< Marko 9 >

1 Na akoiye kwabe “Hakika ni kaya winu, nkati yino kana bandu bayemi pano bawakina mpaka baabone upwalume wa Nnongo kauisa kwa ngupu.
Uye akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazoraviri rufu vasati vaona umambo hwaMwari huchisvika nesimba.”
2 Ni baada ya siku ya sita Yesu abatweti Petro, Yakobo ni Yohana pamope ni ywembe pannema, yika yabe. Katumbua kubadilika kulonge yabe.
Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo.
3 Ngobo yake yatumbuani kung'aa muno, maupe muno, maupe kuliko mng'arishaji gwengi pano duniani.
Nguo dzake dzakapenya, dzikachena kupfuura zvingacheneswa nomunhu upi zvake munyika muno.
4 Eliya ni Musa kabapita kulonge yabe, na kabalongela ni Yesu.
Uye ipapo pakaonekwa pamberi pavo Eria naMozisi, uye vakanga vachitaurirana naJesu.
5 Petro kayangwa kunkokeya Yesu, “Mwalimu, mwema twenga kuba pano, ni tusenge ibada itatu, kimo sako, kimo sa Musa, ni senge sa Eliya.”
Petro akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.”
6 (Mwalo atangike kwaa sakukoya, bateyogopa muno)
Akashaya zvokutaura, nokuti vakanga votya zvikuru.
7 Liunge kalipitia ni kubagubika. Sauti saipita kuliunde kaikoya “Yono banangu mpendwa, mumpikanyi ywembe.
Ipapo gore rakaonekwa rikavafukidza, uye inzwi rakabuda mugore rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda. Munzwei!”
8 Gafla palyo baibalola, baambweni kwa yeyote pamwepe ni bembe, baambweni Yesu bai.
Pakarepo, vakatarisa kwose kwose, uye havana kuzoona munhu aripo navo kunze kwaJesu.
9 Palyo kabaaliuka kuoma akitombe, kabaakini kiya kumwalithia mundu yoyote galyo bagabweni mpaka mwana wa Adamu kayoka kuoma kwa bandu bawile.
Pavakanga vava kuburuka mugomo, Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu upi zvake zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana woMunhu amuka kubva kuvakafa.
10 Kabatunza mambo yabe bene. Lakini kabalokiyana bene kwa bene maana yake kele “kuyoka kuoma kwa bandu bawile.
Vakachengeta shoko iri pakati pavo, vachikurukurirana pamusoro pokuti, “kumuka kwavakafa” kunorevei.
11 Kabanlokiya Yesu, “Mwalowa kele aandishi ukoya lazima Eliya aise kwanza?”
Uye vakamubvunza vakati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?”
12 Kaabakiya, “Eliya aisa kutoka ilebe yote. Mwalowa kele iandikwe mwana wa Adamu aakunda masaka ganyansima ni bandu kunkana?”
Jesu akapindura akati, “Kutaura chokwadi, Eria anofanira kutanga kuuya, uye agovandudza zvinhu zvose. Zvino kwakanyorerwei kuchinzi Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika zvikuru uye agorambwa?
13 Niabakiya Eliya atangike, na baantei ya bapendike, kati ya maandiko gakoya kwake.
Asi ndinoti kwamuri, Eria akauya, uye vakaita kwaari zvinhu zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.”
14 Kubaya kwa benepunzi, baabweni bandu banyansima batetelike ni Masadukayo bai kaba bishana.
Vakati vasvika kuna vamwe vadzidzi, vakaona vanhu vazhinji zhinji vakavakomberedza uye vadzidzisi vomurayiro vachiita nharo navo.
15 Kummona bai, kipenda sote sate kanganya ni kumbutia kumsalimia.
Vanhu vose pavakangoona Jesu, vakashamiswa zvikuru uye vakamhanya kundomukwazisa.
16 Kabaanlokiya benepunzi bake, mbishana nao kelee?
Akati, “Muri kuvabvunzeiko?”
17 Yumo mwa mukipenga kayangwaa, “Mwalimu nanlekite manango kwako, aii ni nsela atei kana alongele,
Mumwe murume aiva pakati pavanhu vazhinji akapindura akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, akabatwa nomweya wakamupa umbeveve.
18 Na kumtenda alendeme ni kuntomboya pae, ni kupita litutuma munkanwa na kutauna mino ni kung'ong'onala. Nayopite benepunzi bako bampiye nsela lakini bawesike kwaa.
Pose pose paunomubata, unomukanda pasi. Anopupuma furo pamuromo, worumanisa meno ake uye anobva aoma. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kugona kuzviita.”
19 Kabayangwaa, “Kilebe kisicho amini na tama nimwee kwa muda gani? Natoliana nimwee mpaka lini? Nneteni kwango.
Jesu akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai nomukomana kwandiri.”
20 Kbanneta mwanage, nsela paamweni Yesu, kan'yeya kulendema. Mwisembe katomboka pae ni kupita litutuma munkanwa.
Saka vakauya naye. Mweya wakati uchiona Jesu, pakarepo wakawisira mukomana pasi ukamubvundisa. Akawira pasi akaumburuka, achipupuma furo pamuromo.
21 Yesu kankokiya tate bake, “ubinyo ubi kwa muda gani? tate kabayangwa” tangu unangota.
Jesu akabvunza baba vomukomana akati, “Ane nguva yakadii achiita izvi?” Vakapindura vakati, “Kubva pauduku hwake.
22 Mara yenge atombokeya kwa moto au mmase, n kujaribu kumpoteya. Kama uwesa panga sosote ya tuboniekiya utuyangate.”
Kazhinji unosimuwisira mumoto kana mumvura kuti umuuraye. Asi kana muchigona kuita chinhu, tinzwirei tsitsi mutibatsire.”
23 Yesu kankokeya “Mana ubi tayari? Kila kilebe sando wesekana kwa ywe aminiye.”
Jesu akati, “Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda.”
24 Tate ya mwana kalela ni kukoya, “Nando amini niyangate kuto kuamini kwango.”
Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, “Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!”
25 Palyo Yesu abweni kipenga sa bandu kakibutukiya kwabe, kaankopokia nsela ni kukoya, wenga nsela mbubu ni mbogoso, nando kubakiya nneke, kana uyingii keake lelo.
Jesu akati aona kuti vanhu vazhinji vakanga vomhanyira panzvimbo iyo, akarayira mweya wakaipa akati, “Iwe mweya woumatsi nomweya woumbeveve, ndinokurayira, buda maari, uye usazopindazve maari.”
26 Kalela kwa lukalanga ni kuntaabiya mwana ni nsela kaaboka. Mwana abonike kati atewaa. Bingi kabakoya “Awile,”
Mweya wakadanidzira, ukamubvundisa zvikuru uye ukabuda. Mukomana akaita sokunge chitunha zvokuti vazhinji vakati, “Afa.”
27 Yesu kan'tola ni luboko kan'yinua, ni mwana kayema.
Asi Jesu akamubata noruoko akamumisa netsoka dzake, uye akakwanisa kumira.
28 lyo Yesu ayingii nnyumba, benepunzi bake kabanlokiya faragha, “mwalowa kele tuwesike kwaa kumpiya?”
Mushure mokunge Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Seiko isu takakundikana kuudzinga?”
29 Kabakiya “Kati iyeya apita kwa ila kwa mayopeyo.”
Akapindura achiti, “Rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera nokutsanya.”
30 Bapii palyo kupitya Galilaya, Aakani kutanga mundu yeyote yaa kutanga palyo babile.
Vakabva panzvimbo iyoyo vakapfuura nomuGarirea. Jesu akanga asingadi kuti zvizivikanwe nomunhu kuti vaiva kupi,
31 Mwalo abikabayengana benepunzi bake. Kabanakokeya mwana wa Adamu aikiywa mmaboko ga bandu, na bambulaga, palyo abi awile, atama siku tatu ayoka tena.”
nokuti akanga achidzidzisa vadzidzi vake. Akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achazopandukirwa achiiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya, uye shure kwamazuva matatu achamuka.”
32 Lakini baatangike kwaa mayegeyo gano na bayogwipe kunnkiya.
Asi havana kunzwisisa zvaakanga achireva uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.
33 Ndipo baike Karperinaumu. Palyo bai nnyumba kabalokiya “mwalongelage kele mwamundela?
Vakasvika kuKapenaume. Paakanga ari mumba, akavabvunza akati, “Manga muchikakavadzana pamusoro peiko munzira?”
