< Amahubo 110 >
1 INkosi yathi eNkosini yami: Hlala ngakwesokunene sami, ngize ngenze izitha zakho zibe yisenabelo senyawo zakho.
Pisarema raDhavhidhi Jehovha akati kuna She wangu, “Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.”
2 INkosi izathuma intonga yamandla akho ivela eZiyoni. Busa phakathi kwezitha zakho.
Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni; uchatonga pakati pavavengi vako.
3 Abantu bakho bazavuma ngosuku lwamandla akho, ebuhleni bobungcwele, kusukela esizalweni semadabukakusa kuza kuwe amazolo obutsha bakho.
Mauto ako achazvipira pazuva rako rehondo. Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene, kubva pachizvaro chamambakwedza uchagamuchira dova roujaya hwako.
4 INkosi ifungile, kayiyikuphenduka: Wena ungumpristi kuze kube nininini ngokwendlela kaMelkizedeki.
Jehovha akapika, uye haangashanduki, achiti, “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.”
5 INkosi ngakwesokunene sakho izachoboza amakhosi osukwini lokuthukuthela kwayo.
Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi; achaparadza madzimambo pazuva rehasha dzake.
6 Izakwehlulela phakathi kwezizwe, kugcwale izidumbu; izachoboza inhloko phezu kwelizwe elikhulu.
Achatonga ndudzi, achiunganidza vakafa, uye achiparadza vatongi venyika yose.
7 Izanatha esifuleni endleleni; ngakho-ke izaphakamisa ikhanda.
Achanwa parukova rwuri parutivi penzira; naizvozvo achasimudza musoro wake.