< Jeremias 31 >
1 På den tid, sier Herren, vil jeg være alle Israels ætters Gud, og de skal være mitt folk.
“Panguva iyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichava Mwari wamarudzi ose aIsraeri, naivo vachava vanhu vangu.”
2 Så sier Herren: Det folk som er undkommet fra sverdet, har funnet nåde i ørkenen; jeg vil gå og føre Israel til ro.
Zvanzi naJehovha: “Vanhu vakapunyuka pamunondo vachawana nyasha mugwenga; ndichauya kuzopa zororo kuna Israeri.”
3 Fra det fjerne har Herren åpenbaret sig for mig: Ja, med evig kjærlighet har jeg elsket dig; derfor har jeg latt min miskunnhet mot dig vare ved.
Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti: “Ndakakudai norudo rusingaperi; ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu.
4 Ennu en gang vil jeg bygge dig, og du skal bli bygget, du jomfru, Israel! Ennu en gang skal du pryde dig med dine trommer og gå ut i dansen med de glade.
Ndichakuvakazve, ipapo uchavakwa, iwe Mhandara Israeri. Uchatorazve matambureni ako ugoenda kundotamba navanofara.
5 Ennu en gang skal du plante vingårder på Samarias fjell; de som planter dem, skal også ta dem i bruk.
Zvakare, muchasima minda yemizambiringa pamusoro pezvikomo zveSamaria; varimi vachaisima, vagofadzwa nezvibereko zvayo.
6 For det kommer en dag da vektere skal rope på Efra'ims fjell: stå op og la oss dra op til Sion, til Herren vår Gud!
Pachava nezuva richadanidzira nharirire dziri pamusoro pezvikomo zveEfuremu, dzichiti, ‘Uyai, ngatikwidzei kuZioni, kuna Jehovha Mwari wedu.’”
7 For så sier Herren: Juble over Jakob med glede og rop med fryd over det ypperste blandt folkene! La lovsang lyde og si: Herre, frels ditt folk, dem som er igjen av Israel!
Zvanzi naJehovha: “Imbirai Jakobho nomufaro; pururudzirai mukuru wendudzi. Paridzai, rumbidzai, muchiti, ‘Haiwa Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara vaIsraeri.’
8 Se, jeg fører dem fra landet i nord og samler dem fra jordens ytterste ende; blandt dem er det både blinde og halte, både fruktsommelige og fødende; som en stor skare skal de komme hit tilbake.
Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro, uye ndigovaunganidza kubva kumigumo yenyika. Pakati pavo pachava namapofu nezvirema, navanamai vane pamuviri navakadzi vanorwadziwa; boka guru richadzoka kuno.
9 Med gråt skal de komme og med ydmyke bønner, og jeg vil lede dem; jeg vil føre dem til rinnende bekker på en jevn vei, hvor de ikke skal snuble; for jeg er blitt en far for Israel, og Efra'im er min førstefødte.
Vachauya vachichema; vachanyengetera pandinenge ndichivadzosa. Ndichavafambisa nepahova dzemvura, napanzira yakati chechetere yavasingagumburwi, nokuti ndiri baba vaIsraeri, uye Efuremu ndiye dangwe rangu.
10 Hør Herrens ord, I folk, og forkynn det på øene langt borte og si: Han som adspredte Israel, skal samle det og vokte det, som en hyrde vokter sin hjord.
“Inzwai shoko raJehovha imi ndudzi dzose; muriparidze kuzviwi zviri kure muchiti: ‘Iye akaparadzira Israeri ndiye achavaunganidza, uye achavachengeta somufudzi anochengeta boka ramakwai ake.’
11 For Herren har fridd Jakob ut og løst ham av dens hånd som var sterkere enn han.
Nokuti Jehovha achasunungura Jakobho, uye agovadzikinura kubva muruoko rwaivo vane simba kupinda ivo.
12 Og de skal komme og synge med fryd på Sions berg, og de skal strømme til Herrens gode ting, til korn og til most og til olje og til unge får og okser, og deres sjel skal være som en vannrik have, og de skal ikke vansmekte mere.
Vachauya vachipembera nomufaro pamusoro peZioni; vachafara nokupa zvakanaka kwaJehovha, nokuda kwezviyo, newaini itsva uye namafuta, makwayana nemombe. Vachafanana nebindu rakanyatsodiridzwa, uye havachazosuwazve.
13 Da skal jomfruer glede sig i dans, og unge og gamle skal glede sig sammen, og jeg vil vende deres klage til fryd og trøste dem og glede dem efter deres sorg.
