zvirevo zvenyu, somunhu anofarira pfuma huru.
15 På dine fyresegner vil eg grunda og skoda på dine stigar.
Ndinofungisisa zvirevo zvenyu, uye ndinorangarira nzira dzenyu.
16 I dine fyreskrifter vil eg hava hugnad, og ikkje vil eg gløyma ditt ord.
Ndinofarira mitemo yenyu; handingakanganwi shoko renyu.
17 Gjer vel imot din tenar, at eg må liva! so vil eg halda ditt ord.
Itirai muranda wenyu zvakanaka, ndigorarama; ndichateerera shoko renyu.
18 Lat upp augo mine, at eg kann skoda underlege ting i di lov!
Ndisvinudzei meso angu kuti ndione. Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurayiro wenyu.
19 Ein gjest er eg på jordi, løyn ikkje dine bodord for meg!
Ndiri mutorwa panyika; regai kundivanzira mirayiro yenyu.
20 Mi sjæl er sunderknasa av lengting etter dine rettar all tid.
Mweya wangu wapedzwa nokushuva mitemo yenyu nguva dzose.
21 Du hev truga dei stormodige, dei forbanna, som fer vilt frå dine bodord.
Munotsiura vanozvikudza, avo vakatukwa, uye vanotsauka kubva pamirayiro yenyu.
22 Tak burt frå meg skam og vanvyrdnad! for dine vitnemål hev eg teke vare på.
Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa, nokuti ndinochengeta zvirevo zvenyu.
23 Jamvel hovdingar hev sete i samrøda mot meg; din tenar grundar på dine fyreskrifter.
Kunyange vatongi vachigara pamwe chete vachindireva, muranda wenyu achafungisisa mitemo yenyu.
24 Dine vitnemål er og min hugnad, dei er mine rådgjevarar.
Ndinofadzwa nezvirevo zvenyu; ndizvo zvinondipanga mazano.
25 Mi sjæl ligg nedi dusti, haldt meg i live etter ditt ord!
Ndakaradzikwa pasi muguruva; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.
26 Eg fortalde um mine vegar, og du svara meg; lær meg dine fyreskrifter!
Ndakarevazve nzira dzangu imi mukandipindura; ndidzidzisei mitemo yenyu.
27 Lat meg få skyna vegen etter dine fyresegner! So vil eg grunda på dine under.
Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu; ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu.
28 Mi sjæl græt av sorg; reis meg upp etter ditt ord!
Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu.
29 Snu lygnevegen burt frå meg, og unn meg di lov!
Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu.
30 Truskaps veg hev eg valt, dine rettar hev eg sett framfyre meg.
Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu.
31 Eg heng fast ved dine vitnemål, Herre, lat meg ikkje verta til skammar!
Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa.
32 Vegen etter dine bodord vil eg springa, for du trøystar mitt hjarta.
Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu.
33 Herre, vis meg vegen etter dine fyreskrifter! so vil eg fara honom alt til endes.
Ndidzidzisei, imi Jehovha, kutevera mitemo yenyu; ipapo ndichaichengeta kusvikira kumagumo.
34 Gjev meg skyn, so vil eg taka vare på di lov og halda henne av alt mitt hjarta.
Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose.
35 Leid meg på dine bodords stig, for han er til hugnad for meg.
Nditungamirirei munzira yemirayiro yenyu, nokuti imomo ndinowana mufaro.
36 Bøyg mitt hjarta til dine vitnemål og ikkje til urett vinning!
Dzorerai mwoyo wangu pane zvamakatema kwete pakuchiva kwenyama.
37 Vend augo mine burt, so dei ikkje ser etter fåfengd, haldt meg i live på din veg!
Dzorai meso angu pazvinhu zvisina maturo; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu.
38 Uppfyll for din tenar ordet ditt, som gjer at ein ottast deg!
Zadzisai zvamakapikira muranda wenyu, kuti mugotyiwa.
