< Luka 4 >
1 Yesu akahuma ku Yoludani, kuni amemiswi Mpungu Msopi na kalongoswa nayu kuhamba kulugangatu.
Jesu, azere noMweya Mutsvene, akadzoka kubva paJorodhani akatungamirirwa noMweya mugwenga,
2 Kwenuko Setani amlingili kwa magono alobaini. Magono genago goha atamili changalya chindu, pamwishu njala yikamuvina.
umo maakaedzwa naSatani kwamazuva makumi mana. Haana chaakadya pamazuva iwayo, uye pakupera kwamazuva iwayo akanzwa nzara.
3 Setani akamjovela, “Ngati veve Mwana wa Chapanga, lijovela liganga lenili livya libumunda.”
Satani akati kwaari, “Kana iwe uri mwanakomana waMwari, rayira dombo iri kuti rive chingwa.”
4 Yesu akamyangula, “Mayandiku Gamsopi gijova, wumi wa mundu uvi lepi ndava ya kulya libumunda lene.”
Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.’”
5 Kangi mzuka mkulu akamtola mbaka panani neju, kugubika na kugubukula mihu, ndi akamlangisa unkosi woha weuvili pamulima poha.
Satani akamutungamirira kunzvimbo yakakwirira uye akamuratidza munguva diki diki umambo hwose hwenyika.
6 Penapo Setani akamjovela, “Yati nikupela kutalalila vindu vyoha ivi na ukulu waki woha. Muni nipewili vindu ivi vyoha, na nene ngati nigana yati nikumpela mundu yoyoha nihotola kumpela.
Akati kwaari, “Ndichakupa simba rahwo rose nokubwinya kwahwo, nokuti ndakahupiwa, uye ini ndinogona kuhupa kuna ani zvake wandinoda.
7 Yati nikupela ivi vyoha, ngati unifugamila.”
Saka kana ukandinamata, huchava hwako hwose.”
8 Yesu akamyangula, “Mayandiku Gamsopi gijova. ‘Yati ukumfugamila Bambu Chapanga na kumhengela mwene ndu.’”
Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’”
9 Kangi Mzuka mkulu akamtola mbaka ku Yelusalemu na kuyima panani pa chituvilu cha Nyumba ya Chapanga, akamjovela, “Ngati veve wamwana wa Chapanga, jitagayi pahi.
Satani akamutungamirira kuJerusarema akamuita kuti amire pachiruvi chetemberi. Akati kwaari, “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano.
10 Muni Mayandiku Gamsopi gijova, ‘Chapanga yati akulagazila vamitumu va kunani vakuyangalila.’
Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “‘Acharayira vatumwa vake pamusoro pako kuti vakuchengete kwazvo;
11 ‘Kangi yati vakuyanga mu mawoko gavi, ukotoka kujikuvala chigendelu chaku muliganga.’”
vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.’”
12 Nambu Yesu akamyangula, “Mayandiku Gamsopi gijova, ‘Kotoka kumulinga Bambu Chapanga waku.’”
Jesu akati, “Zvinonzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’”
13 Setani mkulu peamali kumlinga Yesu kwa njila zoha, akamuleka kwa lukumbi.
Satani akati apedza kuedza kwake kwose uku, akabva paari kusvikira pane imwe nguva.
14 Kwa kulongoswa na Mpungu msopi Yesu akahamba ku Galilaya. Na ujumbi waki ukadandasika ku Galilaya na mumilima yoha ya papipi.
Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika.
15 Yesu avili mukuwula vandu munyumba za kukonganekela Vayawudi na kulumbiwa na vandu voha.
Akadzidzisa mumasinagoge avo, uye munhu wose akamurumbidza.
16 Yesu akahamba ku Nazaleti, pandu pealeliwi. Palahiki Ligono la Kupumulila, akayingila munyumba ya kukonganekela Vayawudi, ngati chayavili mvelu waki, akayima muni asomayi Mayandiku Gamsopi.
Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge.
17 Apewili chitabu cheayandiki Isaya mweavi mlota wa Chapanga, ndi akachitalambula na kulonda ndi apawene pandu pepayandikiwi.
