< UJuda 1 >
1 UJuda inceku kaJesu Kristu, lomfowabo kaJakobe, kwabangcweliswe nguNkulunkulu uBaba, labagcinwe nguJesu Kristu, ababiziweyo:
Judha, muranda waJesu Kristu nomununʼuna waJakobho, kuna vaya vakadanwa, vanodikanwa naMwari Baba, vanochengetwa naJesu Kristu:
2 Kakwandiswe kini isihawu lokuthula lothando.
Ngoni, rugare norudo ngazviwande kwamuri.
3 Bathandekayo, lapho ngisenza yonke inkuthalo yokulibhalela ngosindiso oluhlanganyelwayo, ngaswela ukulibhalela ngilikhuthaze ukuthi lilwele ngoqotho ukholo olwanikwa kanye abangcwele.
Shamwari dzinodikanwa, kunyange ndakanga ndichishingairira kuti ndinyore kwamuri pamusoro poruponeso rwatinogovana, ndakafunga kuti ndinofanira kunyora ndichikukurudzirai kuti murwire kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe.
4 Ngoba sekungenile ngokunyenya abantu abathile, ababhalelwa ngaphambili lokhukulahlwa kudala, abeyisa uNkulunkulu, abaphendula umusa kaNkulunkulu wethu ube ngamanyala, njalo bephika uMbusi oyedwa uNkulunkulu, leNkosi yethu uJesu Kristu.
Nokuti vamwe varume vane kutongwa kwavo kwakanyorwa nezvako kare, vakapinda muchivande pakati penyu. Ivo vanhu vasina umwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidzitora semvumo yokuita upombwe, uye vachiramba Jesu Kristu, Ishe naTenzi wedu mumwe oga.
5 Kodwa ngithanda ukulikhumbuza, loba belikwazi lokhu kanye, ukuthi iNkosi, isisindise isizwe elizweni iGibhithe, yabuye yababhubhisa labo abangakholwanga.
Kunyange maizviziva henyu kare, ndinoda kukuyeuchidzai kuti Ishe akasunungura vanhu vake kubva muIjipiti, asi pashure akaparadza vaya vakanga vasingatendi.
6 Lengilosi ezingagcinanga ubukhosi bazo bakuqala, kodwa zatshiya eyazo indawo yokuhlala, uzigcinele isigwebo sosuku olukhulu, ngezibopho ezaphakade ngaphansi kobumnyama. (aïdios )
Uye vatumwa vasina kuchengeta nzvimbo youkuru hwavo asi vakasiya musha wavo, ivava akavachengeta murima, vakasungwa nengetani dzokusingaperi vakamirira kutongwa pazuva guru. (aïdios )
7 NjengeSodoma leGomora lemizi eyizingelezeleyo, ezinikele ekuphingeni ngendlela efanana lalezo, isilandele enye inyama, yenziwa isibonelo obala, yahlupheka isijeziso somlilo ophakade. (aiōnios )
Nenzira imwe cheteyo, Sodhomu neGomora uye namaguta akanga akapoteredza akazvipa kuupombwe nokutsauka, akava muenzaniso wavaya vari pakurangwa nomoto usingaperi. (aiōnios )
8 Ngokunjalo lalaba bephupha bayona inyama, njalo badelela ukubusa, bahlambaze ubukhosi.
Nenzira imwe cheteyo, ava varoti vanosvibisa miviri yavo, vachiramba vakuru uye vachituka zvisikwa zvokudenga.
9 Kanti uMikayeli ingilosi eyinduna, lapho ebanga lodiyabhola ephikisa ngesidumbu sikaMozisi, kabanga lesibindi sokumlethela isigwebo senhlamba, kodwa wathi: INkosi kayikukhalimele.
Asi kunyange Mikaeri mutumwa mukuru, paakanga achirwa nadhiabhori pamusoro pomuviri waMozisi, haana kutsunga kutaura mashoko okutuka nokumupomera mhosva, asi akati, “Ishe ngaakutuke!”
10 Kodwa laba bathuka konke abangakwaziyo; lakho konke abakwaziyo ngemvelo njengezinyamazana ezingelangqondo, bazonakalisa kulezizinto.
Asi vanhu ava vanotaura zvisina maturo pamusoro pezvinhu zvavasinganzwisisi; uye kunyange nezvinhu zvavanonzwisisa kubva pakuberekwa kwavo, semhuka dzisingafungi, zvinhu izvozvi ndizvo chaizvo zvinovaparadza.
11 Maye kubo! Ngoba bahambe ngendlela kaKhayini, futhi baziwisele ekuduheni kukaBalami ngenxa yenzuzo, lenkanini kaKora babhubhile.
Vane nhamo! Vakasarudza nzira yaKaini; vakamhanyira mubayiro wokutsauka kwaBharamu; vakaparadzwa mukupanduka kwaKora.
