< Salmenes 2 >
1 Hvorfor larmer hedningene og grunder folkene på det som fåfengt er?
Ndudzi dzinoitireiko bope? Uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo?
2 Jordens konger reiser sig, og fyrstene rådslår sammen mot Herren og mot hans salvede:
Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuti vazorwa naJehovha, uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake.
3 La oss sprenge deres bånd og kaste deres rep av oss!
Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo, tigorasa mabote avo.”
4 Han som troner i himmelen, ler, Herren spotter dem.
Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka; Ishe anovadadira.
5 Så taler han til dem i sin vrede, og i sin harme forferder han dem:
Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,
6 Og jeg har dog innsatt min konge på Sion, mitt hellige berg!
“Ndakagadza Mambo wangu paZioni, gomo rangu dzvene.”
7 Jeg vil kunngjøre hvad fastsatt er: Herren sa til mig: Du er min sønn, jeg har født dig idag.
Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti: Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava Baba vako.
8 Begjær av mig! Så vil jeg gi dig hedningene til arv og jordens ender til eie.
Kumbira kwandiri, uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako, migumo yenyika ive yako.
9 Du skal knuse dem med jernstav; som en pottemakers kar skal du sønderslå dem.
Uchavatonga netsvimbo yesimbi; uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”
10 Og nu, I konger, gå viselig frem! La eder advare, I dommere på jorden!
Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai; munyeverwe, imi vabati venyika.
11 Tjen Herren med frykt og juble med beven!
Shumirai Jehovha nokutya, uye mufare nokudedera.
12 Kyss Sønnen, forat han ikke skal bli vred, og I gå til grunne på veien! For snart kunde hans vrede optendes. Salige er alle de som tar sin tilflukt til ham.
Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa mukazoparadzwa munzira yenyu, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.