< Lukas 11 >
1 Og det skjedde at han var ensteds og bad; og da han holdt op, sa en av hans disipler til ham: Herre! lær oss å bede, likesom Johannes lærte sine disipler!
Mumwe musi Jesu akanga achinyengetera ari pane imwe nzvimbo. Akati apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengetera, saJohani akadzidzisa vadzidzi vake.”
2 Da sa han til dem: Når I beder, skal I si: Fader vår, du som er i himmelen! Helliget vorde ditt navn; komme ditt rike; skje din vilje, som i himmelen, så og på jorden;
Iye akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti: “‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga.
3 gi oss hver dag vårt daglige brød;
Tipei zuva nezuva chingwa chedu chamazuva namazuva.
4 og forlat oss våre synder, for også vi forlater hver den som er oss skyldig; og led oss ikke inn i fristelse; men fri oss fra det onde.
Uye mutiregerere zvivi zvedu; nokuti nesuwo tinoregerera vose vanotitadzira. Musatitungamirira mukuedzwa; uye mutinunure pane zvakaipa.’”
5 Og han sa til dem: Om nogen av eder har en venn og kommer til ham midt på natten og sier til ham: Kjære, lån mig tre brød!
Ipapo akati kwavari, “Kana mumwe wenyu ane shamwari, uye akaenda kwaari pakati pousiku akati, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu,
6 for en venn er kommet til mig fra reisen, og jeg har ikke noget å sette frem for ham
nokuti shamwari yangu iri parwendo yasvika kwangu, uye ini handina chandingamupa.’
7 - skulde da han der inne svare: Gjør mig ikke uleilighet! Døren er alt lukket, og mine småbarn er i seng med mig; jeg kan ikke stå op og gi dig det?
“Ipapo uya ari mukati akati, ‘Rega kundinetsa. Mukova wangu watopfigwa, uye vana vangu neni tavata. Handikwanisi kumuka kuti ndikupe kana chinhu.’
8 Jeg sier eder: Om han ikke står op og gir ham det fordi han er hans venn, så vil han stå op for hans ubluhets skyld og gi ham alt det han trenger til.
Ndinokuudzai, kuti kunyange asingazomuki kuti amupe chingwa nokuda kwokuti ishamwari yake, asi nokuda kwokushingirira kwomunhu uyu, achamuka agomupa zvose zvaanoda.
9 Og jeg sier eder: Bed, så skal eder gis; let, så skal I finne; bank på, så skal det lukkes op for eder!
“Saka ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa, tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa mukova.
10 For hver den som beder, han får, og den som leter, han finner, og den som banker på, for ham skal det lukkes op.
Nokuti ani naani anokumbira achapiwa; anotsvaka achawana; anogogodza, achazarurirwa mukova.
11 Men hvem av eder som er far, vil gi sin sønn en sten når han ber om brød, eller når han ber om en fisk, gi ham en orm i stedet for fisken,
“Ndiani pakati penyu vanababa, angati, kana mwanakomana wake amukumbira hove, omupa nyoka pachinzvimbo chehove?
12 eller når han ber om et egg, gi ham en skorpion?
Kana kuti akakumbira zai, angamupa chinyavada here?
13 Dersom da I, som er onde, vet å gi eders barn gode gaver, hvor meget mere skal da Faderen, som er i himmelen, gi dem den Hellige Ånd som beder ham!
Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!”
14 Og han drev ut en ond ånd, og den var stum; men det skjedde da den onde ånd var faret ut, da talte den stumme. Og folket undret sig.
Jesu akanga achidzinga dhimoni raiva mbeveve. Dhimoni rakati rabva, munhu uya akanga ari mbeveve akataura, uye vazhinji vakashamiswa nazvo.
15 Men nogen av dem sa: Det er ved Be'elsebul, de onde ånders fyrste, han driver de onde ånder ut.
Asi vamwe vavo vakati, “Anodzinga dhimoni naBheerizebhubhi, muchinda mukuru wamadhimoni.”
16 Andre igjen fristet ham og krevde et tegn fra himmelen av ham.
Vamwewo vakamuedza nokumukumbira chiratidzo.
17 Men da han visste deres tanker, sa han til dem: Hvert rike som kommer i strid med sig selv, legges øde, og hus faller på hus.
Jesu akaziva ndangariro dzavo akati kwavari, “Umambo hupi zvahwo hunozvipesanisa huchaparadzwa, uye imba inozvipesanisa ichawa.
18 Men er nu også Satan kommet i strid med sig selv, hvorledes kan da hans rike bli stående? I sier jo at jeg driver de onde ånder ut ved Be'elsebul.
Kana Satani achizvipesanisa, umambo hwake hungamira seiko? Ndinotaura izvi nokuti munonditi ndinobudisa madhimoni naBheerizebhubhi.
19 Men driver jeg de onde ånder ut ved Be'elsebul, ved hvem er det da eders barn driver dem ut? Derfor skal de være eders dommere.
