< UMathewu 11 >
1 Kwasekusithi uJesu eseqedile ukulaya abafundi bakhe abalitshumi lambili, wasuka lapho ukuyafundisa lokutshumayela emizini yabo.
Jesu akati apedza kurayira vadzidzi vake gumi navaviri, akabvapo akandodzidzisa nokuparidza mumaguta omuGarirea.
2 Kwathi uJohane esentolongweni esezwile imisebenzi kaKristu, wathuma ababili babafundi bakhe,
Zvino Johani ari mutorongo, paakanzwa nezvamabasa aJesu, akabva atuma vadzidzi vake
3 wathi kuye: Wena unguye ozayo yini, kumbe silindele omunye?
kundobvunza vachiti, “Ko, ndimi iye akanzi achauya here, kana kuti totarisira mumwe?”
4 UJesu wasephendula wathi kubo: Hambani limtshele uJohane izinto elizizwayo lelizibonayo:
Jesu akavapindura achiti, “Dzokerai mundoudza Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona:
5 Iziphofu zibuye zibone, leziqhuli ziyahamba, abalobulephero bayahlanjululwa, lezacuthe ziyezwa, abafileyo bayavuswa, labayanga bayatshunyayezwa ivangeli;
Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo.
6 njalo ubusisiwe loba ngubani ongakhubekiyo ngami.
Akaropafadzwa munhu asingagumburwi nokuda kwangu.”
7 Kwathi labo sebesuka uJesu waqala ukukhuluma emaxukwini ngoJohane wathi: Laphuma laya enkangala ukuyabonani? Umhlanga onyikinywa ngumoya yini?
Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?
8 Kanti laphumela ukuyabonani? Umuntu owembethe izembatho ezibuthakathaka yini? Khangelani, abembethe ezibuthakathaka basezindlini zamakhosi.
Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo.
9 Pho laphumela ukuyabonani? Umprofethi yini? Yebo, ngithi kini: Loba owedlula umprofethi;
Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura muprofita.
10 ngoba lo nguye okulotshwe ngaye ukuthi: Khangela, mina ngiyathuma isithunywa sami phambi kobuso bakho, esizalungisa indlela yakho phambi kwakho.
Iyeyu ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi: “Ndinotuma nhume yangu mberi kwako uye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.”
11 Ngiqinisile ngithi kini: Kakuvelanga phakathi kwabazelwe ngabesifazana omkhulu kuloJohane uMbhabhathizi. Kodwa omncinyane embusweni wamazulu mkhulu kulaye.
Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi mudukusa muushe hwokudenga mukuru kwaari.
12 Njalo kusukela ensukwini zikaJohane uMbhabhathizi kuze kube khathesi umbuso wamazulu uphathwa ngodlakela, labalodlakela bawuthatha ngamandla.
Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora.
13 Ngoba abaprofethi bonke lomlayo baprofetha kwaze kwaba nguJohane;
Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani.
14 njalo uba livuma ukukwemukela, lo unguElija obezakuza.
Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya.
15 Olendlebe zokuzwa, akezwe.
Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
16 Kodwa ngizasifananisa lani lesisizukulwana? Sifanana labantwana abahlezi emamakethe, bememeza kubangane babo,
“Rudzi urwu ndingaruenzanisa nei? Vakafanana navana vari mumisika vari kudanidzira kuna vamwe vachiti:
17 besithi: Salitshayela umhlanga, kodwa kalisinanga; salililela, kodwa kalikhalanga.
“‘Takakuridzirai hwamanda, asi hamuna kutamba; takaimba rwiyo rworufu, uye hamuna kuchema.’
18 Ngoba uJohane wafika engadli enganathi, basebesithi: Uledimoni.
Nokuti Johani akanga asingadyi kana kunwa asi vakati, ‘Ane dhimoni.’
19 INdodana yomuntu yafika isidla inatha, basebesithi: Khangelani, umuntu oligovu lesinathi sewayini, umngane wabathelisi lezoni. Kodwa inhlakanipho ithiwa ilungile ngabantwana bayo.
Mwanakomana woMunhu akanga achidya uye achinwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi na“vatadzi”.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.”
20 Waseqala ukusola imizi okwakwenziwe phakathi kwayo ubunengi bemisebenzi yakhe yamandla, ngoba ingaphendukanga, wathi:
Ipapo Jesu akatanga kutuka maguta akanga aitwa zvishamiso zvake zvizhinji, nokuti akanga asina kutendeuka.
21 Maye kuwe, Korazini! Maye kuwe, Bhethisayida! Ngoba uba kwakwenziwe eTire leSidoni imisebenzi yamandla eyenziwe kini, ngabe kade baphenduka emasakeni lemlotheni.
“Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! Kudai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muTire neSidhoni vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga uye vakazvizora dota.
22 Kodwa ngithi kini: Kuzakuba ngcono eTire leSidoni ngosuku lwesigwebo kulakini.
Asi ndinokuudzai kuti Tire neSidhoni zvicharerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura imi.
23 Lawe, Kapenawume, ophakanyiselwe ezulwini, uzaphoselwa phansi esihogweni; ngoba uba yayenziwe eSodoma imisebenzi yamandla eyenziwe kuwe, ngabe basekhona kuze kube lamuhla. (Hadēs )
Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi. (Hadēs )
24 Kodwa ngithi kini: Kuzakuba ngcono kulizwe leSodoma ngosuku lwesigwebo, kulakuwe.
Asi ndinokuudza kuti guta reSodhomu richarerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura iwe.”
25 Ngalesosikhathi uJesu waphendula wathi: Ngiyakubonga, Baba, Nkosi yezulu lomhlaba, ngoba uzifihlile lezizinto kwabahlakaniphileyo labaqedisisayo, kodwa wazembulela izingane;
Panguva iyoyo Jesu akati, “Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku.
26 yebo Baba, ngoba ngokunjalo kwaba kuhle phambi kwakho.
Hongu, Baba nokuti izvi ndizvo zvakakufadzai.
27 Konke kwanikelwa kimi nguBaba; njalo kakho oyaziyo iNdodana, ngaphandle kukaYise; kakho futhi omaziyo uYise ngaphandle kweNdodana, njalo loba ngubani iNdodana ethanda ukumembulela.
“Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire.
28 Wozani kimi lonke elikhatheleyo lelisindiweyo, njalo mina ngizaliphumuza.
“Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo.
29 Thathani ijogwe lami lilibeke phezu kwenu lifunde kimi, ngoba ngimnene ngithobekile enhliziyweni; njalo lizathola ukuphumula emiphefumulweni yenu;
Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.
30 ngoba ijogwe lami libutshelezi, lomthwalo wami ulula.
Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”