< Yohani 4 >

1 Vafalisayu vayuwini kuvya Yesu avi mukupata vawuliwa vamahele na kuvabatiza kuliku Yohani.
VaFarisi vakanzwa kuti Jesu akanga achiteverwa navanhu vazhinji uye achibhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johani,
2 Ndi chakaka kuvya Yesu mwene abatiza lepi, nambu vawuliwa vaki ndi vevabatizayi vandu.
kunyange zvake akanga asiri Jesu aibhabhatidza, asi vadzidzi vake.
3 Hinu Yesu peagayuwini genago, akawuka ku Yudea na kuwuya ku Galilaya.
Ishe akati anzwa izvi, akabva kuJudhea akadzokera kuGarirea zvakare.
4 Mulugendu lwenulo yamganili kuvedukila kumulima wa Samaliya.
Zvino akanga achifanira kupfuura nomuSamaria.
5 Ndi peahikili muji umonga pamulima wa Samaliya weukemiwa Sikali, papipi na mgunda wa Yakobo weampelilli mwana waki, mweikemiwa Yosefu.
Saka akasvika paguta romuSamaria rainzi Saika, pedyo nomunda wakanga wapiwa kuna Josefa nababa vake Jakobho.
6 Pandu penapo pavi na chiliva cha Yakobo, na Yesu ndava ya kutotokela na lugendu, akatama pamuhana ya chiliva. Yavili ngati lukumbi lwa muhi.
Tsime raJakobho raiva ipapo, uye Jesu, aneta sezvo akanga achibva parwendo, akagara pasi patsime ipapo. Yakanga iri nguva inenge yechitanhatu.
7 Kangi, akabwela mdala mmonga mkolonjinji wa ku Samaliya kunega manji. Yesu akamjovela, “Nipelayi manji ninywayi.”
Mukadzi muSamaria akati auya kuzochera mvura, Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa?”
8 Lukumbi lwenulo vawuliwa vaki vahambili kumuji kugula chakulya.
(Vadzidzi vake vakanga vapinda muguta kuti vandotenga zvokudya.)
9 Nambu mdala yula akamjovela, “Veve wa Myawudi, na nene namdala msamaliya! Uhotola wuli kuniyupa manji?” Muni Vayawudi na Vasamaliya katu vitama lepi pamonga.
Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.)
10 Yesu akamyangula, “Ngati kuvya umanyayi chindu chechiwusiwa na Chapanga ndi yani mweakukujovela, ‘nipelayi manji ninywai,’ Ngawamali, kumuyupa manji gegileta wumi.”
Jesu akamupindura akati, “Dai waiziva chipo chaMwari uye kuti ndiani anokumbira mvura kwauri, ungadai wakumbira kwaari uye angadai akupa mvura mhenyu.”
11 Mdala yula akamjovela, “Bambu, veve wangali ndeve ya kunegela manji, na chiliva chinyoliki. Ugapata koki manji gegavi na wumi?
Mukadzi akati, “Ishe, hamuna chamungacheresa nacho uye tsime rakadzika. Ko, mvura mhenyu mungaiwanepi?
12 Wu, veve ukujikita wa mkulu kuliku dadi witu Yakobo? Mwene ndi mweatipelili chiliva ichi, mwene na vana vaki pamonga na mifuya yaki vanywayi manji ga chiliva ichi.”
Ko, imi muri mukuru here, kuna baba vedu Jakobho, avo vakatipa tsime uye vakanwa pariri ivo pachavo, sezvakaitawo vanakomana vavo namakwai avo nemombe?”