Ipapo varandakadzi vachatamba uye vachafara, majaya navatana vachafarawo. Ndichashandura kuchema kwavo kuti kuve mufaro; ndichavanyaradza uye ndichavapa mufaro pachinzvimbo chokusuwa.
14 Og jeg vil vederkvege prestene med det fete, og mitt folk skal mettes med mine gode ting, sier Herren.
Ndichagutsa vaprista nezvakawanda, uye vanhu vangu vachazadzwa nokupa zvakanaka kwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
15 Så sier Herren: En røst høres i Rama, veklage, bitter gråt; Rakel gråter over sine barn; hun vil ikke la sig trøste over sine barn, for de er ikke mere til.
Zvanzi naJehovha: “Inzwi rinonzwikwa muRama, rokuungudza nokuchema kukuru, Rakeri achichema vana vake uye achiramba kunyaradzwa, nokuti vana vake havachipo.”
16 Så sier Herren: Hold op med din gråt, og la ikke dine øine felle tårer mere! Du skal få lønn for ditt arbeid, sier Herren, og de skal vende tilbake fra fiendens land.
Zvanzi naJehovha: “Dzora inzwi rako pakuchema nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachadzoka vachibva kunyika yomuvengi.
17 Og det er håp for din fremtid, sier Herren, og barna skal vende tilbake til sitt land.
Saka ramangwana rako rine tariro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vana vako vachadzokera kunyika yavo.”
18 Jeg har hørt Efra'im klage: Du har tuktet mig, ja, jeg blev tuktet som en utemmet kalv; omvend mig du, så blir jeg omvendt, du er jo Herren min Gud.
“Zvirokwazvo ndanzwa kuchema kwaEfuremu achiti: ‘Makandirova semhuru isina kupingudzwa, nokudaro ndakarangwa. Ndidzorei, ipapo ndichadzoka, nokuti imi ndimi Jehovha Mwari wangu.
19 For efterat jeg har vendt mig bort fra dig, angrer jeg, og efterat jeg har fått forstand, slår jeg mig på lenden; jeg blues, ja, jeg skammer mig, for jeg bærer min ungdoms skam.
Mushure mokutsauka kwangu, ndakatendeuka; ndakati ndanzwisisa ndakazvirova chipfuva. Ndakanyadziswa uye ndakaninipiswa nokuti ndakatakura nyadzi dzouduku hwangu.’
20 Er da Efra'im en så dyrebar sønn for mig eller mitt kjæreste barn, siden jeg ennu må komme ham i hu, enda jeg så ofte har talt mot ham? Derfor røres mitt hjerte av medynk med ham, jeg må forbarme mig over ham, sier Herren.
Ko, Efuremu haasi mwanakomana wangu anodikanwa, mwana anondifadza here? Kunyange ndichimupikisa kazhinji, ndinoramba ndichimurangarira. Naizvozvo, mwoyo wangu unomushuva; ndinomunzwira tsitsi kwazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
21 Reis dig merkestener, sett dig veivisere, gi akt på den banede vei, den vei du gikk! Vend tilbake, du jomfru, Israel, vend tilbake til dine byer her!
“Zvimisirei shongwe dzenzira; misai zvikwangwani. Cherechedzai mugwagwa mukuru, mugwagwa wamunofamba nawo. Dzoka, iwe Mhandara Israeri, dzokera kumaguta ako.
22 Hvor lenge vil du vanke omkring, du frafalne datter? For Herren skaper noget nytt i landet: Kvinnen skal stadig være om mannen.
Uchadzungaira kusvikira rinhiko, iwe mwanasikana wokusatendeka? Jehovha achasika chinhu chitsva panyika, zvokuti mukadzi achambundikira murume.”
23 Så sier Herren, hærskarenes Gud, Israels Gud: Ennu en gang skal de si så i Juda land og i dets byer, når jeg gjør ende på deres fangenskap: Herren velsigne dig, du rettferdighets bolig, du hellige berg!
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: “Pandichavadzosazve kubva kuutapwa, vanhu vari munyika yeJudha nomumaguta ayo vachataurazve mashoko aya okuti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe ugaro hwakarurama, iwe gomo dzvene.’
24 Og Juda med alle sine byer skal bo der sammen som jordbrukere og omvandrende hyrder.
Vanhu vachagara pamwe chete muJudha nomumaguta ayo ose, varimi navaya vanofamba namapoka avo.
25 For jeg vil kvege den trette sjel, og hver vansmektende sjel vil jeg mette.
Ndichasimbisa vanenge vaneta uye ndichagutsa vanenge vaziya.”
26 Ved dette våknet jeg og så mig om, og jeg fant at min søvn hadde vært herlig.
Ipapo ndakamuka ndokuringa-ringa. Ndakanga ndarara zvakanaka.
