< UNehemiya 3 >

1 Kwasekusukuma eEliyashibi umpristi omkhulu labafowabo abapristi, bakha isango lezimvu, balingcwelisa, bamisa izivalo zalo; ngitsho, kuze kube semphotshongweni weMeya bawungcwelisa, kuze kube semphotshongweni weHananeli.
Zvino Eriashibhi muprista mukuru navamwe vaprista vakaenda kundoshanda uye vakavakazve Suo raMakwai. Vakarikumikidza vakaisa makonhi panzvimbo yawo, vakarivaka kunosvika paShongwe yeZana, iyo yavakakumikidza, kusvikira paShongwe yaHananeri.
2 Leceleni kwakhe kwakha amadoda eJeriko; leceleni kwakhe kwakha uZakuri indodana kaImri.
Varume veJeriko vakavaka chikamu chaiva pedyo, uye Zakuri mwanakomana waImuri akavaka parutivi pavo.
3 Lesango lenhlanzi alakha amadodana kaHasenaya; amisa imigubazi yalo, amisa izivalo zalo, amabhawudo alo, leminxibo yalo.
Suo reHove rakavakwa navanakomana veHasenaya. Vakaisa matanda okuchinjika vakaisa makonhi aro namabhaudhi uye namazariro panzvimbo yawo.
4 Leceleni kwawo kwalungisa uMeremothi indodana kaUriya indodana kaHakozi; leceleni kwabo kwalungisa uMeshulamu indodana kaBerekiya indodana kaMeshezabeli; leceleni kwabo kwalungisa uZadoki indodana kaBahana;
Meromoti mwanakomana waUria, mwanakomana waHakozi akagadzira chikamu chaitevera. Aimutevera pakugadzira aiva Meshurami mwanakomana waBherekia, mwanakomana waMeshebhezeri, uye aitevera mushure make, Zadhoki mwanakomana waBhaana, akagadzirawo.
5 leceleni kwabo kwalungisa amaThekhowa; kodwa izikhulu zabo kazilethanga intamo yazo emsebenzini weNkosi yazo.
Chikamu chaitevera chakagadzirwa navarume veTekoa, asi vakuru vavo vakangopeta maoko avo vakasashandira Ishe wavo.
6 Lesango elidala balilungisa oJoyada indodana kaPhaseya loMeshulamu indodana kaBesodeya; bamisa imigubazi yalo, bamisa izivalo zalo, lamabhawudo alo, leminxibo yalo.
Suo raJeshana rakagadzirwa naJoyadha mwanakomana waPasea naMeshurami mwanakomana waBhesodheya. Vakaisa matanda aro okuchinjika ndokuisa makonhi namabhaudhi namazariro panzvimbo yawo.
7 Eceleni kwabo-ke kwalungisa uMelatiya umGibeyoni loJadoni umMeronothi, amadoda eGibeyoni laweMizipa, kuze kube sesihlalweni sobukhosi sombusi wanganeno komfula.
Zvakatevera pakugadzirwa zvakaitwa navarume vaibva kuGibheoni neMizipa, naMeratia weGibheoni uye naJadhoni wokuMeronoti, nzvimbo dzaiva pasi pomubati wemhiri kweYufuratesi.
8 Eceleni kwakhe kwalungisa uUziyeli indodana kaHarihaya, wabakhandi begolide; leceleni kwakhe kwalungisa uHananiya, indodana yabenzi bamakha; batshiya iJerusalema kwaze kwaba semdulini obanzi.
Uzieri mwanakomana waHaraya, mumwe wavapfuri vegoridhe, akagadzira chikamu chaitevera; uye Hanania, mumwe wavavhenganisi vezvinonhuhwira, akagadzira chikamu chaitevera ichocho. Vakavandudza Jerusarema kudzamara vasvika parusvingo rwakapamhama.
9 Eceleni kwabo-ke kwalungisa uRefaya indodana kaHuri, umbusi wengxenye yesigaba seJerusalema.
Refaya mwanakomana waHuri, mutongi wehafu yerimwe dunhu reJerusarema, akagadzira chikamu chaitevera.
10 Eceleni kwabo-ke kwalungisa uJedaya indodana kaHarumafi lamaqondana lendlu yakhe; leceleni kwakhe kwalungisa uHathushi indodana kaHashabineya.
Pakabatana navo, Jedhaya mwanakomana waHarumafi akagadzira chikamu chakatarisana neimba yake, uye Hatushi mwanakomana waHashabheneya akagadzira chikamu chaitevera.
11 Isilinganiso sesibili basilungisa oMalikiya indodana kaHarimi loHashubi indodana kaPahathi-Mowabi, kanye lomphotshongo wezithando zomlilo.
