< ULukha 7 >
1 Kwathi eseqedile amazwi akhe wonke endlebeni zabantu, wangena eKapenawume.
Zvino wakati apedza mashoko ake ese munzeve dzevanhu, akapinda muKapenaume.
2 Njalo inceku yenduna yekhulu ethile, eyayiligugu kuyo, yayigula isizakufa.
Zvino muranda weumwe mukuru wezana, waiva akakosha kwaari, wakange achirwara, achitandadza.
3 Kwathi isizwile ngoJesu, yathuma kuye abadala bamaJuda, imcela, ukuze eze asilise inceku yayo.
Zvino wakati anzwa zvaJesu, akatuma kwaari vakuru veVaJudha, achikumbira kuti auye aporese muranda wake.
4 Kwathi bona, sebefikile kuJesu, bamncenga kakhulu, besithi: Yona kufanele ukuthi uyenzele lokhu;
Zvino ivo vakati vachisvika kuna Jesu, vakamukumbirisa zvikuru, vachiti: Wakafanira kuti mumuitire izvozvi;
5 ngoba iyasithanda isizwe sakithi, njalo yiyo eyasakhela isinagoge.
nokuti anoda rudzi rwedu, uye ndiye wakativakira sinagoge.
6 UJesu wasehamba labo. Kwathi engasekhatshana lendlu, induna yekhulu yathuma abangane kuye, isithi kuye: Nkosi, ungazikhathazi; ngoba kangifanele ukuthi ungene ngaphansi kophahla lwami;
Zvino Jesu akaenda navo. Zvino apo akange asisiri kure neimba, mukuru wezana akatuma shamwari kwaari, achiti kwaari: Ishe, musazvitambudza; nokuti handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga reimba yangu;
7 yikho kangizibonanga ngifanele ukuza kuwe; kodwa khuluma ngelizwi, njalo inceku yami izasiliswa.
naizvozvo handina kutongofunga ini pachangu ndakafanira kuuya kwamuri; asi taurai neshoko, muranda wangu achaporeswa.
8 Ngoba lami ngingumuntu obekwe ngaphansi kwamandla, ngilamabutho ngaphansi kwami, njalo ngithi kuleli: Hamba, njalo lihambe; lakwelinye: Woza, njalo lize; lencekwini yami: Yenza lokhu, njalo ikwenze.
Nokuti iniwo ndiri munhu wakaiswa pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; ndinoti kune uyu: Enda, anoenda; uye kune umwe: Uya, anouya; nekumuranda wangu: Ita ichi, achiita.
9 Kwathi uJesu ezizwa lezizinto wamangala ngayo, watshibilika, wathi exukwini elimlandelayo: Ngithi kini, angitholanga ukholo olungaka ngitsho lakoIsrayeli.
Jesu wakati anzwa zvinhu izvi, akashamisika naye, akatendeuka, akati kuchaunga chaimutevera: Ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri.
10 Kwathi ababethunyiwe sebebuyele endlini bafica inceku eyayigula isisilile.
Zvino avo vakange vatumwa vodzokera kumba vakawana muranda airwara ava mutano.
11 Kwasekusithi ngelanga elilandelayo, waya emzini othiwa yiNayini; abafundi bakhe abanengi basebehamba laye, lexuku elikhulu.
Zvino zvakaitika zuva raitevera, kuti wakaenda kuguta rainzi Naini; zvino vazhinji vevadzidzi vake nechaunga chikuru vakaenda naye.
12 Kwathi esesondela esangweni lomuzi, njalo khangela, kwakulofileyo ethwelwe kuphunywa, indodana engeyodwa kanina, futhi yena engumfelokazi; lexuku elikhulu lomuzi lalilaye.
Zvino, wakati achiswedera pasuwo reguta, zvino tarira, mushakabvu achibudiswa kunze, mwanakomana umwe wega wamai vake, uye ivo vaiva chirikadzi; nechaunga chikuru cheguta chakange chinaye.
