< UMathewu 24 >
1 UJesu wasephuma wasuka ethempelini; basebesondela abafundi bakhe ukumtshengisa izakhiwo zethempeli.
Jesu akabuda mutemberi, uye paakanga achifamba kudaro, vadzidzi vake vakaswedera kwaari vakamuratidza dzimba dzetemberi.
2 UJesu wasesithi kubo: Kaliziboni yini zonke lezizinto? Ngiqinisile ngithi kini: Akusoze kutshiywe lapha ilitshe elilodwa phezu kwelitshe, elingasoze lidilizelwe phansi.
Iye akati kwavari, “Muri kuona zvinhu izvi zvose here? Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna ibwe richasara pano riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.”
3 Kwathi esehlezi entabeni yeMihlwathi, abafundi beza kuye bebodwa, bathi: Sitshele, lezizinto zizakuba nini? Lesibonakaliso sokuza kwakho, lesokuphela kwesikhathi sizakuba yini? (aiōn )
Jesu akati agara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vakati, “Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika rini, uye kuti chiratidzo chokuuya kwenyu nokuguma kwenyika chichava chei?” (aiōn )
4 UJesu wasephendula wathi kubo: Qaphelani, kungabi khona oliduhisayo;
Jesu akapindura akati, “Chenjerai kuti murege kunyengerwa nomunhu.
5 ngoba abanengi bazakuza ngebizo lami, besithi: Mina nginguKristu; futhi baduhise abanengi.
Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachinyengera vazhinji.
6 Njalo lizakuzwa ngezimpi lamahungahunga ezimpi; nanzelelani, lingethuki; ngoba konke lokhu kufanele kwenzeke; kodwa ukuphela kakukabi khona.
Muchanzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, asi chenjerai kuti murege kuvhundutswa nazvo. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika.
7 Ngoba isizwe sizavukela isizwe, lombuso uvukele umbuso; njalo kuzakuba khona indlala labomatshayabhuqe bezifo lokuzamazama komhlaba indawo ngendawo;
Nokuti rudzi ruchamukira rumwe rudzi noumambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nenzara nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana.
8 kodwa zonke lezizinto ziyikuqala kwemihelo.
Asi zvose izvi mavambo okurwadziwa pakubereka.
9 Lapho-ke bazalinikela ekuhluphekeni, balibulale; futhi lizazondwa yizizwe zonke ngenxa yebizo lami.
“Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu.
10 Njalo ngalesosikhathi abanengi bazakhubeka, banikelane, bazondane.
Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana,
11 Futhi kuzavuka abaprofethi bamanga abanengi, baduhise abanengi.
uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji.
12 Njalo ngenxa yokwanda kobubi, uthando lwabanengi luzaphola;
Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora.
13 kodwa ophikelelayo kuze kube sekupheleni, nguye ozasindiswa.
Asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo, achaponeswa.
14 Njalo lelivangeli lombuso lizatshunyayelwa emhlabeni wonke kube yibufakazi ezizweni zonke; khona-ke kuzafika ukuphela.
Uye vhangeri iri roumambo richaparidzwa munyika yose souchapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.
15 Ngakho nxa libona amanyala encithakalo, akhulunywa nguDaniyeli umprofethi, emi endaweni engcwele (obalayo kaqedisise),
“Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga ngaanzwisise,
16 khona labo abaseJudiya kababalekele ezintabeni;
ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.
17 ophezu kophahla lwendlu angehli ukuthatha ulutho endlini yakhe;
Uyo ari padenga reimba yake ngaarege kuburuka kuti andotora chinhu chipi zvacho chiri mumba make.
18 losemasimini angabuyeli emuva ukuyathatha izembatho zakhe.
Ari mumunda ngaarege kudzokera kundotora nguo yake.
19 Kodwa maye kwabakhulelweyo labamunyisayo ngalezonsuku!
Zvichaoma sei mumazuva iwayo kuvakadzi vane mimba navaya vanoyamwisa!
20 Kodwa khulekani ukuthi ukubaleka kwenu kungabi sebusika, loba ngesabatha.
Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuitika panguva yechando kana nomusi weSabata.
21 Ngoba ngalesosikhathi kuzakuba khona ukuhlupheka okukhulu, okungazanga kube khona kusukela ekuqaleni komhlaba kuze kube khathesi, njalo okungasayikuba khona.
Nokuti ipapo pachava nenhamo huru isina kumbovapo kubva pakuvamba kwenyika kusvika zvino uye haizombovapozve.
22 Uba-ke lezonsuku bezingafinyezwanga, bekungesindiswe nyama; kodwa ngenxa yabakhethiweyo lezonsuku zizafinyezwa.
Dai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu airarama, asi nokuda kwavasanangurwa, mazuva iwayo achatapudzwa.
23 Ngalesosikhathi nxa umuntu esithi kini: Khangelani, nangu uKristu, kumbe nanguya, lingakholwa.
Panguva iyoyo, mukanzwa munhu anoti kwamuri, ‘Tarirai, hoyu Kristu!’ kana kuti, ‘Hoyo Kristu,’ musazvitenda.
24 Ngoba kuzavuka okristu bamanga labaprofethi bamanga, benze izibonakaliso ezinkulu lezimangaliso, ukuze kuthi, nxa kungenzeka, baduhise labakhethiweyo.
Nokuti kuchamuka vanaKristu venhema navaprofita venhema avo vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vanyengere kunyange navasanangurwa kana zvichigoneka.
25 Khangelani, sengilitshelile ngaphambili.
Tarirai, ndafanokuudzai zvisati zvaitika.
