< 1 Petili 4 >
1 Ndava muni Kilisitu ang'aiswi muhiga yaki, na nyenye mewa mwiganikiwa mujikamalisa mukuholalela kwinu ngati cheavili mwene, muni yula mweang'ahiki higa alekini kumbudila Chapanga.
Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri wake, nemiwo muzvishongedze nomurangariro iwoyo, nokuti uyo akatambudzika mumuviri wake akarega chivi.
2 Kuhumila hinu, wumi winu weusigalili pamulima apa, mukoto kutama kwa mnogo uhakau wa higa wemuvelikwi nawu, nambu mutama ngati cheigana Chapanga.
Nokuda kwaizvozvo, haagari upenyu hwake hwose hwapanyika pakuchiva kwavanhu kwakaipa, asi mukuda kwaMwari.
3 Ndava kadeni mwavi na magono gamahele ga kukita gala gevihenga vandu vangammanya Chapanga. Mweatamili wumi wa ukemi na mnogo uhakau na kugala na luhonda na mselebuko kwekuhengeka mambu ga soni na kugala neju na kugundamila vimong'omong'o, ndi vindu vya kumyomesa Chapanga.
Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kare yamakapedza muchiita kuda kwavahedheni yamairarama muutere, kuchiva, kudhakwa, kutamba kwakaipa, kuraradza nokunamata zvifananidzo zvinonyangadza.
4 Hinu vandu avo vangammanya Chapanga vikangasa ndava nyenye mwangawungana nawu kangi, mu matendu gavi ga soni njwe vene vakuvaliga.
Vanofunga kuti zvinoshamisa kuti imi hamuchapindi pamwe chete navo mukurarama kwokusazvidzora kwavo kuzhinji, uye vanokutukai kwazvo.
5 Nambu vandu avo yati viyangula vene palongolo ya Chapanga peakuvahamula vandu vevavi vakona mumi na vevafwili.
Asi vachazvidavirira kuna iye akazvigadzirira kutonga vapenyu navakafa.
6 Yeniyi ndava Lilovi la Bwina lelakokosiwi mewawa kwa vandu vevafwili, hati ngati vahamuliwi kufwa muwumi wa chihiga, ngati vandu vangi chevihamuliwa. Yakokokwisi kwavi muni muwumi wavi wa chimpungu ngati Chapanga cheavili mumi.
Nokuti nokuda kwaizvozvi vhangeri rakaparidzwa kunyange nokuna vakafa, kuitira kuti vagotongwa nomutoo wavanhu nokuda kwenyama, asi vagorarama nomutoo waMwari nokuda kwomweya.
7 Mwishu wa mambu goha uvi papipi. Hinu mwiganikiwa kuvya na mpangu mumitima yinu, mvya mihu muni muhotola kumuyupa Chapanga.
Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo. Naizvozvo ndangariro dzenyu ngadzichene uye muzvidzore kuti mugogona kunyengetera.
8 Neju pa genago goha mgananayi neju nyenye kwa nyenye, ndava uganu ugubika kumbudila Chapanga kwamahele.
Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.
9 Mkalibisana kwa uganu nyenye kwa nyenye changali kuvembeneka.
Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti.
10 Kila mundu atumila chipanji cheapewili na Chapanga kuvatangatila vandu vangi. Kila mmonga iganikiwa kuhengela bwina njombi zevapewili kwa ubwina wa Chapanga.
Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo.
11 Mundu yoyoha akajova chindu, malovi gaki gavyai ngati malovi ga Chapanga. Mundu yoyoha mweihengela, akitayi kwa makakala geapewili na Chapanga, muni Chapanga alumbiwayi kwa njila ya Yesu Kilisitu. Ukulu na uhotola uvi na mwene magono goha gangali mwishu! Ena. (aiōn )
Kana munhu achitaura, ngaadaro somunhu anotaura mashoko chaiwo aMwari. Kana munhu achishumira, ngaazviite nesimba raanopiwa naMwari, kuitira kuti muzvinhu zvose Mwari arumbidzwe kubudikidza naJesu Kristu. Iye ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn )
12 Vankozi vangu, mkoto kukangasa ndava ya mang'ahiso gegivina neju gemwipata, ngati mpata chindu chiyehe chechihumila kwinu.
Vadikani, musashamiswa nokurwadza kwokutambudzika nemiedzo, sokunge chinhu chisingazivikanwi chaitika kwamuri.
13 Nambu mheka neju ndava muni mng'ahika ngati cheing'ahika Kilisitu, muni mvya na luheku neju lukumbi ukulu waki peugubukuliwa.
Asi farai kuti munogovana naKristu mumatambudziko, kuitira kuti mufare kwazvo pakuonekwa kwokubwinya kwake.
14 Mkaligiwayi ndava mukumulanda Kilisitu, muhekayi, ndava Mpungu wa ukulu ndi Mpungu wa Chapanga mweitama mugati yinu.
Kana muchitukwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti mweya wokubwinya nowaMwari unogara pamuri.
15 Ngati wing'aika kotoka kung'ahika ndava veve mkomaji amala muhiji amala mundu muhakau, amala mundu mweiyingilila mambu ga vandu vangi.
Ngakurege kuva nomumwe wenyu achatambudzika, nemhaka yokuti imhondi, kana mbavha, kana kuti anoita zvimwe zvakaipa zvemhando ipi zvayo, kana kusarega zvavamwe.
16 Nambu ngati ung'ahika ndava veve mu Kilisitu, ukoto kuvya na soni, ndi amlumba Chapanga, ndava veve ukumsadika Kilisitu.
Kunyange zvakadaro, kana muchitambudzika somuKristu, musanyadziswa, asi rumbidzai Mwari nokuti mune zita iroro.
17 Ndava lukumbi lwa uhamula wa Chapanga luhikili na itumbula na vandu vaki. Yikavya uhamula wenuwo utumbula kwitu tete, yivya wuli, kwa vala vangasadika Lilovi la Bwina la Chapanga?
Nokuti inguva yokuti kutonga kutange mumba maMwari; uye kana kuchitanga nesu, zvichazoveiko kuna vaya vasingateereri vhangeri raMwari?
18 Ngati chegijova Mayandiku Gamsopi, “Yikavya yinonopa kwa vandu vevakumganisa Chapanga kusanguliwa, yivya wuli, kwa vandu vangamyogopa Chapanga na vevakumbudila?”
Uye, “Kana zvichiremera akarurama kuti aponeswe, ko, asingazivi Mwari nomutadzi vachazovei?”
19 Ndi hinu, vandu vala veving'ahika kulandana na maganu ga Chapanga, viganikiwa vajivika vene mumawoko ga Chapanga mweavi Muwumba wavi msadikika na vayendelelayi kukita gabwina.
Saka zvino, vaya vanotambudzika nokuda kwaMwari vanofanira kuzviisa kuMusiki wavo akatendeka uye vagoramba vachiita zvakanaka.