39 Tak burt ifrå meg mi skjemsla som eg er rædd, for dine rettar er gode.
Bvisai kunyadziswa kwandaitya, nokuti mitemo yenyu yakanaka.
40 Sjå, eg lengtar etter dine fyresegner, haldt meg i live ved di rettferd.
Ndinoshuva zvirevo zvenyu sei! Chengetedzai upenyu hwangu mukururama kwenyu.
41 Lat di miskunn, Herre, koma yver meg, di frelsa etter ditt ord!
Rudo rwenyu rusingaperi ngaruuye kwandiri, Jehovha, noruponeso rwenyu sezvamakavimbisa;
42 Eg vil gjeva svar til honom som spottar meg; for eg lit på ditt ord.
ipapo ndichapindura vanondishora, nokuti ndinovimba neshoko renyu.
43 Riv ikkje sannings ord so reint or munnen min, for på dine domar ventar eg.
Regai kubvisa shoko rechokwadi pamuromo pangu, nokuti ndakaisa tariro yangu mumurayiro wenyu.
44 Stødt vil eg halda di lov, æveleg og alltid.
Ndichagara ndichiteerera murayiro wenyu, nokusingaperi-peri.
45 Lat meg ferdast i det frie, for eg spør etter dine fyresegner!
Ndichafamba-famba ndakasununguka, nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.
46 Eg vil tala um dine vitnemål for kongar, og eg skal ikkje verta til skammar.
Ndichataura zvamakatema pamberi pamadzimambo, uye handinganyadziswi,
47 Eg vil frygda meg ved dine bodord, som eg elskar.
nokuti ndinofarira mirayiro yenyu nokuti ndinoida.
48 Eg vil lyfta mine hender til dine bodord som eg elskar, og eg vil grunda på dine fyreskrifter.
Ndinosimudzira maoko angu kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu.
49 Kom i hug ditt ord til din tenar, med di du hev gjeve meg von!
Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, nokuti makandipa tariro.
50 Det er mi trøyst i min vesaldom, at ditt ord hev halde meg i live.
Zvinondinyaradza pakutambura kwangu ndezvizvi: Vimbiso yenyu inochengetedza upenyu hwangu.
51 Ovmodige hev spotta meg mykje, frå di lov hev eg ikkje vike.
Vanozvikudza vanondiseka vasingaregi, asi ini handitsauki pamurayiro wenyu.
52 Eg kom i hug, Herre, dine domar frå gamle dagar, og eg vart trøysta.
Ndinorangarira mirayiro yenyu yekare, imi Jehovha, uye ndinonyaradzwa mairi.
53 Brennande harm hev eg vorte på dei ugudlege som forlet di lov.
Shungu dzinondibata nokuda kwavakaipa, vakasiya murayiro wenyu.
54 Dine fyreskrifter hev vorte mine lovsongar i det hus der eg bur som framand.
Mitemo yenyu ndiro dingindira rorwiyo rwangu pose pandinogara.
55 Um natti kom eg ditt namn i hug, Herre, og eg heldt di lov.
Haiwa, Jehovha, ndinorangarira zita renyu usiku, uye ndichachengeta murayiro wenyu.
56 Dette timdest meg, at eg fekk taka vare på dine fyreskrifter.
Aya ndiwo anga ari maitiro angu: Ndinoteerera zvirevo zvenyu.
57 Herren er min lut, sagde eg, med di eg heldt dine ord.
Haiwa, Jehovha, ndimi mugove wangu; ndakavimbisa kuteerera mashoko enyu.
58 Eg naudbad deg av alt mitt hjarta: «Ver miskunnsam imot meg etter ditt ord!»
Ndakatsvaka chiso chenyu nomwoyo wangu wose; ndinzwirei nyasha sezvamakavimbisa.
59 Eg tenkte på mine vegar og vende mine føter til dine vitnemål.
Ndakacherechedza nzira dzangu ndikadzorera tsoka dzangu kune zvamakatema.
