< UJobe 32 >

1 Lawomadoda amathathu aseyekela ukumphendula uJobe, ngoba wayelungile emehlweni akhe.
Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake.
2 Lwaseluvutha ulaka lukaElihu indodana kaBarakeli umBuzi, owosendo lukaRamu. Ulaka lwakhe lwavuthela uJobe ngoba wazilungisisa yena kuloNkulunkulu.
Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari.
3 Ulaka lwakhe lwabavuthela labo abangane bakhe abathathu, ngoba bengatholanga impendulo, kube kanti bamlahla uJobe.
Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva.
4 Kodwa UElihu wayelindele uJobe ekhuluma, ngoba babebadala ngensuku kulaye.
Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari.
5 UElihu esebonile ukuthi kwakungelampendulo emlonyeni walamadoda amathathu, ulaka lwakhe lwaseluvutha.
Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.
6 Ngakho uElihu indodana kaBarakeli umBuzi waphendula wathi: Mina ngingomncinyane ngezinsuku, lina-ke libadala; ngenxa yalokhu bengithikaza, ngesaba ukulitshela umcabango wami.
Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.
7 Ngathi: Kakukhulume izinsuku, lobunengi beminyaka bazise inhlakanipho.
Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’
8 Isibili umoya ukhona emuntwini, lokuphefumulela kukaSomandla kuyabanika ukuqedisisa.
Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.
9 Abakhulu kabahlakaniphi ngezikhathi zonke, labalupheleyo kabaqedisisi isahlulelo.
Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.
10 Ngakho ngithi: Lalelani kimi; lami ngizatshengisa umcabango wami.
“Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; neniwo ndichakuudzai zvandinoziva.
11 Khangelani, bengiwalindele amazwi enu, ngabeka indlebe ekukhulumeni kwenu okuhlakaniphileyo, lisadinga amazwi.
Ndakambomirira pamaitaura, ndakateerera pfungwa dzenyu; pamakanga muchitsvaka mashoko,
12 Yebo, ngalilalela, khangelani-ke, kakho phakathi kwenu omvumisileyo uJobe, owaphenduleyo amazwi akhe.
ndakanyatsokuteererai. Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho; hakuna pamuri akapindura mashoko ake zvinogutsa.
13 Hlezi lithi: Sitholile inhlakanipho; nguNkulunkulu ozamxotsha, hatshi umuntu.
Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri; regai Mwari amukonese, kwete munhu.’
14 Kodwa kangihlelelanga amazwi, langamazwi enu kangiyikumphendula.
Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri, uye handingamupinduri namashoko enyu.
15 Badideka, kabasaphendulanga, basusa amazwi kubo.
“Vashamiswa uye havachina chokureva; vapererwa namashoko.
16 Ngasengilinda, kodwa kabakhulumanga, ngoba bema, kabasaphendulanga.
Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara, zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?
17 Lami ngizaphendula ingxenye yami, lami ngitshengise umcabango wami.
Neniwo ndichava nechokutaura; neniwo ndichareva zvandinoziva.
18 Ngoba ngigcwele amazwi, umoya wesisu sami uyangiqhubezela.
Nokuti ndizere namashoko, uye mweya uri mandiri unondimanikidza;
19 Khangelani, isisu sami sinjengewayini engavulwanga, njengemigodla emitsha sizadabuka.
mukati mangu ndafanana newaini iri muhomwe yakadzivirwa, sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.
20 Ngizakhuluma ukuze ngiphefumule; ngivule indebe zami, ngiphendule.
Ndinofanira kutaura kuti ndirerukirwe; ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.
21 Ake ngingaphakamisi ubuso bomuntu, ngingabizi umuntu ngebizo lokubamba amehlo.
Handina munhu wandichatsaura, uye handingabati kumeso munhu upi zvake;
22 Ngoba kangikwazi ukunika amabizo okubamba amehlo; masinyane umenzi wami angangisusa.
nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso, Muiti wangu aizokurumidza kunditora.

< UJobe 32 >