< Mathayo 10 >
1 Yesu akemite anapunzi bake komi ni ibele pamope ni kwapeya ngupu kunani ya nsela achapu, kwabendya ni kwabenga kila aina ya malasi goti ni matamwe.
Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha.
2 Maina ga mitume komi ni ibele nga aga. Lya kwanza Simeoni(ywakemelwa Petro), ni Andrea kaka bake, Yakobo mwana wa Zebedayo, ni Yohana kaka bake:
Zvino aya ndiwo mazita avapostori gumi navaviri: wokutanga ndiSimoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea; Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani;
3 Philipo, ni Bartelemayo, Thomaso, ni Mathayo, ntoza kodi, Yakobo mwana ba Alfayo, ni Tadeo,
Firipi naBhatoromeo; Tomasi naMateo muteresi; Jakobho mwanakomana waArifeasi naTadheo;
4 Simoni mkananayo, ni Yuda Iskariote, ywa ansalitiye.
Simoni muZiroti naJudhasi Iskarioti uyo akazomupandukira.
5 Haba komi ni ibele Yesu atikubatuma. Ni ywembe atibaelekeza kabaya, “Kana muyende seemu yabatama amataifa ni kana muyjingii mumji wa asamalia.
Jesu akatuma gumi navaviri ava, akavarayira achiti, “Musaenda munzira yeveDzimwe Ndudzi kana kupinda muguta ripi zvaro ravaSamaria.
6 Badala yake, mwayendeli kwa ngondolo babaobite ba nyumba ya Israel.
Asi endai kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.
7 Ni mana kamuyenda, muhubiri ni kubaya, upwalume wa Nnongo waisa.'
Pamunoenda, muparidze muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwaswedera.’
8 Mwaponye atamwe, mwayoye babawile, mwaponeye bene ukoma ni kugabenga nsela. Mupeyilwe bure, mwapeye bure.
Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pasina muripo, chingopaiwo pasina muripo.
9 Kana mtole dhahabu, almasi, ao shaba mu'pochi yinu.
Musatakura goridhe, kana sirivha kana ndarira, muzvikwama zvenyu;
10 Kana mwaputwe mpuko nkati ya safari yinu, ao ngobo ya ngalabwa, ilatu au fimbo, kwa sababu mpanga kazi apalikwa alepelwe.
musatakura hombodo yorwendo kana dzimwe nguo, shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anofanira kurarama nomubayiro webasa rake.
11 Mji wowoti ao ijijicha mujingii, mumpale ywa aminike mtame palo kachake pamwapala buka.
“Muguta ripi neripi nomusha upi noupi wamunenge mapinda, tsvakai munhu akakodzera uye mugogara mumba make kusvikira mabvamo.
12 Ni nyumba yamwalowa jingya mwailobi,
Pamunopinda mumusha, kwazisai vanenge varimo.
13 Mana itei nyumba yastahili, amani yinu ibaki palyo, lakini kati nyumba istahili kwaa, amani yinu imuyangani ni mwenga mwabuka.
Kana musha uyu wakakodzera, rugare rwenyu ngaruuye pauri asi kana usina kukodzera, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.
14 Na kwa balo babakotoka kumpokya mwenga na kulipekaniya kwa likowe lino, mana kamubuka munyumba au pamji woo, muikung'unde hata vumbi ya kulwayo yinu.
Kana ani naani zvake akasakugamuchirai, kana kuteerera mashoko enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva pamusha ipapo kana muguta imomo.
15 Kweli nenda kuakokeya, bora mwabapumiliye bandu ba Sodoma na Gomora lisoba lya ukumilwa kuliko nnema woo.
Ndinokuudzai chokwadi kuti zvichava nani kuSodhomu neGomora pazuva rokutongwa pane zvichaitwa kuguta iroro.
16 Linga niatuma kati ngondolo nkati ya mabwa mwitu, nga eyo mube mwamutangite na mwapolw kati ngambo, namube apole kati ngunda.
Ndiri kukutumai samakwai pakati pamapere. Naizvozvo chenjerai senyoka uye mugova vasina mhosva senjiva.
17 Mube aangalifu ni bandu, balowa kushitakya ni balowa kumkombwa mu'masinagogi.
“Chenjerai kuti vanhu vachakuisai kumatare uye vagokurovai mumasinagoge avo.
18 Ni mwalowa potwa nnonge ya akolo ni afalme kwaajili yango, kati ashuhuda kwabe ni mataifa.
Nokuda kwangu, vachakuendesai pamberi pavabati namadzishe kuti muve zvapupu zvangu kwavari nokune veDzimwe Ndudzi.
19 Pabalowa kunshutumu, kana mube ni mashaka kinamani chabakokeya, kwa kuwa kilebe sa longela mwalowa pewa wakati woo.
Asi kana vakusungai, musafunganya pamusoro pokuti muchataurei kana kuti muchataura sei. Panguva iyoyo muchapiwa zvokutaura,
20 Kwa kuwa mwenga kwaa mwawalowa koya, ila Roho ba Tate binu ywabile longela nkati yinu.
nokuti munenge musiri imi munotaura, asi Mweya waBaba venyu uchataura nomamuri.