60 Eg skunda meg og tøvra ikkje med å halda dine bodord.
Ndichakurumidza uye handinganonoki kuteerera mirayiro yenyu.
61 Bandi til dei ugudlege hev snørt meg inn, di lov hev eg ikkje gløymt.
Kunyange vakaipa vakandisunga namabote, handizokanganwi murayiro wenyu.
62 Midt på natti stend eg upp og vil takka deg for dine rettferdslover.
Ndinomuka pakati pousiku ndichikuvongai nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.
63 Eg held meg til alle deim som ottast deg, og som held dine fyresegner.
Ndiri shamwari yavose vanokutyai, nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu.
64 Av di miskunn, Herre, er jordi full; lær meg dine fyreskrifter!
Haiwa Jehovha, nyika izere norudo rwenyu, ndidzidzisei zvirevo zvenyu.
65 Tenaren din hev du gjort vel imot, Herre, etter ditt ord.
Makaitira muranda wenyu zvakanaka, imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu.
66 Lær meg god skynsemd og kunnskap! for eg trur på dine bodord.
Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka, nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.
67 Fyrr eg vart nedbøygd, for eg vilt, men no held eg ditt ord.
Pandakanga ndisati ndatambudzika, ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu.
68 Du er god og gjer godt, lær meg dine fyreskrifter!
Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei mitemo yenyu.
69 Dei ovmodige hev spunne i hop lygn imot meg, av alt mitt hjarta held eg dine fyresegner.
Kunyange vanozvikudza vakandipomera nhema, ndinochengeta zvamakatema nomwoyo wangu wose.
70 Deira hjarta er feitt som talg; eg fegnast ved di lov.
Mwoyo yavo yakasindimara uye hainzwisisi, asi ndinofarira murayiro wenyu.
71 Det var godt for meg at eg vart nedbøygd, so eg kunde læra dine fyreskrifter.
Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike, kuitira kuti ndigodzidza mitemo yenyu.
72 Lovi frå din munn er betre for meg enn tusund stykke gull og sylv.
Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri, kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe.
73 Dine hender hev gjort meg og laga meg til, gjev meg skyn, so eg kann læra dine bodord!
Maoko enyu akandisika uye akandiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu.
74 Dei som ottast deg, skal sjå meg og gleda seg, for på ditt ord ventar eg.
Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
75 Eg veit, Herre, at dine domar er rettferd, og at du i truskap hev bøygt meg ned.
Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama, uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu.
76 Lat di miskunn vera til trøyst for meg, etter det du hev sagt til din tenar!
Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze, maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu.
77 Lat di miskunn koma yver meg so eg kann liva! for di lov er mi lyst.
Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame, nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.
78 Lat dei ovmodige verta skjemde! for dei hev trykt meg utan årsak. Eg grundar på dine fyresegner.
Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka, asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu.
79 Lat deim snu seg til meg, dei som ottast deg, og kjenner dine vitnemål!
Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, ivo vanonzwisisa zvamakatema.
80 Lat mitt hjarta vera fullkome i dine fyreskrifter, so eg ikkje skal verta til skammar!
Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu, kuti ndirege kunyadziswa.
81 Mi sjæl naudstundar etter di frelsa, eg ventar på ditt ord.
Mweya wangu unoziya nokuda kwekushuva ruponeso rwenyu, asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
82 Mine augo naudstundar etter ditt ord, og eg segjer: «Når vil du trøysta meg?»
Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?”
83 For eg er som ei lerflaska i røyk; dine fyreskrifter gløymer eg ikkje.
Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu.
84 Kor mange er vel dagarne for din tenar? Når vil du halda dom yver deim som forfylgjer meg?
Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko?
85 Dei ovmodige hev grave graver for meg, dei som ikkje liver etter di lov.
Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu.
86 Alle dine bodord er trufaste; med lygn forfylgjer dei meg; hjelp meg!
Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei, nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka.