Rugwaro rwakapetwa rwaIsaya rwakapiwa kwaari. Pakurubhedhenura, akawana pakanga pakanyorwa kuti:
18 “Mpungu wa Bambu uvi pamonga na nene, anihagwili nene ndava ya kuvakokosela vangangu Lilovi la Bwina. Anitumili nivakokosela vavanda kulekekeswa kwavi na vangalola vahotola kulola, anitumili nivasangulayi woha veving'ahiswa,
“Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa,
19 kukokosa mwaka wa Bambu yati ilangisa ubwina kwa vandu vaki.”
kuti ndiparidze gore rakanaka raShe.”
20 Kangi, akachigubika chitabu akamuwuyisila mtumisi na kutama pahi. Vandu voha vevavi munyumba ya kukonganekela Vayawudi, vakamuhutusila mihu.
Ipapo akapeta rugwaro, akarudzosera kumubati akagara pasi. Meso avanhu vose vakanga vari musinagoge akanga akati nde-e kwaari,
21 Mwene akavajovela, “Lelu Mayandiku aga Gamsopi gahikili pemwaniyuwani penakasomili.”
uye akatanga nokuti kwavari, “Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.”
22 Vandu voha vakaganiswa nayu na kukangasa ndava ya Malovi gabwina geajovili. Vakakotana, “Wu, mwenuyu mwana wa Yosefu lepi?”
Vose vakataura zvakanaka pamusoro pake uye vakashamiswa namashoko akanaka akanga achibuda mumuromo make. Vakati, “Ko, uyu haazi mwanakomana waJosefa here?”
23 Yesu akavajovela, “Nimanyili mukunijovela luhumu ulu, ‘Mlamisa, jilamisa wamwene. Goha getayuwini’ Gawakitili Kapelanaumu gala, Ugakitayi goha penapa pachijiji chaku.
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchataura tsumo iyi kwandiri muchiti: ‘Murapi, chizvirapa! Itawo muguta rako rino zvatakanzwa kuti wakaita muKapenaume.’”
24 Akayendelela kuvajovela,” “Chakaka nikuvajovela, kawaka Mlota wa Chapanga, mweiyidakiliwa pachijiji chaki.”
Akaenderera mberi achiti, “Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna muprofita anogamuchirwa muguta rake.
25 “Muyuwanila, chakaka nikuvajovela, vavi valipwela vamehele pamulima wa Isilaeli lukumbi lwa Eliya, lukumbi lwenulo yatonyi lepi fula kwa miyaka yidatu na miyehi sita, na kwavi na njala yivaha pamulima woha.
Ndinokuudzai chokwadi kuti kwakanga kune chirikadzi zhinji muIsraeri panguva yaEria, panguva yakadzivirwa denga kwamakore matatu nehafu uye nzara huru ikavapo munyika yose.
26 Nambu Eliya atumiwi lepi kuhamba kwa lipwela yoyoha yula, ndi kwa lipwela mmonga mwaatamayi kumuji wa ku Selefati kumulima wa Sidoni.
Asi Eria haana kutumwa kuno mumwe wavo, asi kuchirikadzi yeZerafati munyika yeSidhoni.
27 Na mulukumbi lwa Elisha mweavi Mlota wa Chapanga, kwavi na vandu vamahele pamulima wa Isilaeli vevavi na mabudi, kawaka mundu mweanyambiswi, nga Naamani mwene, mundu wa ku Silia.”
Uye kwaiva navazhinji vaiva namaperembudzi panguva yaEria muprofita, asi hapana mumwe chete pakati pavo akanatswa kunze kwaNaamani muSiria.”
28 Vandu voha vevavi munyumba ya kukonganekela vayawudi, pevayuwini genago, vayomili neju.
Vanhu vose vakanga vari musinagoge vakatsamwa kwazvo pavakanzwa izvi.
29 Vakayima, vakamuhumisa kuvala ya muji na kumtola mbaka panani pamkingisa wa chitumbi. Ndava muji wavi wajengiwi pachitumbi, Muni vagana kumkang'ila pahi.
Vakasimuka, vakamubudisa muguta, vakamutora vakaenda naye kumucheto cheto kwechikomo chakanga chakavakirwa guta ravo, kuti vamusundidzire kumawere.
30 Nambu Yesu akaholota pagati yavi, akahamba.
Asi akafamba napakati pemhomho yavanhu akaenda zvake.
31 Kangi Yesu akahelela kumuji wa ku Kapelanaumu, mulima wa Galilaya, na Ligono la Kupumulila avawulayi vandu.
Ipapo akaburuka zasi kuKapenaume, guta riri muGarirea, akatanga kudzidzisa vanhu nomusi weSabata.
