< UJeremiya 8 >

1 Ngalesosikhathi, itsho iNkosi, bazakhupha amathambo amakhosi akoJuda, lamathambo eziphathamandla zayo, lamathambo abapristi, lamathambo abaprofethi, lamathambo abahlali beJerusalema, emangcwabeni abo;
“‘Panguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, mapfupa amadzimambo namachinda eJudha, namapfupa avaprista navaprofita, uye mapfupa avanhu veJerusarema, achabviswa kubva mumakuva avo.
2 baweneke elangeni lenyangeni, lakulo lonke ibutho lamazulu, abakuthandayo, labakusebenzelayo, labakulandelayo, labakudingayo, labakukhonzayo; kawayikubuthwa, kawayikungcwatshwa; azakuba ngawomquba phezu kobuso bomhlaba.
Achava pamhene agorohwa nezuva uye achavhenekwa nomwedzi nenyeredzi dzose dzedenga, zvavakada vakazvishumira vakazvitevera uye vakabvunza kwazviri, vakazvinamata. Haangaunganidzwi kana kuvigwa, asi achafanana nomupfudze uri panyika.
3 Njalo ukufa kuzakhethwa kulempilo yiyo yonke insali yabaseleyo balolusapho olubi, kuzo zonke indawo zabaseleyo lapho engibaxotshele khona, itsho iNkosi yamabandla.
Kwose zvako kwandichavadzingira, vakasara vose vorudzi urwu rwakaipa, vachademba rufu pachinzvimbo choupenyu, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’
4 Uzakuthi kibo futhi: Itsho njalo INkosi: Bazakuwa bangavuki yini? Uzaphambuka angaphenduki yini?
“Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: “‘Vanhu pavanowira pasi, havamukizve here? Munhu akange ambotsauka, haadzokizve here?
5 Pho, baphambukelani lababantu eJerusalema ngokuphambuka okulaphakade? Babambelela enkohlisweni, bayala ukuphenduka.
Zvino nemhaka yei ava vadzokera shure? Nemhaka yei Jerusarema richingogara richitsauka? Vanobatirira pakunyengera, vanoramba kudzoka.
6 Ngilalele ngezwa, kabakhulumanga kuhle; kakulamuntu ozisolayo ngobubi bakhe esithi: Ngenzeni? Wonke uphendukela emjahweni wakhe njengebhiza ligijimela empini.
Ndakanyatsoteereresa, asi ivo havambotauri zvakarurama. Hakuna anotendeuka pane zvakaipa zvake achiti, “Ndaiteiko?” Mumwe nomumwe anongotevedza nzira yake sebhiza rinomhanyira kurwa hondo.
7 Yebo ingabuzane emazulwini liyazazi izikhathi zalo ezimisiweyo; lejuba lehemu lenkonjane kuyagcina isikhathi sokubuya kwakho; kodwa abantu bami kabazazi izimiso zeNkosi.
Kunyange shohori riri mudenga rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, uye njiva, nenyenganyenga nekondo zvinocherechedza nguva yazvo yokutama. Asi vanhu vangu havazivi zvinodikanwa naJehovha.
8 Litsho njani ukuthi: Sihlakaniphile, lomlayo weNkosi ulathi? Khangelani, isibili usiba lwamanga lwababhali lusebenzela ize.
“‘Munoreva seiko muchiti, “Takachenjera, nokuti tino murayiro waJehovha,” asi zvirokwazvo chinyoreso chenhema chavanyori chakanyora nhema?
9 Abahlakaniphileyo bayangekile, besabe kakhulu bathethwe; khangela, balalile ilizwi leNkosi; pho balenhlakanipho bani?
Vakachenjera vachanyadziswa, vachavhunduka uye vachabatwa. Sezvo vakaramba shoko raJehovha, kuchenjera kwavanako kwakadiniko?
10 Ngakho omkabo ngizabanika abanye, amasimu abo kwabazakudla ilifa labo; ngoba kusukela komncinyane kuze kufike komkhulu bonke bayizihwaba zenzuzo embi, kusukela kumprofethi kuze kube kumpristi wonke wenza ngenkohliso.
Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kuna vamwe varume, neminda yavo kuvaridzi vatsva. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista saizvozvo, vose vanoita nokunyengera.
11 Ngoba balipholise kancane inxeba lendodakazi yabantu bami, besithi: Ukuthula, ukuthula; khona kungelakuthula.
Vanosunga vanga ravanhu vangu sokunge duku duku. Vanoti, “Rugare, rugare,” ipo pasina rugare.
