< 2 Krønikebok 28 >

1 Akas var tyve år gammel da han blev konge, og regjerte seksten år i Jerusalem. Han gjorde ikke hvad rett var i Herrens øine, som hans far David,
Ahazi aiva namakore makumi maviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Haana kufanana naDhavhidhi baba vake, haana kuita zvakanaka pamberi paJehovha.
2 men vandret på Israels kongers veier og gjorde endog støpte billeder for Ba'alene.
Akafamba nomunzira dzamadzimambo eIsraeri akagadzirawo zvifananidzo zvokunamatisa vaBhaari.
3 Han brente røkelse i Hinnoms sønns dal og lot sine sønner gå igjennem ilden efter de vederstyggelige skikker hos de folk som Herren hadde drevet bort for Israels barn,
Akapisa zvipiriso zvinopiswa mumupata weBheni Hinomi akabayira vanakomana vake mumoto, achitevedzera nzira dzinonyangadza dzendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.
4 og han ofret og brente røkelse på haugene og bakkene og under hvert grønt tre.
Akapa zvibayiro uye akapisira zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira, pamusoro pezvikomo napasi pomuti wose wakapfumvutira.
5 Så gav Herren hans Gud ham i syrerkongens hånd, og de slo ham og førte mange av hans folk bort som fanger til Damaskus. Han blev også gitt i Israels konges hånd, som vant en stor seier over ham.
Naizvozvo Jehovha Mwari wake akamuisa mumaoko amambo weAramu. VaAramu vakamukunda uye vakatora vanhu vake vazhinji senhapwa vakauya navo kuDhamasiko. Akaiswawo mumaoko amambo weIsraeri uyo akauraya vanhu vazhinji kwazvo.
6 Pekah, Remaljas sønn, drepte på en dag hundre og tyve tusen mann i Juda, alle sammen djerve menn, fordi de hadde forlatt Herren, sine fedres Gud.
Pazuva rimwe chete, Peka mwanakomana waRemaria akauraya varwi zviuru zana namakumi maviri muJudha, nokuti Judha yakanga yarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo.
7 Og Sikri, en stor stridsmann fra Efra'im, drepte kongesønnen Ma'aseja og slottshøvdingen Asrikam og Elkana, som var den næste efter kongen.
Zikiri murwi wokuEfuremu, akauraya Maaseya mwanakomana wamambo, Azirikami mutariri mukuru womuzinda naErikana, mutevedzeri wamambo.
8 Israels barn førte bort med sig to hundre tusen fanger fra sine brødre - deres hustruer, sønner og døtre; de tok også meget hærfang blandt dem og førte det til Samaria.
VaIsraeri vakatapa kubva kuhama dzavo vakadzi navanakomana navanasikana zviuru mazana maviri. Vakapambawo zvinhu zvakawanda, zvavakatakura vakadzokera nazvo kuSamaria.
9 Der var det en Herrens profet som hette Oded; han gikk ut imot hæren da den kom til Samaria, og sa til dem: Hør, Herren, eders fedres Gud, har i sin harme over Juda gitt dem i eders hånd, men I har hugget ned iblandt dem med slik vrede at det er nådd like til himmelen.
Asi muprofita waJehovha ainzi Odhedhi akanga aripo, uye akabuda kundosangana nehondo payakadzoka kubva kuSamaria. Akati kwavari, “Nokuti Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu akanga atsamwira Judha, akavaisa muruoko rwenyu. Asi mavauraya nehasha dzinosvika kudenga.
10 Og nu tenker I på å tvinge Judas og Jerusalems barn til å være træler og trælkvinner for eder; har I ikke selv skyld nok på eder for Herren eders Gud?
Uye zvino mava kuda kuita varume navakadzi veJudha neJerusarema nhapwa dzenyu. Asi imiwo hamuna here mhosva dzezvivi zvamakaitira Jehovha Mwari wenyu?
11 Så hør nu på mig og send fangene tilbake som I har bortført fra eders brødre! For Herrens brennende vrede er over eder.
Zvino chiteererai kwandiri! Dzorerai kwakare hama dzenyu dzamatora savasungwa, nokuti kutsamwa kwaMwari kunotyisa kuri pamusoro penyu.”
12 Da var det nogen menn blandt overhodene for Efra'ims barn som trådte frem for dem som kom fra krigen - det var Asarja, Johanans sønn, Berekja, Mesillemots sønn, og Hiskias, Sallums sønn, og Amasa, Hadlais sønn -
Ipapo vamwe vatungamiri vemuEfuremu vaiti Azaria, mwanakomana waJehohanani, Bherekia mwanakomana waMeshiremoti, Jehizikia mwanakomana waSharumi naAmasa mwanakomana waHadhirai, vakandotongesa avo vakanga vachisvika vachibva kuhondo.
13 og de sa til dem: I skal ikke føre fangene her inn; I tenker vel på å øke våre synder og vår brøde og således riktig føre skyld over oss for Herren; men vår skyld er alt stor nok, og der er brennende vrede over Israel.
Vakati, “Hamufaniri kuuyisa vasungwa ivavo kuno kuti tirege kuva nemhosva pamberi paJehovha. Munoda kuwedzera here pamusoro pechivi chedu nemhosva yedu? Nokuti mhosva yedu yatokura kare, uye kutsamwa kwake kunotyisa kwava pamusoro peIsraeri.”
