< UMathewu 27 >

1 Kwathi sekusile, bonke abapristi abakhulu labadala babantu bacebisana bemelene loJesu ukuthi bambulale;
Mangwanani-ngwanani vaprista vose vakuru navakuru vavanhu vakabvumirana kuti Jesu aurayiwe.
2 sebembophile bamqhuba bamnikela kuPontiyusi Pilatu umbusi.
Vakamusunga, vakaenda naye vakandomuisa kuna Pirato uyo aiva mubati.
3 Kwathi uJudasi owamnikelayo esebonile ukuthi ulahliwe, wazisola wabuyisela inhlamvu zesiliva ezingamatshumi amathathu kubapristi abakhulu labadala,
Judhasi uya akanga amupandukira akati aona kuti Jesu atongerwa rufu, akazvidemba kwazvo ndokubva adzosera makumi matatu esirivha aya kuvaprista vakuru navakuru.
4 wathi: Ngonile nginikele igazi elingelacala. Kodwa bona bathi: Kulani lathi? Zibonele wena.
Akasvikoti, “Ndatadza, nokuti ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakamupindura vachiti, “Zvinei nesu? Ndezvako izvo.”
5 Wasephosela inhlamvu zesiliva ethempelini, wasuka; wayaziphanyeka.
Saka Judhasi akakanda mari iya mutemberi akabva akaenda akandozvisungirira.
6 Abapristi abakhulu basebethatha inhlamvu zesiliva bathi: Kakuvunyelwa ukuzifaka emnikelweni, ngoba ziyintengo yegazi.
Vaprista vakuru vakanhonga mari iya vakati, “Hazvitenderwi nomurayiro kuti tiise mari iyi mudura remari, sezvo iri mari yeropa.”
7 Basebecebisana bathenga ngazo isiqinti sombumbi, sibe ngesokungcwaba abezizwe.
Saka vakazotenderana kuti vaishandise kutenga munda womuumbi wehari kuti ugova nzvimbo yokuviga vatorwa.
8 Ngakho lesosiqinti sathiwa yisiqinti segazi, kuze kube lamuhla.
Naizvozvo wakanzi Munda Weropa kusvikira zuva ranhasi.
9 Kwasekugcwaliseka okwakhulunywa ngumprofethi uJeremiya, esithi: Basebethatha inhlamvu zesiliva ezingamatshumi amathathu, intengo yalowo owalinganiswayo, abantwana bakoIsrayeli abamlinganisayo;
Ipapo zvakabva zvazadziswa zvakataurwa nomuprofita Jeremia zvinoti, “Vakatora makumi matatu esirivha, mutengo waakatengeswa nawo navanhu veIsraeri,
10 basebebapha zona ngensimu yombumbi, njengoba iNkosi ingilayile.
uye vakaashandisa kutenga nawo munda womuumbi wehari, sokurayirwa kwandakaitwa naIshe.”
11 UJesu wasesima phambi kombusi; umbusi wasembuza, wathi: Wena uyiNkosi yamaJuda yini? UJesu wasesithi: Utshilo wena.
Panguva iyoyo Jesu akamira pamberi pomubati, uye mubati akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura achiti, “Hongu, ndizvo zvamataura.”
12 Kwathi nxa esemangalelwe ngabapristi abakhulu labadala, kaphendulanga lutho.
Paakapomerwa navaprista vakuru navakuru vavanhu, haana chaakapindura.
13 UPilatu wasesithi kuye: Kawuzwa yini izinto ezingaka abazifakaza ngawe?
Ipapo Pirato akamubvunza achiti, “Iwe haunzwi here uchapupu hwezvavari kukupomera izvi?”
14 Kodwa kamphendulanga lakwelilodwa ilizwi, waze wamangala kakhulu umbusi.
Asi, Jesu akaramba anyerere, akasapindura kunyange chimwe zvacho, mubati akashamiswa kwazvo.
15 Futhi ngomkhosi umbusi wayejwayele ukukhululela ixuku isibotshwa esisodwa, elisifunayo.
Zvino yaiva tsika yomubati pamutambo kusunungura musungwa mumwe chete anenge asarudzwa navanhu vazhinji.
16 Njalo ngalesosikhathi babelesibotshwa esidumileyo, esithiwa nguBarabasi.
Panguva iyoyo vaiva nomusungwa ainge anetsa kwazvo ainzi Bharabhasi.
