< Amahubo 24 >

1 Umhlaba ungoweNkosi, lokugcwala kwawo, ilizwe, labahlala kulo.
Pisarema raDhavhidhi. Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi, nyika, navose vanogaramo;
2 Ngoba yona yawusekela phezu kwezinlwandle, yawumisa phezu kwemifula.
nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.
3 Ngubani ozakwenyukela entabeni yeNkosi? Kumbe ngubani ozakuma endaweni yayo engcwele?
Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?
4 Ngulowo olezandla ezihlanzekileyo lenhliziyo emhlophe, ongaphakamiseli umphefumulo wakhe kokuyize longafungi ngenkohliso.
Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema.
5 Uzakwemukela isibusiso eNkosini, lokulunga kuNkulunkulu wosindiso lwakhe.
Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovha nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.
6 Lesi yisizukulwana salabo abayidingayo, abadinga ubuso bakho, ngitsho Jakobe. (Sela)
Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka, ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. Sera
7 Phakamisani inhloko zenu, lina masango, phakanyiswani, lina minyango yaphakade, ukuze kungene iNkosi yenkazimulo.
Simudzai misoro yenyu, imi masuo; muisimudze, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.
8 Ingubani liNkosi yenkazimulo? INkosi elamandla leliqhawe, iNkosi elamandla empini.
Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? Ndiye Jehovha ane simba noumhare, Jehovha ane simba pakurwa.
9 Phakamisani inhloko zenu, lina masango, yebo, phakamani, lina minyango yaphakade, ukuze kungene iNkosi yenkazimulo.
Simudzai misoro yenyu, imi masuo; muasimudze, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.
10 Ingubani liNkosi yenkazimulo? INkosi yamabandla, yiyo eyiNkosi yenkazimulo. (Sela)
Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya? Jehovha Wamasimba Ose, ndiye Mambo wokubwinya. Sera

< Amahubo 24 >