< KwabaseRoma 7 >

1 Kalazi yini, bazalwane (ngoba ngikhuluma lalabo abawaziyo umlayo), ukuthi umlayo ubusa umuntu selokhu esaphila?
Hamuzivi here, hama (nokuti ndinotaura kuna avo vanoziva murairo), kuti murairo unotonga munhu nguva yese yaanenge ari mupenyu?
2 Ngoba umfazi owendileyo ubotshelwe ngomlayo endodeni ephilayo; kodwa uba indoda isifile, ukhululiwe emlayweni wendoda.
Nokuti mukadzi akawanikwa wakasungwa nemurairo kumurume anorarama; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo wemurume.
3 Ngakho uba indoda isaphila, uzathiwa yisifebe uba esiba ngowenye indoda; kodwa uba indoda isifile, ukhululekile emlayweni, ukuze angabi yisifebe uba esiba ngowenye indoda.
Naizvozvo zvino kana murume ari mupenyu, achanzi chifeve kana akava weumwe murume; asi kana murume afa, wasununguka pamurairo, kuti asava chifeve, kana akava wemumwe murume.
4 Ngakho, bazalwane bami, selenziwe lafa lani emlayweni ngomzimba kaKristu, ukuze libe ngabomunye, ngabalowo owavuswa kwabafileyo, ukuze sithelele uNkulunkulu izithelo.
Naizvozvo, hama dzangu, nemwi makaitwa vakafa kumurairo nemuviri waKristu, kuti muve veumwe, kuna iye wakamutswa kubva kuvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.
5 Ngoba sathi sisenyameni, inkanuko zezono ezingomlayo zasebenza ezithweni zethu ukuthelela ukufa izithelo.
Nokuti pataiva munyama, kuchiva kwezvivi zvaiva kubidikidza nemurairo kwakabata mumitezo yedu kubereka zvibereko zvinoisa kurufu.
6 Kodwa khathesi-ke sesikhululiwe emthethweni, sifile mayelana lalokho esasibanjwe yikho, ukuze sikhonze ngobutsha bomoya, njalo kungeyisikho ngobudala bokulotshiweyo.
Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kune zvatakange takabatwa nazvo, kuti tishumire muutsva hwemweya, kwete neutsaru hwerugwaro.
7 Pho-ke sizakuthini? Umthetho uyisono yini? Phinde! Kodwa bengingasazi isono, ngaphandle ngomthetho; ngoba bengingawazi umhawu futhi, uba umthetho ubungatshongo ukuthi: Ungabi lomhawu.
Ko zvino tichatii? Murairo chivi here? Ngazvisadaro! Asi handisaiziva chivi, kunze kwekubudikidza nemurairo; nokuti handisaizivawo ruchiva, kana murairo wakange usina kureva kuti: Usachiva.
8 Kodwa isono, sizuze ithuba ngomthetho, sasebenza kimi umhawu wonke; ngoba ngaphandle komlayo isono sifile.
Asi chivi, chawana mukana nemurairo, chikaita mandiri ruchiva rwese; nokuti kunze kwemurairo chivi chakafa.
9 Mina-ke ngake ngaphila ngaphandle komlayo; kodwa kwathi sekufike umthetho, isono savuka, njalo ngafa mina;
Ini ndakambova mupenyu kunze kwemurairo, asi murairo pawakasvika, chivi chakava chipenyuzve, neni ndikafa;
10 njalo umthetho ongowempilo, wona waficwa yimi ungowokufa;
uye murairo waiva weupenyu, iwo wakawanikwa neni wava werufu;
11 ngoba isono, sizuze ithuba ngomthetho, sangikhohlisa, sangibulala ngawo.
nokuti chivi, chawana mukana nemurairo, chakandinyengera chikandiuraya nawo.
12 Ngakho umthetho ungcwele, lomlayo ungcwele njalo ulungile, futhi muhle.
Naizvozvo mutemo mutsvene, nemurairo mutsvene, uye wakarurama, uye wakanaka.