17 Ngakho sebebuthene, uPilatu wathi kubo: Lithanda ukuthi ngilikhululele bani, uBarabasi, kumbe uJesu othiwa nguKristu?
Saka vanhu vazhinji vakati vaungana, Pirato akavabvunza akati, “Ndoupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana kuti Jesu anonzi Kristu?”
18 Ngoba wayekwazi ukuthi bamnikele ngomona.
Nokuti aiziva kuti vakanga vamuisa kwaari nokuda kwegodo.
19 Kwathi esehlezi esihlalweni sokwahlulela, umkakhe wathumela kuye, wathi: Ungabi landaba lalowo olungileyo; ngoba lamuhla ngihluphekile kakhulu ngaye ephutsheni.
Pirato akati agere pachigaro chokutonga mukadzi wake akamutumira shoko iri rokuti: “Usawana chaunoita nomurume uyo asina mhosva, nokuti hope dzandarota nezvake usiku hwanhasi dzanditambudza kwazvo.”
20 Kodwa abapristi abakhulu labadala bancengana lamaxuku ukuthi acele uBarabasi, ambhubhise uJesu.
Asi vaprista vakuru navakuru vavanhu vakakurudzira vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi uye kuti Jesu aurayiwe.
21 Wasephendula umbusi wathi kubo: Lithanda ukuthi ngilikhululele bani kulaba ababili? Basebesithi: UBarabasi.
Mubati akabvunza akati, “Ndoupi pavaviri ava wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Vakapindura vakati, “Bharabhasi!”
22 UPilatu wathi kubo: Pho ngimenzeni uJesu othiwa nguKristu? Bonke bathi kuye: Kabethelwe.
Pirato akabvunza akati, “Zvino ndichaiteiko naJesu anonzi Kristu?” Vakapindura vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!”
23 Umbusi wasesithi: Ngoba wenze bubi bani? Kodwa bamemeza kakhulu, bathi: Kabethelwe!
Pirato akabvunzazve achiti, “Nemhaka yei? Mhosva yake ndeyei?” Vanhu vazhinji vaya vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!”
24 Kwathi uPilatu esebonile ukuthi kakusizi lutho, kodwa ukuthi kwasekuqala kulalokhu ukuba lesiphithiphithi, wathatha amanzi, wageza izandla phambi kwexuku, wathi: Angilacala ngegazi lalumuntu olungileyo; ziboneleni lina.
Pirato akati aona kuti hapana kwaaisvika, asi kuti bope rakanga rotanga, akatora mvura akashamba maoko ake pamberi pavanhu akati, “Handina mhosva yeropa romunhu uyu. Zvionerei.”
25 Bonke abantu basebephendula bathi: Igazi lakhe kalibe phezu kwethu laphezu kwabantwana bethu.
Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pevana vedu.”
26 Wasebakhululela uBarabasi; kodwa esemtshaye ngesiswepu uJesu wamnikela ukuthi abethelwe.
Ipapo akavasunungurira Bharabhasi, asi akaita kuti Jesu arohwe, uye akamupa kwavari kuti arovererwe pamuchinjikwa.
27 Abebutho bombusi basebemngenisa uJesu endlini yombusi, baqoqela kuye ibutho lonke;
Ipapo varwi vomubati vakatora Jesu vakaenda naye mumuzinda womubati uye vakaunganidza hondo yose paari.
28 bamhlubula, bamgqokisa isembatho esibomvu,
Vakamubvisa nguo dzake vakamupfekedza nguo tsvuku.
29 sebelukile umqhele wameva, bamethesa wona ekhanda, bamphathisa lomhlanga esandleni sakhe sokunene; baguqa phambi kwakhe bamklolodela, bathi: Bayethe, Nkosi yamaJuda!
Vakaruka korona yeminzwa vakaiisa pamusoro wake. Vakamubatisa mudonzvo muruoko rwake rworudyi vakapfugama pamberi pake uye vakamuseka vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!”
30 Bamkhafulela amathe, bathatha umhlanga, batshaya ikhanda lakhe.
Vakamusvipira mate vakamutorera tsvimbo iya uye vakamurova nayo mumusoro kakawanda.
