< UJobe 11 >

1 Wasephendula uZofari umNahama wathi:
Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:
2 Kambe kabuphendulwa yini ubunengi bamazwi? Njalo isilawuli singalungisiswa yini?
“Mashoko aya ose haangapindurwi here? Ko, mutauri uyu anofanira kushayirwa mhosva here?
3 Ukulawula kwakho kuzathulisa abantu yini? Lapho ukloloda, kakho ongakuyangisa yini?
Ko, kubvotomoka kwako kunganyaradza vanhu here? Ko, pangashaya anokutsiura paunenge uchituka here?
4 Ngoba uthe: Imfundiso yami ihlanzekile, ngihlambulukile emehlweni akho.
Iwe unoti kuna Mwari, ‘Zvandinotenda zvakarurama uye ndakachena pamberi penyu.’
5 Kodwa-ke kungathi uNkulunkulu angakhuluma, avule indebe zakhe kuwe,
Haiwa, ndinoda sei kuti dai Mwari ataura, kuti dai ashamisa hake muromo wake pamusoro pako,
6 ukuze akwazise imfihlakalo zenhlakanipho, ukuthi ziphindwe kabili ngenhlakanipho eqotho. Yazi-ke ukuthi uNkulunkulu ubiza kuwe okulutshwana kulecala lakho.
uye akuzarurire zvakavanzika zvouchenjeri, nokuti uchenjeri hwechokwadi huri paviri. Uzive izvi: Mwari akatokanganwa kare zvimwe zvivi zvako.
7 Ungafumana ukujula kukaNkulunkulu na? Ungamfumana yini uSomandla kuze kube sekupheleleni?
“Ko, unganzwisisa zvakavanzika zvaMwari here? Unganzwisisa panogumira Wamasimba Ose here?
8 Kuphakeme njengamazulu, ungenzani? Kutshonile kulesihogo, ungazini? (Sheol h7585)
Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko? (Sheol h7585)
9 Isilinganiso sakho side kulomhlaba, sibanzi kulolwandle.
Chiero chazvo chakareba kupfuura nyika uye zvakapamhama kupfuura gungwa.
10 Uba esedlula avalele kumbe abuthanise, ngubani-ke ongamnqanda?
“Kana iye akasvika akakupfigira mujeri uye akakoka dare remhosva, ndianiko angapikisana naye?
11 Ngoba yena uyabazi abantu abayize, uyabona ububi; ngakho kayikukuqaphelisa yini?
Zvirokwazvo anoziva vanhu vanonyengera; uye paanoona chakaipa, anoshaya hanya here?
12 Ngoba umuntu oyisiphukuphuku angaba lokuqedisisa, lanxa umuntu engazalwa njengethole likababhemi weganga.
Asi munhu asina kuchenjera haangagoni kuva akangwara sezvo zvisingagoneki kuti mwana wembizi angaberekwa nomunhu.
13 Uba wena ulungisa inhliziyo yakho, welulele izandla zakho kuye,
“Asi kana mwoyo wako ukazvipira kwaari, uye ukatambanudzira maoko ako kwaari,
14 uba ububi busesandleni sakho, bubeke khatshana, lobubi kabungahlali emathenteni akho.
kana ukaisa kure chivi chiri muruoko rwako, uye ukasatendera chakaipa kugara mutende rako,
15 Ngoba lapho uzaphakamisa ubuso bakho ungelasici, njalo uqine, ungesabi.
ipapo uchasimudza chiso chako usina nyadzi, uchamira wakasimba uye usingatyi.
16 Ngoba wena uzakhohlwa usizi lwakho, ulukhumbule njengamanzi asedlulile.
Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako, uchangoirangarira semvura yakaerera.
17 Lobude bempilo yakho buzakhanya kulemini enkulu; loba kulomnyama kuzakuba njengekuseni.
Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru, uye rima richaita samangwanani.
18 Njalo uzakuba lethemba ngoba kulethemba; uzagebha, uzalala ngokuvikeleka.
Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko; ucharinga-ringa ugozorora murugare.
19 Uzalala, njalo kakho ozakwethusa, labanengi bazancenga phambi kwakho.
Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa, uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako.
20 Kodwa amehlo ababi azafiphala, lesiphephelo sizachitheka kubo, lethemba labo lizakuba yikuphela komphefumulo.
Asi meso avakaipa achaneta, uye vachashayiwa kwokutizira; tariro yavo ichava yokufa.”

< UJobe 11 >