13 INkosi imbona, yasisiba lesihelo ngaye, yathi kuye: Ungakhali.
Zvino Ishe wakati amuona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema.
14 Yasondela yathinta ithala; abalithweleyo basebesima; yasisithi: Jaha, ngithi kuwe: Vuka!
Zvino akaswedera akabata hwanyanza; zvino vatakuri vakamira; akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka!
15 Ofileyo wasevuka wahlala waqala ukukhuluma. Yasimnika unina.
Mushakabvu akamuka ndokugara, akatanga kutaura; akamupa kuna mai vake.
16 Ukwesaba kwasekubabamba bonke, basebemdumisa uNkulunkulu, besithi: Umprofethi omkhulu usevukile phakathi kwethu; lokuthi: UNkulunkulu uhambele abantu bakhe.
Kutya ndokubata vese; vakarumbidza Mwari, vachiti: Muporofita mukuru wamuka pakati pedu; nekuti: Mwari washanyira vanhu vake.
17 Le indumela ngaye yasiphumela kuyo yonke iJudiya, lakuso sonke isigaba esizingelezeleyo.
Zvino iri shoko maererano naye rikabudira muJudhiya rese nenharaunda yese yakapoteredza.
18 Abafundi bakaJohane basebembikela ngazo zonke lezizinto.
Vadzidzi vaJohwani ndokumupira zvezvinhu izvozvi zvese.
19 UJohane wasebizela kuye ababili abathile kubafundi bakhe wabathuma kuJesu, esithi: Wena unguye ozayo yini, kumbe silindele omunye?
Johwani akadanira kwaari vamwe vaviri vevadzidzi vake, akavatuma kuna Jesu achiti: Imwi ndimwi anouya here, kana tichakataririra umwe?
20 Lamadoda esefikile kuye athi: UJohane uMbhabhathizi usithumile kuwe, esithi: Wena unguye ozayo yini, kumbe silindele omunye?
Zvino varume vakati vasvika kwaari, vakati: Johwani Mubhabhatidzi watituma kwamuri achiti: Imwi ndimwi anouya here, kana titaririre umwe?
21 Langalelohola wasilisa abanengi ezifweni lemikhuhlaneni lakubomoya ababi, labayiziphofu abanengi wabapha ukubona.
Zvino munguva iyoyo akaporesa vazhinji pazvifo neurwere, nepamweya yakaipa; nekumapofu mazhinji akapa kuona.
22 UJesu wasephendula wathi kubo: Hambani limtshele uJohane izinto elizibonileyo lelizizwileyo: Ukuthi iziphofu zibuye zibone, iziqhuli ziyahamba, amalephero ayahlanjululwa, izacuthe ziyezwa, abafileyo bayavuswa, abayanga bayatshunyayezwa ivangeli;
Zvino Jesu achipindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvamakaona nezvamakanzwa; zvekuti, mapofu anoonazve, vanokamhina vanofamba, vane maperembudzi vanonatsva, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa, varombo vanoparidzirwa evhangeri.
23 njalo ubusisiwe loba ngubani ongakhubekiyo ngami.
Uye wakaropafadzwa ani nani asingagumbuswi neni.
24 Kwathi sezihambile izithunywa zikaJohane, waqala ukukhuluma lamaxuku ngoJohane esithi: Laphuma laya enkangala ukuyabonani? Umhlanga onyikinywa ngumoya yini?
Zvino vatumwa vaJohwani vakati vabva, wakatanga kutaura kuzvaunga pamusoro paJohwani, achiti: Makabudira kurenje kunoonei? Rutsanga rwunozununguswa nemhepo here?
25 Kanti laphumela ukuyabonani? Umuntu owembethe izembatho ezicolekileyo yini? Khangelani, abembethe ezikhazimulayo baphila mnandi basezindlini zamakhosi.
Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vari munguvo dzinobwinya, vachirarama zvakanaka, vari mudzimba dzemadzimambo.
