< ULukha 19 >

1 Wathi uJesu engena, wadabula eJeriko.
Zvino Jesu wakapinda, akagura muJeriko.
2 Njalo khangela, kwakukhona indoda eyayithiwa nguZakewu ngebizo; owayeyinduna yabathelisi, njalo wayenothile;
Zvino tarira, murume wainzi Zakewu nezita; iye wakange ari mutungamiriri wevateresi, uye iye waiva mufumi;
3 wadinga ukubona uJesu ukuthi ungubani, kodwa kazange enelise ngenxa yexuku, ngoba wayelesithombo esifitshane.
uye wakatsvaka kuona Jesu kuti ndiani; asi wakange asingagoni nekuda kwechaunga, nokuti wakange ane chimiro chifupi.
4 Wasegijimela phambili wakhwela emkhiweni wesikhamore ukuze ambone; ngoba wayezadlula ngaleyondlela.
Zvino wakamhanyira mberi, akakwira mumuonde wemusikamori kuti amuone; nokuti wakange achizopfuura nenzira iyo.
5 Kwathi uJesu efika kuleyondawo, wakhangela phezulu wambona, wathi kuye: Zakewu, phangisa wehle; ngoba lamuhla ngimele ukuhlala endlini yakho.
Zvino Jesu wakati achisvika panzvimbo iyo, wakatarira kumusoro, akamuona, akati kwaari: Zakewu, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.
6 Wasephangisa wehla, wamemukela ethokoza.
Zvino wakakurumidza kuburuka, akamugamuchira achifara.
7 Futhi bonke bekubona basola, besithi: Ungene wethekelela indoda eyisoni.
Zvino vakati vazviona vakan'un'una vese vachiti: Wapinda kunogara nemurume mutadzi.
8 Kodwa uZakewu wema wathi eNkosini: Khangela, ingxenye yempahla yami, Nkosi, ngiyipha abayanga; kuthi uba ngimthathele umuntu ulutho ngobuqili, ngilubuyisela luphindwe kane.
Asi Zakewu wakamira, akati kuna Ishe: Tarirai, hafu yefuma yangu, Ishe, ndinopa kuvarombo, uye kana ndakatora chinhu kune umwe munhu nekunyengera, ndinodzosera runa.
9 UJesu wasesithi kuye: Lamuhla usindiso lufikile kulindlu, ngoba laye uyindodana kaAbrahama.
Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno; nokuti iyewo mwanakomana waAbhurahama.
10 Ngoba iNdodana yomuntu ize ukudinga lokusindisa okulahlekileyo.
Nokuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzotsvaka nekuponesa chakarasika.
11 Kwathi besizwa lezizinto, wengezelela watsho umfanekiso, ngoba wayeseduze leJerusalema, langoba babecabanga ukuthi umbuso kaNkulunkulu uzahle ubonakaliswe.
Vakati vanzwa zvinhu izvi, wakawedzera akataura mufananidzo, nokuti wakange ava pedo neJerusarema, uye nekuti vaifunga kuti ushe hwaMwari hwobva hwodoonekereswa.
12 Wasesithi-ke: Umuntu othile oyisikhulu waya elizweni elikhatshana, ukuzemukelela umbuso, aphinde abuye.
Naizvozvo wakati: Umwe munhu ane mbiri wakaenda kunyika iri kure, kunozvigamuchirira ushe agodzoka.
13 Wasebiza inceku zakhe ezilitshumi, wazinika impondo ezilitshumi, wathi kuzo: Sebenzani ngemali ngize ngibuye.
Zvino wakadana varanda vake gumi, ndokuvapa pondo gumi, ndokuti kwavari: Bhindaukai nayo kusvikira ndichiuya.
14 Kodwa izakhamizi zakhe zamzonda, zathuma amanxusa emva kwakhe, zisithi: Kasithandi ukuthi lo asibuse.
Asi vanhu venyika yake vakange vachimuvenga, vakatuma nhume shure kwake, vachiti: Hatidi uyu kuti atitonge.
15 Kwasekusithi esebuyile esewemukele umbuso, wathi azibizelwe kuye lezozinceku, ayezinike imali, ukuze azi ukuthi yileyo laleyo izuzeni ngokuthengiselana.
