< Amanani 33 >
1 Lezi zinhambo zabantwana bakoIsrayeli abaphuma elizweni leGibhithe ngamabutho abo, ngesandla sikaMozisi loAroni.
Hezvino zvinhanho zvorwendo rwavaIsraeri pavakabuda muIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMozisi naAroni.
2 UMozisi wasebhala ukuphuma kwabo ngezinhambo zabo ngokomlayo weNkosi. Lalezi zinhambo zabo njengokuphuma kwabo.
Mozisi akanyora zvinhanho zvorwendo rwavo. Urwu ndirwo rwendo rwavo nezvinhanho zvarwo:
3 Basebesuka eRamesesi ngenyanga yokuqala ngosuku lwetshumi lanhlanu lwenyanga yokuqala; ngakusisa kwephasika abantwana bakoIsrayeli baphuma ngesandla esiphakemeyo phambi kwamehlo awo wonke amaGibhithe,
VaIsraeri vakasimuka kubva paRamesesi nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga, zuva rakatevera Pasika. Vakafamba vakabuda vasingatyi pamberi pavaIjipita vose,
4 lapho amaGibhithe engcwaba labo iNkosi eyabatshayayo phakathi kwawo, wonke amazibulo; laphezu kwabonkulunkulu bawo iNkosi yenza isigwebo.
avo vakanga vachiviga matangwe avo ose, akanga aurayiwa naJehovha pakati pavo; nokuti Jehovha akanga atonga vamwari vavo.
5 Abantwana bakoIsrayeli basebesuka eRamesesi, bamisa inkamba eSukothi.
VaIsraeri vakabva paRamesesi vakandodzika misasa yavo paSukoti.
6 Basuka eSukothi, bamisa inkamba eEthama elisekucineni kwenkangala.
Vakabva paSukoti vakandodzika misasa yavo paEtamu, mujinga megwenga.
7 Basuka eEthama, babuyela ePi-Hahirothi ephambi kweBhali-Zefoni, bamisa inkamba phambi kweMigidoli.
Vakabva paEtamu, vakadzokera shure kuPi Hahiroti, nechokumabvazuva kweBhaari Zefoni, vakandodzika misasa yavo pedyo neMigidhori.
8 Basuka ePi-Hahirothi, badabula phakathi kolwandle besiya enkangala; bahamba uhambo lwensuku ezintathu enkangala yeEthama, bamisa inkamba eMara.
Vakabva paPi Hahiroti vakapinda nomugungwa vakaenda murenje, uye vakati vafamba mazuva matatu murenje reEtami, vakadzika misasa paMara.
9 Basuka eMara, bayafika eElimi; njalo eElimi kwakukhona imithombo yamanzi elitshumi lambili lezihlahla zelala ezingamatshumi ayisikhombisa; basebemisa inkamba lapho.
Vakabva paMara vakaenda kuErimu, pakanga pane matsime gumi namaviri nemiti yemichindwe makumi manomwe, uye vakadzika misasa ipapo.
10 Basuka eElimi, bamisa inkamba eLwandle oluBomvu.
Vakabva paErimu vakandodzika misasa paGungwa Dzvuku.
11 Basuka eLwandle oluBomvu, bamisa inkamba enkangala yeSini.
Vakabva paGungwa Dzvuku vakandodzika misasa muGwenga reSini.
12 Basuka enkangala yeSini, bamisa inkamba eDofika.
Vakabva muGwenga reSini vakandodzika misasa paDhofika.
13 Basuka eDofika, bamisa inkamba eAlushi.
Vakabva paDhofika vakandodzika misasa paArushi.
14 Basuka eAlushi, bamisa inkamba eRefidimi lapho okwakungelamanzi khona okuthi abantu banathe.
Vakabva paArushi vakandodzika misasa paRefidhimu, apo pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe.
15 Basebesuka eRefidimi, bamisa inkamba enkangala yeSinayi.
Vakabva paRefidhimu vakandodzika misasa muGwenga reSinai.
16 Basuka enkangala yeSinayi, bamisa inkamba eKibirothi-Hathava.
Vakabva muGwenga reSinai vakandodzika misasa paKibhuroti Hataavha.