31 Sebemklolodele, bamhlubula isembatho, bamgqokisa izigqoko zakhe, bamqhuba ukuze bambethele.
Shure kwokumuseka, vakamupfekedza nguo dzake chaidzo ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.
32 Kwathi sebephuma, bafica umuntu weKurene, uSimoni ngebizo; bambamba ngamandla lowo ukuthi athwale isiphambano sakhe.
Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa.
33 Sebefikile endaweni ethiwa yiGolgotha, okuyikuthi iNdawo yokhakhayi,
Vakasvika panzvimbo inonzi Gorogota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya).
34 bamnika iviniga elixutshaniswe lenyongo ukuze alinathe; kodwa eselizwile kavumanga ukunatha.
Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa.
35 Futhi sebembethele, baba izembatho zakhe, benza inkatho yokuphosa; ukuze kugcwaliseke okwakhulunywa ngumprofethi ukuthi: Babelana izembatho zami, benza inkatho yokuphosa ngesigqoko sami.
Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya.
36 Njalo sebehlala phansi bamlinda khona.
Uye vakagara pasi, vakamurinda.
37 Babeka ngaphezu kwekhanda lakhe incwadi yecala lakhe ilotshiwe ukuthi: LO NGUJESU INKOSI YAMAJUDA.
Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “uyu ndijesu, mambo wavajudha.”
38 Kwasekubethelwa abaphangi ababili kanye laye, omunye ngakwesokunene lomunye ngakwesokhohlo.
Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
39 Labadlulayo bamhlambaza, benikina amakhanda abo,
Vaya vaipfuura napo, vakamutuka vachidzungudza misoro yavo
40 besithi: Wena odiliza ithempeli ulakhe ngensuku ezintathu, zisindise; uba uyiNdodana kaNkulunkulu, yehla esiphambanweni.
uye vachiti, “Iwe uri kuzoputsa temberi uchizoivakazve mumazuva matatu, chizviponesa! Buruka pamuchinjikwa kana uri Mwanakomana waMwari!”
41 Langokunjalo labapristi abakhulu labo bekloloda kanye lababhali labadala bathi:
Nenzira imwe cheteyo, vaprista vakuru, navadzidzisi vomurayiro navakuru vakamuseka vachiti,
42 Wasindisa abanye, yena angezisindise. Uba eyiNkosi yakoIsrayeli, kehle khathesi esiphambanweni, futhi sizamkholwa.
“Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari.
43 Wathemba kuNkulunkulu; kamkhulule khathesi, uba emthanda. Ngoba wathi: NgiyiNdodana kaNkulunkulu.
Anovimba naMwari saka ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’”
44 Labaphangi ababebethelwe kanye laye bamyangisa ngokufananayo.
Nenzira imwe cheteyo makororo akanga arovererwa pamwe chete naye akamutukawo.
45 Njalo kusukela ngehola lesithupha kwaba lobumnyama emhlabeni wonke kwaze kwaba lihola lesificamunwemunye;
Kubva panguva yechitanhatu kusvika panguva yepfumbamwe rima rakavapo panyika yose.
46 sekungaba lihola lesificamunwemunye uJesu wamemeza ngelizwi elikhulu, wathi: "Eli, Eli, lama sabaktani?" Okuyikuthi: Nkulunkulu wami, Nkulunkulu wami, ungitshiyeleni?
Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvichireva kuti, “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?”
47 Njalo abanye kwababemi khona besizwa bathi: Lo ubiza uElija.
Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Ari kudana Eria.”
48 Njalo omunye wabo wahle wagijima, wathatha uzipho, walugcwalisa ngeviniga, waluhloma emhlangeni, wamnika ukuthi anathe.
Pakarepo mumwe wavo akamhanya akatora chipanje. Akachizadza newaini yevhiniga ndokuchiisa pachimuti, achibva apa Jesu kuti anwe.
49 Kodwa abanye bathi: Yekelani sibone ukuthi uElija uzakuza amsindise.
Vamwe vakati, “Zvino musiyei ari oga. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.”
50 UJesu wasebuya ememeza ngelizwi elikhulu wanikela umoya.
Uye Jesu akati adanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.
51 Futhi khangela, iveyili lethempeli ladatshulwa incezu ezimbili laqala phezulu lisiya phansi; lomhlaba wazamazama; lamadwala aqhekezeka;
Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka.
