< KwabaseRoma 10 >
1 Bazalwane, isifiso senhliziyo yami, lomkhuleko kuNkulunkulu ngenxa kaIsrayeli yikuthi basindiswe.
Hama, kuda kwomwoyo wangu nokunyengetera kwangu kuna Mwari pamusoro pavaIsraeri ndekwokuti vaponeswe.
2 Ngoba ngiyabafakazela ukuthi balokutshisekela uNkulunkulu, kodwa kungenjengolwazi;
Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kushingairira kwavo havakuiti nokuziva.
3 ngoba bengakwazi ukulunga kukaNkulunkulu, njalo bedinga ukumisa okwabo ukulunga, kabazehliselanga ngaphansi kokulunga kukaNkulunkulu.
Nokuti, sezvo vakanga vasingazivi kururama kunobva kuna Mwari uye vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari.
4 Ngoba uKristu uyisiphetho somlayo ekulungeni kuye wonke okholwayo.
Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.
5 Ngoba uMozisi ubhala ngokulunga okungokomlayo, ukuthi umuntu owenza lezizinto uzaphila ngazo.
Mozisi anonyora pamusoro pokururama kwomurayiro, achiti, “Munhu anoita zvinhu izvi achararamiswa nazvo.”
6 Kodwa ukulunga okungokholo kukhuluma kanje: Ungatsho enhliziyweni yakho ukuthi: Ngubani ozakwenyukela ezulwini? Lokhu kuyikuthi ukumehlisa uKristu;
Asi kururama kunobva pakutenda kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ‘Ndianiko achakwira kudenga’ (ndiko kuburutsa Kristu)
7 kumbe ukuthi: Ngubani ozakwehlela ekujuleni? Lokhu kuyikuthi ukumkhuphula uKristu kwabafileyo. (Abyssos )
kana, kuti, ‘Ndianiko achaburukira kwakadzika?’ (ndiko, kubudisa Kristu kubva kuvakafa).” (Abyssos )
8 Kodwa kuthini? Ilizwi liseduze lawe, emlonyeni wakho lenhliziyweni yakho; leli yilizwi lokholo esilitshumayelayo;
Asi iwo unoti chiiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako uye nomumwoyo mako,” ndiro shoko rokutenda ratinoparidza:
9 ukuthi uba uvuma ngomlomo wakho iNkosi uJesu, njalo ukholwa enhliziyweni yakho ukuthi uNkulunkulu wamvusa kwabafileyo, uzasindiswa;
Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.
10 ngoba ngenhliziyo omunye uyakholwa kube yikulunga, langomlomo uyavuma kube lusindiso.
Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramisirwa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa.
11 Ngoba umbhalo uthi: Wonke okholwa kuye kayikuyangeka.
Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.”
12 Ngoba kakukho umehluko phakathi komJuda lomGriki; ngoba yinye iNkosi yabo bonke, inothele bonke abakhuleka kuyo.
Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha noweDzimwe Ndudzi, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari,
13 Ngoba wonke loba ngubani ozabiza ibizo leNkosi uzasindiswa.
nokuti “Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.”
14 Ngakho bazayibiza njani abangakholwanga kuyo? Futhi bazakholwa njani kuyo abangezwanga ngayo? Futhi bazakuzwa njani bengelamtshumayeli?
Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira?
15 Njalo bazatshumayela njani uba bengathunywanga? Njengokulotshiweyo ukuthi: Zinhle kangakanani inyawo zabatshumayela ivangeli lokuthula, zabatshumayela ivangeli ngezinto ezinhle!
Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!”
16 Kodwa kabalilalelanga bonke ivangeli. Ngoba uIsaya uthi: Nkosi, ngubani owakholwa umbiko wethu?
Asi havasi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?”
17 Ngakho ukholo luvela ekuzweni, lokuzwa ngelizwi likaNkulunkulu.
Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.
18 Kodwa ngithi: Kabezwanga yini? Yebo sibili, ilizwi labo liphumele emhlabeni wonke, lamazwi abo emikhawulweni yomhlaba.
Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti: “Inzwi ravo rakasvika kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.”
19 Kodwa ngithi: UIsrayeli kaqedisisanga yini? Kuqala uMozisi uthi: Mina ngizalivusela umona ngabo abangesiso isizwe, ngilithukuthelise ngesizwe esingelangqondo.
Ndinobvunzazve kuti: Israeri haina kunzwa here? Pakutanga Mozisi anoti, “Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati rwuri rudzi; ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.”
20 LoIsaya ulesibindi uthi: Ngaficwa yilabo abangangidinganga, ngabonakala kubo abangabuzanga ngami.
Uye Isaya, asingatyi anoti, “Ndakawanikwa navasina kunditsvaka; ndakazviratidza kuna vaya vasina kunditsvaka.”
21 Kodwa kuIsrayeli uthi: Usuku lonke ngelulela izandla zami kubantu abangalaleliyo labalenkani.
Asi pamusoro peIsraeri anoti, “Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri, uye vanokakavara.”