13 Ngakho okulungileyo kwaba yikufa kimi yini? Phinde! Kodwa isono, ukuze sibonakaliswe ukuthi siyisono, sisebenza ukufa kimi ngokulungileyo; ukuze isono ngomthetho sibe yikonakala okukhulu kakhulu.
Naizvozvo zvakanaka zvakava rufu mandiri here? Ngazvisadaro! Asi chivi, kuti chiratidzwe kuti chivi, chinobata rufu mandiri nezvakanaka; kuti chivi nemurairo chive chakaipa kwazvo-kwazvo.
14 Ngoba siyazi ukuthi umthetho ungowomoya; kanti mina ngingowenyama, ngithengisiwe ngaphansi kwesono.
Nokuti tinoziva kuti murairo ndewemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pechivi.
15 Ngoba lokhu engikwenzayo, angivumelanilakho; ngoba kakusikho engikuthandayo, lokho engikwenzayo; kodwa lokho engikuzondayo, yikho engikwenzayo.
Nokuti icho chandinoita, handichizivi; nokuti chandinoda, ndicho chandisingaiti; asi chandinovenga, ndicho chandinoita.
16 Uba ngisenza lokho engingakuthandiyo, ngiyawuvumela umthetho ukuthi ulungile.
Zvino kana ndichiita icho chandisingadi, ndinobvumirana nemurairo kuti wakanaka.
17 Kodwa khathesi-ke kakuseyimi engikwenzayo, kodwa yisono esihlala kimi.
Asi ikozvinowo handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri.
18 Ngoba ngiyazi ukuthi kimi, lokhu kuyikuthi enyameni yami, kakuhlali okuhle; ngoba kukhona ukuthanda kimi, kodwa ukwenza okuhle kangikutholi.
Nokuti ndinoziva kuti mandiri, ndiko kuti munyama yangu, hamugari chakanaka; nokuti kuda kurimo mandiri, asi kuita chakanaka handikuwani.
19 Ngoba okuhle engikuthandayo, kangikwenzi; kodwa okubi engingakuthandiyo, yikho engikwenzayo.
Nokuti chakanaka chandinoda, handiiti; asi chakaipa chandisingadi, ndicho chandinoita.
20 Kodwa uba ngisenza lokho mina engingakuthandiyo, kakuseyimi engikwenzayo, kodwa yisono esihlala kimi.
Zvino kana ndichiita icho chandisingadi ini, handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri.
21 Ngakho ngithola umthetho wokuthi lapho ngithanda ukwenza okuhle, okubi kukhona kimi.
Naizvozvo ndinowana murairo wekuti kana ndichida kuita chakanaka, chakaipa chiripo pandiri.
22 Ngoba ngiyathokoza emthethweni kaNkulunkulu ngomuntu ophakathi;
Nokuti ndinofara mumurairo waMwari zvinoenderana nemunhu wemukati;
23 kodwa ngibona ezithweni zami omunye umthetho olwa lomthetho wengqondo yami, longithumbela emthethweni wesono osezithweni zami.
asi ndinoona umwe murairo mumitezo yangu unorwa nemurairo wemurangariro wangu, uye uchanditapira kumurairo wechivi uri mumitezo yangu.
24 Mina muntu olusizi! Ngubani ozangikhulula kulumzimba walokhukufa?
Ini munhu anosuruvara! Ndiani achandisunungura pamuviri werufu urwu?
25 Ngiyabonga uNkulunkulu ngoJesu Kristu iNkosi yethu. Ngalokho-ke mina ngokwami ngikhonza umthetho kaNkulunkulu ngengqondo, kodwa ngenyama umthetho wesono.
Ndinotenda Mwari kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu. Naizvozvo zvino nemurangariro ini ndomene ndinoshumira murairo waMwari, asi nenyama murairo wechivi.

< KwabaseRoma 7 >