< Matei 7 >

1 “Mkoto kuvahamula vangi, muni na nyenye yati mwihamuliwa lepi na Chapanga,
“Usatonga kuti newewo urege kutongwa.
2 Ndava muni chemukuvahamula vangi, na nyenye yati mwihamuliwa, na chipimu chilachila cha mwihengela kwa vangi, ndi Chapanga yati avahengela nyenye.
Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri.
3 Ndava kyani wilola lungoda mulihu la mlongo waku, na kuni wangaluwona lumbagalu mulihu laku?
“Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako?
4 Amala yati wijova wuli, kwa mlongo waku, ‘Linda hoti, nikuwusa lungoda mulihu laku,’ Kuni wamwene una lumbagalu mulihu laku?
Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako?
5 Veve mweukujikita kuvya mbwina! Wusa hoti lumbagalu lweluvi mulihu laku. Pena ndi peuhotola kulola bwina kuwusa lungoda mulihu la mlongo waku.”
Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.
6 “Mkoto kugapela mabwa vindu vyamsopi vakotoka kung'anamuka na kuvalemasa mwavene, amala mkoto kugapela maguluvi lulu zeziguliswa kwa mashonga gamahele muni vakotoka kulivatila kwa magendelu gavi.”
“Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsika-tsika pasi petsoka, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvambura-bvamburai.
7 “Muyupa yati mwipewa, mlondai yati mwipata, muhodisa mlyangu yati vakuvadindulila.
“Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa.
8 Ndava muni mweiyupa ipewa na mweilonda yati ipata na mweihodisa mlyangu yati idinduliliwa.
Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo.
9 Wu, avi mmonga pagati yinu, ngati mwana waki akamuyupa libumunda akumpela liganga?
“Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe?
10 Amala akamuyupa somba akumpela liyoka?
Kana kuti akakumbira hove iye omupa nyoka?
11 Ngati hinu nyenye, mwavahakau, mwimanya kuvapela vana vinu vindu vyabwina, chakaka Dadi winu wa kunani akuvahengela neju akuvapela vindu vyabwina, vala vevakumuyupa.”
Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira!
12 “Goha gemwigana vandu vavahengela nyenye, mvahengela na vene mewawa. Yeniyi ndi maana ya Malagizu ga Bambu geampeli Musa na mawuliwu ga vamlota va Chapanga.”
Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti izvi ndizvo Murayiro naVaprofita.
13 “Muyingila kwa kupitila mlyangu udebe. Ndava muni njila yeyilongosa mukuyongomela ndi yipana na mlyangu waki ndi upana, veviyingila mwenumo ndi vamahele.
“Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhama zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro.
14 Nambu njila yeyilongosa kuyingila kuwumi wa magono goha ndi ngalingasi na mlyangu waki ungalingasi, vandu vamahele lepi vevihotola kumanya njila yeniyi.”
Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana.
15 “Mujiyangalila na vamlota va udese, vene vibwela kwinu vakujilangisa cha kuvala ngati limbelele, nambu chamugati ndi libwa likali la kudahi.
“Chenjererai vaprofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe emakwai asi mukati mavo vari mapere anoparadza.
16 Mukuvamanya ndava ya matendu gavi. Wu, vandu viyava matunda ga zabibu mumkongo wa minga amala tini mumkongo wa minga?
Muchavaziva nemichero yavo. Vanhu vanganhonga mazambiringa pamuti weminzwa here, kana maonde parukato?
17 Mewawa ndi kila mkongo wabwina wipambika matunda gabwina, na mkongo uhakau wipambika matunda gahakau.
Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa.
18 Mkongo wabwina nakuhotola kupambika matunda gahakau, kavili mkongo mhakau nakupambika matunda gabwina.
Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nemuti wakaipa haungabereki michero yakanaka.
19 Kila mkongo wangapambika matunda gabwina yati udumuliwa na kutagiwa kumotu.
Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto.
20 Hinu, mukuvamanya ndava ya matendu gavi.”
Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo.
21 “Lepi kila mundu mweakunikemela, ‘Bambu, Bambu,’ Yati iyingila Muunkosi wa Chapanga. Nambu ngayula mweihenga geigana Dadi wangu mweavi kunani.”
“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.
22 Vamahele, “Yati vakunijovela, ‘Ligono lila la uhamula wa Bambu, Bambu! Paliina laku tavakokosili vandu ujumbi waku, na paliina laku tavawusili vandu mizuka na kukita gachinamtiti yamahele.’
Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’
23 Kangi yati nikuvajovela, katu nakuvamanya nyenye, muwuka palongolo yangu mwemuhenga gahakau!”
Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’
24 “Hinu mundu yeyoha mweiyuwana malovi gangu na kugahenga, iwanangana na mundu mweavi na luhala lwabwina, mweajengili nyumba yaki panani ya litalau.
“Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware.
25 Fula yikatonya na mifuleni yikamema manji gamahele, mpungu wakabwela na kuyitova nyumba yeniyo. Nambu nyumba yeniyo nakugwa ndava yijengiwi panani ya litalau.”
Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya, asi haina kuputsika, nokuti hwaro hwayo hwaiva paruware.
26 “Nambu mundu yeyoha mweiyuwana malovi gangu na ibela kugahenga, iwanangana na mundu myimu mweijenga nyumba yaki panani ya msavati.
Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha.
27 Fula yikatonya na mifuleni yikamema manji gamahele na mpungu ukabwela na kuitova nyumba yeniyo, nayene yikagwa na kudenyekana neju!”
Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya ikawa nokuwa kukuru.”
28 Yesu peamali kujova malovi ago, msambi wa vandu ukakangaswa ndava ya mawuliwu gaki.
Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi vazhinji vaivapo vakashamiswa nokudzidzisa kwake,
29 Muni awulayi ngati mundu mweavi na uhotola ndi lepi ngati vawula vavi va malagizu.
nokuti akadzidzisa somurume aiva nesimba kwete samadzidzisiro aiitwa navadzidzisi vavo vomurayiro.

< Matei 7 >