12 Baba lenhloni yini lapho sebenze amanyala? Hatshi, kababanga lanhloni lakanye, futhi kabakwazi ukuyangeka; ngakho bazakuwa phakathi kwabawayo; ngesikhathi sokuhanjelwa kwabo bazawiselwa phansi, itsho iNkosi.
Ko, vanonyadziswa netsika dzavo dzinonyangadza here? Kwete, havana kana nyadzi zvachose; havambozivi kuti zvinonyadzisa sei. Saka vachawa pakati pavakawa; vachaderedzwa pavacharangwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
13 Isibili ngizabaqeda, itsho iNkosi; kakuyikuba khona izithelo zevini evinini; njalo kakuyikuba khona imikhiwa emkhiweni, lehlamvu lizabuna; lengibanike khona kuzakwedlula kibo.
“‘Ndichavatorera zvavakakohwa, ndizvo zvinotaura Jehovha. Hapangazovi namazambiringa pamuzambiringa. Hakungazovi namaonde pamuti womuonde, uye mashizha azvo achaoma. Zvandakavapa vachazvitorerwa.’”
14 Sihlaleleni? Buthanani, singene emizini evikelweyo, sithule khona; ngoba iNkosi uNkulunkulu wethu isithulisile, yasinathisa amanzi enyongo, ngoba sonile eNkosini.
“Ko, takagarireiko pano? Unganai pamwe chete! Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa tindofira ikoko! Nokuti Jehovha Mwari wedu atitongera kufa, nokuti akatipa mvura ino muchetura kuti tinwe, nokuti takamutadzira.
15 Salindela ukuthula, kodwa kakubanga lokuhle; isikhathi sokwelatshwa, kodwa khangela, luhlupho.
Takanga takatarisira rugare asi hakuna chakanaka chakauya; takatarisira kuporeswa asi paingova nokuvhundutswa.
16 Ukuthimula kwamabhiza akhe kwezwakala kusukela koDani; ilizwe lonke lathuthumela emsindweni wokukhonya kwalamandla akhe; ngoba afikile, adla ilizwe lokugcwala kwalo, umuzi labahlala kiwo.
Kufemedzeka kwamabhiza omuvengi kunonzwika kuchibva kuDhani; panorira makono awo nyika yose inodedera. Auya kuzoparadza nyika nezvose zviri mairi, guta navose vanogara imomo.”
17 Ngoba khangelani, ngithumela phakathi kwenu izinyoka, amabululu, angelakulunjwa, njalo azaliluma, itsho iNkosi.
“Tarirai ndichatumira nyoka dzino uturu pakati penyu, mvumbi dzicharamba kuimbirwa, uye dzichakurumai,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
18 Ukududuzwa kwami kusosizini, inhliziyo yami iphelelwa ngamandla kimi.
Haiwa, Munyaradzi wangu, pakuchema kwangu, mwoyo wangu woziya mukati mangu.
19 Khangelani, ilizwi lokukhala kwendodakazi yabantu bami livela elizweni elikhatshana. INkosi kayikho eZiyoni yini? Inkosi yayo kayikho phakathi kwayo yini? Bangicunuleleni ngezithombe zabo ezibaziweyo, ngokuyize kwabezizwe?
Inzwai kuchema kwavanhu vangu kunobva kunyika iri kure kure: “Ko, Jehovha haazi muZioni here? Mambo waro haachimo here?” “Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo, nezvifananidzo zvavo zvavatorwa zvisingabatsiri?”
20 Isivuno sidlulile, ihlobo liphelile, kanti thina kasisindiswanga.
“Kucheka kwapfuura, zhizha rapera, asi tigere kuponeswa.”
21 Ngokwephuka kwendodakazi yabantu bami ngephukile; ngimnyama; ukumangala okukhulu kungibambile.
Sezvo vanhu vangu vapwanyiwa, neniwo ndapwanyiwa; ndiri kuchema, uye ndiri kutya zvikuru.
22 Kakulabhalisamu yini eGileyadi? Kakho yini umelaphi khona? Ngoba kungani kungaveli ukwelatshwa kwendodakazi yabantu bami?
Ko, muGireadhi hamuna muti webharisamu here? Hakuna murapi ikoko here? Seiko zvino ronda ravanhu vangu risina kurapwa?

< UJeremiya 8 >