< Amahubo 9 >
1 Ngizakudumisa, Nkosi, ngenhliziyo yami yonke, ngilandise zonke izimangaliso zakho.
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro o“Kufa kwoMwanakomana.” Pisarema raDhavhidhi. Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose.
2 Ngizathaba ngithokoze kuwe, ngihlabele indumiso ebizweni lakho, wena oPhezukonke.
Ndichafara nokufarisisa mamuri; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.
3 Lapho izitha zami zibuyela emuva, zizakuwa, zibhubhe phambi kwakho.
Vavengi vangu vanodzokera shure; vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu.
4 Ngoba ulimele ilungelo lami lodaba lwami, wahlala esihlalweni sobukhosi, wahlulela ngokulungileyo.
Nokuti makatsigira kodzero yangu nenyaya yangu; makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo.
5 Uzikhuzile izizwe, wabhubhisa omubi; walesula ibizo labo kuze kube nini lanini.
Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa; makadzima zita ravo nokusingaperi.
6 Izitha ziphelile, izincithakalo eziphakade; uyidilizile imizi; ukukhunjulwa kwabo kubhubhe kanye labo.
Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi, makadzura maguta avo; kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara.
7 Kodwa iNkosi izahlala kuze kube phakade, isihlalo sayo sobukhosi isilungisele isahlulelo.
Jehovha anotonga nokusingaperi; akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.
8 Yona-ke izawahlulela umhlaba ngokulunga, ibagwebe abantu ngokuqonda.
Achatonga nyika nokururama; achatonga marudzi nokururamisira.
9 Njalo iNkosi izakuba yisiphephelo socindezelweyo, isiphephelo ngezikhathi zokuhlupheka.
Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika.
10 Labalaziyo ibizo lakho bazathemba kuwe, ngoba wena Nkosi, kawubatshiyanga abakudingayo.
Vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.
11 Hlabelani indumiso eNkosini ehlezi eZiyoni, limemezele phakathi kwabantu izenzo zayo.
Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, iye agere pachigaro choushe muZioni; paridzai zvaakaita pakati pendudzi.
12 Nxa idinga igazi, iyabakhumbula, kayikhohlwa ukukhala kwabahlutshwayo.
Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira; haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa.
13 Woba lomusa kimi, Nkosi, ubone uhlupho lwami oluvela kwabangizondayo, wena ongiphakamisayo emasangweni okufa,
Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei! Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu,
14 ukuze ngilandise yonke indumiso yakho emasangweni endodakazi yeZiyoni, ngithokoze kusindiso lwakho.
kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu mumasuo oMwanasikana weZioni, uye ndigofara muruponeso rwenyu.
15 Izizwe zitshone emgodini ezawenzayo, embuleni ezalithiyayo unyawo lwazo lubanjiwe.
Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera; tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga.
16 INkosi izazisile, yenza isahlulelo; omubi uthiywe emsebenzini wezandla zakhe. Higayoni. (Sela)
Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake; vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo. Higayoni. Sera
17 Abakhohlakeleyo bazabuyela esihogweni, zonke izizwe ezimkhohlwayo uNkulunkulu. (Sheol )
Vakaipa vanodzokera kuguva, idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari. (Sheol )
18 Ngoba oswelayo kayikukhohlakala kokuphela; ithemba labayanga kaliyikunyamalala phakade.
Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa, uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.
19 Vuka, Nkosi, umuntu kanganqobi; izizwe kazigwetshwe phambi kwakho.
Simukai, Jehovha, munhu ngaarege kukunda; ndudzi ngadzitongwe pamberi penyu.
20 Zitshayise ngovalo, Nkosi, izizwe kazikwazi ukuthi zingabantu nje. (Sela)
Varovei nokutyisa, imi Jehovha; ndudzi ngadzizive kuti vanongova vanhu zvavo. Sera