87 Dei hadde so nær tynt meg i landet, men eg hev ikkje forlate dine fyresegner.
Vakanga voda kundibvisa panyika, asi handina kusiya zvamakatema.
88 Haldt meg i live etter di miskunn! So vil eg taka vare på vitnemålet frå din munn.
Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu, uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu.
89 Til æveleg tid, Herre, stend ditt ord fast i himmelen.
Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga.
90 Frå ætt til ætt varer din truskap, du hev grunnfest jordi, og ho stend.
Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi.
91 Til å setja dine domar i verk stend dei der i dag; for alle ting er dine tenarar.
Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi, nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai.
92 Dersom ikkje di lov hadde vore mi lyst, so hadde eg forgjengest i mi djupe naud.
Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu, ndingadai ndakafira mumatambudziko angu.
93 I all æva skal eg ikkje gløyma dine fyresegner, for ved deim hev du halde meg i live.
Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu.
94 Din er eg, frels meg! for dine fyresegner hev eg spurt etter.
Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema.
95 På meg hev dei ugudlege venta og vil tyna meg; på dine vitnemål agtar eg.
Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu.
96 På alt det fullkomne hev eg set ein ende; men dine bodord rekk ovleg vidt.
Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo.
97 Kor eg hev lovi di kjær! Heile dagen er ho i min tanke.
Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.
98 Dine bodord gjer meg visare enn mine fiendar, for æveleg eig eg deim.
Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose.
99 Eg hev vorte klokare enn alle mine lærarar, for eg grundar på dine vitnemål.
Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema.
100 Eg er vitugare enn dei gamle, for dine fyresegner hev eg teke vare på.
Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu.
101 Frå kvar vond stig hev eg halde mine føter burte, so eg kunde halda ditt ord.
Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu.
102 Frå dine lover hev eg ikkje vike, for du hev lært meg upp.
Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa.
103 Kor søt din tale er for gomen min, betre enn honning for munnen min.
Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!
104 Av dine fyresegner fær eg vit, difor hatar eg kvar lygnestig.
Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa.
105 Ditt ord er ei lykt for min fot og eit ljos for min stig.
Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.
106 Eg hev svore og hev halde det, å taka vare på dine rettferdslover.
Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama.
107 Eg er ovleg nedbøygd; Herre, haldt meg i live etter ditt ord!
Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu.
108 Lat min munns offer tekkjast deg, Herre, og lær meg dine rettar!
Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu.
109 Eg gjeng alltid med livet i neven, men di lov hev eg ikkje gløymt.
Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu.
110 Dei ugudlege hev lagt snara for meg; men frå dine fyresegner hev eg ikkje villa meg burt.
Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu.
111 Til æveleg eiga hev eg fenge dine vitnemål, for dei er mi hjartans gleda.
Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu.
112 Eg hev bøygt mitt hjarta til å gjera etter dine fyreskrifter, æveleg og til endes.
Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo.
113 Dei tvihuga hatar eg, men di lov elskar eg.
Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu.
114 Du er mi livd og min skjold, og på ditt ord ventar eg.
Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
115 Vik frå meg, de som gjer vondt, at eg kann halda min Guds bodord!
Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu!
116 Haldt meg uppe etter ditt ord, so eg kann liva, og lat meg ikkje verta til skammar med mi von!
Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama; musarega tariro yangu ichidzimwa.
117 Haldt meg uppe, so eg kann verta frelst! So vil eg alltid sjå med lyst på dine fyreskrifter.
Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa; ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu.
118 Du agtar for inkje alle deim som fer vilt frå dine fyreskrifter; for deira svik er fåfengd.
Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo.
119 Som slagg kastar du burt alle ugudlege på jordi; difor elskar eg dine vitnemål.
Vakaipa vose venyika munovaita sengura; naizvozvo ndinoda zvamakatema.
120 Eg rys i holdet av rædsla for deg, og for dine domar ottast eg.
Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai; ndinomira ndichitya mirayiro yenyu.
