< UMathewu 12 >
1 Ngalesosikhathi uJesu wadabula emasimini amabele ngesabatha; njalo abafundi bakhe babelambile, baqala ukukha izikhwebu, badla.
Panguva iyoyo Jesu akapfuura nomuminda yaiva nezviyo uri musi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara ndokubva vatanga kupurura hura hwezviyo zviya vachidya.
2 Kodwa abaFarisi bekubona bathi kuye: Khangela, abafundi bakho benza okungavunyelwanga ukwenziwa ngesabatha.
VaFarisi pavakazviona, vakati kwaari, “Tarirai, vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomusi weSabata.”
3 Kodwa wathi kubo: Kalifundanga yini uDavida akwenzayo, mhla elambile yena lababelaye;
Akati kwavari, “Ko, hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vava nenzara?
4 ukuthi wangena njani endlini kaNkulunkulu, wadla izinkwa zokubukiswa, ayengavunyelwa ukuzidla, ngitsho lababelaye, ngaphandle kwabapristi bodwa?
Akapinda muimba yaMwari iye nevamwe vake vakadya chingwa chitsvene chavaisabvumirwa kudya, asi chaingodyiwa navaprista chete.
5 Ingabe kalifundanga yini emlayweni, ukuthi ngamasabatha abapristi bayalona isabatha ethempelini, bangabi lacala?
Kana kuti hamuna kuverenga here muMurayiro kuti nomusi weSabata vaprista mutemberi vanosvibisa zuva iri asi vasingapiwi mhosva?
6 Kodwa ngithi kini: Kukhona lapha omkhulu kulethempeli.
Ndinokuudzai kuti mukuru kupfuura temberi ari pano.
7 Kodwa aluba belisazi ukuthi kutshoni ukuthi: Ngifisa isihawu hatshi umhlatshelo, ngabe kalibalahlanga abangelacala.
Dai maiziva zvinorehwa namashoko anoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,’ hamaizopa mhosva vasina mhosva.
8 Ngoba iNdodana yomuntu iyiNkosi leyesabatha.
Nokuti Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”
9 Futhi wasuka lapho wangena esinagogeni labo;
Achipfuurira mberi kubva panzvimbo iyoyo, akapinda musinagoge ravo,
10 njalo khangela, kwakukhona umuntu olesandla esitshwabheneyo; basebembuza besithi: Kuvunyelwe yini ukusilisa ngamasabatha? ukuze bambeke icala.
uye makanga muno murume akanga ano ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu vakamubvunza vakati, “Zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata?”
11 Kodwa wathi kubo: Nguwuphi umuntu phakathi kwenu, elemvu eyodwa, futhi uba yona iwele emgodini ngesabatha, ongayikuyibamba ayikhuphule?
Akati kwavari, “Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here?
12 Umuntu uyedlula-ke kangakanani imvu! Ngakho kuvunyelwe ukwenza okuhle ngamasabatha.
Ko, zvino munhu anokosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata.”
13 Wasesithi kumuntu: Yelula isandla sakho. Waseselula, sasesisiliswa saphila njengesinye.
Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe.
14 Basebephuma abaFarisi becebisana ngaye, ukuthi bangambulala njani.
Asi vaFarisi vakabuda kundorangana kuti vangamuuraya sei.
15 Kodwa uJesu esekwazi wasuka lapho; amaxuku amakhulu asemlandela, wasebasilisa bonke.
Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose.
16 Wasebalayisisa ukuthi bangamvezi;
Akavayambira kuti vasafamba vachitaura kuti iye ndiye ani.
17 ukuze kugcwaliseke okwakhulunywa nguIsaya umprofethi, ukuthi:
Izvi zvakanga zvichizadzisa zvainge zvataurwa nomuprofita Isaya achiti:
18 Khangela, inceku yami engiyikhethileyo; othandekayo wami othokoza ngaye umphefumulo wami; ngizabeka uMoya wami phezu kwakhe, njalo uzatshumayela ukwahlulela kwabezizwe.
“Houno muranda wangu wandakasarudza, wandinoda, anondifadza; ndichaisa Mweya wangu paari, iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama.
19 Kayikubangisa, kayikumemeza, njalo kakho ozalizwa ilizwi lakhe ezindleleni.
Haazokakavari kana kuridza mhere; hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa.
20 Umhlanga ofecekileyo kayikuwephula, lentambo yesibane ethunqayo kayikuyicitsha, aze aphumelelise ukwahlulela ekunqobeni.
Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori, nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi, kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda.
21 Lezizwe zizathemba ebizweni lakhe.
Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.”
22 Kwasekulethwa kuye ongenwe lidimoni, eyisiphofu lesimungulu; wasemsilisa, kwaze kwathi isiphofu esiyisimungulu sakhuluma njalo sabona.
Ipapo vakauya kwaari nomurume akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona.
23 Asemangala amaxuku wonke athi: Lo kayisiyo yini iNdodana kaDavida?
Vanhu vose vakashamiswa uye vakati, “Kuti uyu angava Mwanakomana waDhavhidhi here?”
24 Kodwa abaFarisi sebezwile bathi: Lumuntu kakhuphi amadimoni, ngaphandle ngoBhelezebhule inkosi yamadimoni.
Asi vaFarisi pavakanzwa izvi, vakati, “NdiBheerizebhubhi chete, muchinda wamadhimoni, waanodzinga naye madhimoni.”
25 Kodwa uJesu, eseyazi imicabango yabo, wathi kubo: Wonke umbuso owehlukene umelene lawo ngokwawo uyachitheka; lawo wonke umuzi kumbe indlu eyehlukene imelene layo ngokwayo ingeze yema.
Jesu akaziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hwose hunozvipesanisa huchaparara, uye guta ripi neripi kana imba ipi neipi inozvipesanisa haingamiri.
26 Njalo uba uSathane ekhupha uSathane, wehlukene emelene laye ngokwakhe; pho umbuso wakhe uzakuma njani?
Zvino kana Satani achibudisa mumwe Satani, zvinoreva kuti anozvipesanisa. Saka umambo hwake hungamira sei?
27 Futhi uba mina ngikhupha amadimoni ngoBhelezebhule, amadodana enu akhupha ngobani? Ngakho wona azakuba ngabagwebi benu.
Zvino kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani?
28 Kodwa uba mina ngikhupha amadimoni ngoMoya kaNkulunkulu, umbuso kaNkulunkulu usufikile kini.
Asi kana ndichibudisa madhimoni noMweya waMwari zvinoreva kuti umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.
29 Kumbe umuntu angangena njani endlini yesiqhwaga aphange impahla yaso, ngaphandle kokuthi asibophe kuqala isiqhwaga? Abesephanga-ke indlu yaso.
“Uyezve, munhu angapinda sei mumba momunhu ane simba agoenda nezvinhu zvake asina kutanga asunga munhu uyu ane simba? Ipapo anogona kuzopamba imba yake.
30 Ongelami, umelene lami, longabuthi lami, uyachithiza.
“Uyo asineni anopesana neni, nouyo asingaunganidzi neni anoparadza.
31 Ngakho ngithi kini: Abantu bazathethelelwa sonke isono lokuhlambaza; kodwa ukuhlambaza uMoya kakuyikuthethelelwa abantu.
Uye naizvozvo ndinokuudzai kuti, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokumhura kwose asi kumhura Mweya hakuzoregererwi.
32 Lalowo okhuluma ilizwi elimelana leNdodana yomuntu, uzathethelelwa; kodwa lowo okhuluma emelana loMoya oyiNgcwele, kayikuthethelelwa, kungeyisikho kulesisikhathi loba kwesizayo. (aiōn )
Ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu acharegererwa, asi ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMweya Mutsvene haazoregererwi, kunyange panguva ino kana inouya. (aiōn )
33 Loba yenzani isihlahla sibe ngesilungileyo, lesithelo saso sibe ngesilungileyo, kumbe lenze isihlahla sibe sibi, lesithelo saso sibe sibi, ngoba isihlahla saziwa ngesithelo.
“Itai kuti muti uve wakanaka uye michero yawo ichava yakanaka kana kuti itai kuti muti uve wakaipa, uye michero yawo ichava yakaipa, nokuti muti uchazivikanwa nemichero yawo.
34 Nzalo yezinyoka, lingakhuluma njani izinto ezinhle, libabi? Ngoba umlomo ukhuluma ngokugcwala kwenhliziyo.
Imi vana venyoka, zvingaitike here kuti imi makaipa kudai mutaure chipi zvacho chakanaka? Nokuti muromo unotaura zviri mumwoyo.
35 Umuntu olungileyo ukhupha izinto ezilungileyo kokuligugu elilungileyo lenhliziyo; lomuntu omubi ukhupha izinto ezimbi kokuligugu elibi.
Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake.
36 Kodwa ngithi kini: Lonke ilizwi eliyize abalikhulumayo abantu, bazaziphendulela ngalo ngosuku lokwahlulela.
Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo.
37 Ngoba ngamazwi akho uzalungisiswa, langamazwi akho uzalahlwa.
Nokuti namashoko ako ucharuramisirwa, uye namashoko ako uchawanikwa une mhosva.”
38 Abanye bababhali labaFarisi basebephendula, bathi: Mfundisi, sifuna ukubona isibonakaliso esivela kuwe.
Ipapo vamwe vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chechishamiso kubva kwamuri.”
39 Kodwa waphendula wathi kubo: Isizukulwana esibi lesifebayo sidinga isibonakaliso; kodwa kasiyikunikwa isibonakaliso, ngaphandle kwesibonakaliso sikaJona umprofethi.
Akavapindura akati, “Rudzi rwakaipa nerwoupombwe runokumbira chiratidzo! Asi hapana chiratidzo chichapiwa kwarwuri kunze chete kwechiratidzo chomuprofita Jona.
40 Ngoba njengalokhu uJona waba sesiswini sensikabayitshiye insuku ezintathu lobusuku obuthathu, ngokunjalo iNdodana yomuntu izakuba semathunjini omhlaba insuku ezintathu lobusuku obuthathu.
Nokuti Jona sezvaakaita mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu rehove huru, saizvozvo Mwanakomana woMunhu achava mumwoyo wenyika kwamazuva matatu nousiku hutatu.
41 Amadoda eNineve azasukuma ekugwetshweni kanye lalesisizukulwana, asilahle; ngoba aphenduka ngokutshumayela kukaJona; njalo khangelani, omkhulu kuloJona ulapha.
Vanhu veNinevhe vachamira pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye vacharupa mhosva; nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona, uye zvino mukuru kuna Jona ari pano.
42 Indlovukazi yeningizimu izasukuma ekugwetshweni kanye lalesisizukulwana, isilahle; ngoba yavela emikhawulweni yomhlaba ukuzakuzwa inhlakanipho kaSolomoni; njalo khangelani, omkhulu kuloSolomoni ulapha.
Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye acharupa mhosva, nokuti akabva kumagumo enyika kuti azoteerera kuuchenjeri hwaSoromoni, uye zvino mukuru kuna Soromoni ari pano.
43 Kodwa nxa umoya ongcolileyo esephumile emuntwini, uyahamba adabule indawo ezomileyo, edinga ukuphumula, kodwa engakutholi.
“Kana mweya wakaipa wabva pano munhu, unofamba-famba nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo asi unorishaya.
44 Abesesithi: Ngizabuyela endlini yami engaphuma kuyo; njalo esefikile ayifice ize, ithanyelwe, njalo ilungisiwe.
Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’ Kana wasvika, unosvikowana imba iya isina ageremo, asi yakanyatsotsvairwa zvakachena nokunyatsorongedzwa zvakanaka.
45 Abesehamba athathe kanye laye abanye omoya abayisikhombisa ababi kulaye uqobo, besebengena bahlale khona; njalo ukucina kwalowomuntu kube kubi kulokuqala. Kuzakuba njalo lakulesisizukulwana esibi.
Ipapo unobva waenda kundotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kukunda iwo, uye inopinda igogaramo. Uye kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Ndizvo zvazvichaita kurudzi urwu rwakaipa.”
46 Kwathi esakhuluma emaxukwini, khangela, unina labafowabo bema ngaphandle, bedinga ukukhuluma laye.
Jesu paakanga achiri kutaura kuvanhu vazhinji, mai vake navanunʼuna vake vakamira panze vachida kutaura naye.
47 Omunye wasesithi kuye: Khangela, unyoko labafowenu bemi phandle, bedinga ukukhuluma lawe.
Mumwe akati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vamire panze, vari kuda kutaura nemi.”
48 Kodwa waphendula wathi komtshelileyo: Ngubani umama? Labafowethu ngobani?
Akamupindura akati, “Ko, mai vangu ndiani, navanunʼuna vangu ndivanaani?”
49 Waseselulela isandla sakhe kubafundi bakhe wathi: Khangelani, umama labafowethu.
Achinongedzera vadzidzi vake akati, “Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu.
50 Ngoba loba ngubani owenza intando kaBaba osemazulwini, nguye ongumfowethu lodadewethu lomama.
Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi yangu, namai vangu.”