34 Bayangwi kwaa batami poloi. baikababishana mundela nyai aimpendo muno.
Asi vakanyarara nokuti vakanga vakakavadzana vari munzira pamusoro pokuti mukuru ndiani.
35 Aatami pae kabakema komi ni ibele pamwepe, na kalongela nabo “Ywa apala kwa wa kwanza ni lazima abe wa mwisho ni mtumishi wa bote.
Agara pasi, Jesu akadana vane gumi navaviri akati, “Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva iye wokupedzisira, uye muranda wavose.”
36 Kantola mwana nnangota kambeka kati yabe. Kantola mmaboko gake kakoya.
Akatora mwana muduku akamumisa pakati pavo. Akamubata mumaoko ake, akati kwavari,
37 Ywa ampokeyae mwana kati ay o kwa lina lyango, pia anipokile ni nee, na mana abi mundu amenpokea, ambokya kwaa nee bai, niywa andumike.
“Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku ava muzita rangu anogamuchira ini; uye ani naani anondigamuchira haagamuchiri ini asi iye akandituma.”
38 Yohana kankokeya, “Mwalimu twammweni mundu kapiya nsela kwa lina lyako tukankotaya, mwalo atubengeya kwaa”
Johani akati, “Mudzidzisi, taona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu tikamudzivisa, nokuti anga asiri mumwe wedu.”
39 Yesu kakoya, “kana munkataya, mwalo ntopo atenda kasi nglo kwa lina lyango na baadae akoye lina ulyo linoike kwaa kwango.”
Jesu akati, “Musamudzivisa. Hakuna munhu anoita chishamiso muzita rangu angazotaura zvakaipa pamusoro pangu mushure maizvozvo,
40 Ywa atupenga kwaa bai ai pamwepe ni twenga.
nokuti ani naani asingarwisani nesu ndowedu.
41 Ywa akupaya kikombe sa mase ga kunywaa mwalo abi ni Kirisitu, nando kubakiya, Ataga kwaa thawabu yake.
Ndinokuudzai chokwadi, ani naani anokupai mukombe wemvura muzita rangu nokuda kwokuti muri vaKristu zvirokwazvo haangazorasikirwi nomubayiro wake.
42 Ywa abakosya bana anangota balyo bangota nee, yai bwiso kutabwa libwe la kusagia paingo ni kutangwa baharini.
“Uye kana ani naani akaita kuti mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri atadze, zvingava nani kwaari kuti akandwe mugungwa akasungirirwa guyo guru mumutsipa make.
43 Mana luboko lwako utei kwa bwiso ulukeng'ende, nantali kuyingi pankoto bila lubko kuliko kuyingia pahukumu ni maboko gako gote. Kumoto “uimika kwaa” (Geenna g1067)
Kana ruoko rwako ruchikuita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema pano kuti upinde mugehena namaoko maviri, uko kune moto usingadzimwi, (Geenna g1067)
44 (Itange mistari yeno, “Pandu punza bawakwa ni moto uimika kwaa.” Ntopo nnakala za kale)
umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi.
45 Mana lugolo lwako litei kwa bwiso, lukeng'ende. Ni bwiso kuyingi kuukoto ni nkilema, kuliko kulagena kuhukumu ni magolo mabele. (Geenna g1067)
Uye kana rutsoka rwako ruchiita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri, (Geenna g1067)
46 (Itange mistari gono, pandu punza bawakwaa ni moto uimika kwaa”ntopo mu nakala za kale)
umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi.
47 Mana liyo lyako litei kwa bwiso lipiye. Bwiso kuyingia kuufalme wa Nnongo ni liyo limo, kuliko kuba ni minyo mabele kutagwa kuzimu. (Geenna g1067)
Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena, (Geenna g1067)
48 Pandu pabi ni punza banga waa, no moto wangaimika.
uko “‘kusingafi honye dzavo uye moto wacho usingadzimwi.’
49 Kwa kubaa kila mundu akolezwa mni moto.
Munhu wose acharungwa nomoto.
50 Mwinyo unoike, mana mwinyo utagike ladha yake watenda buli kubukiya ladha yake? Mube ni mwinyo nkati yinu mwabene, ni mube ni amani kila yumo.
“Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”

< Marko 9 >