< UJohane 10 >

1 Ngiqinisile, ngiqinisile, ngithi kini: Ongangeni ngesango esibayeni sezimvu, kodwa akhwele kwenye indawo, lowo ulisela lomphangi;
“Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo.
2 kodwa ongena ngesango ungumelusi wezimvu.
Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai.
3 Umlindi wesango uyamvulela, lezimvu ziyalizwa ilizwi lakhe, njalo uyazibiza ezakhe izimvu ngamabizo, azikhokhelele phandle.
Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze.
4 Nxa esezikhuphile ezakhe izimvu, uhamba phambi kwazo; lezimvu zimlandele, ngoba ziyalazi ilizwi lakhe.
Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai ake anomutevera nokuti anoziva inzwi rake.
5 Kodwa owemzini kazisoze zimlandele, kodwa zizambalekela; ngoba kazilazi ilizwi labemzini.
Asi haatongoteveri mutorwa; asi anotomutiza nokuti haazivi inzwi romweni.”
6 UJesu wakhuluma lumfanekiso kubo; kodwa bona kabaqedisisanga ukuthi ziyini izinto azitshoyo kubo.
Jesu akataura mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa zvaakanga achivaudza.
7 Ngakho uJesu waphinda wathi kubo: Ngiqinisile, ngiqinisile, ngithi kini: Mina ngilisango lezimvu;
Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai.
8 bonke abake bafika phambi kwami bangamasela labaphangi; kodwa izimvu kazibezwanga.
Vose vakanditangira vaiva mbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
9 Mina ngilisango; uba umuntu engena ngami, uzasindiswa, angene aphume, athole idlelo.
Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro.
10 Isela kalizi ngaphandle kokuzakweba lokubulala lokubhubhisa; mina ngizile ukuze babe lempilo, babe layo iphuphume.
Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara.
11 Mina ngingumelusi olungileyo. Umelusi olungileyo uzibekela phansi izimvu impilo yakhe.
“Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.
12 Kodwa oqhatshiweyo, engesuye umelusi, izimvu zingesizo ezakhe, ubona impisi isiza, atshiye izimvu, abaleke; kuthi impisi izibambe, izichithachithe izimvu.
Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira.
13 Oqhatshiweyo uyabaleka-ke, ngoba engoqhatshiweyo, njalo engazikhathaleli izimvu.
Munhu uyu anotiza nokuti mushandi zvake uye haana hanya namakwai.
14 Mina ngingumelusi olungileyo, ngiyazazi ezami, ngiyaziwa ngezami,
“Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva,
15 njengalokhu uBaba engazi, lami ngiyamazi uBaba; ngizibekela phansi izimvu impilo yami.
Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu.
16 Njalo ngilezinye izimvu, ezingesizo zalesisibaya; lazo kumele ngizilethe, njalo zizakuzwa ilizwi lami; njalo kube mhlambi munye, melusi munye.
Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete.
17 Ngenxa yalokhu uBaba uyangithanda, ngoba mina ngibeka phansi impilo yami, ukuze ngibuye ngiyithathe.
Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve.
18 Kakho ongemuka yona, kodwa mina ngiyibeka phansi ngokwami. Ngilamandla okuyibeka phansi, njalo ngilamandla okubuya ngiyithathe. Lumlayo ngiwemukele kuBaba.
Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.”
19 Ngakho kwaba khona futhi ukwehlukana phakathi kwamaJuda ngenxa yalamazwi.
Ipapo vaJudha vakapesanazve nokuda kwamashoko aya.
20 Labanengi bawo bathi: Uledimoni futhi uyahlanya; limlalelelani?
Vazhinji vavo vakati, “Akabatwa nedhimoni uye anopenga. Seiko muchimuteerera?”
21 Amanye athi: Lamazwi kawasiwo wongenwe lidimoni; kambe idimoni lingavula amehlo eziphofu yini?
Asi vamwe vakati, “Aya haangavi mashoko omunhu ane dhimoni. Ko, dhimoni ringasvinudza meso ousingaoni here?”
22 Kwakukhona umkhosi wokuvuselela eJerusalema, kwakusebusika;
Ipapo Mutambo woKukumikidzwa kweTemberi paJerusarema wakasvika. Yainge iri nguva yechando,
23 uJesu wasehambahamba ethempelini ekhulusini likaSolomoni.
uye Jesu akanga ari mutemberi achifamba mubiravira raSoromoni.
24 AmaJuda asemhanqa, athi kuye: Koze kube nini usilibazisa? Uba wena unguKristu, sitshele ngokucacileyo.
VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.”