121 Eg hev gjort rett og rettferd, du vil ikkje gjeva meg yver til deim som trykkjer meg.
Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu.
122 Gakk i borg for tenaren din, so det må ganga honom vel! lat ikkje dei ovmodige trykkja meg!
Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira.
123 Augo mine naudstundar etter di frelsa og etter ditt rettferdsord.
Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama.
124 Gjer med din tenar etter di miskunn og lær meg dine fyreskrifter!
Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu.
125 Eg er din tenar; gjev meg vit, so eg kann kjenna dine vitnemål!
Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema.
126 Det er tid for Herren til å gripa inn, dei hev brote di lov.
Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa.
127 Difor elskar eg dine bodord meir enn gull, ja, meir enn fint gull.
Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa,
128 Difor held eg alle fyresegner um alle ting for rette; eg hatar kvar lygnestig.
uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa.
129 Underfulle er dine vitnemål, difor tek mi sjæl vare på deim.
Zvirevo zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo ndinozviteerera.
130 Når ordi dine opnar seg, gjev dei ljos, og dei gjer dei einfalde kloke.
Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano.
131 Eg let munnen upp og sukka av lengting; for etter dine bodord stunda eg.
Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu.
132 Vend deg til meg og ver meg nådig, som rett er mot deim som elskar ditt namn!
Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni, sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu.
133 Gjer mine stig faste ved ditt ord, og lat ingen urett råda yver meg!
Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu; chivi ngachirege kunditonga.
134 Løys du meg ut or menneskjevald! So vil eg halda dine fyresegner.
Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu, kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu.
135 Lat di åsyn lysa på din tenar, og lær meg dine fyreskrifter!
Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu.
136 Vatsbekkjer renn or augo mine, av di folk ikkje held di lov.
Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu, nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa.
137 Rettferdig er du, Herre, og rette er dine domar.
Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama.
138 Du hev fyreskrive dine vitnemål i rettferd og i stor truskap.
Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo.
139 Min brennhug hev tært meg upp, av di mine motstandarar hev gløymt dine ord.
Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu.
140 Ditt ord er vel reinsa, og din tenar elskar det.
Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida.
141 Liten er eg og vanvyrd; dine fyresegner hev eg ikkje gløymt.
Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu.
142 Di rettferd er ei æveleg rettferd, og di lov er sanning.
Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi.
143 Naud og trengsla fann meg; dine bodord er mi lyst.
Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu, asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu.
144 Rettferdige er dine vitnemål til æveleg tid; gjev meg skyn, so eg kann liva!
Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame.
145 Eg ropar av alt mitt hjarta, svara meg, Herre! Dine fyreskrifter vil eg taka vare på.
Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu.
146 Eg ropar til deg, frels meg! so vil eg halda dine vitnemål.
Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema.
147 Tidleg i dagningi var eg uppe og ropa um hjelp; eg venta på ditt ord.
Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
148 Mine augo var uppe fyre nattevakterne, so eg kunde grunda på ditt ord.
Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu.
149 Høyr mi røyst etter di miskunn, Herre, haldt meg i live etter dine domar!
Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu.
150 Dei er nær som renner etter ugjerning; frå di lov er dei langt burte.
Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu.
151 Du er nær, Herre, og alle dine bodord er sanning.
Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi.
152 Longe sidan veit eg av dine vitnemål, at du hev grunnfest deim i all æva.
Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.
153 Sjå til mi djupe naud og fria meg ut! For di lov hev eg ikkje gløymt.
Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu.
154 Før mi sak, og løys meg ut, haldt meg i live etter ditt ord!
Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure; chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu.
155 Frelsa er langt frå dei ugudlege, for dine fyreskrifter spør dei ikkje etter.
Ruponeso rwuri kure navakaipa, nokuti havatsvaki mitemo yenyu.