Zvino zvakaitika kuti adzoka agamuchira ushe, wakaraira kuti vaya varanda vaakange apa mari, vadanirwe kwaari, kuti anzwe kuti umwe neumwe wakawana zvakadini nekutengeserana.
16 Kweza-ke eyokuqala, yathi: Nkosi, impondo yakho izuze impondo ezilitshumi.
Wekutanga ndokusvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo gumi.
17 Wasesithi kuyo: Kuhle, nceku elungileyo; lokhu uthembekile kokuncinyanyana, woba lamandla phezu kwemizi elitshumi.
Zvino akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka; nokuti wakange wakatendeka pachidiki-diki, uve nesimba pamusoro pemaguta gumi.
18 Kwasekusiza eyesibili, yathi: Nkosi, impondo yakho yenze impondo ezinhlanu.
Newechipiri wakasvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo shanu.
19 Wasesithi lakuyo: Lawe woba phezu kwemizi emihlanu.
Akati kwaariwo: Newe, uve pamusoro pemaguta mashanu.
20 Kwasekusiza enye, isithi: Nkosi, khangela impondo yakho, engayibeka elenjini;
Zvino umwe wakasvika, achiti: Ishe, tarirai pondo yenyu, yandakange ndakachengeta mumucheka wekumeso;
21 ngoba bengikwesaba, ngoba ungumuntu olukhuni; uthatha lokho ongakubekanga, futhi uvune lokho ongakuhlanyelanga.
nokuti ndakange ndichikutyai, nokuti muri munhu wakaoma; munotora zvamusina kuisa, muchikohwa izvo zvamusina kudzvara.
22 Wasesithi kuyo: Ngizakugweba ngokuvela emlonyeni wakho, nceku embi. Ubusazi ukuthi mina ngingumuntu olukhuni, othatha lokho engingakubekanga, futhi avune lokho engingakuhlanyelanga;
Zvino wakati kwaari: Ndichakutonga nezvinobuda mumuromo mako, muranda wakaipa; wakange uchiziva kuti ini ndiri munhu wakaoma, ndichitora zvandisakaisa, nekukohwa izvo zvandisina kudzvara;
23 ngakho kungani ungafakanga imali yami ebhanga, kuthi-ke mina ekufikeni kwami ngiyithathe kanye lenzuzo?
naizvozvo sei usina kuisa mari yangu mubhanga, kuti kana ndouya ndigozoitora pamwe nezvibereko.
24 Wasesithi kulabo ababemi khona: Memukeni impondo, liyinike lowo olempondo ezilitshumi.
Ndokuti kune vakange vamirepo: Mutorerei pondo mupe kune ane pondo gumi.
25 Kodwa bathi kuye: Nkosi, lowo ulempondo ezilitshumi.
Asi vakati kwaari: Ishe, ane pondo gumi.
26 Ngoba ngithi kini: Wonke olakho uzaphiwa; kodwa lowo ongelakho, uzakwemukwa lalokho alakho.
Nokuti ndinoti kwamuri: Anazvo achapiwa; uye asina, kwaari kuchatorwa nezvaanazvo.
27 Kodwa lezozitha zami, ebezingathandi ukuthi ngizibuse, ziletheni lapha, lizibulale phambi kwami.
Asi vavengi vangu avo, vakange vasingadi kuti nditonge pamusoro pavo, uisai pano, muvauraye pamberi pangu.
28 Esetshilo lezizinto, wahamba phambili, esenyukela eJerusalema.
Zvino wakati areva zvinhu izvi, akapfuurira mberi, achikwira kuJerusarema.
29 Kwasekusithi esondela eBetfage leBethani entabeni okuthiwa ngeyeMihlwathi, wathuma ababili kubafundi bakhe,
Zvino zvakaitika oswedera kuBhetifage neBhetaniya pagomo rinonzi reMiorivhi, wakatuma vaviri vevadzidzi vake,
30 esithi: Hambani liye emzaneni okhangelene lani; lizakuthi lingena kuwo lifice ithole likababhemi libotshiwe, okungazanga kuhlale kulo muntu; lilikhulule lililethe.
achiti: Fambai muende mumusha wakatarisana nemwi; kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunungure, mugoriuisa.
31 Uba umuntu elibuza esithi: Lilikhululelani? Lizakutsho njalo kuye ukuthi: INkosi iyaliswela.
Zvino kana chero munhu akakubvunzai achiti: Munorisunungurirei? Muchataura kwaari kudai: Ishe anorida.