12 Laba bayizici emadilini enu othando, nxa beledili lani, ngokungesabi bayazondla; amayezi angelamanzi, bephetshulwa yimimoya; izihlahla zamaphethelo ekwindla, ezingelazithelo, ezife kabili, sezisitshulwe;
Vanhu ava makwapa pamitambo yenyu yorudo, vanodya nemi vasingatyi napaduku, vanongozvipa zvokudya ivo chete. Makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yenguva yamasutso, isina michero uye yakadzurwa, yakafa zvakapetwa kaviri.
13 amagagasi olwandle aphosekayo, abhubhudla awazo amahlazo; inkanyezi eziduhayo, okugcinelwe bona ubumnyama bomnyama kuze kube phakade. (aiōn )
Mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinodzungaira, ivava vakachengeterwa rima guru nokusingaperi. (aiōn )
14 Njalo uEnoki laye owesikhombisa kusukela kuAdamu waprofetha ngabo esithi: Khangela, iNkosi yafika labangcwele bayo abayizigidi,
Enoki, wechinomwe kubva kuna Adhamu, akaprofita pamusoro pavanhu ava achiti, “Tarirai, Ishe ari kuuya nezviuru nezviuru zvavatsvene vake
15 ukwenza isigwebo esimelana labo bonke, lokubalahla bonke abeyisa uNkulunkulu phakathi kwabo ngenxa yezenzo zabo zonke zokungesabi uNkulunkulu abazenzayo beseyisa uNkulunkulu, langawo wonke amazwi anzima izoni ezeyisa uNkulunkulu eziwakhulume emelene laye.
kuti azotonga vanhu vose, uye abate nemhosva vose vasina umwari pamusoro pamabasa ose asina umwari avakaita nenzira isina umwari, uye namashoko okutuka akataurwa navanhu vasina umwari pamusoro pake.”
16 Laba ngabangungunayo, abasolayo, behamba ngokwenkanuko zabo, lomlomo wabo ukhuluma izinto zokuzikhukhumeza, bebuka abantu ngenxa yenzuzo.
Vanhu ava vanyunyuti uye vapomeri; vanotevera kuchiva kwavo vamene; vanozvirumbidza pachavo uye vanobata vamwe kumeso kuti zvivanakire ivo.
17 Kodwa lina bathandekayo, khumbulani amazwi akhulunywa ngaphambili ngabaphostoli beNkosi yethu uJesu Kristu;
Asi, vadikani, rangarirai zvakataurwa navapostori vaIshe wedu Jesu Kristu.
18 ukuthi bathi kini, kuzakuba khona abahleka usulu ngesikhathi sokucina, behamba ngokwenkanuko zabo zokweyisa uNkulunkulu.
Vakati kwamuri, “Munguva yokupedzisira kuchava navaseki vachatevera kuchiva kwavo.”
19 Yibo laba abenza izehlukaniso, bangabemvelo, kabalaMoya.
Ava ndivo vanhu vanokuparadzanisai, vanotevera nyama yavo uye vasina Mweya.
20 Kodwa lina, bathandekayo, lizakhe ekholweni lwenu olungcwele kakhulu, likhuleke likuMoya oNgcwele,
Asi imi, vadikani, zvivakei mukutenda kwenyu kutsvene uye munyengetere muMweya Mutsvene.
21 zigcineni ethandweni lukaNkulunkulu, lilindele isihawu seNkosi yethu uJesu Kristu kuze kube sempilweni elaphakade. (aiōnios )
Zvichengetei murudo rwaMwari pamunenge muchimirira ngoni dzaIshe wedu Jesu Kristu kuti dzikuuyisei kuupenyu husingaperi. (aiōnios )
22 Beselibahawukela abanye lehlukanise;
Itirai ngoni avo vanokahadzika;
23 kodwa lisindise abanye ngokwesaba libahluthuna emlilweni, lizonda lesembatho esoniwe ngokuvela enyameni.
bvutai vamwe kubva mumoto mugovaponesa; vamwe muvanzwire ngoni dzakasanganiswa nokutya, muchivenga kunyange nenguo dzakasvibiswa nenyama.
24 Kuye-ke olamandla okulilinda ekukhubekeni, lokulimisa phambi kwenkazimulo yakhe lingelasici entokozweni enkulu,
Kuna iye anogona kukuchengetai kuti murege kugumburwa uye anokuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamunopomerwa, uye nomufaro mukuru,
25 kuye uNkulunkulu yedwa ohlakaniphileyo uMsindisi wethu, kakube inkazimulo lobukhulu, ubukhosi lamandla, lakhathesi lakulo lonke iphakade. Ameni. (aiōn )
kuna iye Mwari oga muponesi wedu, ngakuve nokubwinya, umambo, simba noukuru, nokuna Jesu Kristu Ishe wedu, nguva isati yavapo, zvino nokusingaperi! Ameni. (aiōn )