156 Di miskunn er stor, Herre; haldt meg i live etter dine domar!
Haiwa Jehovha, tsitsi dzenyu ihuru; chengetedzai upenyu hwangu maererano nemirayiro yenyu.
157 Mange er dei som forfylgjer meg og stend meg imot; frå dine vitnemål hev eg ikkje vike.
Vavengi vangu navanonditambudza vazhinji, asi handina kutsauka pane zvamakatema.
158 Eg såg dei utrue og fekk uhug, av di dei ikkje heldt ditt ord.
Ndinotarira kuna vasingatendi ndichisema, nokuti havateereri shoko renyu.
159 Sjå at eg hev elska dine fyresegner! Herre, haldt meg i live etter di miskunn!
Tarirai madiro andinoita zvirevo zvenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu, maererano norudo rwenyu.
160 Summen av ditt ord er sanning, og æveleg stend all di rettferds lov.
Mashoko enyu ose ndeechokwadi; mirayiro yenyu yose yakarurama ndeyokusingaperi.
161 Hovdingar forfylgde meg utan orsak, men mitt hjarta ottast dine ord.
Vatongi vanonditambudza ndisina mhaka, asi mwoyo wangu unodedera pashoko renyu.
162 Eg gled meg yver ditt ord, som når ein finn mykje herfang.
Ndinofarira vimbiso yenyu kufanana nouyo anowana zvakapambwa zvizhinji.
163 Lygn hev eg hata og havt stygg til; di lov hev eg elska.
Ndinovenga uye ndinosema nhema, asi ndinoda murayiro wenyu.
164 Sju gonger um dagen hev eg lova deg for dine rettferdige domar.
Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama.
165 Mykje fred hev dei som elskar di lov, og ingen støyt fær deim til fall.
Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru, uye hakuna chingavagumbusa.
166 Eg hev venta på di frelsa, Herre, og dine bodord hev eg halde.
Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu, uye ndinotevera mirayiro yenyu.
167 Mi sjæl hev halde dine vitnemål, og eg elska deim mykje.
Ndinoteerera zvirevo zvenyu, nokuti ndinozvida zvikuru.
168 Eg hev halde dine fyresegner og dine vitnemål, for alle mine vegar er for di åsyn.
Ndinoteerera zvirevo zvenyu nezvamakatema, nokuti nzira dzangu dzose dzinozivikanwa nemi.
169 Lat mitt klagerop koma fram for di åsyn, Herre! Gjev meg skyn etter ditt ord.
Dai kuchema kwangu kwasvika pamberi penyu, imi Jehovha; ndipeiwo kunzwisisa maererano neshoko renyu.
170 Lat mi bøn koma for di åsyn! Frels meg etter ditt ord!
Kukumbira kwangu dai kwasvika pamberi penyu; ndirwirei maererano nevimbiso yenyu.
171 Mine lippor skal fløda yver av lovsong, for du lærer meg dine fyreskrifter;
Miromo yangu dai yafashukira nerumbidzo, nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu.
172 Mi tunga skal syngja um ditt ord; for alle dine bodord er rettferd.
Rurimi rwangu dai rwaimba nezveshoko renyu, nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama.
173 Lat di hand vera meg til hjelp! for dine fyresegner hev eg valt ut.
Ruoko rwenyu dai rwagadzirira kundibatsira, nokuti ndakasarudza zvirevo zvenyu.
174 Eg lengtar etter di frelsa, Herre, og di lov er mi lyst.
Haiwa Jehovha, ndinoshuva ruponeso rwenyu, uye murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu.
175 Lat mi sjæl leva og lova deg, og lat dine domar hjelpa meg!
Regai ndirarame kuti ndigokurumbidzai, uye dai mirayiro yenyu yandibatsira.
176 Eg hev fare vilt; leita upp din tenar som ein burtkomen sau! for dine bodord hev eg ikkje gløymt.
Ndakatsauka segwai rakarasika. Tsvakai muranda wenyu, nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.