32 Ababethunyiwe bahamba-ke bafica kunjengoba ebatshelile.
Avo vakatumwa vakaenda vakanowana sezvaakange ataura kwavari.
33 Kuthe besalikhulula ithole, abaninilo bathi kubo: Lilikhululelani ithole?
Zvino vakati vachisunungura dhongwana, varidzi varo vakati kwavari: Munosunungurirei dhongwana?
34 Bona basebesithi: INkosi iyaliswela.
Ivo ndokuti: Ishe anorida.
35 Basebeliletha kuJesu; baphosela izembatho zabo phezu kwethole likababhemi, bamkhweza uJesu kulo.
Zvino vakariuisa kuna Jesu; ndokukanda nguvo dzavo pamusoro pedhongwana, vakatasvisa Jesu pariri.
36 Kwathi ehamba, bendlala izembatho zabo phansi endleleni.
Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira.
37 Kwathi khathesi esesondela ekwehleni kwentaba yeMihlwathi, ixuku lonke labafundi laqala ukuthokoza lokudumisa uNkulunkulu ngelizwi elikhulu ngayo yonke imisebenzi yamandla eliyibonileyo,
Zvino wakati oswedera ikozvino pamateru egomo reMiorivhi, chaunga chese chevadzidzi chikatanga kufara chichirumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ese esimba avakange vaona,
38 lisithi: Ibusisiwe inkosi ezayo ebizweni leNkosi; ukuthula ezulwini, lenkazimulo kweliphezulu.
vachiti: Wakaropafadzwa mambo anouya muzita raIshe; rugare kudenga, nekubwinya kumusoro-soro.
39 Labanye babaFarisi ababesexukwini bathi kuye: Mfundisi, khuza abafundi bakho.
Uye vamwe veVaFarisi vari pakati pechaunga vakati kwaari: Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu.
40 Wasephendula wathi kubo: Ngithi kini, uba bethula laba, amatshe azamemeza.
Zvino wakapindura akati kwavari: Ndinokuudzai kuti kana ava vakanyarara, mabwe achadanidzira.
41 Kwathi esondela, ewubona umuzi, wawukhalela,
Zvino wakati aswedera, wakaona guta, akachema pamusoro paro,
42 esithi: Kungathi ngabe wazile lawe, ngitsho ngalolusuku lwakho, izinto zokuthula kwakho; kodwa-ke khathesi zifihlakele emehlweni akho.
achiti: Dai newe waiziva, kunyange pazuva rino rako zvinhu zverugare rwako; asi zvino zvakavanzirwa meso ako.
43 Ngoba insuku zizakwehlela phezu kwakho, lapho izitha zakho zizakwakhela umthangala zikugombolozele, zikuzingelezele, zikuvimbele inhlangothi zonke,
Nokuti mazuva achasvika pamusoro pako, apo vavengi vako vachakukandira muchinjiziri wakakupoteredza, vachakukomba, nekukudzvinyidzira pamativi ese,
44 zikudilizele phansi wena labantwana bakho abaphakathi kwakho, zingatshiyi ilitshe phezu kwelitshe phakathi kwakho; ngoba ungasazanga isikhathi sokuhanjelwa kwakho.
uye vachakuputsira pasi iwe nevana vako mukati mako, havangasii mukati mako ibwe pamusoro pebwe; nokuti hauna kuziva nguva yekushanyirwa kwako.
45 Wasengena ethempelini, waqala ukuxotsha abathengisayo kulo, labathengayo,
Zvino wakapinda mutembere, akatanga kudzingira panze vakange vachitengesamo nevaitenga,
46 esithi kubo: Kulotshiwe ukuthi: Indlu yami yindlu yomkhuleko; kodwa lina liyenze ubhalu lwabaphangi.
achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti: Imba yangu imba yemunyengetero; asi imwi maiita bako remakororo.
47 Njalo wayefundisa ethempelini insuku zonke; kodwa abapristi abakhulu lababhali lenduna zabantu badinga ukumbulala;
Zvino waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu vakatsvaka kumuparadza.
48 kodwa kabatholanga abangakwenza, ngoba abantu bonke banamathela kuye bemlalela.
Asi havana kuwana zvavangaita, nokuti vanhu vese vakamunamatira vachimunzwa.

< ULukha 19 >