< UMakho 14 >

1 Kwathi emva kwensuku ezimbili kwaba khona iphasika lomkhosi wesinkwa esingelamvubelo; abapristi abakhulu lababhali basebedinga ukuthi bangambamba njani ngobuqili bambulale;
Zvino kwakanga kwangosara mazuva maviri kuti Pasika noMutambo weChingwa Chisina Mbiriso zviitwe, uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yokuti vasunge Jesu nayo uye vamuuraye.
2 kodwa bathi: Kungabi ngomkhosi, hlezi kube lesiphithiphithi sabantu.
Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo, nokuti vanhu vangangoita bope.”
3 Kwathi eseBethani, endlini kaSimoni umlephero, ehlezi ekudleni, kwafika owesifazana ephethe umfuma we-alibasta wamagcobo awenadi uqobo aligugu elikhulu; wasephahlaza umfuma we-alibasta, wawathela ekhanda lakhe.
Uye paakanga ari muBhetani, agere pakudya mumba momumwe murume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya nechinu chamafuta chearabhasita, mafuta anokosha kwazvo, akanga akaitwa nenaridhi yakaisvonaka. Akazarura chinu akadururira mafuta mumusoro wake.
4 Kwakukhona abanye abathukuthelayo ngaphakathi kwabo, besithi: Kwenzelwani ukumotshwa kwalamagcobo?
Vamwe vakanga varipo pakati pavo vakatsamwa vakati, “Seiko vachitambisa mafuta aya kudai?
5 Ngoba la abengathengiswa ngemali edlula odenariyo abangamakhulu amathathu, besekunikwa abayanga. Basebemsola.
Angadai atengeswa nomutengo uno mubayiro unopfuura wegore rose, uye mari yacho yapiwa kuvarombo.” Uye vakatsiura mukadzi uyu nehasha.
6 Kodwa uJesu wathi: Myekeleni; limhluphelani? Wenze umsebenzi omuhle kimi.
Jesu akati kwavari, “Musiyei akadaro. Munomunetsereiko? Aita chinhu chakanaka kwandiri.
7 Ngoba abayanga lihlala lilabo, futhi uba lithanda lingabenzela okuhle; kodwa mina kalihlali lilami.
Varombo munavo nguva dzose, uye munogona kuvabatsira panguva ipi zvayo yamunoda. Asi hamuzogari muneni nguva dzose.
8 Yena wenzile abengakwenza; uqalile ngaphambili ukuwugcobela ukungcwatshwa umzimba wami.
Aita zvaanogona. Adururira mafuta anonhuhwira pamuviri wangu nguva isati yasvika, kuti agadzirire kuvigwa kwangu.
9 Ngiqinisile ngithi kini: Loba ngaphi emhlabeni wonke lapho okuzatshunyayelwa khona lelivangeli, lalokhu akwenzileyo kuzakhulunywa ngakho kube yisikhumbuzo ngaye.
Ndinokuudzai chokwadi, kwose kunozoparidzwa vhangeri panyika yose, zvaaita izvi zvicharehwawo, vanhu vachimurangarira nazvo.”
10 UJudasi Iskariyothi, omunye wabalitshumi lambili, wasesiya kubapristi abakhulu, ukuze amnikele kubo.
Ipapo Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaenda kuvaprista vakuru kuti andotengesa Jesu kwavari.
11 Futhi sebezwile bathokoza, bathembisa ukumnika imali; wasedinga ukuthi angamnikela njani kuhle.
Vakafara kunzwa izvi uye vakavimbisa kumupa mari. Saka akamirira mukana wokumuisa kwavari.
12 Kwathi ngosuku lokuqala lwesinkwa esingelamvubelo, ababehlaba ngalo iphasika, abafundi bakhe bathi kuye: Uthanda ukuthi siyelungisa ngaphi ukuze udle iphasika?
Pazuva rokutanga roMutambo weChingwa Chisina Mbiriso, zvayakanga iri tsika yavo yokubayira gwayana rePasika, vadzidzi vaJesu vakamubvunza vakati, “Munoda kuti tiende kupi kwatingandokugadzirirai Pasika kuti mudye?”