Zvino kana ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani? Saka zvino, ivo vachava vatongi venyu.
20 Men er det ved Guds finger jeg driver de onde ånder ut, da er jo Guds rike kommet til eder.
Asi kana ndichidzinga madhimoni nomunwe waMwari, ipapo umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.
21 Når den sterke med våben vokter sin egen gård, da får hans eiendom være i fred;
“Kana munhu ane simba, akanyatsoshonga nhumbi dzake dzokurwa, akachengeta imba yake, pfuma yake inochengetedzeka.
22 men når en som er sterkere enn han, kommer over ham og overvinner ham, da tar han hans fulle rustning, som han hadde satt sin lit til, og utdeler det rov han har tatt fra ham.
Asi kana mumwe ane simba akamurwisa uye akamukunda, anomutorera nhumbi dzokurwa dzaanga achivimba nadzo agogova zvaanenge apamba.
23 Den som ikke er med mig, han er imot mig, og den som ikke samler med mig, han spreder.
“Ani naani asiri kudivi rangu anorwa neni, uye asingaunganidzi pamwe chete neni, anoparadzira.
24 Når den urene ånd er faret ut av et menneske, går den gjennem tørre steder og søker hvile, og når den ikke finner det, sier den: Jeg vil vende tilbake til mitt hus som jeg fór ut av.
“Kana mweya wakaipa ukabuda mumunhu, unopinda nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo ugorishayiwa. Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’
25 Og når den kommer dit, finner den det feiet og pyntet.
Paunosvika, unowana imba yakatsvairwa, yanaka uye igere zvakanaka.
26 Så går den bort og tar med sig syv andre ånder, verre enn den selv, og de går inn og bor der, og det siste blir verre med det menneske enn det første.
Ipapo unobuda wondotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kupfuura iwo, igopinda yondogaramo. Uye magumo omunhu uyo akaipa kupfuura okutanga.”
27 Og det skjedde da han sa dette, at en kvinne blandt folket løftet sin røst og sa til ham: Salig er det liv som bar dig, og det bryst som du diet.
Jesu akati achiri kutaura zvinhu izvi, mumwe mukadzi aiva pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Vakaropafadzwa mai vakakuzvarai vakakuyamwisai.”
28 Men han sa: Ja, salige er de som hører Guds ord og bevarer det.
Akapindura akati, “Asi vakaropafadzwa avo vanonzwa shoko raMwari uye vachiriteerera.”
29 Da nu folket strømmet til, tok han til orde: Denne slekt er en ond slekt; den krever tegn, og tegn skal ikke gis den, uten Jonas' tegn.
Vanhu vakati vachiwanda, Jesu akati kwavari, “Rudzi urwu rwakaipa. Runokumbira chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo kunze kwechaJona.
30 For likesom Jonas blev et tegn for folket i Ninive, således skal også Menneskesønnen bli det for denne slekt.
Nokuti sezvo Jona akanga ari chiratidzo kuvaNinevhe, saizvozvowo ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu kurudzi urwu.
31 Dronningen fra Syden skal stå op på dommens dag sammen med mennene av denne slekt og fordømme dem; for hun kom fra jordens ende for å høre Salomos visdom, og se, her er mere enn Salomo.
Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa navarume vorudzi urwu agovapa mhosva; nokuti akabva kumagumo enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino mukuru kuna Soromoni ari pano.
32 Ninives menn skal stå op på dommens dag sammen med denne slekt og fordømme den; for de omvendte sig ved Jonas' forkynnelse, og se, her er mere enn Jonas.
Varume veNinevhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu vagorupa mhosva; nokuti ivo vakatendeuka pakuparidza kwaJona, zvino mukuru kuna Jona ari pano.
33 Ingen som tender et lys, setter det i kjelleren eller under en skjeppe, men i staken, forat de som kommer inn, skal se skinnet av det.
“Hakuna munhu anotungidza mwenje agouisa panzvimbo yakavanda, kana pasi pedengu. Asi anouisa pachigadziko, kuitira kuti vose vanopinda mumba vaone chiedza.
34 Ditt øie er legemets lys; når ditt øie er friskt, da er også hele ditt legeme lyst; men er det sykt, da er også ditt legeme mørkt.
Ziso rako ndiwo mwenje womuviri wako. Kana meso ako akanaka, muviri wako wosewo uzere nechiedza. Asi kana akaipa, muviri wakowo uzere nerima.
35 Se derfor til at lyset i dig ikke er mørke!
Chenjererai kuti chiedza chiri mamuri chirege kuva rima.
36 Dersom altså hele ditt legeme er lyst og ikke har nogen del som er mørk, da først blir det rett lyst helt igjennem, som når lyset lyser på dig med strålende skinn.
Naizvozvo kana muviri wako wose uzere nechiedza, uye pasina chikamu chawo chine rima, uchavhenekerwa zvakakwana, sezvinoita chiedza chomwenje pachinovhenekera pauri.”