25 UJesu wawaphendula wathi: Ngalitshela, kodwa kalikholwanga; imisebenzi mina engiyenza ebizweni likaBaba, yiyo engifakazelayo;
Jesu akapindura akati, “Ndakakuudzai, asi hamutendi. Zvishamiso zvandinoita muzita raBaba vangu zvinondipupurira,
26 kodwa lina kalikholwa; ngoba kalisibo abezimvu zami, njengokutsho kwami kini.
asi hamutendi nokuti hamusi makwai angu.
27 Izimvu zami ziyalizwa ilizwi lami, lami ngiyazazi, futhi ziyangilandela;
Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera.
28 njalo mina ngizinika impilo elaphakade; futhi kazisoze zabhubha laphakade, njalo kungekho ozazihluthuna esandleni sami. (aiōn g165, aiōnios g166)
Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. (aiōn g165, aiōnios g166)
29 UBaba ozinike mina, mkhulu kulabo bonke; kungekho njalo ongazihluthuna esandleni sikaBaba.
Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu.
30 Mina loBaba simunye.
Ini naBaba tiri vamwe.”
31 Ngakho amaJuda aphinda athatha amatshe ukuze amkhande ngawo.
VaJudha vakanongazve matombo kuti vamutake,
32 UJesu wawaphendula wathi: Ngilitshengise imisebenzi eminengi emihle evela kuBaba; yiwuphi umsebenzi kuyo elingikhandela wona ngamatshe?
asi Jesu akati kwavari, “Ndakakuratidzai mabasa esimba mazhinji kubva kuna Baba. Nderipiko basa ipapa ramunoda kunditakira namabwe?”
33 AmaJuda amphendula athi: Kasikukhandi ngamatshe ngenxa yomsebenzi omuhle, kodwa ngenxa yenhlamba, langokuthi wena ungumuntu uzenza uNkulunkulu.
Vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa ripi zvaro ipapa, asi nokuda kwokumhura Mwari, nokuti iwe, munhuwo zvake, unozviti uri Mwari.”
34 UJesu wawaphendula wathi: Kakulotshiwe yini emlayweni wenu ukuthi: Mina ngathi: Lingonkulunkulu?
Jesu akavapindura akati, “Ko, hazvina kunyorwa here muMurayiro wenyu, kuti ‘Ndakati muri vamwari’?
35 Uba wababiza bona ngokuthi ngonkulunkulu, eleza kubo ilizwi likaNkulunkulu, njalo umbhalo ungephulwe,
Kana akavaidza ‘vamwari,’ avo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye Rugwaro harungaputswi,
36 lowo uBaba amehlukanisileyo wamthuma emhlabeni, kanti lina lithi: Uyahlambaza, ngoba ngithe: NgiyiNdodana kaNkulunkulu?
zvakadii kuno uyo akatsaurwa naBaba saiye wavo chaiye uye wavakatuma panyika? Seiko muchindipomera mhosva yokumhura, zvandati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari’?
37 Uba ngingenzi imisebenzi kaBaba, kalingakholwa kimi.
Musanditenda kana ndisina kuita zvinoitwa naBaba vangu.
38 Kodwa uba ngiyenza, lanxa lingakholwa kimi, kholwani imisebenzi; ukuze lazi likholwe ukuthi uBaba ukimi, lami ngikuye.
Asi kana ndichizviita, kunyange dai musinganditendi, tendai mabasa esimba, kuti mugoziva uye mugonzwisisa kuti Baba vari mandiri, uye ini ndiri muna Baba.”
39 Ngakho adinga futhi ukumbamba; kodwa waphunyuka esandleni sabo.
Vakaedzazve kumubata, asi akavapunyuka.
40 Wasebuya wasuka waya ngaphetsheya kweJordani kundawo lapho uJohane ayebhabhathiza khona kuqala; wasehlala khona.
Ipapo Jesu akayambuka Jorodhani kunzvimbo yakanga ichibhabhatidzira Johani pamazuva okutanga. Akagara ikoko
41 Labanengi beza kuye, bathi: UJohane kenzanga sibonakaliso; kodwa konke uJohane akutsho ngalo, kwakuliqiniso.
uye vanhu vazhinji vakauya kwaari. Vakati, “Kunyange zvake Johani asina kumboita mabasa esimba, zvose zvakataurwa naJohani pamusoro pomurume uyu zvaiva zvechokwadi.”
42 Abanengi basebekholwa kuye lapho.
Uye panzvimbo iyo, vazhinji vakatenda kuna Jesu.

< UJohane 10 >