13 Wasethuma ababili kubafundi bakhe, wathi kubo: Hambani liye emzini, njalo umuntu uzahlangana lani ethwele imbiza yamanzi; limlandele,
Saka akatuma vadzidzi vake vaviri akati kwavari, “Endai muguta, uye muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere.
14 njalo loba kungaphi azangena khona, kalibokuthi kumninindlu: UMfundisi uthi: Ingaphi indlu yezihambi, lapho engingadlela khona iphasika labafundi bami?
Muti kumwene weimba yaanopinda mairi, ‘Mudzidzisi anobvunza kuti: Imba yangu yavaeni, mandingadyira Pasika navadzidzi vangu ndeipiko?’
15 Futhi yena uzalitshengisa indlu enkulu ephezulu eyendlelweyo elungisiweyo; silungiseleni khona.
Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakatorongedzwa uye yakagadzirwa. Mutigadzirire imomo.”
16 Abafundi bakhe basebephuma, bangena emzini, bathola kunjengokutsho kwakhe kubo; basebelungisa iphasika.
Vadzidzi vakabva, vakapinda muguta vakawana zvinhu zvakaita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika.
17 Kwathi sekukusihlwa wafika labalitshumi lambili.
Ava madekwana, Jesu akasvika navane gumi navaviri.
18 Sebehlezi besidla, uJesu wathi: Ngiqinisile ngithi kini: Omunye wenu, odla lami, uzanginikela.
Vakati vagere pakudya, akati, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira, mumwe ari kudya neni.”
19 Basebeqala ukudabuka, bathi kuye ngamunye ngamunye: Ayisimi, akunjalo yini? Lomunye: Ayisimi, akunjalo yini?
Vakasuwiswa nazvo, mumwe nomumwe akati kwaari, “Zvirokwazvo, kwete ini?”
20 Kodwa waphendula wathi kubo: Ngomunye wabalitshumi lambili, otsheba kanye lami emganwini.
Iye akapindura akati, “Ndomumwe wavane gumi navaviri, iye anoseva chingwa chake mundiro neni.
21 Sibili iNdodana yomuntu ihamba, njengokulotshiweyo ngayo; kodwa maye kulowomuntu enikelwa nguye iNdodana yomuntu! Bekungakuhle kuye aluba lowomuntu wayengazalwanga.
Mwanakomana woMunhu achaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvaiva nani kwaari dai akanga asina kuzvarwa.”
22 Kwathi besidla, uJesu wathatha isinkwa, wasibusisa wasihlephula, wabanika, wathi: Thathani, lidle; lokhu kungumzimba wami.
Vakati vari pakudya, Jesu akatora chingwa, akavonga uye akachimedura, akapa vadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.”
23 Wasethatha inkezo, esebongile wabanika; basebenatha kuyo bonke.
Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri.
24 Wasesithi kubo: Leli ligazi lami, elesivumelwano esitsha, elichithelwa abanengi.
Akati kwavari, “Iri ndiro ropa rangu resungano, rinodururirwa vazhinji.
25 Ngiqinisile ngithi kini: Angisayikunatha okwesithelo sevini, kuze kufike lolosuku engizasinatha ngalo sisitsha embusweni kaNkulunkulu.
Ndinokuudzai chokwadi kuti handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira pazuva randichazochinwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.”
26 Kwathi sebehlabele ingoma yokudumisa baphuma baya entabeni yeMihlwathi.
Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.
27 UJesu wasesithi kubo: Lonke lizakhubeka ngami ngalobubusuku; ngoba kulotshiwe ukuthi: Ngizatshaya umelusi, izimvu besezihlakazeka.
Jesu akati kwavari, “Imi mose muchapararira, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “‘Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.’
28 Kodwa emva kokuvuswa kwami, ngizalandulela ukuya eGalili.
Asi mushure mokumuka kwangu, ndichatungamira kuGarirea imi mozotevera.”