37 Men da han hadde talt, bad en fariseer ham at han vilde ete hos ham; han gikk da inn og satte sig til bords.
Jesu akati apedza kutaura, mumwe muFarisi akamukoka kuti azodya naye; saka akaenda, akapinda akagara naye pakudya.
38 Men da fariseeren så at han ikke først vasket sig før måltidet, undret han sig.
Asi muFarisi akaona kuti Jesu akanga asina kutanga ageza asati adya, zvikamushamisa.
39 Da sa Herren til ham: I fariseere renser nu beger og fat utvendig; men eders indre er fullt av rov og ondskap.
Ipapo Ishe akati kwaari, “Zvino, imi vaFarisi munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa.
40 I dårer! han som gjorde det utvendige, har ikke han også gjort det innvendige?
Imi mapenzi avanhu! Ko, akaita kunze haaziye akaitawo nomukati here?
41 Men gi det som er inneni, til almisse, og se, da er alt rent for eder.
Asi ipai zviri mukati mendiro sezvipo kuvarombo, uye ipapo zvose zvichava zvakachena kwamuri.
42 Men ve eder, I fariseere, I som gir tiende av mynte og rute og alle slags maturter, og ikke spør efter rett og kjærlighet til Gud! Dette burde gjøres, og det andre ikke lates ugjort.
“Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munopa kuna Mwari chegumi chemindi, nerui nezvimwe zvirimwa zvomubindu romuriwo, asi muchirega kururamisira, norudo rwaMwari. Maifanira kuzviita izvi musingasiyi zvokutanga zvisati zvaitwa.
43 Ve eder, I fariseere, I som så gjerne vil ha de øverste seter i synagogene og hilsninger på torvene!
“Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munoda zvigaro zvapamusoro mumasinagoge nokukwaziswa pamisika.”
44 Ve eder, I som ligner de ukjennelige graver, som menneskene går omkring på uten å vite av det!
“Mune nhamo imi, nokuti makaita samakuva asina mucherechedzo, vanhu vanofamba napamusoro pawo vasingazvizivi.”
45 Da svarte en av de lovkyndige og sa til ham: Mester! ved å si dette krenker du også oss.
Mumwe wavadudziri vomurayiro akamupindura akati, “Mudzidzisi, kana muchitaura izvi, munotuka nesuwo.”
46 Men han sa: Ve også eder, I lovkyndige, I som lesser byrder på menneskene, som de vanskelig kan bære, og selv rører I ikke byrdene med én av eders fingrer!
Jesu akapindura akati, “Mune nhamo nemiwo vadudziri vomurayiro, nokuti munoremedza vanhu nemitoro yavasingagoni kutakura, asi imi pachenyu hamutongosimudzi munwe wenyu kuti muvabatsire.
47 Ve eder, I som bygger gravsteder for profetene, og eders fedre slo dem ihjel!
“Mune nhamo imi, nokuti munovaka marinda avaprofita, uye madzitateguru enyu ariwo akavauraya.
48 Så gir I da eders fedres gjerninger vidnesbyrd og samtykke; for de slo dem ihjel, og I bygger.
Saka muri kupupura kuti munotenderana nezvakaitwa namadzitateguru enyu; vakauraya vaprofita uye imi munovaka marinda avo.
49 Derfor sa også Guds visdom: Jeg vil sende profeter og apostler til dem, og nogen av dem skal de slå ihjel, og nogen skal de forfølge,
Nokuda kwaizvozvo, Mwari muuchenjeri hwake akati, ‘Ndichatumira vaprofita navapostori, vamwe vavo vachavauraya uye vachatambudza vamwe.’
50 forat alle profeters blod, som er utøst fra verdens grunnvoll blev lagt, skal bli krevd av denne slekt,
Naizvozvo rudzi urwu ruchava nemhosva yeropa ravaprofita vose, rakadeurwa kubva pakuvamba kwenyika,
51 fra Abels blod til Sakarias' blod, han som blev drept mellem alteret og templet. Ja, sier jeg eder, det skal bli krevd av denne slekt.
kubva paropa raAbheri kusvikira kuropa raZekaria, uyo akaurayiwa pakati pearitari neimba tsvene. Hongu, ndinoti kwamuri, rudzi urwu ruchava nemhosva yezvinhu izvi zvose.
52 Ve eder, I lovkyndige, I som har tatt kunnskapens nøkkel til eder! Selv er I ikke gått inn, og dem som var i ferd med å gå inn, har I hindret.
“Mune nhamo imi, vadudziri vomurayiro, nokuti makabvisa kiyi yokuziva. Imi pachenyu hamuna kupinda, uye makadzivisa vaya vakanga vachipinda.”
53 Og da han gikk ut derfra, begynte de skriftlærde og fariseerne å trenge hårdt inn på ham og å spørre ham ut om mangt og meget,
Jesu akati abva ipapo, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kumupikisa zvikuru nokumubvunza mibvunzo yakawanda,
54 for de lurte på ham for å lokke noget ut av hans munn.
vachimirira kuti vamubate pane zvaaizotaura.