17 Basuka eKibirothi-Hathava, bamisa inkamba eHazerothi.
Vakabva paKibhuroti Hataavha vakandodzika misasa paHazeroti.
18 Basuka eHazerothi, bamisa inkamba eRithima.
Vakabva paHazeroti vakandodzika misasa paRitima.
19 Basuka eRithima, bamisa inkamba eRimoni-Perezi.
Vakabva paRitima vakandodzika misasa paRimoni Perezi.
20 Basuka eRimoni-Perezi, bamisa inkamba eLibhina.
Vakabva paRimoni Perezi vakandodzika misasa paRibhina.
21 Basuka eLibhina, bamisa inkamba eRisa.
Vakabva paRibhina vakandodzika misasa paRisa.
22 Basuka eRisa, bamisa inkamba eKehelatha.
Vakabva paRisa vakandodzika misasa paKeherata.
23 Basuka eKehelatha, bamisa inkamba entabeni yeSheferi.
Vakabva paKeherata vakandodzika misasa paGomo reSheferi.
24 Basuka entabeni yeSheferi, bamisa inkamba eHarada.
Vakabva paGomo reSheferi vakandodzika misasa paHaradha.
25 Basuka eHarada, bamisa inkamba eMakelothi.
Vakabva paHaradha vakandodzika misasa paMakeroti.
26 Basuka eMakelothi, bamisa inkamba eTahathi.
Vakabva paMakeroti vakandodzika misasa paTahati.
27 Basuka eTahathi, bamisa inkamba eTera.
Vakabva paTahati vakandodzika misasa paTera.
28 Basuka eTera, bamisa inkamba eMithika.
Vakabva paTera vakandodzika misasa paMitika.
29 Basuka eMithika, bamisa inkamba eHashimona.
Vakabva paMitika vakandodzika misasa paHashimona.
30 Basuka eHashimona, bamisa inkamba eMoserothi.
Vakabva paHashimona vakandodzika misasa paMoseroti.
31 Basuka eMoserothi, bamisa inkamba eBene-Jakani.
Vakabva paMoseroti vakandodzika misasa paBhene Jaakani.
32 Basuka eBene-Jakani, bamisa inkamba eHori-Hagidigadi.
Vakabva paBhene Jaakani vakandodzika misasa paHori Hagidhigadhi.
33 Basuka eHori-Hagidigadi, bamisa inkamba eJotibatha.
Vakabva paHori Hagidhigadhi vakandodzika misasa paJotibhata.
34 Basuka eJotibatha, bamisa inkamba eAbrona.
Vakabva paJotibhata vakandodzika misasa paAbhurona.
35 Basuka eAbrona, bamisa inkamba eEziyoni-Geberi.
Vakabva paAbhurona vakandodzika misasa paEzioni Gebheri.
36 Basuka eEziyoni-Geberi, bamisa inkamba enkangala yeZini, eyiKadeshi.
Vakabva paEzioni Gebheri vakandodzika misasa paKadheshi, murenje reZini.
37 Basuka eKadeshi, bamisa inkamba entabeni yeHori ekucineni kwelizwe leEdoma.
Vakabva paKadheshi vakandodzika misasa paGomo reHori, kumuganhu weEdhomu.
38 UAroni umpristi wasesenyukela entabeni yeHori ngokomlayo weNkosi, wafela khona, ngomnyaka wamatshumi amane emva kokuphuma kwabantwana bakoIsrayeli elizweni leGibhithe, ngenyanga yesihlanu, ngosuku lokuqala lwenyanga.
Aroni muprista akakwira muGomo reHori sezvakarayirwa naJehovha, akandofira imomo pazuva rokutanga romwedzi wechishanu wegore ramakumi mana shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti.
39 Njalo uAroni wayeleminyaka elikhulu lamatshumi amabili lantathu ekufeni kwakhe entabeni yeHori.
Aroni akanga ava namakore zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake paGomo reHori.
40 UmKhanani, inkosi yeAradi, owayehlala eningizimu elizweni leKhanani, wasesizwa ngokuza kwabantwana bakoIsrayeli.
Mambo weAradhi muKenani, aigara kuNegevhi kweKenani, akanzwa kuti vaIsraeri vari kuuya.