29 Kodwa uPetro wathi kuye: Lanxa bonke bezakhubeka, kodwa hatshi mina.
Petro akati, “Kunyange dai vose vakakurambai, ini kwete.”
30 UJesu wasesithi kuye: Ngiqinisile ngithi kuwe: Lamuhla ngalobubusuku, lingakakhali kabili iqhude, uzangiphika kathathu.
Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, nhasi, manheru ano chaiwo, jongwe risati rarira kaviri, iwe pachako uchandiramba katatu.”
31 Kodwa waqinisa ngamandla esithi: Loba kudingeka ngife lawe, angisoze ngikuphike. Basebesitsho njalo labo bonke.
Asi Petro akaramba akasimbisisa achiti, “Kunyange dai ndichifanira kufa nemi, handizombokurambai.” Uye vamwe vose vakadarowo.
32 Basebefika endaweni ebizo layo yiGetsemane; wasesithi kubafundi bakhe: Hlalani phansi lapha, ngisayakhuleka.
Vakaenda kunzvimbo inonzi Getsemani, Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichambondonyengetera.”
33 Wasethatha kanye laye uPetro loJakobe loJohane, waseqala ukudatshulwa sibili lokukhathazeka kakhulu.
Akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye, akatanga kushungurudzika zvikuru uye akatambudzika.
34 Wasesithi kubo: Umphefumulo wami udabukile kakhulu kuze kube sekufeni; hlalani lapha lilinde.
Akati, “Mweya wangu wazara neshungu kwazvo kusvikira pakufa. Garai pano uye murambe makarinda.”
35 Waseqhubeka ibangana, wawela emhlabathini, wakhuleka ukuthi, uba kungenzeka, kudlule kuye lelihola.
Akati aenda chinhambwe zvishoma, akawira pasi akanyengetera kuti kana zvichibvira nguva iyi ipfuure, ibve kwaari.
36 Wasesithi: Abha, Baba, zonke izinto ziyenzeka kuwe. Susa linkezo kimi; kodwa kungabi yikuthi ngithandani mina, kodwa kube yikuthi uthandani wena.
Akati, “Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri. Asi kwete kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”
37 Wasesiza, wabafica belele, wathi kuPetro: Simoni, ulele yini? Ubungelinde yini ihola libe linye?
Ipapo akadzokazve kuvadzidzi vake akavawana vavete. Akati kuna Petro, “Simoni, wavata here? Hauna kugona kurinda kweawa imwe chete here?
38 Lindani likhuleke, ukuze lingangeni ekulingweni. Umoya uyavuma-ke, kodwa inyama ibuthakathaka.
Rindai munyengetere kuti murege kuwira mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi muviri hauna simba.”
39 Wasebuya wahamba wayakhuleka, esitsho wona lawomazwi.
Akaendazve kundonyengetera zvimwe chetezvo.
40 Wasebuya wabafica futhi belele; ngoba amehlo abo ayenzima, kodwa babengazi ukuthi bazamphendula bathini.
Paakadzoka, akawanazve vavete, nokuti meso avo akanga aremerwa nehope. Havana kuziva chokutaura kwaari.
41 Wasesiza ngokwesithathu, wathi kubo: Qhubekani-ke lilele, liphumule. Kwanele; ihola selifikile; khangelani, iNdodana yomuntu iyanikelwa ezandleni zezoni.
Achidzokerazve kechitatu akati kwavari, “Muchakavata uye muchiri kuzorora here? Zvaringana! Nguva yasvika. Tarirai, Mwanakomana woMunhu oiswa mumaoko avatadzi.
42 Sukumani, sihambe; khangelani, onginikelayo useduze.
Simukai! Ngatiendei! Hoyo mutengesi wangu ouya!”
43 Kwathi esakhuluma, wahle wafika uJudasi, omunye wabalitshumi lambili, njalo elexuku elikhulu elilezinkemba lezinduku, livela kubapristi abakhulu lababhali labadala.