Marikiya mwanakomana waHarimu naHashubhi mwanakomana waPahati-Moabhu vakagadzira chimwe chikamu uye neShongwe yeMahovhoni.
12 Leceleni kwakhe kwalungisa uShaluma indodana kaHaloheshi, umbusi wengxenye yesigaba seJerusalema, yena lamadodakazi akhe.
Sharumi mwanakomana waHaroheshi, mutongi wehafu yerimwe dunhu reJerusarema, akagadzira chikamu chaitevera achibatsirwa navanasikana vake.
13 Isango lesigodi walilungisa uHanuni labahlali beHanowa; balakha, bamisa izivalo zalo, amabhawudo alo, leminxibo yalo, lezingalo eziyinkulungwane emdulini kwaze kwaba sesangweni lomquba.
Suo roMupata rakagadzirwa naHanuni navagari veZanoa. Vakarivaka patsva ndokuisa makonhi aro namabhaudhi nemazariro esimbi panzvimbo yawo. Vakagadzirawo makubhiti chiuru chimwe orusvingo kudzamara vasvika paSuo reNdove.
14 Lesango lomquba walilungisa uMalikiya indodana kaRekabi, umbusi wesabelo seBhethi-Hakerema; walakha, wamisa izivalo zalo, amabhawudo alo, leminxibo yalo.
Marikiya mwanakomana waRekabhi, mutongi wedunhu reBheti Hakeremu, akagadzira Suo reNdove. Akarivaka patsva ndokuisa makonhi aro namabhaudhi namazariro panzvimbo yawo.
15 Lesango lomthombo walilungisa uShaluna indodana kaKolihoze, umbusi wesigaba seMizipa; yena walakha, walifulela, wamisa izivalo zalo, amabhawudo alo, leminxibo yalo, lomduli wechibi leShela ngasesivandeni senkosi, njalo kwaze kwaba sezikhwelweni ezehla zisuka emzini kaDavida.
Suo reTsime rakagadzirwa naSharuni mwanakomana waKori-Hoze, mutongi wedunhu reMizipa. Akarivaka patsva ndokuisa denga namakonhi aro namabhaudhi uye akaisa nemazariro panzvimbo yawo. Akagadzirazve rusvingo rweDziva reSiroami, paBindu raMambo kusvikira pamatanho anoburukira kuGuta raDhavhidhi.
16 Ngemva kwakhe kwalungisa uNehemiya indodana kaAzibuki, umbusi wengxenye yesigaba seBeti-Zuri, kwaze kwaba maqondana lamangcwaba kaDavida, njalo kwaze kwaba sechibini elalenziwe, njalo kwaze kwaba sendlini yamaqhawe.
Akamutevera ndiNehemia mwanakomana waAzubhuki mutongi wehafu yedunhu reBheti Zuri, akagadzira kusvikira panzvimbo yakatarisana nemakuva aDhavhidhi kusvikira padziva nokuImba yeMhare.
17 Ngemva kwakhe kwalungisa amaLevi, uRehuma indodana kaBani; leceleni kwakhe kwalungisa uHashabhiya, umbusi wengxenye yesigaba seKeyila, esigabeni sakhe.
VaRevhi vaiva pasi paRehumi mwanakomana waBhani vakamutevera pakugadzira. Parutivi pake, Hashabhia, mutongi wehafu yedunhu reKeira, akaita mabasa okugadzira panzvimbo yedunhu rake.
18 Ngemva kwakhe kwalungisa abafowabo, uBavayi indodana kaHenadadi, umbusi wengxenye yesigaba seKeyila.
Vaimutevera pakugadzira, vanhu venyika yavo vaiva pasi paBhinui mwanakomana waHenadhadhi, mutongi weimwe hafu yeKeira.
19 Njalo kwalungisa eceleni kwakhe uEzeri indodana kaJeshuwa, umbusi weMizipa, esinye isilinganiso maqondana lomqanso wendlu yezikhali, engonsini.
Aimutevera ndiEzeri mwanakomana waJeshua, mutongi weMizipa, akagadzira chimwe chikamu kubva pamukwidza wakatarisana neimba yezvombo zvehondo kusvikira pakona.
20 Ngemva kwakhe kwalungisa ngesivuvu uBharukhi indodana kaZabayi esinye isilinganiso kusukela engonsini kusiya emnyango wendlu kaEliyashibi umpristi omkhulu.
Bharuki mwanakomana waZabhai akamutevera, akagadzira chimwe chikamu nomwoyo wose kubva pakona zvichienda pamusuo weimba yaEriashibhi muprista mukuru.