32 Vakakangasa na mawuliwu gaki, muni ujumbi waki wavi na uhotola.
Vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti shoko rake raiva nesimba.
33 Hinu munyumba ya kukonganela Vayawudi mula, kwavi na mundu mweavi na mzuka uhakau, akavemba kwa lwami luvaha,
Musinagoge makanga muno murume akanga akabatwa nedhimoni, mweya wakaipa, uye akadanidzira nenzwi guru achiti,
34 “Mwe! Yesu wa ku Nazaleti Una kyani na tete? Wu, ubweli kutikomakesa? Nene nikumanyili wayani veve, veve wa Msopi wa Chapanga!”
“A! Munodeiko kwatiri imi Jesu weNazareta? Ko, mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinoziva kuti muri ani, muri Mutsvene waMwari!”
35 Yesu akauhakalila mzuka wula akajova, “Guna! Muwuka mundu uyu!” Ndi mzuka wula ukamugwisa pahi palongolo ya vandu, ukamuhuma changalemasa.
Jesu akaurayira achiti, “Nyarara! Buda maari!” Ipapo dhimoni rakaputsira murume uyu pasi pamberi pavo vose rikabuda risina kumukuvadza.
36 Vandu voha vakavya kukangasa, vakajovesana, “Lenili liwulo la chinamtiti, Mundu uyu anauhotola na makakala ya kuvinga mizuka na yene yiwuka!”
Vanhu vose vakashamiswa vakataurirana vachiti, “Kudzidzisa uku ndokupi? Anorayira mweya yakaipa nechikuriri uye nesimba, ichibva yabuda!”
37 Na mambu ga Yesu gakadandasika pandu poha penapo.
Mukurumbira wake wakapararira munzvimbo dzose dzakapoteredza.
38 Yesu peahumili munyumba ya kukonganekela Vayawudi mula, akahamba kunyumba ya Simoni. Kwenuko mau mmonga mweavi mkohanu waki Simoni, avi na utamu neju, vakamjovela Yesu amulamisa.
Jesu akabva pasinagoge akaenda kumba kwaSimoni. Zvino mai vomukadzi waSimoni vairwara nefivha, uye vakakumbira Jesu kuti avabatsire.
39 Yesu, akahamba, akamgundamila mau yula, akauhakalila utamu ula, balapala mau yula akalama, akayimuka na akatumbula kuvatelekela.
Saka akakotamira kwavari akarayira fivha, ikabva pavari. Vakasimuka pakarepo vakatanga kuvashandira.
40 Palatipimi lilanga, mundu yeyoha mweavili na mtamu, wa utamu wowoa wula, ampeliki kwa Yesu, na mwene akampamisa mawoko kila mtamu, na kuvalamisa woha.
Zuva rakati rodoka, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vana marudzi akasiyana-siyana ezvirwere, akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo akavaporesa.
41 Mizuka na yene, yavahumili vandu vamahele, yikaywanga cha kujova, “Veve Mwana waki Chapanga!” Nambu Yesu akayibesa mizuka kujova, muni gammanyili mwene ndi Kilisitu msangula mweahaguliwi na Chapanga.
Pamusoro paizvozvo, madhimoni akabuda muvanhu vazhinji, achidanidzira achiti, “Ndiwe Mwanakomana waMwari!” Asi iye akaatsiura akasaatendera kuti ataure, nokuti iwo aiziva kuti ndiye Kristu.
42 Chilau yaki lukela Yesu akawuka akahamba pandu pachiepela. Vandu vakavya kumulonda, pavamuweni valingili kumbesa akotoka kuwuka.
Mangwanani-ngwanani, Jesu akaenda kunzvimbo yakanyarara ari oga. Vanhu vakanga vachimutsvaka uye vakati vamuwana paakanga ari, vakaedza kumudzivisa kuti asabva kwavari.
43 Nambu mwene akavajovela, “Niganikiwi kukokosa na kumiji yingi mewa Lilovi la Bwina la Unkosi wa Chapanga. Ndava muni chenichi ndi Chapanga chaanitumili nihengayi.”
Asi iye akati, “Ndinofanira kuparidza vhangeri roumambo hwaMwari kuna mamwewo maguta, nokuti ndizvo zvandakatumirwa.”
44 Ndi akayendelela kukokosa vandu Lilovi la Bwina munyumba za kukonganekela Vayawudi pamulima wa ku Yudea.
Uye akaramba achiparidza mumasinagoge eJudhea.