Achiri kutaura, Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaonekwa. Akanga ana vanhu vazhinji vakapakata minondo netsvimbo, vatumwa navaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro, uye navakuru.
44 Lomnikelayo wayebanike isiboniso, esithi: Lowo engizamanga, nguye; limbambe, limqhube limqinise.
Zvino mutengesi akanga aronga navo chiratidzo achiti, “Munhu wandichatsvoda ndiye wacho; mumusunge mugoenda naye navarindi.”
45 Esefikile, wahle wasondela kuye wathi: Rabi, Rabi! Wasemanga.
Paakangosvika, Judhasi akaenda kuna Jesu, akati, “Rabhi!” ndokumutsvoda.
46 Basebemdumela, bambamba.
Vanhu vakabata Jesu vakamusunga.
47 Lomunye kwababemi khona wakhokha inkemba wagadla inceku yompristi omkhulu, waquma indlebe yayo.
Ipapo mumwe akanga amire pedyo akavhomora munondo wake akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake.
48 UJesu wasephendula wathi kubo: Liphume njengokuyamelana lomphangi yini lilezinkemba lezinduku ukuzangibamba?
Jesu akati, “Ko, ndiri kutungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuti muzondibata?
49 Bengilani insuku ngensuku ethempelini ngifundisa, kodwa kalingibambanga - kodwa ukuze kugcwaliseke imibhalo.
Mazuva ose ndaiva nemi, ndichidzidzisa mutemberi, uye hamuna kundisunga. Asi Magwaro anofanira kuzadziswa.”
50 Bonke basebemtshiya babaleka.
Ipapo vose vakamusiya vakatiza.
51 Lejaha elithile lamlandela, lembethe ilembu elicolekileyo emzimbeni onqunu. Aselibamba amajaha;
Rimwe jaya, rakanga rakapfeka nguo yakaisvonaka, rakanga richitevera Jesu. Vakati varibata,
52 laselitshiya ilembu elicolekileyo lababalekela linqunu.
rakatiza risina kupfeka, rikasiya nguo yaro mumashure.
53 Basebemqhuba uJesu bamusa kumpristi omkhulu; basebebuthana kuye abapristi abakhulu bonke labadala lababhali.
Vakaenda naJesu kumuprista mukuru, uye vamwe vaprista vose vakuru navadzidzisi vomurayiro vakaungana pamwe chete.
54 UPetro wasemlandela ekhatshana waze waba phakathi kweguma lompristi omkhulu; wayehlezi kanye lezinceku, esotha umlilo.
Petro akamutevera ari nechokure, kusvikira apinda muruvazhe rwomuprista mukuru. Akagara navarindi achidziya moto.
55 Labapristi abakhulu lomphakathi wonke badinga ubufakazi ngoJesu, ukuze bambulale; kodwa kababutholanga.
Vaprista vakuru namakurukota ose vakanga vachitsvaka chavangapa Jesu mhosva nacho kuitira kuti vagomuuraya, asi havana kuwana chinhu.
56 Ngoba abanengi bafakaza amanga ngaye, kodwa lobubufakazi kabuvumelananga.
Vazhinji vakamupupurira nhema, asi uchapupu hwavo hahuna kupindirana.
57 Kwasekusukuma abanye bafakaza amanga amelana laye besithi:
Ipapo vamwe vakasimuka vakapa uchapupu hwenhema uhu pamusoro pake vachiti,
58 Thina samuzwa esithi: Mina ngizadiliza lelithempeli elenziwe ngezandla, njalo ngakhe elinye elingenziwanga ngezandla ngensuku ezintathu.
“Takamunzwa achiti, ‘Ndichaparadza temberi iyi yakavakwa navanhu uye shure kwamazuva matatu ndichavaka imwe, isina kuitwa navanhu.’”
59 Loba kunjalo ubufakazi babo kabuvumelananga.
Kunyange ipapozve uchapupu hwavo hahuna kupindirana.
60 Kwasekusukuma umpristi omkhulu phakathi kwabo wambuza uJesu, esithi: Kawuphenduli lutho yini? Bafakazani laba okumelana lawe?
