< UJobe 3 >

1 Emva kwalokho uJobe wavula umlomo wakhe, waqalekisa usuku lwakhe.
Shure kwaizvozvo, Jobho akashamisa muromo wake ndokutuka zuva rokuberekwa kwake.
2 UJobe wasephendula wathi:
Akati:
3 Kalubhubhe usuku engazalwa ngalo, lobusuku okwathiwa ngalo: Kukhulelwe umntwana wesilisa.
“Zuva rokuberekwa kwangu ngariparare, uye nousiku hwakanzi, ‘Kwaberekwa mwanakomana!’
4 Lolosuku kalube ngumnyama, uNkulunkulu angalunanzi ephezulu, lokukhanya kungalukhanyisi.
Zuva iroro ngarishanduke rive rima; Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro; Chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro.
5 Umnyama lethunzi lokufa kakuluhlenge, iyezi lihlale phezu kwalo, umnyama welanga ulwesabise.
Rima nomumvuri wakasviba ngazviritore zvakare; gore ngarigare pamusoro paro; kusviba ngakufukidze chiedza charo.
6 Lobobusuku, umnyama ububambe, lungathokozi ensukwini zomnyaka, lungezi kunani lezinyanga.
Usiku uhwo rima guru ngaribate; ngahurege kuverengwa pakati pamazuva egore kana kunyorwa pamwedzi ipi zvayo.
7 Khangela, lobobusuku kabube yinyumba, umsindo wentokozo ungangeni kubo.
Usiku uhwo ngahushaye chibereko; ngaparege kunzwika kupembera kwomufaro mahuri.
8 Kababuqalekise abaqalekisi bosuku, abalungele ukuvusa uLeviyathani.
Vanotuka mazuva ngavatuke zuva iro, vaya vakagadzirira kumutsa Chikara Chikuru cheGungwa.
9 Zibe mnyama inkanyezi zokusa kwabo, bulindele ukukhanya, kodwa kungabi khona, bungaboni inkophe zokusa.
Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe; ngahumirire chiedza chamasikati pasina uye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza;
10 Ngoba bungavalanga iminyango yesisu sikamama wami, bungafihlanga usizi emehlweni ami.
nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro kuti huvanze dambudziko pamberi pangu.
11 Kungani ngingafanga kusukela esizalweni, ngiphele ekuphumeni kwami esiswini?
“Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu, nokufa pandaibuda mudumbu?
12 Kungani amadolo angandulela? Kungani lamabele ukuthi ngimunye?
Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe?
13 Ngoba khathesi ngabe ngacambalala ngathula, ngalala, khona ngaba lokuphumula,
Nokuti zvino ndingadai ndakavata murugare; ndingadai ndivete uye ndakazorora
14 kanye lamakhosi labeluleki bomhlaba abazakhela amanxiwa,
namadzimambo namakurukota enyika, vakazvivakira nzvimbo dzava matongo zvino,
15 kumbe kanye leziphathamandla ezazilegolide ezagcwalisa izindlu zazo ngesiliva.
navatongi vakanga vane goridhe, vakazadza dzimba dzavo nesirivha.
16 Kumbe njengomphunzo ofihliweyo ngingabi khona, njengensane ezingabonanga ukukhanya.
Kana kuti sei ndisina kuvigwa muvhu somwana asina kusvika, somucheche asina kumboona chiedza chezuva?
17 Lapho ababi bayekela ukuhlupha, lapho abakhathele ngamandla bephumula.
Ikoko vakaipa vanorega kutambudza, uye ikoko vakaneta vakazorora.
18 Izibotshwa ziyaphumula ndawonye, kazizwa ilizwi lomcindezeli.
Nhapwa dzinofarirawo rugare rwadzo; havachanzwizve kudanidzira kwomuchairi wenhapwa.
19 Omncinyane lomkhulu balapho, lesigqili sikhululekile enkosini yaso.
Vaduku navakuru variko, uye nhapwa yakasunungurwa kubva pana tenzi wayo.
20 Kungani enika ukukhanya kohluphekayo, lempilo kwabalokubaba komphefumulo;
“Chiedza chinopirweiko vaya vari kusurukirwa, uye upenyu kune ane shungu pamwoyo,
21 abalindele ukufa, kodwa kungekho, bekugebha kulenotho efihliweyo,
kuna vaya vanoshuva kufa irwo rusingauyi, vanorutsvaka kupfuura pfuma yakavanzika,
22 abathabayo kakhulu ngentokozo, bajabule lapho bethola ingcwaba?
vazere nomufaro uye vanofara pavanosvika muguva?
23 Emuntwini yini, ondlela yakhe ifihliwe, uNkulunkulu ambiyeleyo?
Upenyu hunopirweiko munhu ane nzira yakavanzika, iye akakomberedzwa naMwari noruzhowa?
24 Ngoba ukububula kwami kuza phambi kokudla kwami, lokubhonga kwami kuthululeka njengamanzi.
Nokuti mafemo anosvika kwandiri pachinzvimbo chezvokudya, kugomera kwangu kunodururwa semvura.
25 Ngoba engikwesabayo ngokwesaba sekungehlele, lengilovalo ngakho kufikile kimi.
Zvandaitya zvakandivinga; zvandaizeza zvaitika kwandiri.
26 Ngangingahlalisekanga, ngingaphumuli, ngingelakuthula, lohlupho lweza.
Handina rugare, handina runyararo; handina zororo, asi nhamo chete.”

< UJobe 3 >