27 Se, dager kommer, sier Herren, da jeg vil tilså Israels land og Judas land med menneskers sæd og med dyrs sæd.
“Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichasima muimba yaIsraeri nomuimba yaJudha zvibereko zvavanhu nezvibereko zvemhuka.
28 Og likesom jeg har våket over dem for å rykke op og for å rive og bryte ned og ødelegge og plage dem, således vil jeg også våke over dem for å bygge og plante, sier Herren.
Sezvandakavarindira kuti ndidzure, ndikoromore, uye ndiwisire pasi, ndiparadze, ndiuyise njodzi, saizvozvo ndichavarindira, kuti ndivake uye ndisime,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
29 I de dager skal de ikke mere si: Fedrene åt sure druer, og barnas tenner blev såre.
“Mumazuva iwayo vanhu havangazoti, “‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, mazino avana akaita hwadzira.’
30 Men enhver skal dø for sin egen misgjernings skyld; hvert menneske som eter sure druer, han skal selv få såre tenner.
Asi, mumwe nomumwe achafa nokuda kwezvakaipa zvake; ani naani anodya mazambiringa anovava, mazino ake achaita hwadzira.
31 Se, dager kommer, sier Herren, da jeg vil oprette en ny pakt med Israels hus og med Judas hus,
“Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.
32 ikke som den pakt jeg oprettet med deres fedre på den dag da jeg tok dem ved hånden for å føre dem ut av Egyptens land, den pakt med mig som de brøt, enda jeg var deres ektemann, sier Herren;
Haingazofanani nesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata ruoko kuti ndivabudise munyika yeIjipiti, nokuti vakaputsa sungano yangu, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
33 men dette er den pakt jeg vil oprette med Israels hus efter de dager, sier Herren: Jeg vil gi min lov i deres sinn og skrive den i deres hjerte, og jeg vil være deres Gud, og de skal være mitt folk;
“Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo uye ndigounyora mumwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
34 og de skal ikke mere lære hver sin næste og hver sin bror og si: Kjenn Herren! For de skal alle kjenne mig, både små og store, sier Herren; for jeg vil forlate deres misgjerning og ikke mere komme deres synd i hu.
Hakuna munhu achadzidzisa muvakidzani wake kana hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku wavo kusvikira kumukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ndichavakanganwira kuipa kwavo, uye handingarangaririzve zvivi zvavo.”
35 Så sier Herren, som satte solen til lys om dagen og lover for månen og stjernene, så de lyser om natten, han som oprører havet så dets bølger bruser - Herren, hærskarenes Gud, er hans navn:
Zvanzi naJehovha, iye anogadza zuva kuti rivhenekere masikati, anoisa chirevo kumwedzi nenyeredzi kuti zvivhenekere usiku, iye anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose, ndiro zita rake:
36 Dersom disse lover ikke lenger står ved makt for mitt åsyn, sier Herren, da skal også Israels ætt ophøre å være et folk for mitt åsyn alle dager.
“Kana chete mitemo iyi ikabva pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndiko kuti zvizvarwa zvaIsraeri zvigume kuva rudzi pamberi pangu.”
37 Så sier Herren: Dersom himmelen kan måles der oppe, og jordens grunnvoller utforskes der nede, da vil også jeg forkaste all Israels ætt for alt det de har gjort, sier Herren.
Zvanzi naJehovha: “Kana chete matenga ari kumusoro akagona kuyerwa, uye nheyo dzenyika dziri pasi dzikagona kunzverwa, ipapo ndipo pandingarambe zvizvarwa zvaIsraeri nokuda kwezvose zvavakaita,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
38 Se, dager kommer, sier Herren, da byen skal bygges for Herren, fra Hananels tårn like til Hjørneporten,
“Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichavakirazve guta kubva paShongwe yeHananeri kusvikira paSuo reKona.
39 og målesnoren skal gå videre rett frem over Gareb-haugen, og så skal den vende sig til Goa,
Rwodzi rwokuyera ruchatandavara kubva ipapo kusvikira kuchikomo cheGarebhi ndokudzoka ruchisvika kuGoa.
40 og hele dalen med de døde kropper og asken, og alle markene like til Kedrons bekk, til Hesteportens hjørne mot øst, skal være hellige for Herren. Der skal aldri mere rykkes noget op eller brytes noget ned.
Mupata wose unorasirwa zvitunha namadota, neminda yose kusvikira kuMupata weKidhironi kumabvazuva kusvikira kukona reSuo raMabhiza, zvichava zvitsvene kuna Jehovha. Guta harichazombodzurwi kana kuparadzwazve.”