< UJeremiya 6 >

1 Lina bantwana bakoBhenjamini, buthanelani ukubaleka liphume phakathi kweJerusalema, livuthele uphondo eThekhowa, liphakamise uphawu lomlilo eBeti-Hakeremi: ngoba ububi bubona phansi busenyakatho, lencithakalo enkulu.
“Tizai kuti murarame, imi vana veBhenjamini! Tizai mubve muJerusarema! Ridzai hwamanda muTekoa! Simudzai chiratidzo pamusoro peBheti Hakeremu! Nokuti njodzi yava pedyo ichibva kumusoro, iko kuparadza kwakaipisisa.
2 Indodakazi yeZiyoni ngiyifananise lowesifazana omuhle obuthakathaka.
Ndichaparadza mwanasikana weZioni, akanakisa uye anoyevedza.
3 Abelusi bazafika kuye lemihlambi yabo; bazamisa amathente beqondene laye inhlangothi zonke, beluse ngulowo lalowo endaweni yakhe.
Vafudzi namapoka amakwai avo vachauya kuzomurwisa; vachadzika matende avo vakamukomba, mumwe nomumwe achifudza chikamu chake.”
4 Zehlukaniseleni impi limelene layo; sukumani, kasenyuke emini enkulu. Maye kithi! ngoba ilanga selithambeme, ngoba amathunzi okuhlwa aselulekile.
Gadzirirai kurwa naye! Simukai, ngatimurwisei masikati! “Asi, yowe-e, zuva rovira, uye mimvuri yamadekwana yoreba.
5 Sukumani, senyuke ngobusuku, sidilize izigodlo zayo.
Naizvozvo simukai, ngatimurwisei usiku, uye tiparadze nhare dzake!”
6 Ngoba itsho njalo iNkosi yamabandla: Gamulani izihlahla, libuthelele umduli wokuvimbezela limelene leJerusalema. Yiwo lo umuzi ozajeziswa; kulocindezelo kuphela phakathi kwawo.
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Temerai miti pasi, mugovakira Jerusarema mirwi yokurikomba. Guta iri rinofanira kurangwa; rizere nokumanikidza.
7 Njengomthombo umpompoza amanzi awo, ngokunjalo umpompoza inkohlakalo yawo; udlakela lencithakalo kuzwakala kuwo; phambi kwami kulenhlungu lamanxeba njalonjalo.
Setsime rinoeredza mvura yaro, saizvozvo Jerusarema rinodurura zvakaipa zvaro. Kuita nechisimba nokuparadza zvinonzwikwa mariri, kurwara kwaro namavanga zvinoramba zviri pamberi pangu.
8 Layeka, Jerusalema, hlezi umphefumulo wami wehlukane lawe; hlezi ngikwenze unxiwa, ilizwe elingahlalwanga.
Inzwa yambiro, iwe Jerusarema, kuti ndisakufuratira ndikaita nyika yako dongo, kuti isava nomunhu angagara mairi.”
9 Itsho njalo INkosi yamabandla: Bazayikhothoza lokuyikhothoza insali kaIsrayeli njengevini; buyisela isandla sakho ezitsheni njengomvuni wevini.
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Ngavatanhe zvakasara zvaIsraeri vatanhe zvachose samazambiringa; utambanudzirezve ruoko rwako kumatavi, sezvinoita munhu anounganidza mazambiringa.”
10 Ngizakhuluma kubani, ngixwayise, ukuze bezwe? Khangela, indlebe yabo kayisokwanga, kabalakulalela; khangela, ilizwi leNkosi lilihlazo kibo, kabathokozi ngalo.
Ndingataura naaniko wandingayambira? Ndianiko achandinzwa? Nzeve dzavo dzakadzivirwa kuti varege kunzwa. Shoko raJehovha chigumbuso kwavari; havawani mufaro mariri.
11 Ngakho ngigcwele ulaka lweNkosi, ngikhathele yikuzithiba. Ngizakuthululela phezu kwabantwana esitaladeni lemhlanganweni wamajaha ndawonye, ngoba lendoda kanye lomfazi bazathathwa, omdala kanye logcwele izinsuku.
Asi ini ndizere nehasha dzaJehovha, uye handichagoni kuzvidzora. “Dzidururire pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro pamajaya akaungana pamwe chete; zvose murume nomukadzi vachabatwa imomo, navatana, vaya vabva zera.
12 Lezindlu zabo zizanikelwa kwabanye, amasimu labafazi kanyekanye; ngoba ngizakwelulela isandla sami phezu kwabahlali belizwe, itsho iNkosi.
Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, minda yavo pamwe chete navakadzi vavo, pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
13 Ngoba kusukela komncinyane wabo kuze kufike komkhulu wabo bonke bayizihwaba zenzuzo embi; njalo kusukela komprofethi kuze kube kompristi bonke benza ngenkohliso.
“Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru, vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista zvimwe chetezvo, vose vanoita zvokunyengera.
14 Bapholisa kancane inxeba labantu bami, besithi: Ukuthula, ukuthula; lapho kungekho ukuthula.
Vanosunga ronda ravanhu vangu sokunge vasina kukuvara zvikuru. Vanoti, ‘Rugare, rugare,’ ipo pasina rugare.
15 Baba lenhloni yini lapho besenza isinengiso? Hatshi, kababanga lanhloni lakanye, futhi kabakwazi ukuyangeka. Ngakho bazakuwa phakathi kwabawayo; ngesikhathi sokubahambela kwami bazakhubeka, itsho iNkosi.