Ipapo muprista mukuru akamira pamberi pavo akabvunza Jesu achiti, “Ko, haupinduri here? Uchapupu hwaunopomerwa navanhu ava ndohweiko?”
61 Kodwa wathula, kaphendulanga lutho. Umpristi omkhulu wabuya wambuza, wathi kuye: Wena unguKristu, iNdodana yoBusisiweyo yini?
Asi Jesu akaramba anyerere akasapindura. Muprista mukuru akamubvunzazve achiti, “Ndiwe Kristu here, Mwanakomana waIye Akaropafadzwa?”
62 UJesu wasesithi: Mina nginguye. Njalo lizabona iNdodana yomuntu ihlezi ngakwesokunene samandla, isiza ngamayezi ezulu.
Jesu akati, “Ndini. Uye muchaona Mwanakomana woMunhu agere kuruoko rworudyi rwaIye Wamasimba achiuya ari pamakore okudenga.”
63 Umpristi omkhulu wasedabula izembatho zakhe wathi: Sisaswelelani abafakazi?
Muprista mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Tichatsvakireiko zvimwe zvapupu?
64 Liyizwile inhlamba; licabangani? Bonke basebemlahla ukuthi ulecala lokufa.
Manzwa kumhura kwake. Munofungeiko?” Vose vakamutonga vachiti aifanira kufa.
65 Abanye basebeqala ukumkhafulela amathe, lokumgubuzela ubuso, lokumdutshuza, lokuthi kuye: Profetha! Izinceku zasezimwakala.
Ipapo vamwe vakatanga kumupfira mate; vakamusunga kumeso, vakamurova nezvibhakera, vachiti, “Profita!” Uye varindi vakamutora vakamurova.
66 UPetro esegumeni ngaphansi, kwafika enye yezincekukazi zompristi omkhulu;
Petro paakanga achiri muruvazhe, mumwe musikana, murandakadzi womuprista mukuru akasvikapo.
67 isibona uPetro esotha, yamkhangela yathi: Lawe ubulomNazaretha, uJesu.
Akati aona Petro achidziya moto akamucherechedza. Akati kwaari, “Newewo wakanga una Jesu, weNazareta.”
68 Kodwa waphika, wathi: Kangikwazi, futhi kangikuqedisisi okutshoyo. Wasephuma phandle, waya entubeni; laselikhala iqhude.
Asi iye akaramba akati, “Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva.” Akabuda akandomira pamukova wokupinda nawo.
69 Njalo incekukazi encane yabuya yambona, yaqala ukutsho kwababemi khona ukuthi: Lo ungomunye wabo.
Akati aonekwazve nomusikana uyu aiva murandakadzi, musikana akatizve kuna avo vakanga vamirepo, “Munhu uyu ndomumwe wavo.”
70 Kodwa wabuya waphika. Kwathi emva kwesikhatshana futhi labo ababemi khona bathi kuPetro: Ngeqiniso ungomunye wabo; ngoba lawe ungumGalili, lolimi lwakho luyavumelana.
Iye akarambazve izvozvo. Mushure menguva pfupi, vaya vakanga vamirepo vakati kuna Petro, “Chokwadi, iwe uri mumwe wavo, nokuti uri muGarirea.”
71 Waseqala ukuqalekisa lokufunga esithi: Kangimazi lumuntu elimtshoyo.
Akatanga kutuka nokupika achiti, “Handizivi munhu uyu wamunotaura nezvake.”
72 Iqhude laselikhala ngokwesibili. UPetro wasekhumbula ilizwi uJesu ayelitshilo kuye lokuthi: Lingakakhali kabili iqhude, uzangiphika kathathu. Esenakane ngalokhu wakhala.
Pakarepo jongwe rakarira kechipiri. Ipapo Petro akarangarira shoko raJesu raakanga ataura kwaari achiti, “Jongwe risati rarira kaviri uchandiramba katatu.” Akawira pasi uye akachema.

< UMakho 14 >