< UMathewu 28 >

1 Kwathi ekupheleni kwesabatha, emadabukakusa kusiya osukwini lokuqala lweviki, kwafika uMariya Magadalena, lomunye uMariya, ukuzabona ingcwaba.
Mushure meSabata, ava mambakwedza nomusi wokutanga wevhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria vakaenda kundoona guva.
2 Futhi khangela, kwaba khona ukuzamazama komhlaba okukhulu; ngoba ingilosi yeNkosi yehla ivela ezulwini, yasondela yagiqa ilitshe yalisusa emnyango, yahlala phezu kwalo.
Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru nokuti mutumwa waShe akabva kudenga akaenda paguva akasvikokungurutsa ibwe riya akagara pamusoro paro.
3 Lokubonakala kwayo kwakunjengombane, lesembatho sayo sasimhlophe njengeliqhwa elikhithikileyo.
Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni uye nguo dzake dzakanga dzakachena sechando.
4 Abalindi basebethuthumela ngokuyesaba, baba njengabafileyo.
Varindi vakamutya kwazvo zvokuti vakadedera vakaita savanhu vafa.
5 Kodwa ingilosi yaphendula yathi kwabesifazana: Lingesabi lina; ngoba ngiyazi ukuthi lidinga uJesu obebethelwe;
Mutumwa akati kuvakadzi vaya, “Musatya nokuti ndinoziva kuti muri kutsvaka Jesu uyo akarovererwa pamuchinjikwa.
6 kakho lapha; ngoba uvukile, njengokutsho kwakhe; wozani libone indawo lapho iNkosi ebilele khona.
Haapo pano; amuka sokutaura kwaakaita. Uyai muone panzvimbo paakanga avete.
7 Hambani masinyane litshele abafundi bakhe ukuthi uvukile kwabafileyo; njalo khangelani, uzalandulela ukuya eGalili; lizambona khona; khangelani, sengilitshelile.
Zvino kurumidzai muende kundoudza vadzidzi vake kuti, ‘Amuka kubva kuvakafa uye kuti afanotungamira kuGarirea. Muchanomuona ikoko.’ Zvino ndakuudzai.”
8 Basebephuma engcwabeni ngokuphangisa belokwesaba lentokozo enkulu, bagijima baya ukubikela abafundi bakhe.
Saka vakadzi ava vakakurumidza kubva paguva vachitya asi vakazadzwa nomufaro, uye vakamhanya kundoudza vadzidzi vake.
9 Kwathi besiyatshela abafundi bakhe, futhi khangela, uJesu wabahlangabeza, wathi: Mpilo enhle! Basebesondela babamba inyawo zakhe, bamkhonza.
Pakarepo Jesu akasangana navo, akati, “Kwaziwai.” Vakauya kwaari vakabata tsoka dzake uye vakamunamata.
10 UJesu wasesithi kubo: Lingesabi; hambani, libikele abafowethu ukuthi baye eGalili, njalo bazangibona khona.
Ipapo Jesu akati kwavari, “Musatya. Endai mundoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea; ikoko ndiko kwavachanondiona.”
11 Kwathi sebehamba, khangela, abanye kubalindi baya emzini babikela abapristi abakhulu konke okwenzakeleyo.
Vakadzi vaya vachiri munzira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakandotaurira vaprista vakuru zvose zvakanga zvaitika.
12 Sebebuthene labadala, benza icebo, banika abebutho imali enengi,
Vaprista vakuru vakati vasangana navakuru, uye vafunga zano, vakapa varwi mari zhinji
13 besithi: Kalibokuthi: Abafundi bakhe beze ebusuku bameba silele thina.
vakati kwavari, “Imi munofanira kutaura muchiti, ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tivete.’
14 Futhi uba lokhu kuzwakala kumbusi, thina sizamncenga, silenze lingabi senkathazweni.
Kana mashoko aya akasvika munzeve dzomubati, isu tichaita kuti agutsikane uye imi musawira mudambudziko.”
15 Basebethatha imali benza njengalokhu ababekufundisiwe; lalelilizwi landa phakathi kwamaJuda kuze kube lamuhla.
Saka varwi vakatora mari iya vakaita sezvavakanga varayirwa. Uye shoko iri rakaparadzirwa kwazvo pakati pavaJudha kusvikira zuva ranhasi.
16 Kwathi abafundi abalitshumi lanye baya eGalili, entabeni uJesu ayebalayele yona;
Ipapo vadzidzi gumi nomumwe vakaenda kuGarirea, kugomo ravainge vaudzwa naJesu kuti vaende.
17 sebembonile bamkhonza; kodwa abanye bathandabuza.
Vakati vamuona, vakamunamata, asi vamwe vakakahadzika.
18 UJesu wasesondela wakhuluma labo, esithi: Wonke amandla aphiwe mina ezulwini lemhlabeni;
Ipapo Jesu akasvika pavari akati, “Simba rose kudenga napanyika rakapiwa kwandiri.
19 ngakho hambani lenze izizwe zonke zibe ngabafundi, libabhabhathiza ebizweni likaYise leleNdodana lelikaMoya oNgcwele;
Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene,
20 libafundisa ukugcina konke engililaye khona; futhi khangelani, mina ngilani insuku zonke kuze kube sekupheleni kwesikhathi. Ameni. (aiōn g165)
uye muchivadzidzisa kuti vachengete zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvikira pakuguma kwenyika.” (aiōn g165)

< UMathewu 28 >