26 Ngakho uba bengathi kini: Khangelani, usenkangala, lingaphumi; khangelani, usendlini yensitha, lingakholwa.
“Saka kana munhu upi zvake akakuudzai kuti, ‘Tarirai uyo ari kurenje,’ musabuda kuti muendeko kana kuti akati, ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ musazvitenda.
27 Ngoba njengalokhu umbane ubaneka empumalanga ukhanye lentshonalanga, kuzakuba njalo lokufika kweNdodana yomuntu.
Sezvinoita mheni inopenya kumabvazuva ichionekwawo kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu.
28 Ngoba loba ngaphi lapho okukhona isidumbu, lapho amanqe azabuthana khona.
Pose pano mutumbi ndipo pachaungana magora.
29 Njalo masinyane emva kokuhlupheka kwalezonsuku, ilanga lizafiphazwa, lenyanga kayiyikupha ukukhanya kwayo, lenkanyezi zizakuwa ezulwini, lamandla amazulu azazanyazanyiswa.
“Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, “‘zuva richasviba, uye mwedzi hauzovheneki; nyeredzi dzichawa kubva kudenga, namasimba omuchadenga achazungunuswa.’
30 Khona-ke sizabonakala ezulwini isibonakaliso seNdodana yomuntu; njalo besezikhala zonke izizwe zomhlaba, sezibona iNdodana yomuntu isiza emayezini ezulu ilamandla lenkazimulo enkulu.
“Ipapo chiratidzo choMwanakomana woMunhu chichaonekwa kudenga, uye ndudzi dzose dzenyika dzichachema. Vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.
31 Njalo izathuma izingilosi zayo lokukhala okukhulu kophondo, beseziqoqa abakhethiweyo bayo emimoyeni emine, kusukela emkhawulweni omunye wamazulu kuze kube komunye umkhawulo wawo.
Uye achatuma vatumwa vake nokurira kwehwamanda kukuru uye vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina dzenyika, kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe.
32 Kodwa fundani umfanekiso emkhiweni; nxa khathesi ugatsha lwawo selusiba buthakathaka, njalo luhlume amahlamvu, liyazi ukuthi ihlobo seliseduze;
“Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Panopfava matavi awo uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo.
33 ngokunjalo lani, nxa libona lezizinto zonke, yazini ukuthi kuseduze kuseminyango.
Saizvozvowo, nemiwo pamunoona zvinhu zvose izvi muzive kuti nguva yangu yava pedyo, yava pamusiwo.
34 Ngiqinisile ngithi kini: Lesisizukulwana asisoze sidlule, kuze kwenzeke zonke lezizinto.
Ndinokuudzai chokwadi kuti rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.
35 Kuzadlula izulu lomhlaba, kodwa amazwi ami awasoze adlule.
Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.
36 Kodwa lolosuku lehola kakho owaziyo ngalo, ngitsho lezingilosi zemazulwini, ngaphandle kukaBaba kuphela.
“Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete.
37 Kodwa njengensuku zikaNowa, kuzakuba njalo ukufika kweNdodana yomuntu.
Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.
38 Ngoba njengakulezonsuku ezaziphambili kukazamcolo babesidla benatha, bethatha besendiswa, kwaze kwafika usuku uNowa angena ngalo emkhunjini,
Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya uye vachinwa, vaiwana nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka,
39 njalo babengazi, kwaze kwafika uzamcolo wasebasusa bonke, kuzakuba njalo lokufika kweNdodana yomuntu.
uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.
40 Ngalesosikhathi kuzakuba khona ababili ensimini; omunye athathwe, lomunye atshiywe;
Varume vaviri vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.
41 kuzakuthi abesifazana ababili bechola elitsheni; omunye athathwe, lomunye atshiywe.
Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.
42 Ngakho lindani, ngoba kalazi ukuthi iNkosi yenu izafika ngaliphi ihola.
“Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro.
43 Kodwa yazini lokhu, ukuthi uba umninindlu ebewazi umlindo isela elizafika ngawo, ubezalinda, futhi ubengayikuvuma ukuthi indlu yakhe ifohlelwe.
Asi nzwisisai izvi: Dai muridzi weimba aiziva kuti inguva ipi yousiku ichauya mbavha, angadai airinda uye haaizotendera kuti imba yake ipazwe.
44 Ngakho lani hlalani lilungile; ngoba ngehola elingalicabangiyo, iNdodana yomuntu izakuza.
Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.
45 Pho ngubani inceku ethembekileyo lehlakaniphileyo, inkosi yayo eyibeke phezu kwabendlu yayo, ukuthi ibanike ukudla ngesikhathi esifaneleyo?
“Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira?
46 Ibusisiwe leyonceku, okuzakuthi inkosi yayo nxa ifika izayifica isenza njalo.
Akaropafadzwa muranda uyo anowanikwa achiita izvozvo pakudzoka kwatenzi wake.
47 Ngiqinisile ngithi kini: Izayibeka phezu kwakho konke elakho.
Ndinokuudzai chokwadi kuti achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose.
48 Kodwa nxa leyonceku embi isithi enhliziyweni yayo: Inkosi yami iphuzile ukubuya,
Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,’
49 njalo ibisiqala ukutshaya abayizinceku kanye layo, lokudla lokunatha lezidakwa,
uye ipapo otanga kurova vamwe varanda uye nokudya nokunwa nezvidhakwa.
50 inkosi yaleyonceku izafika ngosuku engayilindele ngalo, langehola engalaziyo,
Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi.
51 izayiquma phakathi, izanika isabelo sayo labazenzisi; kuzakuba khona lapho ukukhala lokugedla amazinyo.
Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno.