< ULukha 11 >

1 Kwasekusithi ekhuleka endaweni ethile, eseqedile, omunye wabafundi bakhe wathi kuye: Nkosi, sifundise ukukhuleka, njengoJohane laye wafundisa abafundi bakhe.
Mumwe musi Jesu akanga achinyengetera ari pane imwe nzvimbo. Akati apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengetera, saJohani akadzidzisa vadzidzi vake.”
2 Wasesithi kubo: Nxa likhuleka, libokuthi: Baba wethu osemazulwini, kalihlonitshwe ibizo lakho. Umbuso wakho kawuze. Intando yakho kayenziwe, lemhlabeni njengezulwini.
Iye akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti: “‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga.
3 Siphe usuku ngosuku ukudla kwethu kwensuku zonke.
Tipei zuva nezuva chingwa chedu chamazuva namazuva.
4 Njalo usithethelele izono zethu, ngoba lathi sibathethelela bonke abalamacala kithi. Njalo ungasingenisi ekulingweni, kodwa usikhulule ebubini.
Uye mutiregerere zvivi zvedu; nokuti nesuwo tinoregerera vose vanotitadzira. Musatitungamirira mukuedzwa; uye mutinunure pane zvakaipa.’”
5 Wasesithi kubo: Nguwuphi kini olomngane, futhi aye kuye phakathi kobusuku, athi kuye: Mngane, ngeboleka izinkwa ezintathu,
Ipapo akati kwavari, “Kana mumwe wenyu ane shamwari, uye akaenda kwaari pakati pousiku akati, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu,
6 ngoba kufike kimi umngane wami evela ekuhambeni, kodwa kangilalutho engingalubeka phambi kwakhe;
nokuti shamwari yangu iri parwendo yasvika kwangu, uye ini handina chandingamupa.’
7 longaphakathi aphendule athi: Ungangihluphi; umnyango usuvaliwe, labantwana bami abancane balami embhedeni; kangingeke ngivuke ngikunike.
“Ipapo uya ari mukati akati, ‘Rega kundinetsa. Mukova wangu watopfigwa, uye vana vangu neni tavata. Handikwanisi kumuka kuti ndikupe kana chinhu.’
8 Ngithi kini: Loba engazukuvuka amnike, ngoba engumngane wakhe, kodwa ngenxa yokuphikelela kwakhe uzavuka amnike konke akuswelayo.
Ndinokuudzai, kuti kunyange asingazomuki kuti amupe chingwa nokuda kwokuti ishamwari yake, asi nokuda kwokushingirira kwomunhu uyu, achamuka agomupa zvose zvaanoda.
9 Mina-ke ngithi kini: Celani, lizaphiwa; dingani, lizathola; qoqodani, lizavulelwa.
“Saka ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa, tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa mukova.
10 Ngoba wonke ocelayo uyemukela; lodingayo uyathola; loqoqodayo uyavulelwa.
Nokuti ani naani anokumbira achapiwa; anotsvaka achawana; anogogodza, achazarurirwa mukova.
11 Kambe, nguwuphi kini onguyise ongathi indodana icela isinkwa, ayinike ilitshe? Loba-ke inhlanzi, ayinike inyoka endaweni yenhlanzi yini?
“Ndiani pakati penyu vanababa, angati, kana mwanakomana wake amukumbira hove, omupa nyoka pachinzvimbo chehove?
12 Uba-ke icela iqanda, ayinike ufezela yini?
Kana kuti akakumbira zai, angamupa chinyavada here?
13 Ngakho uba lina elingababi likwazi ukupha abantwana benu izipho ezinhle, kakhulu kangakanani uBaba osezulwini ezabapha uMoya oNgcwele abacela kuye.
Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!”
14 Wayesekhupha idimoni, elaliyisimungulu. Kwasekusithi, seliphumile idimoni, wakhuluma oyisimungulu; amaxuku asemangala.
Jesu akanga achidzinga dhimoni raiva mbeveve. Dhimoni rakati rabva, munhu uya akanga ari mbeveve akataura, uye vazhinji vakashamiswa nazvo.
15 Kodwa abanye babo bathi: Ukhupha amadimoni ngoBhelezebhule inkosi yamadimoni.
Asi vamwe vavo vakati, “Anodzinga dhimoni naBheerizebhubhi, muchinda mukuru wamadhimoni.”
16 Labanye bemlinga badinga kuye isibonakaliso esivela ezulwini.
Vamwewo vakamuedza nokumukumbira chiratidzo.
17 Kodwa yena eyazi imicabango yabo wathi kubo: Wonke umbuso owehlukene umelene lawo ngokwawo uyachitheka; njalo indlu emelene lendlu iyadilika.
Jesu akaziva ndangariro dzavo akati kwavari, “Umambo hupi zvahwo hunozvipesanisa huchaparadzwa, uye imba inozvipesanisa ichawa.
18 Njalo uba uSathane laye ehlukene emelane laye ngokwakhe, umbuso wakhe uzakuma njani? Ngoba lithi, ngikhupha amadimoni ngoBhelezebhule.
Kana Satani achizvipesanisa, umambo hwake hungamira seiko? Ndinotaura izvi nokuti munonditi ndinobudisa madhimoni naBheerizebhubhi.
19 Njalo uba mina ngikhupha amadimoni ngoBhelezebhule, amadodana enu akhupha ngobani? Ngakho wona azakuba ngabagwebi benu.
Zvino kana ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani? Saka zvino, ivo vachava vatongi venyu.
20 Kodwa uba ngikhupha amadimoni ngomunwe kaNkulunkulu, isibili umbuso kaNkulunkulu usufikile kini.
Asi kana ndichidzinga madhimoni nomunwe waMwari, ipapo umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.
21 Uba isiqhwaga sihlomile silinda owaso umuzi, impahla yaso isekuthuleni;
“Kana munhu ane simba, akanyatsoshonga nhumbi dzake dzokurwa, akachengeta imba yake, pfuma yake inochengetedzeka.
22 kodwa nxa olamandla kulaso esisukela asinqobe, uyasemuka izikhali zaso ebesithembele kuzo, abesesaba impango yaso.
Asi kana mumwe ane simba akamurwisa uye akamukunda, anomutorera nhumbi dzokurwa dzaanga achivimba nadzo agogova zvaanenge apamba.
23 Ongelami umelene lami; longabuthi lami uyachithiza.
“Ani naani asiri kudivi rangu anorwa neni, uye asingaunganidzi pamwe chete neni, anoparadzira.
24 Nxa umoya ongcolileyo esephumile emuntwini, uyahamba adabule indawo ezomileyo, edinga ukuphumula; kodwa engakutholi athi: Ngizabuyela endlini yami engaphuma kuyo;
“Kana mweya wakaipa ukabuda mumunhu, unopinda nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo ugorishayiwa. Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’
25 njalo esefikile ayifice ithanyelwe njalo ilungisiwe.
Paunosvika, unowana imba yakatsvairwa, yanaka uye igere zvakanaka.
26 Abesehamba azithathele abanye omoya abayisikhombisa ababi kulaye uqobo, bangene bahlale lapho; njalo ukucina kwalowomuntu kube kubi kulokuqala.
Ipapo unobuda wondotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kupfuura iwo, igopinda yondogaramo. Uye magumo omunhu uyo akaipa kupfuura okutanga.”
27 Kwasekusithi ekhuluma lezizinto, owesifazana othile exukwini waphakamisa ilizwi, wathi kuye: Sibusisiwe isisu esakuthwalayo, lamabele owawamunyayo.
Jesu akati achiri kutaura zvinhu izvi, mumwe mukadzi aiva pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Vakaropafadzwa mai vakakuzvarai vakakuyamwisai.”
28 Kodwa yena wathi: Kodwa ikakhulu babusisiwe abalizwayo ilizwi likaNkulunkulu balilondoloze.
Akapindura akati, “Asi vakaropafadzwa avo vanonzwa shoko raMwari uye vachiriteerera.”
29 Kwathi sekubuthene amaxuku eminyene, waqala ukuthi: Lesi isizukulwana sibi; sidinga isibonakaliso, kodwa kasiyikunikwa isibonakaliso, ngaphandle kwesibonakaliso sikaJona umprofethi.