Ko, vanonyadziswa nokusemesa kwamafambiro avo here? Kwete, havana nyadzi zvachose; havambozivi kuratidza nyadzi. Naizvozvo vachawira pakati pavakawa; vachadzikiswa pandichavaranga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
16 Itsho njalo iNkosi: Manini ezindleleni, libone, libuze ngemikhondo yasendulo, ukuthi ingaphi indlela enhle, lihambe kuyo, njalo lizazuzela imiphefumulo yenu ukuthula. Kodwa bathi: Kasiyikuhamba ngayo.
Zvanzi naJehovha: “Mirai pamharadzano dzenzira muone; mubvunze nzira dzekare, mubvunze kune nzira yakanaka, mugofamba mairi, ipapo muchawana zororo remweya yenyu. Asi imi makati, ‘Hatizofambi mairi.’
17 Futhi ngilibekele abalindi, ngisithi: Lalelani ukukhala kophondo. Kodwa bathi: Kasiyikulalela.
Ndakagadza nharirire pamusoro penyu ndikati, ‘Teererai inzwi rehwamanda!’ Asi imi makati, ‘Hatizoteereri.’
18 Ngakho zwanini, lina zizwe, wazi, wena bandla, okuphakathi kwabo.
Naizvozvo inzwai, imi ndudzi, nemi zvapupu, cherechedzai zvichaitika kwavari.
19 Zwana, wena mhlaba; khangela, ngizaletha ububi phezu kwalababantu, isithelo semicabango yabo, ngoba bengalalelanga amazwi ami, lomlayo wami, kodwa bawalile.
Inzwa, iwe nyika: Ndiri kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu ava, icho chibereko chendangariro dzavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu, uye vakaramba murayiro wangu.
20 Izelani kimi impepha ivela eShebha, lomhlanga olephunga elimnandi ovela elizweni elikhatshana? Iminikelo yenu yokutshiswa kayemukeleki, lemihlatshelo yenu kayimnandi kimi.
Ndine hanya yeiko nezvinonhuhwira zvinobva kuShebha, kana karamisi inotapira inobva kunyika iri kure? Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi; zvibayiro zvenyu hazvindifadzi.”
21 Ngakho itsho njalo iNkosi: Khangela, ngizabeka izikhubekiso phambi kwalababantu, njalo oyise lamadodana bakhubeke kanyekanye kuzo, umakhelwane lomngane wakhe, bazabhubha.
Naizvozvo zvanzi naJehovha: “Ndichaisa zvipinganidzo pamberi pavanhu ava. Madzibaba navanakomana vachagumburwa nazvo pamwe chete, vavakidzani neshamwari vachaparara.”
22 Itsho njalo INkosi: Khangela, abantu bayeza bevela elizweni lenyakatho, lesizwe esikhulu sizavuswa ezinhlangothini zomhlaba.
Zvanzi naJehovha: “Tarirai, hondo iri kuuya kubva kunyika yokumusoro; rudzi rukuru rwuri kumutswa kubva kumigumo yenyika.
23 Bazabamba idandili lomkhonto; balesihluku, kabalasihawu; ilizwi labo lihlokoma njengolwandle; bagade amabhiza, behleliwe njengabantu bempi bemelene lawe, ndodakazi yeZiyoni.
Vakapakata uta nepfumo; vane utsinye uye havana ngoni. Vanonzwikwa sokutinhira kwegungwa vakatasva mabhiza avo; vari kuuya savanhu vazvigadzirira kurwa hondo kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weZioni.”
24 Siyizwile indumela yakho, izandla zethu ziyadangala; usizi lusibambile, ubuhlungu obunjengobowesifazana obelethayo.
Takanzwa guhu ravo, uye maoko edu oshayiwa simba. Tabatwa nokurwadziwa, kurwadziwa kwakaita sekwomukadzi ari kusununguka.
25 Lingaphumi liye egangeni, lingahambi endleleni, ngoba kukhona inkemba yesitha, ukwesaba inhlangothi zonke.
Regai kuenda kumunda, kana kufamba mumigwagwa, nokuti muvengi ane munondo, uye kumativi ose kune zvinotyisa.
26 Wena ndodakazi yabantu bami, bhinca amasaka, ubhuquze emlotheni, uzenzele isililo, esinjengesendodana eyiyo yodwa, ukukhala okubuhlungu kakhulu; ngoba umchithi uzafika kithi masinyane.
Haiwa, vanhu vangu, pfekai masaga mugoumburuka mumadota; chemai nokuchema kukuru kwazvo kunge munochemera mwanakomana mumwe chete, nokuti muparadzi achatiwira pakarepo.
27 Ngikubekile ube ngumphotshongo lenqaba phakathi kwabantu bami, ukuze wazi uhlole indlela yabo.
“Ndakakuita muedzi wamatare navanhu vangu mhangura, kuti ucherechedze uye uedze nzira dzavo.
28 Bonke bangabahlamuki abalenkani, behamba behleba; balithusi lensimbi, bonke bangabonakalisi.
Vose vamukiri vakaoma mwoyo, vanongofamba-famba vachiita makuhwa. Ivo indarira nesimbi; vose vanoita zvakaora.
29 Imvutho itshile, umnuso usuqedwe ngumlilo; umncibilikisi uncibilikisela ize, ngoba ababi kabakhutshwa.
Mvuto inovhutira zvinotyisa kuti ipise mutobvu nomoto, asi kunatswa kunongova pasina; nokuti vakaipa havasi kubviswa.
30 Bazababiza ngokuthi bayisiliva esilahliweyo, ngoba iNkosi ibalahlile.
Vanonzi sirivha yakarambwa, nokuti Jehovha akavaramba.”

< UJeremiya 6 >