13 Yesu akamyangula, “Yoyoha mweinywa manji aga yati ivya na njota kavili.
Jesu akapindura akati, “Ani naani anonwa mvura iyi achava nenyotazve,
14 Nambu yoyoha mweinywa manji gala genikumpela nene, katu ivya lepi na njota magono goha. Manji genikumpela givya mugati yaki ngati chinyepa cha manji ga wumi na kumpela wumi wa magono goha gangali mwishu.” (aiōn g165, aiōnios g166)
asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.” (aiōn g165, aiōnios g166)
15 Mdala mwenuyo akamjovela, “Bambu, unipela manji genago muni nikotoka kuvya na njota kavili na nikotoka kubwela penapa kunega manji.”
Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi kuitira kuti ndirege kuzova nenyotazve uye ndirege kuramba ndichingouya kuzochera mvura pano.”
16 Yesu akamjovela, “Uhamba ukamkemela mngwana waku, ubwela nayu penapa.”
Iye akati, “Enda, undodana murume wako ugodzoka pano.”
17 Mdala yula akayangula, “Nene nangali mgosi.” Yesu akamjovela “Uyangwili chakaka, wangali mgosi.
Akapindura akati, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka pawati hauna murume.
18 Muni wavi na vagosi mhanu, na mgosi mweutama nayu hinu mgosi waku lepi. Penapo ujovili chakaka.”
Chokwadi ndeichi, wakava navarume vashanu, uye murume waunaye zvino haazi murume wako. Zvawabva mukutaura ndicho chokwadi.”
19 Mdala yula akamjovela, “Bambu, niwona kuvya veve wa mlota wa Chapanga.
Mukadzi akati, “Ishe, ndinoona kuti muri muprofita.
20 Vagogo vitu vamufugamila Chapanga kuchitumbi ichi, nambu nyenye mwijova kuvya pandu pa kumuyupila Chapanga ndi ku Yelusalemu.”
Madzibaba edu ainamata pagomo iri, asi imi vaJudha munoti, nzvimbo yatinofanira kunamata tiri ndimo muJerusarema.”
21 Yesu akamjovela “Unisadika chenijova lwalabwela lukumbi nakumfugamila Dadi, panani ya chitumbi amala ku Yelusalemu kula.
Jesu akati, “Mai, nditendei, nguva inouya yamuchanamata Baba musiri pagomo rino kana muJerusarema.
22 Nyenye Vasamaliya mukumfugamila yula mwangammanya, nambu tete tikumfugamila yula mwetimumanyili, ndava muni usangula wihuma kwa Vayawudi.
Imi vaSamaria munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha.
23 Nambu lukumbi lubwela, kangi lumali kubwela ndi vala vandu vevakumfugamila kwa uchakaka, yati vamfugamila Dadi mukulongoswa na Mpungu Msopi na chakaka. Muni dadi akuvagana vandu vamfugamila chenicho.
Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate.
24 Chapanga ndi Mpungu na vandu vevamfugamila yikuvagana vamfugamila Dadi mukulongoswa na Mpungu Msopi na kuumanya uchakaka.”
Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi.”
25 Mdala yula akamjovela, “Nimanyili kuvya Msangula mweikemiwa Kilisitu ibwela. Peibwela yati akutimanyisa tete kila chindu.”
Mukadzi akati, “Ndinoziva kuti Mesiya, anonzi Kristu, ari kuuya. Paanouya, acharondedzera zvinhu zvose kwatiri.”
26 Yesu akamjovela, “Nene mwenilongela na veve ndi mwene.”
Ipapo Jesu akataura akati, “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.”
27 Bahapo vawuliwa vaki vakawuya, na kukangasa neju pavamuweni ilongela na mdala. Nambu kawaka mundu mweajovili, “Ugana kyani?” Amala, “Ndava kyani wilongela na mdala?”
Pakarepo vadzidzi vake vakadzokera kwaari uye vakashamiswa vachiona achitaura nomukadzi. Asi hapana akamubvunza kuti, “Unodei?” kana kuti “Munotaurireiko naye?”