14 Da gav krigsfolket fra sig fangene og hærfanget for høvdingenes og hele folkemengdens øine.
Saka varwi vakasiya vasungwa nezvose zvavakanga vapamba pamberi pavakuru neungano yose.
15 Og de menn som nettop er nevnt, kom og tok fangene og klædde alle som var nakne iblandt dem, med klær som de tok av hærfanget; de gav dem både klær og sko, både mat og drikke, og salvet dem, og alle de skrøpelige iblandt dem satte de op på asener og førte dem til Jeriko, Palmestaden, til deres brødre; så vendte de selv hjem igjen til Samaria.
Varume varehwa namazita avo vakatora vasungwa uye kubva pane zvavakanga vapamba vakapfekedza vakanga vakashama. Vakavapa nguo neshangu, zvokudya nezvokunwa, uye namafuta okuporesa. Avo vose vakanga vasina simba vakavakwidza pambongoro. Saizvozvo vakavadzorera kunyika yavo kuJeriko, muGuta reMichindwe uye vakadzokera kuSamaria.
16 På denne tid sendte kong Akas bud til kongene i Assyria og bad dem om hjelp.
Panguva iyoyo mambo Ahazi akatsvaka rubatsiro kubva kuna mambo weAsiria.
17 For også edomittene kom og slo Juda og førte bort fanger,
VaEdhomu vakanga vauyazve vakarwisa Judha uye vakaenda navasungwa.
18 og filistrene falt inn i byene i Juda, både i lavlandet og i sydlandet, og inntok Bet-Semes og Ajalon og Gederot, likeledes Soko med tilhørende småbyer og Timna med tilhørende småbyer og Gimso med tilhørende småbyer og bosatte sig der.
Panguva imwe cheteyo vaFiristia vakanga vapamba maguta omujinga mezvikomo nomuNegevhi yeJudha. Vakatora uye vakagara muBheti Shemeshi, Aijaroni neGedheroti pamwe chete neSoko, Timina neGimizo nemisha yawo yose yakaapoteredza.
19 For Herren vilde ydmyke Juda for Israels konge Akas' skyld, fordi han hadde forført Juda til tuktløshet og båret sig så troløst at mot Herren.
Jehovha akaninipisa Judha nokuda kwaAhazi mambo weIsraeri, nokuti akanga akurudzira zvakaipa muJudha uye akanga anyanya kusatendeka kuna Jehovha.
20 Så kom kongen i Assyria Tilgat-Pilneser mot ham og fór fiendtlig frem mot ham istedenfor å støtte ham.
Tigirati-Pireseri mambo weAsiria akauya kwaari, asi akamupa matambudziko pano kuti amubatsire.
21 For enda Akas plyndret Herrens hus og kongens hus og høvdingene og gav det til Assyrias konge, så hjalp det ham ikke.
Ahazi akatora zvimwe zvezvinhu zvaiva mutemberi yaJehovha, uye kubva mumuzinda wamambo nokumachinda amambo, akazvipa kuna mambo weAsiria, asi izvi hazvina kumubatsira.
22 Og på den tid han var stedt i nød, bar han sig ennu mere troløst at mot Herren - han, kong Akas;
Munguva yake yokutambudzika mambo Ahazi akatonyanya kusatendeka kuna Jehovha.
23 han ofret til gudene i Damaskus, som hadde slått ham, og sa: Siden syrerkongenes guder har hjulpet dem, så vil jeg ofre til dem, forat de skal hjelpe mig. Men de blev til fall for ham og for hele Israel.
Akapa zvibayiro kuna vamwari veDhamasiko vakanga vamukunda; nokuti akafunga akati, “Sezvo vamwari vemadzimambo eAramu vakavabatsira ini ndichapa zvibayiro kwavari kuti vangondibatsira.” Asi ndivo vakava kuwa kwake nokweIsraeri yose.
24 Akas samlet også karene i Guds hus og brøt gullet av dem og stengte dørene til Herrens hus og gjorde sig alter ved hvert hjørne i Jerusalem.
Ahazi akaunganidza midziyo yose yomutemberi akaitakura akaenda nayo. Akapfiga masuo etemberi yaJehovha akagadzira aritari pamakona ose emigwagwa yeJerusarema.
25 Og i hver eneste by i Juda gjorde han hauger til å brenne røkelse på for fremmede guder og vakte således harme hos Herren, sine fedres Gud.
Muguta rimwe nerimwe reJudha akavaka nzvimbo dzakakwirira kuti agopisira zvipiriso kuna vamwe vamwari uye zvikamutsa kutsamwa kwaJehovha, Mwari wamadzibaba ake.
26 Hvad som ellers er å fortelle om ham og om alt det han tok sig fore, både i sine første og i sine senere dager, det er opskrevet i boken om Judas og Israels konger.
Zvimwe zvaakaita pamazuva okutonga kwake nenzira dzake dzose kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eJudha neIsraeri.
27 Og Akas la sig til hvile hos sine fedre, og de begravde ham i staden - i Jerusalem, men de vilde ikke legge ham i Israels kongers graver. Og hans sønn Esekias blev konge i hans sted.
Ahazi akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta reJerusarema, asi haana kuradzikwa mumakuva amadzimambo eIsraeri. Uye Hezekia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

< 2 Krønikebok 28 >