Vanhu vakati vachiwanda, Jesu akati kwavari, “Rudzi urwu rwakaipa. Runokumbira chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo kunze kwechaJona.
30 Ngoba njengalokhu uJona waba yisibonakaliso kwabeNineve, leNdodana yomuntu izakuba njalo kulesisizukulwana.
Nokuti sezvo Jona akanga ari chiratidzo kuvaNinevhe, saizvozvowo ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu kurudzi urwu.
31 Indlovukazi yeningizimu izasukuma ekugwetshweni kanye lamadoda alesisizukulwana, iwalahle; ngoba yavela emikhawulweni yomhlaba ukuzakuzwa inhlakanipho kaSolomoni, njalo khangelani, omkhulu kuloSolomoni ulapha.
Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa navarume vorudzi urwu agovapa mhosva; nokuti akabva kumagumo enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino mukuru kuna Soromoni ari pano.
32 Amadoda eNineve azasukuma ekugwetshweni kanye lalesisizukulwana, asilahle; ngoba aphenduka ngokutshumayela kukaJona, njalo khangelani, omkhulu kuloJona ulapha.
Varume veNinevhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu vagorupa mhosva; nokuti ivo vakatendeuka pakuparidza kwaJona, zvino mukuru kuna Jona ari pano.
33 Futhi kakho othi eselumathise isibane asibeke ekusithekeni, loba ngaphansi kwesitsha, kodwa phezu kwesiqobane sesibane, ukuze abangenayo babone ukukhanya.
“Hakuna munhu anotungidza mwenje agouisa panzvimbo yakavanda, kana pasi pedengu. Asi anouisa pachigadziko, kuitira kuti vose vanopinda mumba vaone chiedza.
34 Isibane somzimba yilihlo; ngakho nxa ilihlo lakho liphilile, lomzimba wakho wonke ugcwele ukukhanya; kodwa nxa lilibi, lomzimba wakho ulobumnyama.
Ziso rako ndiwo mwenje womuviri wako. Kana meso ako akanaka, muviri wako wosewo uzere nechiedza. Asi kana akaipa, muviri wakowo uzere nerima.
35 Ngakho qaphela ukuthi ukukhanya okukuwe kungabi ngumnyama.
Chenjererai kuti chiedza chiri mamuri chirege kuva rima.
36 Ngakho uba umzimba wakho wonke ugcwele ukukhanya, ungelandawo emnyama, uzakhanya wonke, njengesibane sikukhanyisa ngokukhanya.
Naizvozvo kana muviri wako wose uzere nechiedza, uye pasina chikamu chawo chine rima, uchavhenekerwa zvakakwana, sezvinoita chiedza chomwenje pachinovhenekera pauri.”
37 Kwathi esakhuluma, umFarisi othile wamcela ukuthi adle laye; wasengena wahlala ekudleni.
Jesu akati apedza kutaura, mumwe muFarisi akamukoka kuti azodya naye; saka akaenda, akapinda akagara naye pakudya.
38 Kwathi umFarisi ebona lokhu wamangala ukuthi kazange aqale ageze phambi kokudla kwemini.
Asi muFarisi akaona kuti Jesu akanga asina kutanga ageza asati adya, zvikamushamisa.
39 Yasisithi iNkosi kuye: Khathesi lina baFarisi lihlambulula ingaphandle yenkezo leyesitsha, kodwa ingaphakathi yenu igcwele ukuphanga lobubi.
Ipapo Ishe akati kwaari, “Zvino, imi vaFarisi munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa.
40 Zithutha, yena owenza ingaphandle kayenzanga yini lengaphakathi?
Imi mapenzi avanhu! Ko, akaita kunze haaziye akaitawo nomukati here?
41 Kodwa phanini zibe yizipho zabayanga lezozinto ezingaphakathi; khangelani-ke, konke kuzahlambuluka kini.
Asi ipai zviri mukati mendiro sezvipo kuvarombo, uye ipapo zvose zvichava zvakachena kwamuri.
42 Kodwa maye kini baFarisi! Ngoba lithela okwetshumi kwetshwayi leganga leruwi, lakuyo yonke imibhida, njalo liseqa ukwehlulela lothando lukaNkulunkulu; belifanele ukwenza lezizinto, lingakuyekeli lalokhu.
“Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munopa kuna Mwari chegumi chemindi, nerui nezvimwe zvirimwa zvomubindu romuriwo, asi muchirega kururamisira, norudo rwaMwari. Maifanira kuzviita izvi musingasiyi zvokutanga zvisati zvaitwa.
43 Maye kini baFarisi! Ngoba lithanda izihlalo zabahloniphekayo emasinagogeni, lokubingelelwa emidangeni.
“Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munoda zvigaro zvapamusoro mumasinagoge nokukwaziswa pamisika.”
44 Maye kini, babhali labaFarisi, bazenzisi! Ngoba lifanana lamangcwaba angabonakaliyo, labantu abahamba phezu kwawo bengawazi.
“Mune nhamo imi, nokuti makaita samakuva asina mucherechedzo, vanhu vanofamba napamusoro pawo vasingazvizivi.”
45 Omunye wezazumthetho wasephendula wathi kuye: Mfundisi, ngokutsho lezizinto uyasithuka lathi.
Mumwe wavadudziri vomurayiro akamupindura akati, “Mudzidzisi, kana muchitaura izvi, munotuka nesuwo.”
46 Kodwa wathi: Maye lakini zazumthetho! Ngoba lethwesa abantu imithwalo enzima ukuthwalwa, kodwa lina uqobo lwenu kaliyithinti leyomithwalo langomunye weminwe yenu.
Jesu akapindura akati, “Mune nhamo nemiwo vadudziri vomurayiro, nokuti munoremedza vanhu nemitoro yavasingagoni kutakura, asi imi pachenyu hamutongosimudzi munwe wenyu kuti muvabatsire.
47 Maye kini! Ngoba lakha amangcwaba abaprofethi, njalo oyihlo bababulala.
“Mune nhamo imi, nokuti munovaka marinda avaprofita, uye madzitateguru enyu ariwo akavauraya.
48 Ngalokhu-ke lifakaza ukuthi livumelana lemisebenzi yaboyihlo; ngoba bona bababulala, lina-ke liyawakha amangcwaba abo.
Saka muri kupupura kuti munotenderana nezvakaitwa namadzitateguru enyu; vakauraya vaprofita uye imi munovaka marinda avo.
49 Ngalokhu-ke inhlakanipho kaNkulunkulu yathi: Ngizabathuma abaprofethi labaphostoli, labanye babo bazababulala babaxotshe;
Nokuda kwaizvozvo, Mwari muuchenjeri hwake akati, ‘Ndichatumira vaprofita navapostori, vamwe vavo vachavauraya uye vachatambudza vamwe.’
50 ukuze kubizwe kulesisizukulwana igazi labaprofethi bonke elachithwa kusukela ekusekelweni komhlaba,
Naizvozvo rudzi urwu ruchava nemhosva yeropa ravaprofita vose, rakadeurwa kubva pakuvamba kwenyika,
51 kusukela egazini likaAbela kuze kufike egazini likaZakariya owabulawa phakathi laphakathi kwelathi lendlu kaNkulunkulu; yebo, ngithi kini: Lizabizwa kulesisizukulwana.
kubva paropa raAbheri kusvikira kuropa raZekaria, uyo akaurayiwa pakati pearitari neimba tsvene. Hongu, ndinoti kwamuri, rudzi urwu ruchava nemhosva yezvinhu izvi zvose.
52 Maye kini zazumthetho! Ngoba lisusile isihluthulelo solwazi; kalingenanga lina uqobo lwenu, labangenayo labavimbela.
“Mune nhamo imi, vadudziri vomurayiro, nokuti makabvisa kiyi yokuziva. Imi pachenyu hamuna kupinda, uye makadzivisa vaya vakanga vachipinda.”
53 Kwathi ekhuluma lezizinto kubo, ababhali labaFarisi baqala ukumngxamela kakhulukazi, lokumbuzisisa ngezinto ezinengi,
Jesu akati abva ipapo, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kumupikisa zvikuru nokumubvunza mibvunzo yakawanda,
54 bemthiya, bedinga ukubamba ulutho oluphuma emlonyeni wakhe, ukuze bambeke icala.
vachimirira kuti vamubate pane zvaaizotaura.

< ULukha 11 >