21 Ngemva kwakhe uMeremothi indodana kaUriya indodana kaHakozi walungisa esinye isilinganiso kusukela emnyango wendlu kaEliyashibi kuze kube sekucineni kwendlu kaEliyashibi.
Aimutevera, ndiMeromoti mwanakomana waUria, mwanakomana waHakozi, akagadzira chimwe chikamu, kubva pamusuo weimba yaEriashibhi kusvikira painoguma.
22 Langemva kwakhe kwalungisa abapristi, amadoda endawo ezigombolozeleyo.
Zvakagadzirwa mumashure make zvakaitwa navaprista vaibva mudunhu rakapoteredza.
23 Ngemva kwakhe kwalungisa oBhenjamini loHashubi maqondana lendlu yabo; ngemva kwakhe kwalungisa uAzariya indodana kaMahaseya indodana kaAnaniya duze lendlu yakhe.
Mumashure mavo, Bhenjamini naHashubhi vakazogadzira mberi kweimba yavo; uye aivatevera, Azaria mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waAnania, akagadzira parutivi peimba yake.
24 Ngemva kwakhe uBinuwi indodana kaHenadadi walungisa esinye isilinganiso kusukela endlini kaAzariya kusiya engonsini njalo kuze kube sejikweni.
Aimutevera, Bhinui mwanakomana waHanadhadhi akagadzira chimwe chikamu, kubva paimba yaAzaria kusvikira pakona nokune imwezve kona,
25 UPalali indodana kaUzayi, maqondana lengonsi lomphotshongo othutsha endlini yenkosi ephezulu esegumeni labalindi. Ngemva kwakhe uPhedaya indodana kaParoshi.
uye Parari mwanakomana waUzia akashanda pakatarisana nepakona uye napashongwe inobuda ichibva kumuzinda wokumusoro pedyo noruvazhe rwavarindi. Aimutevera, Pedhaya mwanakomana waParoshi
26 AmaNethini ayehlezi eOfeli kwaze kwaba maqondana lesango lamanzi ngasempumalanga lomphotshongo othutshayo.
navashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi vakagadzira kusvikira panzvimbo yakatarisana neSuo reMvura kwakananga kumabvazuva uye napanobudikira neshongwe.
27 Ngemva kwakhe abeThekhowa balungisa esinye isilinganiso maqondana lomphotshongo omkhulu othutshayo, njalo kwaze kwaba semdulini weOfeli.
Vaivatevera, varume veTekoa vakagadzira chimwe chikamu, kubva panobuda shongwe huru kusvikira kurusvingo rweOferi.
28 Kusukela phezu kwesango lamabhiza kwalungisa abapristi, ngulowo maqondana lendlu yakhe.
Vaprista vakagadzira pamusoro peSuo raMabhiza, mumwe nomumwe pamberi peimba yake.
29 Ngemva kwakhe kwalungisa uZadoki indodana kaImeri maqondana lendlu yakhe. Njalo ngemva kwakhe kwalungisa uShemaya indodana kaShekaniya, umgcini wesango lempumalanga.
Aivatevera, Zadhoki mwanakomana waImeri akagadzira pakatarisana neimba yake. Aimutevera ndiShemaya mwanakomana waShekania, murindi wokuSuo rokuMabvazuva, ane zvaakagadzira.
30 Ngemva kwakhe kwalungisa oHananiya indodana kaShelemiya loHanuni indodana yesithupha kaZalafi esinye isilinganiso. Ngemva kwakhe kwalungisa uMeshulamu indodana kaBerekiya maqondana lekamelo lakhe.
Vaimutevera, Hanania mwanakomana waSheremia naHanuni, mwanakomana wechitanhatu waZarafu, ndivo vakagadzira chimwe chikamu. Aimutevera, Meshurami mwanakomana waBherekia akagadzira pakatarisana nepaaigara.
31 Ngemva kwakhe kwalungisa uMalikiya indodana yomkhandi wegolide kwaze kwaba sendlini yamaNethini leyabathengi maqondana lesango leMifikhadi, njalo kusiya endlini yengonsi engaphezulu.
Mumashure make Marikiya, mumwe wavapfuri vegoridhe, akagadzira kusvikira kuimba yavashandi vetemberi navatengesi, pakatarisana neSuo Rokuongorora, uye kusvikira paimba iri pamusoro pekona;
32 Njalo phakathi laphakathi kwendlu yengonsi engaphezulu kuze kube sesangweni lezimvu kwalungisa abakhandi begolide labathengi.
uye pakati peimba iri pamusoro pekona neSuo raMakwai, vapfuri vegoridhe navatengesi ndivo vakapagadzira.

< UNehemiya 3 >