26 Pho laphumela ukuyabonani? Umprofethi yini? Yebo, ngithi kini: Loba odlula kakhulu umprofethi.
Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange anopfuura zvikuru muporofita.
27 Lo nguye okubhalwe ngaye ukuthi: Khangela, mina ngiyathuma isithunywa sami phambi kobuso bakho, esizalungisa indlela yakho phambi kwakho.
Uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake, zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.
28 Ngoba ngithi kini: Phakathi kwabazelwe ngabesifazana kakho umprofethi omkhulu kuloJohane uMbhabhathizi; kodwa omncinyane embusweni kaNkulunkulu mkhulu kulaye.
Nokuti ndinoti kwamuri: Pakati pevakaberekwa nevakadzi, hakuna muporofita mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi; asi mudikisa muushe hwaMwari mukuru kwaari.
29 Labantu bonke bekuzwa, labathelisi, bathi ulungile uNkulunkulu, sebebhabhathiziwe ngobhabhathizo lukaJohane;
Zvino vanhu vese nevateresi vakati vachizvinzwa vakati Mwari wakarurama, zvavakange vabhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwaJohwani.
30 kodwa abaFarisi lezazumthetho balala icebo likaNkulunkulu bemelene labo, ngoba bengabhabhathizwanga nguye.
Asi VaFarisi nenyanzvi dzemutemo vakaramba zano raMwari vachizvipikisa, vakasabhabhatidzwa naye.
31 Yasisithi iNkosi: Pho-ke abantu balesisizukulwana ngizabafananisa lani? Kanti bafanana lani?
Asi Ishe akati: Zvino vanhu vezera iri ndichavafananidza nei? Vakafanana nei?
32 Banjengabantwana abancane abahlezi emakethe bememezana besithi: Silitshayele umhlanga, kodwa kalisinanga; silililele, kodwa kalikhalanga.
Vakafanana nevana vadiki vagere pamisika vachidanidzirana vachiti: Takakuridzirai nyere asi hamuna kutamba, takakuririrai asi hamuna kuchema.
33 Ngoba uJohane uMbhabhathizi wafika engadli isinkwa njalo enganathi iwayini, laselisithi: Uledimoni;
Nokuti Johwani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa kana kunwa waini, zvino moti: Ane dhimoni;
34 iNdodana yomuntu ifikile isidla, inatha, laselisithi: Khangelani, umuntu oligovu lesinathi sewayini, umngane wabathelisi lezoni.
Mwanakomana wemunhu wauya achidya, achinwa, zvino moti: Tarirai munhu wemakaro nemunwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi.
35 Kodwa inhlakanipho ithiwa ilungile ngabantwana bayo bonke.
Asi uchenjeri hunonzi hwakarurama nevana vahwo vese.
36 Omunye wabaFarisi wasemcela ukuthi adle laye; esengenile endlini yomFarisi wahlala ekudleni.
Zvino umwe weVaFarisi wakamukumbira kuti adye naye; akapinda mumba memuFarisi, akagara pakudya.
37 Njalo khangela, owesifazana kulowomuzi, owayeyisoni, esekwazi ukuthi uJesu uhlezi ekudleni endlini yomFarisi, waletha umfuma we-alibasta owamagcobo,
Zvino tarira, mukadzi muguta iro, waiva mutadzi, wakati aziva kuti agere pakudya mumba memuFarisi, akauya nechinu chearibhasiteri chechizoro.
38 wasesima eceleni kwenyawo zakhe ngemva kwakhe ekhala, waqala ukuthambisa inyawo zakhe ngenyembezi, wazesula ngenwele zekhanda lakhe, wanga inyawo zakhe, wazigcoba ngamagcobo.
Akamira patsoka dzake mushure make achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akapukuta nevhudzi remusoro wake, ndokutsvoda tsoka dzake ndokudzizodza nechizoro.
