< Salmenes 35 >
1 Av David. Trett, Herre, med dem som tretter med mig! Strid mot dem som strider mot mig!
Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; rwisai avo vanondirwisa.
2 Grip skjold og verge og reis dig til hjelp for mig!
Torai nhoo huru neduku; simukai, uye uyai mundibatsire.
3 Dra spydet frem og steng veien for mine forfølgere! Si til min sjel: Jeg er din frelse!
Vheyesai pfumo guru nepfumo diki murwise avo vanonditevera. Muti kumweya wangu, “Ndini ruponeso rwako.”
4 La dem blues og bli til skamme som står mig efter livet! La dem vike tilbake med skam som tenker ondt imot mig!
Vanotsvaka kundiuraya ngavazvidzwe uye vanyadziswe; vanorangana kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vachitya.
5 La dem bli som agner for vinden, og Herrens engel støte dem bort!
Ngavaite sehundi pamberi pemhepo, mutumwa waJehovha achivasundira kure;
6 La deres vei bli mørk og glatt, og Herrens engel forfølge dem!
nzira yavo ngaisvibe uye itsvedze, mutumwa waJehovha achivateverera.
7 For uten årsak har de lønnlig gjort i stand sin garngrav for mig, uten årsak har de gravd en grav for mitt liv.
Sezvo vakandivanzira mimbure yavo ndisina mhosva, uye vakandicherera gomba ndisina mhosva,
8 La ødeleggelse komme over ham, uten at han merker det, og la hans garn som han lønnlig har utlagt, fange ham, la ham falle i det til sin ødeleggelse!
kuparadzwa ngakuvawire pakarepo, mumbure wavakavanza ngauvapinge ivo, ngavawire mugomba ravo vaparare.
9 Da skal min sjel glede sig i Herren, fryde sig i hans frelse;
Ipapo mweya wangu uchafara muna Jehovha, uye uchafarira ruponeso rwake.
10 alle mine ben skal si: Herre, hvem er som du, du som frir den elendige fra den som er ham for sterk, og den elendige og fattige fra den som plyndrer ham?
Zvandiri zvose zvichadanidzira zvichiti: “Ndianiko akaita semi, Jehovha? Munonunura varombo kubva kuna avo vane simba kupinda ravo.”
11 Der opstår urettferdige vidner, de spør mig om det jeg ikke vet.
Zvapupu zvino utsinye zvinouya mberi; zvinondibvunza pamusoro pezvinhu zvandisingazivi.
12 De gjengjelder mig godt med ondt; min sjel er forlatt.
Vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, uye vanosiya mweya wangu uchidzungaira.
13 Og jeg, jeg klædde mig i sørgeklær, da de var syke; jeg plaget min sjel med faste, og min bønn vendte tilbake til min barm.
Asi pavairwara, ndakafuka nguo dzamasaga ndikazvininipisa nokutsanya. Munyengetero wangu pawakadzokera kwandiri usina mhinduro,
14 Jeg gikk omkring, som om det var min venn, min bror; jeg gikk nedbøiet i sørgeklær som en som sørger over sin mor.
ndakafamba-famba ndichichema kunge ndinochemera shamwari yangu kana hama yangu. Ndakakotamisa musoro wangu ndichichema, sokunge ndinochema mai vangu.
15 Men nu da jeg vakler, gleder de sig og flokker sig sammen; skarns-folk flokker sig om mig uten at jeg visste det; de sønderriver og hviler ikke.
Asi pandakagumburwa, vakaungana vachifara; varwi vakaungana kuzondirwisa ndisingazivi. Vakandireva vasingaregi.
16 Som skamløse som spotter for et stykke brød, skjærer de tenner imot mig.
Savanhu vasina Mwari vakandiseka muruvengo rwavo; vakandirumanyira meno avo.
17 Herre, hvor lenge vil du se til? Fri min sjel ut fra deres ødeleggelser, mitt eneste fra de unge løver.
Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira? Nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo, noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi.
18 Jeg vil prise dig i en stor forsamling, love dig blandt meget folk.
Ndichakuvongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.
19 La ikke dem glede sig over mig, som uten grunn er mine fiender! La ikke dem som hater mig uten årsak, blinke med øiet!
Ngavarege kufara pamusoro pangu avo vanondivenga ndisina mhosva; vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kuchonyerana meso avo mukundivenga.
20 For de taler ikke fred, men optenker svik mot de stille i landet.
Havatauri norugare, asi vanofunga kupomera mhosva pamusoro pavanogara norunyararo munyika.
21 Og de lukker sin munn vidt op imot mig, de sier: Ha, ha! Der ser vårt øie!
Vanondishamira miromo yavo vachiti, “Hekani waro! Hekani waro! Tazviona nameso edu.”
22 Du ser det, Herre, ti ikke! Herre, vær ikke langt borte fra mig!
Haiwa Jehovha, mazviona izvi; regai kunyarara. Regai kuva kure neni, imi Ishe.
23 Våkn op og bli våken for å gi mig rett, min Gud og Herre, for å føre min sak!
Mukai uye simukai mundirwire! Ndirwirei, Mwari wangu naIshe wangu.
24 Døm mig efter din rettferdighet, Herre min Gud, og la dem ikke glede sig over mig!
Ndiruramisirei mukururama kwenyu, imi Jehovha Mwari wangu; musarega vachifara pamusoro pangu.
25 La dem ikke si i sitt hjerte: Ha! Efter ønske! La dem ikke si: Vi har opslukt ham!
Musarega vachifunga mumwoyo mavo vachiti, “Hekani waro, ndizvo zvatanga tichida!” kana kuti vati, “Tamumedza chose.”
26 La alle dem få skam og bli til skamme som gleder sig ved min ulykke! La dem som ophøier sig over mig, klæs i skam og skjensel!
Vose vanofarira kutambudzika kwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanozvisimudzira pamusoro pangu ngavafukidzwe nenyadzi nokuzvidzwa.
27 La dem juble og glede sig som unner mig min rett, og la dem alltid si: Høilovet være Herren, som unner sin tjener at det går ham vel!
Vose vanofarira kururamisirwa kwangu ngavapembere nomufaro nokufarisisa; ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe, iye anofarira kugara zvakanaka kwavaranda vake.”
28 Da skal min tunge synge om din rettferdighet, hele dagen om din pris.
Rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, uye nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.