< 1 Athesalonike 3 >
1 Kwa eyo, tubiole kuwa twaweza kwaa vumiliya muno, twatiwaza kuwa inoyite kubaki kolyo Athene twabene.
Saka patakanga tisingagoni kuramba takatsunga, takafunga kuti zvaiva nani kuti tisare toga paAtene.
2 Tumtumile Timotheo, nongo witu na mtumishi wa Nnongo katika injili ya Kristo, kubaimarisha na kubafariji husiana na imani yinu.
Takatuma Timoti, anova ndiye hama yedu nomushandi waMwari pamwe chete nesu pakuparadzira vhangeri raKristu, kuti akusimbisei nokukukurudzirai mukutenda kwenyu,
3 Tupangite aga ili kusudi kana abe yeyote ywalowa teteleka bokana na mateso aga, kwa mana mwabene mutangite panga tuyomwile saulilwa kwa ajili ya lee.
kuti parege kuva nomunhu anozungunutswa nemiedzo iyi. Munozviziva chose kuti takanga takanangana nayo.
4 Kwa kweli, muda patubile pamope ni mwenga, twatitangulia kuabakiya kuwa tubile papipi pata mateso, na ago yapangite kati mupangite.
Chokwadi ndechokuti, pataiva nemi, takaramba tichikuudzai kuti tichatambudzwa. Uye zvakabva zvaita saizvozvo, sezvamunoziva kwazvo.
5 Kwa sababu yee, panibile kuwa naweza kwaa vumulia kae, natimtuma ili kusudi nipate tanga nnani ya imani yinu. Huenda nchela abile angalau atiajaribu, na kazi yitu ikawa ni bure.
Nokuda kwaizvozvo, pandakanga ndisisagoni kutsunga, ndakatuma shoko kuti ndizive nezvokutenda kwenyu. Ndakatya kuti zvimwe muedzi angadaro akakuedzai uye kubata kwedu kukava pasina.
6 Lakini Timotheo atiisa kwitu boka kwinu na atituletya twenga habari inoite nnani ya imani na upendo winu. Atubakiye kuwa mubile na kumbukumbu nzuri nnani yitu, na kuwa mwatamaniya kutubona kati ambavyo ni twenga twatamani kubabona mwenga.
Asi Timoti achangosvika kwatiri zvino achibva kwamuri uye akauya namashoko akanaka ezvokutenda kwenyu norudo rwenyu. Akatiudza kuti munogara muchifunga zvakanaka nezvedu uye kuti munoshuva kutiona, sezvatinoshuva nesuwo kukuonai.
7 Kwa sababu yee, alongo twatifarijika muno na mwenga kwa sababu ya imani yinu, katika taabu na mateso yitu yote.
Naizvozvo, hama, mukusuwa kwedu kwose uye nokutambudzwa kwedu, takakurudzirwa pamusoro penyu nokuda kwokutenda kwenyu.
8 Nambeambe twatama, kati muyemi imara kwa Ngwana,
Nokuti zvino tiri vapenyu chose, sezvo imi mumire nesimba muna She.
9 Kwani ni shukrani ipi tumpeye Nnongo kwa ajili yinu, kwa puraha yote tubile nayo nnongi ya Nnongo nnani yinu?
Tichavonga Mwari zvizere sei nokuda kwenyu kuti tidzorere mufaro wose watinawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu?
10 Twaloba muni kilo ni mutwekati ili tuweze kuibona minyo yinu na kubayongekeya sa kipongwile katika imani yinu.
Usiku namasikati tinonyengetera zvikuru kuti tikuoneizve uye kuti tizadzise zvamusina pakutenda kwenyu.
11 Nnongo witu na Tate mwene, na Tate witu Yesu atuongoze ndela tufike kwinu.
Zvino Mwari wedu, Baba pachavo naIshe wedu Jesu ngavatizarurire nzira kuti tiuye kwamuri.
12 Na Ngwana awapange muyongeyekeye ni kuzidi katika lipendo, mupendane na kubapenda bandu bote, kati yatwabapenda mwenga.
Ishe ngaakurise rudo rwenyu uye rupfachukire kuno mumwe nomumwe nokuvanhu vose, sezvinoita rwedu kwamuri.
13 Na apange nyoo ili kuimarisha mioyo yinu bila lawama katika utakatifu nnongi ya Nnongo witu na Tate yitu katika ujio ba Ngwana Yesu pamope ni batakatifu bake bote.
Ngaasimbise mwoyo yenyu kuitira kuti mushayiwe chamunopomerwa uye muve vatsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu navatsvene vake vose.