21 Alongo balowa bulangana, tate ni mwana wake. Bana balowa inuka kunani ya azazi bao, ni kwabulaga.
“Mukoma achaurayisa mununʼuna wake, nababa mwana wavo, vana vachapandukira vabereki vavo uye vachavaurayisa.
22 Ni mwenga mwalowa chukilwa na kila mundu kwamwanja ya lina lyango. Lakini ywoywoti ywalowa pumuliya mpaka mwisho mundu ywo alowa okoka.
Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.
23 Pabalowa kuntesa pamuji goo mwatili wenge, kweli nenda kuakokeya, mwaiyomwa kwa milema ya Israel bila mwana wa Adamu buya.
Kana mukatambudzwa mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Ndinokuudzai chokwadi kuti hamungatizira kumaguta ose omuIsraeri Mwanakomana woMunhu asati adzoka.
24 Ilengani kwaa mwanapunzi kana abe nkolo kuliko mwalimu wake, wala mmanda ywabile kunani ya Ngwana wake.
“Mudzidzi haasi mukuru kumudzidzisi wake, kana muranda kuna ishe wake.
25 Mana itei bankemite Ngwana wa nyumba Belzabuli, mwenga si muno balowa kuwageya ni nyumba yake!
Zvakakwana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake nomurandawo sashe wake. Zvino kana mukuru weimba akanzi ndiBheerizebhubhi, vachadaro zvikuru sei kune veimba yake!
26 nga nyo bai kana muyogope, mana ntopo chachakotoka ba chapala, ni ntopo chabaijile sasakotoka bonekana.
“Naizvozvo musavatya. Hapana chakavanzika chisingazobudiswi pachena kana chakavigwa chisingazozivikanwi.
27 Chalo chaniakokeya mulubendo, mukibaye pabweya, ni chalo chamukiyowa mbolembole mmasikio yinu, mwakitanga kunani ya nyumba.
Zvandinokuudzai murima muzvitaure muchiedza; zvinozevezerwa munzeve dzenyu, muzviparidze muri pamusoro pedzimba.
28 Kana muyogope balo bababulaga yega lakini baweza kwa bulaga roho. Ila, mwayogope yolo ywaweza bulaga yega ni roho kwipeleka kuzimu. (Geenna )
Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena. (Geenna )
29 Je kasuku abele bapemeya kwa senti njene? Hata nyoo ntopo ywaweza tomboka pae bila Tate binu kufahamu.
Ko, shiri duku mbiri hadzitengeswi nesendi here? Kunyange zvakadaro hapana imwe chete yadzo inowira pasi kunze kwokunge Baba venyu vazvibvumira.
30 Lakini ata nywili yimo ibalangilwe.
Uye kunyange nebvudzi riri mumusoro yenyu rakaverengwa.
31 Kana mube ni mashaka, mana mube ni thamani kuliko kasuku bananchima.
Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji.
32 Kwa eyo, kila mundu ywalowa kuniyeketya nnonge ya bandu, na nee nalowa kun'yetya nnonge ya Tate bango ywabile kumaunde.
“Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga.
33 Na ywangana nnonge ya bandu, na nee nalowa kunkana nnonge ya Tate bango ywabile kumaunde.
Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
34 Kana muwase panga niletike amani mukilambo, ila lipanga.
“Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo.
35 Maana niisi kumpanga mundu bayumanie ni akina tate bake, ni mwenye na mao bake, ni mkamwana ni mao bake nchengowe.
Ndakauya kuti: “‘mwanakomana apesane nababa vake, mwanasikana apesane namai vake, muroora apesane navamwene vake,
36 Ni adui ywa mundu ywa nyumba yake.
vavengi vomunhu vachava hama dzake dzomumba.’
37 Na ywalowa kuwapenda mao ni tate muno kuliko nenga abwaika kwaa na ywapenda mwana wake nnalome au mwana wake nnwawa ne aywo abwaka kwaa.
“Ani naani anoda baba vake kana mai vake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu; uye ani naani anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu.
38 Ywembe ywa kotoka putwa msalaba wake ni kunikengama abwaika kwaa. Ywa lowapala maisha agaopeya.
Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu.
39 Lakini ywalowa abeya maisha kwaajili yango alowa kugapata.
Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.
40 Ywalowa kunikaribisha mwenga anikaribisha nenga, ni ywanikaribisha nenga akaribisha jwembe ywaniletike nenga.
“Anokugamuchirai anogamuchira ini, uye anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.
41 Ni ywembe ywalowa kunkaribisha nabii kwa mwanja nabii alowa pokya sawabu ya nabii. Ni ywoywoti ywankaribisha mwene haki kwa mwanja mwene haki alowa pata sawabu ya mundu wa haki.
Ani naani anogamuchira muprofita nokuti muprofita achagamuchira mubayiro womuprofita, uye ani naani anogamuchira munhu akarurama nokuda kwokuti akarurama, achagamuchira mubayiro womunhu akarurama.
42 Ywoyoti ywalowa kumpeya kati bana baa, angalau kikombe cha mache go nywaa maimu, kwa mwanja anapunzi bango, kweli nenda kuwamakiya, ywembe aweza kwa kosa kwandela yoyoti sawabu yake.”
Uye kana munhu akapa mukombe wemvura inotonhorera kuno mumwe wavaduku ava nokuda kwokuti iye mudzidzi wangu, ndinokuudzai chokwadi kuti haazorasikirwi nomubayiro wake.”