< U-Eksodusi 1 >

1 La-ke ngamabizo amadodana kaIsrayeli afika eGibhithe loJakobe; afika, ileyo laleyo lomuzi wayo,
Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri vakaenda naJakobho kuIjipiti, mumwe nomumwe nemhuri yake:
2 uRubeni, uSimeyoni, uLevi, loJuda,
Rubheni, Simeoni, Revhi naJudha;
3 uIsakari, uZebuluni, loBhenjamini,
Isakari, Zebhuruni naBhenjamini;
4 uDani, loNafithali, uGadi, loAsheri.
Dhani naNafutari; Gadhi naAsheri.
5 Njalo yonke imiphefumulo eyaphuma ekhalweni lukaJakobe yayiyimiphefumulo engamatshumi ayisikhombisa. Kodwa uJosefa wayeseGibhithe.
Zvizvarwa zvose zvaJakobho zvakanga zviri makumi manomwe pakuwanda; Josefa akanga atova muIjipiti.
6 UJosefa wasesifa labo bonke abafowabo, lalesosizukulwana sonke.
Zvino Josefa nehama dzake dzose navose vezera iroro vakafa,
7 Njalo abantwana bakoIsrayeli bazalana, baba banengi, banda, baba lamandla kakhulukazi, ilizwe laze lagcwaliswa yibo.
asi vaIsraeri vakaberekana vakawanda zvikuru uye vakava vazhinji kwazvo, zvokuti nyika yakanga yazara navo.
8 Kwasekuvela inkosi entsha phezu kweGibhithe eyayingamazi uJosefa.
Ipapo mambo mutsva, akanga asingazivi nezvaJosefa, akatanga kutonga muIjipiti.
9 Yasisithi esizweni sayo: Khangela, isizwe sabantwana bakoIsrayeli sinengi, futhi silamandla kulathi.
Akati kuvanhu vake, “Tarirai, vaIsraeri vanyanya kuwanda kwazvo.
10 Wozani, asisihlakanipheleni, hlezi sande, njalo kuzakuthi lapho kusehla impi, laso sihlangane lezitha zethu, silwe simelene lathi, senyuke sisuke elizweni.
Uyai tivafungire zano nokuti vangazonyanya kuwanda uye kana hondo ikamuka, vangazobatana navavengi vedu, vakarwa nesu vakazobva munyika.”
11 Ngakho bamisa phezu kwaso izinduna zesibhalo ukusihlupha ngemithwalo yabo. Njalo samakhela uFaro imizi eyiziphala, iPithoma leRamesesi.
Saka vakagadza vatariri vebasa pamusoro pavo kuti vavadzvinyirire nebasa rechibharo, uye vakavaka Pitomu neRamesesi kuti ave maguta amatura aFaro.
12 Kodwa kwathi ekusihlupheni kwaso kwang'khona sisanda, kwang'khona sisabalala. Ngakho banengwa ngabantwana bakoIsrayeli.
Asi pavakanyanya kudzvinyirirwa ndipo pavakanyanya kuwanda uye nokupararira; saka vaIjipita vakasvika pakutya vaIsraeri
13 Njalo amaGibhithe abasebenzisa abantwana bakoIsrayeli ngochuku,
uye vakavashandisa zvino utsinye.
14 aze enza impilo zabo zababa ngomsebenzi onzima, ngodaka langezitina, langawo wonke umsebenzi emasimini; ngomsebenzi wabo wonke, ababenza bawenza ngodlakela.
Vakashungurudza upenyu hwavo nebasa rakaoma rezvidhina nedhaka uye nemhando dzose dzebasa romuminda; vaIjipita vakavashandisa noutsinye mubasa rakaoma.
15 Inkosi yeGibhithe yasikhuluma lababelethisi amaHebherukazi, obizo lowokuqala lalinguShifira, lebizo lowesibili lalinguPhuwa,
Mambo weIjipiti akati kuna vananyamukuta vechiHebheru vainzi Shifura naPua,
16 yasisithi: Nxa libelethisa amaHebherukazi, lapho libabona ezihlalweni zokubeletha, uba kuyindodana, liyibulale; kodwa uba kuyindodakazi, iyekeleni iphila.
“Pamunobatsira vakadzi vechiHebheru pakusununguka uye mukavacherechedza vachisununguka, kana ari mukomana, mumuuraye; kana ari musikana murege ari mupenyu.”
17 Kodwa ababelethisi babemesaba uNkulunkulu, kabenzanga njengalokho yakhuluma kubo inkosi yeGibhithe, kodwa babayekela abafana baphila.
Asi, vananyamukuta vakanga vachitya Mwari, uye havana kuita zvavakanga varayirwa namambo weIjipiti kuti vaite; vakarega vanakomana vari vapenyu.
18 Inkosi yeGibhithe yasibiza ababelethisi, yathi kubo: Liyenzeleni linto ukuthi liyekele abafana baphile?
Ipapo mambo weIjipiti akadana vananyamukuta akavabvunza achiti, “Seiko maita izvi? Seiko marega vana vechikomana vari vapenyu?”
19 Ababelethisi basebesithi kuFaro: Ngoba amaHebherukazi kawanjengabafazi bamaGibhithe; ngoba alamandla, umbelethisi engakafiki kuwo, asebelethile.
Vananyamukuta vakapindura Faro vachiti, “Vakadzi vechiHebheru havana kufanana navakadzi veIjipiti; vane simba uye vanosununguka vananyamukuta vasati vasvika.”
20 Ngalokhu uNkulunkulu wabenzela ababelethisi okuhle, labantu banda, baba lamandla kakhulu.
Saka Mwari akaitira vananyamukuta zvakanaka uye vanhu vakawedzerwa vakava vazhinji kwazvo.
21 Kwasekusithi, ngoba ababelethisi bamesaba uNkulunkulu, wabakhela imizi.
Uye nokuda kwokuti vananyamukuta vaitya Mwari, iye akavapa mhuri dzavo pachavo.
22 UFaro waselaya isizwe sakhe sonke esithi: Yonke indodana ezalwayo liyiphosele emfuleni, kodwa yonke indodakazi liyiyekele iphile.
Ipapo Faro akarayira vanhu vose kuti, “Vanakomana vose vanoberekwa munofanira kuvakanda murwizi Nairi, asi murege vanasikana vose vari vapenyu.”

< U-Eksodusi 1 >