52 lamangcwaba avuleka; lezidumbu ezinengi zabangcwele abasebelele zavuswa;
Makuva akazaruka, mitumbi yavatsvene vazhinji vakanga vakafa ikamutswa kuupenyu.
53 sebephumile emangcwabeni emva kokuvuka kwakhe bangena emzini ongcwele, babonakala kwabanengi.
Vakabuda mumakuva, uye shure kwokumuka kwaJesu vakapinda muguta dzvene uye vakaonekwa navanhu vazhinji.
54 Kwathi induna yekhulu lalabo ababelayo belinde uJesu, sebebonile ukuzamazama komhlaba lezinto ezenzekileyo, besaba kakhulu, bathi: Ngeqiniso lo ubeyiNdodana kaNkulunkulu.
Mukuru wezana navaya vaakanga anavo vakarinda Jesu, pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo, uye vakati, “Zvechokwadi, anga ari Mwanakomana waMwari!”
55 Kwakukhona lapho abesifazana abanengi bebukele bekhatshana, ababemlandele uJesu bevela eGalili, bemncedisa;
Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vachitarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu kubva kuGarirea kuti vamuriritire pane zvaaida.
56 okwakukhona phakathi kwabo oMariya Magadalena, loMariya unina kaJakobe loJose, lonina wamadodana kaZebediya.
Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho naJosefa, namai vavanakomana vaZebhedhi.
57 Kwathi sekuhlwile, kwafika umuntu onothileyo evela eArimathiya, ibizo lakhe linguJosefa, owayengumfundi kaJesu laye;
Kwakati kwovira, kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatea, ainzi Josefa, akanga avawo mudzidzi waJesu.
58 yena waya kuPilatu, wacela isidumbu sikaJesu. UPilatu waselaya ukuthi isidumbu asinikwe.
Akaenda kuna Pirato akandokumbira mutumbi waJesu, uye Pirato akarayira kuti aupiwe.
59 UJosefa wasethatha isidumbu wasigoqela ngelembu elicolekileyo elihlambulukileyo,
Josefa akatora mutumbi akauputira nomucheka wakachena,
60 wasibeka engcwabeni lakhe elitsha, elaligujiwe edwaleni; wasegiqela ilitshe elikhulu emnyango wengcwaba, wahamba.
akauisa muguva rake idzva raakanga achera padombo. Akakungurutsira ibwe guru pamuromo weguva ndokubva aenda.
61 Futhi kwakukhona lapho uMariya Magadalena, lomunye uMariya, behlezi maqondana lengcwaba.
Maria Magadharena nomumwe Maria vakanga varipo vagere pakatarisana neguva.
62 Langosuku olulandelayo, olulandela olwamalungiselelo, abapristi abakhulu labaFarisi babuthana kuPilatu,
Mangwana acho, iro rakatevera Zuva roKugadzirira, vaprista vakuru navaFarisi vakaenda kuna Pirato.
63 besithi: Nkosi, siyakhumbula ukuthi lowomkhohlisi esaphila wathi: Emva kwensuku ezintathu ngizavuka.
Vakasvikoti, “Ishe, tinorangarira kuti achiri mupenyu, munyengeri uya akati, ‘Mushure mamazuva matatu, ndichamukazve.’
64 Ngakho laya ukuthi ingcwaba liqiniswe kuze kube lusuku lwesithathu; hlezi abafundi bakhe bafike ebusuku bamebe, besebesithi ebantwini: Uvukile kwabafileyo; kuthi inkohliso yokucina ibembi kuleyokuqala.
Saka rayirai kuti guva rake richengetedzwe kwazvo kusvika pazuva retatu. Zvimwe vadzidzi vake vangauye vakaba mutumbi wake vakaudza vanhu kuti akamutswa kubva kuvakafa. Kunyengera kwokupedzisira uku kuchaipa kukunda kwokutanga.”
65 UPilatu wasesithi kubo: Lilabalindi; hambani, liliqinise njengokubona kwenu.
Pirato akapindura akati, “Torai, varindi. Endai, mundochengetedza guva iroro semaziviro enyu.”
66 Bahamba-ke baliqinisa ingcwaba, beliphawula ilitshe, belabalindi.
Saka vakaenda vakandoita kuti richengetedzwe nokuisa chisimbiso pabwe, uye nokuisa varindi.

< UMathewu 27 >