< KwabaseGalathiya 5 >

1 Ngakho manini liqine enkululekweni uKristu asikhulula ngayo, lingabuyi libotshelwe futhi ejogweni lobugqili.
Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka. Zvino, mirai nesimba, murege kuzviremedza zvakare nejoko routapwa.
2 Khangelani, mina Pawuli ngithi kini, uba lisokwa, uKristu kayikulisiza ngalutho.
Batai mashoko angu! Ini, Pauro, ndinokuudzai kuti kana muchidzingiswa, Kristu haachakosheswi kwamuri napaduku.
3 Ngiyafakaza-ke futhi kumuntu wonke osokwayo, ukuthi ulomlandu wokwenza umlayo wonke.
Uyezve, ndinotaura kumunhu wose anoda kudzingiswa kuti anofanira kuteerera murayiro wose.
4 Likhutshiwe kuKristu, lina elilungisiswa ngomlayo; liwile emuseni.
Imi munoedza kururamisirwa nomurayiro makaparadzaniswa naKristu; makabva panyasha.
5 Ngoba thina ngoMoya silindele ngokholo ithemba lokulunga.
Asi nokutenda tinoshinga kwazvo kumirira kururama, kunova ndiko kwatine tariro nako kubudikidza noMweya.
6 Ngoba kuKristu Jesu ukusoka kumbe ukungasoki kakusizi lutho, kodwa ukholo olusebenza ngothando.
Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvina maturo. Chinhu chinokosha chete ndiko kutenda kunozviratidza kubudikidza norudo.
7 Beligijima kuhle; ngubani olivimbele ukuthi lingalaleli iqiniso?
Makanga muchimhanya nhangemutange yakanaka. Ndianiko akakudzivisai uye akakukonesai kuteerera chokwadi?
8 Lokhukuhuga kakuveli kolibizayo.
Kugombedzera ikoko hakuna kubva kuna iye anokudanai.
9 Imvubelo eyingcosana ibilisa inhlama yonke.
Mbiriso shoma inovirisa chikanyiwa chose chakakanyiwa.
10 Mina ngilethemba ngani eNkosini, ukuthi kaliyikunakana okwehlukeneyo; kodwa lowo olihluphayo uzathwala isigwebo, loba engubani.
Ndinovimba muna She kuti hamuchazogamuchiri dzimwe pfungwa. Iyeye anokunyonganisai achazviripira mhaka yake, angava ani zvake.
11 Kodwa mina, bazalwane, uba ngisatshumayela ukusoka, ngisazingelelwani? Ngakho isikhubekiso sesiphambano sisusiwe.
Hama dzangu, kana ndichiri kuparidza nezvokudzingiswa, ko, ndichiri kutambudzirwei hangu? Naizvozvo kugumbusa kwomuchinjikwa kwabviswa.
12 Sengathi abalihluphayo bangazithena labo.
Kana vari vaya vanokukuchidzirai, ndaida hangu kuti vazvigure zvinhu zvavo.
13 Ngoba lina labizelwa enkululekweni, bazalwane; kuphela lingenzi inkululeko ibe lithuba enyameni, kodwa ngothando sebenzelanani.
Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo.
14 Ngoba umlayo wonke ugcwaliseka elizwini linye, kulokhu ukuthi: Wothanda umakhelwane wakho njengalokhu uzithanda wena.
Murayiro wose unobatanidzwa mumurayiro mumwe chete unoti: “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.”
15 Kodwa uba lilumana lidlana, qaphelani ukuthi lingaqedwa omunye ngomunye.
Kana muchiramba muchirumana uye nokudyana, chenjererai kuti murege kuparadzana mumwe nomumwe wenyu.
16 Kodwa ngithi: Hambani ngoMoya, lingagcwalisi lakanye inkanuko zenyama.
Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo.
17 Ngoba inyama ikhanuka okuphambene loMoya, loMoya okuphambene lenyama; njalo lezizinto ziphambene, ukuze lingenzi izinto elizifunayo.
Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda.
18 Kodwa uba likhokhelwa nguMoya, kalikho ngaphansi komlayo.
Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro.
19 Imisebenzi yenyama-ke isobala, eyile: Ukufeba, ukuphinga, ukungcola, amanyala,
Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere;
20 ukukhonza izithombe, ukuthakatha, ubutha, inkani, umona, ulaka, ukubanga, ukuxabana, ukubhazuka,
kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka
21 umhawu, ukubulala, ukudakwa, ukuminza, lezinye izinto ezinjalo; engilitshela ngakho ngaphambili, njengoba ngatsho futhi ngaphambili, ukuthi abenza izinto ezinje kabayikulidla ilifa lombuso kaNkulunkulu.
nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari.
22 Kodwa isithelo sikaMoya luthando, intokozo, ukuthula, ukubekezela, ububele, ukulunga, ukholo,
Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka,
23 ubumnene, ukuzithiba; kokunje kakulamlayo.
kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.
24 Kodwa abakaKristu babethele inyama kanye lokuhugeka lezinkanuko.
Avo vari vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa nyama nokuchiva kwayo uye nezvainoshuva.
25 Uba siphila ngoMoya, njalo asihambe ngoMoya.
Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya.
26 Kasingazikhukhumezi, siqalane, sifelane umona.
Ngatiregei kuzvikudza, tichitsamwisana kana kuchiva zvevamwe.

< KwabaseGalathiya 5 >