< Malakias 3 >

1 Se, jeg sender mitt bud, og han skal rydde vei for mitt åsyn; og brått skal han komme til sitt tempel, Herren som I søker, paktens engel som I stunder efter; se, han kommer, sier Herren, hærskarenes Gud.
“Tarirai, ndichatuma nhume yangu, uyo achagadzira nzira pamberi pangu. Ipapo Ishe wamunotsvaka, achasvika pakarepo patemberi yake; mutumwa wesungano, wamunoshuva, achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
2 Men hvem kan utholde den dag han kommer, og hvem kan bli stående når han lar sig se? For han er som en smelters ild og som tvetteres lut.
Asi ndiani angatsunga pazuva rokuuya kwake? Ndiani angamira paanoonekwa? Nokuti achava somoto womunatsi kana sipo yomusuki.
3 Og han skal sitte og smelte og rense sølvet, og han skal rense Levis barn og gjøre dem rene som gull og sølv; og de skal bære frem for Herren offergaver i rettferdighet,
Iye achagara somunatsi nomuchenesi wesirivha; achachenesa vaRevhi uye achavanatsa segoridhe nesirivha. Ipapo Jehovha achava navanhu vachamuvigira zvipiriso mukururama,
4 og Judas og Jerusalems offergaver skal behage Herren, som i gamle dager, som i fordums år.
uye zvipiriso zveJudha neJerusarema zvichagamuchirwa naJehovha, sapamazuva akapfuura, sapamakore akare.
5 Og jeg vil komme til eder og holde dom og være et hastig vidne mot trollkarene og horkarlene og dem som sverger falsk, og mot dem som forholder dagarbeideren hans lønn og gjør vold mot enken og den farløse, og som bøier retten for den fremmede og ikke frykter mig, sier Herren, hærskarenes Gud;
“Saka ndichaswedera kwamuri kuzotonga. Ndichakurumidza kupupura ndichipikisa varoyi, mhombwe uye navanopika nhema, navaya vanobiridzira vashandi migove yavo, vanodzvinyirira chirikadzi nenherera uye vasingaruramisiri vatorwa, uye vasingandityi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
6 for jeg, Herren, har ikke forandret mig, og I, Jakobs barn, er ikke tilintetgjort.
“Ini Jehovha handishanduki. Saka imi, rudzi rwaJakobho, hamuna kuparadzwa.
7 Like fra eders fedres dager har I veket av fra mine lover og ikke holdt dem; vend om til mig, så vil jeg vende om til eder, sier Herren, hærskarenes Gud. Og I sier: Hvad skal vi vende om fra?
Kubva pamazuva amadzitateguru enyu makatsauka pamitemo yangu uye hamuna kuichengeta. Dzokerai kwandiri, uye neni ndichadzokera kwamuri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Asi munobvunza muchiti, ‘Tichadzoka pazvinhu zvipiko?’
8 Skal et menneske rane fra Gud, siden I raner fra mig? Og I sier: Hvad har vi rant fra dig? Tienden og de hellige gaver.
“Ko, munhu angabire Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira. “Asi munobvunza muchiti, ‘Tinokubirai pane zvipi?’ “Pazvegumi nezvipiriso.
9 Forbannelsen har rammet eder, og fra mig raner I, ja hele folket.
Makatukwa, rudzi rwenyu rwose, nokuti muri kundibira.
10 Bær hele tienden inn i forrådshuset, så det kan finnes mat i mitt hus, og prøv mig på denne måte, sier Herren, hærskarenes Gud, om jeg ikke vil åpne himmelens sluser for eder og utøse velsignelser over eder i rikelig mål!
Uyai nezvegumi zvose kudura, kuti mumba mangu mugova nezvokudya. Ndiedzei muna izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “muone kana ndisingakuzarurirei mawindo okudenga, uye ndigokudururirai maropafadzo mazhinji zvokuti muchashayiwa pokuaisa.
11 Og jeg vil true eteren for eders skyld, så den ikke ødelegger jordens avgrøde for eder; og vintreet på marken skal ikke slå feil for eder, sier Herren, hærskarenes Gud.
Ndichadzivisa udyi pakuparadza zvirimwa zvenyu, uye mizambiringa yeminda yenyu haingadonhedzi zvibereko zvayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
12 Og alle folkene skal prise eder lykkelige; for da skal eders land være et herlig land, sier Herren, hærskarenes Gud.
“Ipapo ndudzi dzose dzichati makaropafadzwa, nokuti nyika yenyu ichava inofadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
13 Eders ord har vært sterke mot mig, sier Herren. Og I sier: Hvad har vi sagt oss imellem mot dig?
Jehovha anoti, “Makataura zvinhu zvikukutu pamusoro pangu.” “Kunyange zvakadaro munoti, ‘Takataureiko pamusoro penyu?’
14 I har sagt: Fåfengt er det å tjene Gud, og hvad vinning har det vært for oss at vi har aktet på hans bud, og at vi har gått i sørgeklær for Herrens, hærskarenes Guds skyld?
“Imi makati, ‘Hazvina maturo kushumira Mwari. Takawaneiko nokuita zvaakarayira uye zvatakafamba savachemi pamberi paJehovha Wamasimba Ose?
15 Og nu priser vi de overmodige lykkelige; ikke alene trives de vel de som lever ugudelig, men de har satt Gud på prøve og har allikevel sloppet fri.
Asi zvino tinoti vanozvikudza vakaropafadzwa. Zvirokwazvo vaiti vezvakaipa vanobudirira uye naivo vaya vanoedza Mwari vanopunyuka.’”
16 Da talte de med hverandre de som frykter Herren, og Herren lyttet til og hørte det, og det blev for hans åsyn skrevet en minnebok for dem som frykter Herren og tenker på hans navn.
Ipapo vaya vaitya Jehovha vakataurirana, uye Jehovha akateerera akanzwa. Bhuku rechirangaridzo rakanyorwa pamberi pake pamusoro pavanotya Jehovha uye nevanoremekedza zita rake.
17 Og på den dag som jeg skaper, sier Herren, hærskarenes Gud, skal de være min eiendom, og jeg vil spare dem, likesom en mann sparer sin sønn som tjener ham.
“Vachava vangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “pazuva randichaunganidza pfuma yangu inokosha. Ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomushandira.
18 Da skal I atter se forskjell mellem den rettferdige og den ugudelige, mellem den som tjener Gud, og den som ikke tjener ham.
Uye muchaonazve musiyano pakati pavakarurama navakaipa, pakati pavaya vanoshumira Mwari navaya vasingamushumiri.

< Malakias 3 >