< U-Isaya 55 >

1 We lina lonke elomileyo, wozani emanzini, laye ongelamali, wozani, lithenge, lidle; yebo, wozani lithenge ngaphandle kwemali langaphandle kwentengo, iwayini lochago.
“Uyai imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji; nemi musina mari, uyai, mutenge uye mudye! Uyai mutenge waini nomukaka pasina mari uye pasina mutengo.
2 Kungani lichitha imali kokungeyisikho kudla, lomtshikatshika wenu kokungenelisiyo? Ngilalelani lokungilalela, lidle okuhle, lomphefumulo wenu kawuzithokozise kokunonileyo.
Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi? Teererai, nditeererei mugodya zvakanaka, uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka.
3 Thobani indlebe yenu, lize kimi, zwanini, njalo umphefumulo wenu uzaphila; njalo ngizakwenza isivumelwano esilaphakade lani, izisa eziqinisekileyo zikaDavida.
Rerekai nzeve yenyu muuye kwandiri; ndinzwei kuti mweya yenyu irarame. Ndichaita sungano isingaperi nemi, iko kutendeka kworudo rwangu rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi.
4 Khangela, ngimnike waba ngumfakazi ebantwini, umkhokheli lomlawuli ebantwini.
Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi, mutungamiri nomukuru wamarudzi.
5 Khangela, uzabiza isizwe ongasaziyo, lezizwe ebezingakwazi zizagijimela kuwe, ngenxa yeNkosi, uNkulunkulu wakho, langoNgcwele kaIsrayeli, ngoba ekudumisile.
Zvirokwazvo uchakoka ndudzi dzausina kumboziva, uye ndudzi dzisingakuzive dzichamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, nokuti iye akakufukidza nokubwinya.”
6 Dingani iNkosi iselokutholwa, ibizeni iseseduze.
Tsvakai Jehovha achawanikwa: danai kwaari achiri pedyo.
7 Omubi katshiye indlela yakhe, lomuntu ongalunganga imicabango yakhe; kabuyele eNkosini, njalo izakuba lomusa kuye, lakuNkulunkulu wethu, ngoba uzathethelela ngokukhulu.
Akashata ngaasiye nzira yake, nomunhu akaipa mirangariro yake. Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru.
8 Ngoba imicabango yami kayisiyo imicabango yenu, lendlela zenu kayisizo izindlela zami, itsho iNkosi.
“Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
9 Ngoba njengoba amazulu ephakeme kulomhlaba, ngokunjalo indlela zami ziphakeme kulendlela zenu, lemicabango yami kulemicabango yenu.
“Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
10 Ngoba njengalokhu izulu lisehla, leliqhwa elikhithikileyo kuvela emazulwini, kungabuyeli khona, kodwa kuthelela umhlaba, kuwenze ukuthi uthele uhlume, ukuze unike inhlanyelo kumhlanyeli, lokudla kodlayo,
Sezvinoita mvura nechando zvinoburuka kubva kudenga, zvisingadzokeriko zvisina kudiridza nyika nokuita kuti ibukire uye ibereke zvakawanda, kuitira kuti iberekere mudyari wembeu, uye ipe chingwa kune anodya,
11 lizakuba njalo ilizwi lami eliphuma emlonyeni wami; kaliyikubuyela kimi lize, kodwa lizakwenza lokho engikufisayo, liphumelele kulokhu engilithumele khona.
saizvozvo neshoko rangu rinobuda mumuromo mangu: Haringadzokeri kwandiri risina chinhu, asi richaita zvinondifadza, uye richaita zvandakarituma.
12 Ngoba lizaphuma ngentokozo, njalo likhokhelwe ngokuthula; izintaba lamaqaqa kuzaqhamuka ngokuhlabela phambi kwenu, lezihlahla zonke zeganga zitshaye izandla.
Muchabuda nomufaro, uye muchafambiswa murugare; makomo nezvikomo zvichapururudza uye zvichaimba rwiyo pamberi penyu, uye miti yose yeminda ichauchira maoko ayo.
13 Endaweni yameva kuzamila ifiri, lendaweni yokhula oluhlabayo kumile imiteli; kuzakuba seNkosini libizo, kube yisibonakaliso esilaphakade esingayikuqunywa.
Pachinzvimbo chomunzwa pachamera muti womupaini, pachinzvimbo chorukato pachamera mumite. Izvi zvichava mukurumbira waJehovha, nechiratidzo chokusingaperi, chisingazoparadzwi.”

< U-Isaya 55 >