< 2 Timoteus 2 >

1 Så bli da du, min sønn, sterk ved nåden i Kristus Jesus,
Naizvozvo iwe, mwana wangu, simba munyasha dziri muna Kristu Jesu.
2 og det som du har hørt av mig i mange vidners nærvær, overgi det til trofaste mennesker som er duelige til også å lære andre!
Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, uzvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe.
3 Lid ondt med mig som en god Kristi Jesu stridsmann!
Naizvozvo iwe utambudzike zvakaoma, semurwi wakanaka waJesu Kristu.
4 Ingen som gjør krigstjeneste, blander sig inn i livets sysler, forat han kan tekkes sin hærfører.
Hakuna munhu anobata semurwi anozvipinganidza nezviitiko zveupenyu, kuti afadze uyo wakamupinza basa.
5 Men om nogen også strider i veddekamp, får han dog ikke kransen hvis han ikke strider på den rette måte.
Uye kana munhuwo achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo.
6 Den bonde som arbeider, bør først nyte fruktene.
Murimi anobata zvakasimba anofanira kutanga kugamuchira zvibereko.
7 Forstå det jeg sier! for Herren skal gi dig forstand på alt.
Fungisisa zvandinoreva; uye Ishe ngaakupe kunzwisisa pazvinhu zvese.
8 Kom Jesus Kristus i hu, som er opstanden fra de døde, av Davids ætt, efter mitt evangelium,
Rangarira Jesu Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, wembeu yaDhavhidhi, zvichienderana neevhangeri yangu;
9 for hvis skyld jeg lider ondt like til dette å være bundet som en ugjerningsmann; men Guds ord er ikke bundet.
yandinotambudzika mairi zvakaipa, kusvikira pazvisungo, semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa.
10 Derfor tåler jeg alt for de utvalgtes skyld, forat også de skal vinne frelsen i Kristus Jesus med evig herlighet. (aiōnios g166)
Saka ndinotsungirira zvinhu zvese nekuda kwevakasanangurwa, kuti naivo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi. (aiōnios g166)
11 Det er et troverdig ord; for er vi død med ham, skal vi og leve med ham;
Shoko iri rakatendeka; nokuti kana takafa pamwe naye, tichararamawo pamwe naye.
12 holder vi ut, skal vi og herske med ham; fornekter vi, skal han og fornekte oss;
Kana tikatsungirira, tichatongawo pamwe naye; kana tikamuramba, naiye achatiramba.
13 er vi troløse, så er han trofast; for han kan ikke fornekte sig selv.
Kana tisingatendeki, iye anoramba akatendeka; iye haagoni kuzviramba.
14 Minn om dette, idet du vidner for Herrens åsyn at de ikke skal ligge i ordkrig, til ingen nytte, men til undergang for dem som hører på.
Uvarangaridze zvinhu izvi, uchirairisa pamberi paIshe kusapikisa pamashoko kusingabatsiri chinhu asi kutsausa vanonzwa.
15 Legg vinn på å fremstille dig for Gud som en som holder prøve, som en arbeider som ikke har noget å skamme sig over, idet du rettelig lærer sannhetens ord.
Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri wakatendeka, mushandi asingafaniri kunyadziswa, anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.
16 Men hold dig fra det vanhellige tomme snakk! for de går alltid videre i ugudelighet,
Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusatya Mwari,
17 og deres ord vil ete om sig som dødt kjøtt. Blandt disse er Hymeneus og Filetus,
neshoko ravo richanyenga segomarara; pakati pavo pana Himenayosi naFiretosi;
18 som har faret vill fra sannheten, idet de sier at opstandelsen allerede har vært, og de nedbryter troen hos somme.
ivo vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwatovapo, vachipidigura rutendo rwevamwe.
19 Men Guds faste grunnvoll står og har dette segl: Herren kjenner sine, og: Hver den som nevner Herrens navn, skal avstå fra urettferdighet!
Kunyange zvakadaro nheyo yaMwari inomira yakasimba, ine mucherechedzo uyu: Ishe anoziva vari vake, uye kuti: Umwe neumwe anoreva zita raKristu ngaabve pakusarurama.
20 Men i et stort hus er det ikke bare kar av gull og sølv, men også kar av tre og ler, og nogen til ære, andre til vanære.
Asi muimba huru hamuna midziyo yegoridhe neyesirivheri chete, asiwo yematanda neyevhu, uye imwe ndeyekukudzwa asi imwe ndeyekusakudzwa.
21 Holder da nogen sig ren fra disse, da vil han være et kar til ære, helliget, nyttig for husbonden, rede til all god gjerning.
Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, achava mudziyo wekukudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa basa rese rakanaka.
22 Men fly ungdommens lyster, og jag efter rettferdighet, tro, kjærlighet, fred med dem som påkaller Herren av et rent hjerte!
Tizawo kuchiva kweudiki, asi uteverere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna Ishe zvichibva pamoyo wakachena.
23 Og vis fra dig de dårlige og uforstandige stridsspørsmål, for du vet at de føder strid!
Asi mibvunzo yeupenzi neyekusadzidza urambe, uchiziva kuti zvinomutsa kurwa.
24 Men en Herrens tjener må ikke stride, han må være mild imot alle, duelig til å lære andre, i stand til å tåle ondt,
Zvino muranda waIshe haafaniri kurwa, asi ave munyoro kune vese, anoziva kudzidzisa, ane moyo murefu,
25 så han med saktmodighet viser dem til rette som sier imot, om Gud dog engang vilde gi dem omvendelse, så de kunde kjenne sannheten
anoraira neunyoro avo vanozvipikisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeukira kuruzivo rwechokwadi,
26 og våkne igjen av sitt rus i djevelens snare, han som de er fanget av, så de må gjøre hans vilje.
uye vapengenuke kubva pamusungo wadhiabhorosi, wavakange vakabatwa naye pakuda kwake.

< 2 Timoteus 2 >