28 Hinu, mdala yula akachileka chihulu chaki palapala na kuhamba kumuji na kuvajovela vandu,
Ipapo, asiya chirongo chake, mukadzi akadzokera kuguta akandoti kuvanhu,
29 “Mbwela mukamlola mundu mweanijovili mambu goha genikitili! Wu, yihotoleka kuvya ndi Kilisitu Msangula?”
“Uyai, muone murume anditaurira zvinhu zvose zvandakaita. Kuti uyu angava iye Kristu here?”
30 Vandu vakawuka kumuji na kumuhambila Yesu.
Vakabuda muguta vakapinda munzira yavo vakananga kwaari.
31 Lukumbi lwenulo vawuliwa vaki vamyupili neju Yesu, “Muwula, ulyayi chakulya.”
Vanhu vasati vasvika, vadzidzi vake vakafanomukurudzira vachiti, “Rabhi, imbowanai chamungadya.”
32 Nambu Yesu akavajovela, “Nene nivii nachu chakulya chemwangachimanya nyenye.”
Asi iye akati kwavari, “Ndine chokudya chandinodya chamusingazivi.”
33 Vawuliwa vaki vakakotana vene kwa vene, “Wu, avi mundu mweamletili chakulya?”
Ipapo vadzidzi vake vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Asi pano munhu amuvigira zvokudya kanhi?”
34 Yesu akavajovela, “Chakulya changu ndi kuhenga geigana yula mweanitumili na kumalakisa lihengu laki.
Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake.
35 Nyenye mwijova, ‘Yakona miheyi mcheche ndu na lukumbi lwa kubena yati lubwela!’ Nambu nene nikuvajovela, myinula mihu ginu mlola migunda, mabenu gakangili giganikiwa kubenwa!
Ko, imi hamuti here, ‘Kwasara mwedzi mina ipapo kucheka kwobva kwasvika?’ Ndinoti kwamuri, svinurai meso enyu uye mutarise kuminda! Yatoibva kuti ikohwewe.
36 Yula mweibena ipokela luhuna lweluganikiwa kupewa kwa lihengu laki, na kuyola mabenu ndava ya wumi wa magono goha wangali mwishu, muni mweimija na mbenaji vihekelela pamonga. (aiōnios g166)
Kunyange iye zvino mukohwi anopiwa mubayiro wake, kunyange izvozvi anokohwa zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuitira kuti mukushi nomukohwi vagofara pamwe chete. (aiōnios g166)
37 Vandu pevijova kuvya ‘Mundu mmonga imija na mundu yungi ibena, luhumu ulu ndi chakaka.’
Nokuti tsumo inoti, ‘Mumwe anokusha uye mumwe anokohwa ndeyezvokwadi.’
38 Nene navatumili nyenye mkabena changali lihengu, vangi vahengili lihengu, nambu nyenye mupatili utangatila ndava ya lihengu lavi.”
Ndakakutumai kunokohwa zvamusina kushandira. Vamwe vakaita basa rakaoma, uye imi makakohwa mubayiro wokubata kwavo.”
39 Vasamaliya vamahele pachijiji chila vamsadiki Yesu ndava ya malovi geajovili mau yula, “Anijovili mambu goha genihengili.”
VaSamaria vazhinji vaibva muguta iro vakatenda kwaari nokuda kwouchapupu hwomukadzi hwokuti, “Akanditaurira zvose zvandakaita.”
40 Vasamaliya vamhambili Yesu vakamuyupa neju atama navu, namwene akatama navu magono gavili.
Saka vaSamaria vakasvika kwaari, vakamukumbira kuti agare navo, nokudaro akagarapo kwamazuva maviri.
41 Vandu vamahele, vamsadiki Yesu ndava ya malovi gaki.
Uye nokuda kwamashoko ake vamwezve vazhinji vakava vatendi.
42 Vakamjovela mdala yula, “Tete tisadika, nambu lepi ndava ya malovi gaku, muni tavete tiyuwini na timanyili kuvya mwenuyu ndi chakaka Msangula wa vandu va pamulima.”