39 Kuthe umFarisi obemnxusile ekubona wakhulumela ngaphakathi kwakhe wathi: Lo, uba ebengumprofethi, ngabe uyamazi ukuthi ungubani lokuthi unjani lo owesifazana omthintayo, ngoba uyisoni.
Zvino muFarisi wakange amudana wakati achizviona, akataura mukati make, achiti: Uyu dai aiva muporofita, angadai aiziva kuti ndiani, uye ndewakadini mukadzi anomubata, nokuti mutadzi.
40 UJesu wasephendula wathi kuye: Simoni, ngilengizakukhuluma lawe. Yena wasesithi: Khuluma, Mfundisi.
Jesu ndokupindura akati kwaari: Simoni, ndine chekutaura kwauri. Iye ndokuti: Mudzidzisi, revai.
41 Kwakukhona ababili ababelezikwelede kumkweledisi othile; omunye wayelomlandu wabodenariyo abangamakhulu amahlanu, lomunye abangamatshumi amahlanu.
Kwakange kune vakwereti vaviri kune umwe mukweretesi; umwe wakange ane chikwereti chamadhenario mazana mashanu, uye umwe makumi mashanu.
42 Kwathi bengelakho okokuhlawula ngakho, wabaxolela bobabili. Kambe nguwuphi kubo, tshono, ozamthanda okwedlulisileyo?
Vakati vasina chekuripisa, akavakanganwira vari vaviri. Naizvozvo ndeupi wavo, taura, achamuda kupfuura umwe?
43 USimoni wasephendula wathi: Ngicabanga ngulowo amxolela okwedlulisileyo. Wathi kuye: Wahlulele ngokuqonda.
Simoni akapindura akati: Ndinofunga ndouyo waakakanganwira kupfuura umwe. Akati kwaari: Watonga zvakarurama.
44 Wasetshibilikela kowesifazana, wathi kuSimoni: Uyambona lo owesifazana yini? Ngingene endlini yakho, amanzi enyaweni zami kawunginikanga; kodwa yena uzithambisile inyawo zami ngenyembezi zakhe, wazesula ngenwele zekhanda lakhe.
Zvino akatendeukira kumukadzi, akati kuna Simoni: Unoona mukadzi uyu here? Ndapinda mumba mako, mvura yetsoka dzangu hauna kundipa; asi uyu wanyorevesa tsoka dzangu nemisodzi, akapusika nevhudzi remusoro wake.
45 Kawunganganga; kodwa yena, lokhu ngingenile, kayekelanga ukwanga inyawo zami.
Hauna kunditsvoda, asi iye chinguri chandapinda, haana kumira kutsvoda tsoka dzangu.
46 Ngamagcobo ikhanda lami kawuligcobanga; kodwa yena ugcobile inyawo zami ngamakha.
Nemafuta musoro wangu hauna kuuzodza; asi iye wazodza tsoka dzangu nechizoro.
47 Ngenxa yalokhu, ngithi kuwe: Izono zakhe ezinengi zithethelelwe, ngoba uthandile kakhulu; kodwa lowo othethelelwa kancinyane, uthanda kancinyane.
Naizvozvo, ndinoti kwauri: Zvivi zvake zvizhinji zvakanganwirwa, nokuti wada zvikuru; asi anokanganwirwa zvishoma, anoda zvishoma.
48 Wasesithi kuye: Zithethelelwe izono zakho.
Zvino akati kwaari: Zvivi zvako zvakanganwirwa.
49 Ababehlezi laye ekudleni basebeqala ukukhulumisana bodwa besithi: Ngubani lo othethelela lezono?
Zvino avo vakange vagere pakudya naye vakatanga kureva mukati mavo, vachiti: Ndiani uyu anokanganwirawo zvivi?
50 Wasesithi kowesifazana: Ukholo lwakho lukusindisile; hamba ngokuthula.
Akati kumukadzi: Rutendo rwako rwakuponesa; enda nerugare.