41 Basebesuka entabeni yeHori, bamisa inkamba eZalimona.
Vakabva kuGomo reHori vakandodzika misasa paZarimona.
42 Basuka eZalimona, bamisa inkamba ePunoni.
Vakabva paZarimona vakandodzika misasa paPunoni.
43 Basuka ePunoni, bamisa inkamba eObothi.
Vakabva paPunoni vakandodzika misasa paObhoti.
44 Basuka eObothi, bamisa inkamba eIye-Abarimi, emngceleni wakoMowabi.
Vakabva paObhoti vakandodzika misasa paIye Abharimi, pamuganhu weMoabhu.
45 Basuka eIyimi, bamisa inkamba eDiboni-Gadi.
Vakabva paIyimi vakandodzika misasa paDhibhoni Gadhi.
46 Basuka eDiboni-Gadi, bamisa inkamba eAlimoni-Dibilathayimi.
Vakabva paDhibhoni Gadhi vakandodzika misasa paArimoni Dhibhurataimi.
47 Basuka eAlimoni-Dibilathayimi, bamisa inkamba entabeni zeAbarimi, phambi kweNebo.
Vakabva paArimoni Dhibhurataimi vakandodzika misasa mumakomo eAbharimi, pedyo neNebho.
48 Basuka entabeni zeAbarimi, bamisa inkamba emagcekeni akoMowabi eJordani eJeriko;
Vakabva pamakomo eAbharimi vakandodzika misasa pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko.
49 bamisa inkamba eJordani kusukela eBeti-Jeshimothi kusiya eAbeli-Shithimi, emagcekeni akoMowabi.
Pamapani eMoabhu ipapo vakadzika misasa vakatevedza Jorodhani kubva kuBheti Jeshimoti kusvikira kuAbheri Shitimu.
50 INkosi yasikhuluma kuMozisi emagcekeni akoMowabi, eJordani eJeriko, isithi:
Pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko, Jehovha akati kuna Mozisi,
51 Tshono ebantwaneni bakoIsrayeli uthi kubo: Lapho selichaphe iJordani laya elizweni leKhanani,
“Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mayambuka Jorodhani mapinda muKenani,
52 lizaxotsha bonke abakhileyo belizwe libakhuphe emfuyweni yabo phambi kwenu, lichithe yonke imifanekiso yabo, lichithe zonke izithombe zabo ezibunjwe ngokuncibilikisa, liqede zonke indawo zabo eziphakemeyo,
mudzinge vose vanogara munyika imomo pamberi penyu. Muparadze zvifananidzo zvavo zvose zvakavezwa nezvifananidzo zvavo zvakaumbwa, uye muputse nzvimbo dzose dzakakwirira.
53 lidle ilifa lelizwe, lihlale kilo, ngoba ngilinike ilizwe ukuthi lidle ilifa lalo.
Mutore nyika iyo mugaremo, nokuti ndakupai nyika iyi kuti ive yenyu.
54 Njalo lizakudla ilifa lelizwe ngenkatho ngensendo zenu; kwabanengi lizakwengeza ilifa labo, lakwabalutshwana lizanciphisa ilifa labo. Lapho inkatho ezamphumela khona umuntu, kuzakuba ngokwakhe. Njengezizwe zaboyihlo lizakudla ilifa.
Mugovere nyika nomujenya, maererano nemhuri dzenyu. Mupe vakawanda nhaka huru, uye vashoma muvapewo nhaka duku. Zvose zvichawira kwavari nomujenya zvinofanira kuva zvavo. Muigove zviri maererano namarudzi amadzitateguru enyu.
55 Kodwa nxa lingabakhuphi abakhileyo elizweni emfuyweni yabo phambi kwenu, khona kuzakuthi elibatshiyayo babo bazakuba zimvava emehlweni enu babe ngameva ezinhlangothini zenu, balihluphe elizweni elihlala kilo.
“‘Asi kana mukasadzinga vagere munyika iyi, vamunotendera kusara ivavo vachava rukato pamberi penyu neminzwa pamativi enyu. Vachakutambudzai munyika mamugere.
56 Kuzakuthi-ke, ngizakwenza kini njengalokhu ebengicabanga ukukwenza kubo.
Ipapo ndichakuitirai imi zvandakaronga kuvaitira ivo.’”