Vakati kumukadzi uya, “Hatichatongotendi nokuda kwezvawataura chete; zvino tazvinzwira pachedu, uye tinoziva kuti murume uyu chokwadi ndiye Muponesi wenyika.”
43 Pagamaliki magono gavili, Yesu akawuka penapo, akahamba ku Galilaya.
Mazuva maviri akati apfuura, akabva akaenda kuGarirea.
44 Muni Yesu mwene ajovili hotohoto kuvya, “Mlota wa Chapanga nakuyidakiliwa pamulima waki.”
Zvino Jesu pachake akanga ambopupura kuti muprofita haakudzwi munyika yokwake.
45 Hinu peahikili ku Galilaya, Vagalilaya vamahele vampokili. Ndava vagawene goha geahengili ku Yelusalemu, muni navene vavi kukoko kumselebuko wa Pasaka.
Akati asvika muGarirea, vaGarirea vakamugamuchira. Vakanga vaona zvose zvaakanga aita muJerusarema pamutambo wePasika, nokuti naivowo vaivapo.
46 Kangi Yesu ahikili kavili ku Kana, kumuji wa Galilaya, pandu peang'anamwisi manji kuvya divayi. Kwenuko kwavi na chilongosi mmonga wa chinkosi mweavi na mwana waki mtamu ku Kapelanaumu.
Akashanyirazve Kana yomuGarirea, uko kwaakanga ashandura mvura ikava waini. Uye ikoko kwakanga kuno mumwe mutariri wamambo akanga ane mwanakomana wake akanga avete achirwara paKapenaume.
47 Chilongosi yula peayuwini kuvya Yesu ahumili ku Yudea na kuhika ku Galilaya, akamhambila na kumuyupa ahamba akamlamisa mwana waki mweavi mulung'olelu.
Murume uyu akati anzwa kuti Jesu asvika muGarirea achibva kuJudhea, akaenda kwaari akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake, uyo akanga ava pedyo nokufa.
48 Yesu akamjovela, “Nyenye changalola ulangisu na gachinamtiti katu mwisadika lepi!”
Jesu akati kwaari, “Kana imi vanhu musina kuona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.”
49 Yula chilongosi akamjovela, “Bambu, chondi tihamba kwakona mwana vangu kufwa.”
Mutariri wamambo akati, “Ishe, burukai muuye mwana wangu asati afa.”
50 Yesu akamjovela, “Uhambayi, mwana waku yati ilama.” Mundu yula akasadika malovi ga Yesu, akahamba.
Jesu akapindura akati, “Enda hako. Mwanakomana wako achararama.” Murume uyu akagamuchira shoko raJesu akaenda.
51 Peavi akona munjila akakonganeka na vatumisi vaki, vakamjovela kuvya mwana waku alamili!
Achiri munzira varanda vake vakasangana naye namashoko okuti mukomana akanga apora.
52 Mwene akavakota lukumbi msongolo pealamili, vene vakamyangula, “Golo saa saba ya muhi, utamu wamuhumili.”
Akati abvunza nguva yakatanga mwana kunzwa zviri nani, ivo vakati kwaari, “Fivha yakabva paari nezuro panguva dzechinomwe.”
53 Dadi yula akamanya kuvya lwavi lukumbi lulolo, Yesu peamjovili “Mwana waku yati ilama.” Penapo mwene pamonga na valongo vaki vakamsadika Yesu.
Ipapo baba vaya vakayeuka kuti ndiyo yakanga iri nguva chaiyo paakanzi naJesu, “Mwanakomana wako achararama.” Saka iye neimba yake yose vakatenda.
54 Wenuwu wavi ulangisu wa kukangasa weahengili Yesu peawukili ku Yudea kuhamba ku Galilaya.
Ichi ndicho chakanga chiri chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva kuJudhea ava kuGarirea.

< Yohani 4 >